Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudyara Rudo rwaJehovha Mumwoyo Yevana Vedu

Kudyara Rudo rwaJehovha Mumwoyo Yevana Vedu

Nyaya Youpenyu

Kudyara Rudo rwaJehovha Mumwoyo Yevana Vedu

YAKATAURWA NAWERNER MATZEN

Makore akati kuti apfuura mwanakomana wangu mukuru, Hans Werner, akandipa Bhaibheri. Mukati mebutiro raro akanyora kuti: “Vanodiwa Baba, Shoko raJehovha ngarirambe richititungamirira semhuri munzira youpenyu. Ndinokuongai, ndini mwanakomana wenyu mukuru.” Vabereki vachanzwisisa kuti mashoko iwayo akazadza sei mwoyo wangu nokuonga nomufaro. Panguva iyoyo ndakanga ndisingazivi kuti zvinetso zvipi zvatakanga tichazotarisana nazvo semhuri.

NDAKAZVARWA muna 1924 muHalstenbek, makiromita anenge 20 kubva kuchiteshi chengarava cheHamburg chokuGermany, uye ndakarerwa naamai, nasekuru baba vaamai. Zvandakanga ndadzidzira kugadzira maturusi, muna 1942 ndakapinzwa muWehrmacht, chiuto. Zvandakaona muHondo Yenyika II pandairwa muhondo yeRussia zvinotyisa kutaura. Ndakabatwa nechirwere chemanyoka asi ndakadzorerwa kuhondo pandakanga ndarapwa. Muna January 1945, ndaiva muLodz, kuPoland, kwandakakuvara zvakaipa ndokuiswa muchipatara chemauto. Hondo yakapera ndichirimo. Ndiri muchipatara uye gare gare mukamba yevasungwa muNeuengamme, ndakava nenguva yokufungisisa. Ndainetseka nemibvunzo iyi, Chaizvoizvo kuna Mwari here? Kana ariko, nei achibvumira utsinye hwakakura kudai?

Ndichangosunungurwa mukamba yevasungwa, muna September 1947, ndakaroora Karla. Takanga takurira muguta rimwe, asi nepo Karla aiva muKaturike, ini ndakanga ndarerwa ndisinganamati. Mupristi akatichatisa akataura kuti tipote tichinyengetera Munyengetero waShe manheru oga oga. Takaita sezvaakataura, tisinganyatsoziva zvatainyengeterera.

Pashure pegore rimwe Hans Werner akazvarwa. Panenge panguva iyi Wilhelm Ahrens, mumwe wandaishanda naye, akaita kuti nditange kuziva nezveZvapupu zvaJehovha. Akandiratidza muBhaibheri kuti rimwe zuva hondo dzaizopera. (Pisarema 46:9) Mumatsutso a1950, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha ndikabhabhatidzwa. Ndakazofara kwazvo pakabhabhatidzwa mudzimai wangu pashure pegore rimwe!

Kurera Vana Munzira dzaJehovha

Ndakaverenga muBhaibheri kuti muchato wakatangwa naJehovha. (Genesi 1:26-28; 2:22-24) Kuvapo kwangu pakazvarwa vana vedu—Hans Werner, Karl-Heinz, Michael, Gabriele naThomas—kwakaita kuti ndizvipire zvakasimba kuva murume uye baba vakanaka. Ini naKarla takafadzwa nokuzvarwa kwomwana wedu mumwe nomumwe.

Kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha ya1953 muNuremberg yakanga iri chiitiko chinokosha kumhuri yedu. Musi weChishanu masikati, muhurukuro yaiti “Kurera Vana Munzanga Yenyika Itsva,” mukurukuri akataura chimwe chinhu chatisati tambokanganwa chokuti: “Chido chokuva vashumiri vaMwari ndiyo nhaka inokosha kwazvo yatinogona kupa vana vedu.” Tichibatsirwa naJehovha, ini naKarla taida kuita izvozvo chaizvo. Asi sei?

Kutanga, takaita tsika yokunyengetera pamwe chete semhuri mazuva ose. Izvozvo zvakaita kuti vana vazive kukosha kwomunyengetero. Mwana mumwe nomumwe akakura achiziva kuti nguva dzose tinonyengetera tisati tadya. Kunyange pavakanga vachiri vacheche, vaingoti vakaona bhodhoro ravo romukaka vaikotamisa tumisoro twavo vopeta tumaoko twavo. Imwe nguva takakokwa kumuchato womumwe wehama dzomudzimai wangu, dzakanga dzisiri Zvapupu. Muchato wacho wapera, vabereki vomusikana vakakoka vaenzi kumba kunodyira-dyira. Munhu wose akanga achida kubva atotanga kudya ipapo. Asi mwana wedu Karl-Heinz aiva nemakore mashanu akafunga kuti izvi hazvisizvo. “Aa tangai manyengetera,” akadaro. Vaenzi vakamutarisa, ndokuzotitarisawo, vakazopedzisira nokutarisa akanga atikoka. Kuti vanhu vasabatwa nenyadzi, ndakakumbira kunyengetera ndichionga zvokudya zvacho, uye akanga atikoka akabvuma kuti ndidaro.

Izvi zvakandiyeuchidza mashoko aJesu okuti: “Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza.” (Mateu 21:16) Tine chokwadi chokuti minyengetero yedu yenguva dzose uye yomwoyo wose yakabatsira vana kuona Jehovha saBaba vavo vokudenga vane rudo.

Mutoro Wedu Kuna Jehovha

Kudzidzisa vana kuda Mwari kunodawo kuti tigaroverenga nokudzidza Shoko rake. Tichifunga izvi, taiva nechidzidzo chemhuri vhiki imwe neimwe, kazhinji kacho manheru oMuvhuro. Sezvo dangwe redu negotwe redu vakanga vakasiyana nemakore mapfumbamwe, zvaidiwa nevana vacho zvakanga zvakasiyana kwazvo, saka taisagona kukurukura navo vose zvinhu zvakafanana nguva dzose.

Kukupai muenzaniso, vana vakanga vasati vava kuenda kuchikoro taivadzidzisa zvinhu zviri nyore chete. Karla aikurukura navo rugwaro rumwe chete rweBhaibheri, kana kuti aishandisa mifananidzo iri mumabhuku eBhaibheri. Ndichiri kuyeuka ndichimutswa mangwanani-ngwanani nevaduku vacho avo vaikwira pamubhedha wedu kuti vatiratidze mifananidzo yavaifarira zvikuru kubva mubhuku raThe New World. *

Karla akazopedzisira ava nounyanzvi hwokudzidzisa vana nomwoyo murefu nezvezvikonzero zvakawanda zvatinazvo tose zvokuda Jehovha. Zvingaita sezviri nyore, asi kutaura chokwadi, raiva basa guru raida kuti ini naKarla tishandise simba redu nepfungwa zvakazara. Kunyange zvakadaro, hatina kuneta. Taida kunyora zvakasimba pamwoyo yavo minyoro vasati vatanga kufurirwa nevamwe vanhu vakanga vasingazivi Jehovha. Nechikonzero ichi taiti kana vana vedu vakangokura zvokukwanisa kugara, vaifanira kuva pachidzidzo chemhuri.

Ini naKarla takaona kuti sevabereki zvinokosha kuti tiratidze vana vedu muenzaniso wakarurama panyaya yokunamata. Uye takaedza kusimbisa ukama hwomwana mumwe nomumwe naJehovha, zvisinei nokuti taiva tiri kudya here, tiri kurima mubindu, kana kuti tiri kufamba zvedu. (Dheuteronomio 6:6, 7) Takaita kuti mwana mumwe nomumwe ave neBhaibheri rake pachake kubva ari muduku. Uyezve, pataigamuchira magazini, ndainyora zita romunhu oga oga mumhuri yedu pakopi yake. Saka vana vacho vakapedzisira vava kuziva mabhuku avo. Takafungawo zano rokupa vana nyaya dzokuverenga muAwake! Tapedza kudya kwemasikati musi weSvondo, vaititsanangurira kuti vakanga vanzwisisa sei mashoko acho.

Kutarisira Vana Maererano Nezvavaida

Ichokwadi kuti zvinhu zvaisafamba nyore nguva dzose. Sezvo vana vaikura, takaziva kuti zvaida kuti tizive zvakanga zvichitova mumwoyo yavo kuti tizodyara rudo mairi. Izvozvo zvaida kuti tivateerere. Dzimwe nguva vana vedu vainzwa vachida kunyunyuta pamusoro pechimwe chinhu saka ini naKarla taigara pasi tozvikurukura navo. Takaronga kuti tapedza chidzidzo chemhuri tive nemamwe maminiti 30 apo munhu oga oga aibvumirwa kutaura akanyatsosununguka zvaiva mupfungwa dzake.

Somuenzaniso, vana vedu vaviri vokupedzisira, Thomas naGabriele, vaifunga kuti isu vabereki tainyanyofarira mukoma wavo mukuru. Imwe nguva vakataura kuti: “Baba, imi naAmai munenge munogarosiya Hans Werner achiita madiro.” Pakutanga ndakangoti nazvo kanha. Zvisinei, kuzoti taongorora nyaya yacho zvisina tsvete, ini naKarla takabvuma kuti vana ava vakanga vareva chokwadi. Saka takaedza kwazvo kubata vana vose zvakafanana.

Ini ndaimbopota ndichiita vana chirangerange, kana kuvaranga zvine rusaruro. Ipapa apa isu vabereki taifanira kudzidza kukumbira ruregerero. Taibva tangonyengetera kuna Jehovha. Zvakanga zvakakosha kuti vana vaone kuti baba vavo vakanga vakagadzirira kuti ndine urombo kuna Jehovha uye kwavari, ivo vana vedu. Takapedzisira tava noushamwari hwakanaka navo. Vaiwanzoti kwatiri, “Ndimi shamwari dzedu dzepamwoyo.” Zvaitifadza.

Kushanda pamwe chete semhuri kunokurudzira kubatana. Naizvozvo, munhu wose aiva nemabasa aaigara achiita. Hans Werner aiva nebasa rokuenda kuzvitoro kunotenga zvimwe zvinhu zvaidiwa mumba kamwe chete pavhiki, izvo zvaiwanzoreva kuti aipiwa mari nepepa rakanyorwa zvinhu zvaaifanira kunotenga. Imwe vhiki hatina kumupa pepa kana mari. Akabvunza amai vake, uye vakamuudza kuti takanga tisati tava nemari. Zvino vana vakatanga kuzevezerana pachavo, vose vakabva vatora mabhokisi avo emari ndokudururira mari yose patafura. “Amai, iye zvino tinogona kuenda kunotenga!” vakadaro vose. Hungu, vana vakadzidza kubatsira kana zvinhu zvaoma, uye izvozvo zvakaita kuti mhuri ibatane zvikuru.

Sezvavakanga vava kukura, vakomana vakatanga kufarira vasikana. Somuenzaniso, Thomas akatanga kufarira zvikuru chimwe Chapupu chaiva nemakore 16. Ndakamutsanangurira kuti kana aida musikana uyu zvechokwadi, aifanira kugadzirira kumuroora uye kutakura mutoro wokutarisira mudzimai nevana. Thomas akaona kuti akanga asati agadzirira kuroora, sezvo aingova nemakore 18 chete.

Kufambira Mberi Semhuri

Pavakanga vachiri vaduku chaizvo, vana vakatanga kutevedzana kunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri. Tainyatsoteerera hurukuro dzavo, uye taikurudzirwa nokuti taiona kuda Mwari kwaiita vana vedu pachavo. Vatariri vematunhu nevemaruwa vaigara nesu nguva nenguva vaitirondedzera zviitiko zvoupenyu hwavo kana kutiverengera muBhaibheri. Varume ava nevadzimai vavo vakabatsira kukudziridza rudo rwebasa renguva yakazara mumwoyo yemhuri yedu.

Taitarisira nomwoyo wose kuuya kwekokorodzano. Dzaibatsira kwazvo pabasa redu rokudyara mumwoyo yevana vedu chido chokuva vashumiri vaMwari. Vana vaifara chaizvo pavaipfeka mabheji avo vasati vaenda kunhandare yekokorodzano. Takafara kwazvo pakabhabhatidzwa Hans Werner aine makore gumi. Vakawanda vakamuona sokuti aiva muduku kwazvo kuti azvitsaurire kuna Jehovha, asi ava nemakore 50, akandiudza kuti aionga sei kuti ave achishumira Jehovha kwemakore 40.

Takaratidza vana vedu kuti ukama hwomunhu oga naJehovha hunokosha, asi hatina kuvamanikidza kuzvitsaurira. Kunyange zvakadaro, takafadzwa apo vamwe vacho vakafambirawo mberi kusvikira vabhabhatidzwa panguva yavo yakakodzera.

Kudzidza Kukandira Mitoro Yedu Pana Jehovha

Takashaya zvokuita nokufara apo Hans Werner akapedza kudzidza muna 1971 senhengo yekirasi yechi51 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi akatumirwa kunoshanda somumishinari kuSpain. Isu vabereki takafara kwazvo nokuti mumwe nomumwe wevamwe vana vacho akazovawo mushumiri wenguva yakazara pane imwe nguva. Panenge panguva iyi, Hans Werner akandipa Bhaibheri radudzwa pamavambo enyaya ino. Mufaro wedu semhuri wakaita sowakanga wakwana.

Ipapo takaona kuti taifanira kutowedzera kubatirira zvakasimba pana Jehovha. Nei? Nokuti takaona vamwe vevana vedu vakanga vakura vachitarisana nezvinetso zvakaedza kutenda kwavo zvakasimba. Somuenzaniso, mwanasikana wedu anodiwa Gabriele akasangana nematambudziko. Muna 1976 akaroorwa naLothar. Lothar akarwara vachangochata. Sezvaakaramba achipera simba, Gabriele akamutarisira kusvikira afa. Kuona nhengo yemhuri yakagwinya ichirwara yofa kwakaita kuti tione kuti tinoda sei rudo rwaJehovha.—Isaya 33:2.

Ropafadzo Musangano raJehovha

Pandakagadzwa kuva muranda weungano (ava kunzi mutariri anotungamirira) muna 1955, ndakanzwa kuti ndakanga ndisati ndava kukwanisa kutakura mutoro uyu. Paiva nezvakawanda zvokuita, uye kuti ndifambirane nebasa racho chaitongovapo kwaiva kumukira na4:00 mangwanani mamwe mazuva. Mudzimai wangu nevana vaitsigira zvikuru, vachiona kuti manheru pandaive ndichine zvinhu zvokuita hapana aindidzongonyedza.

Kunyange zvakadaro, semhuri taishandisa nguva yakawanda yokuitawo zvimwe zvinhu tiri pamwe chete seyataigona. Dzimwe nguva wandaishandira aimbondibvumidza kushandisa motokari yake kuitira kuti ndigone kumbovhakacha nemhuri. Vana vaifara kwazvo pataidzidza Nharireyomurindi tiri musango. Taimbofambawo pamwe chete, dzimwe nguva tichiimba nziyo uku ndichiridza chiridzwa changu sezvataifamba musango.

Muna 1978, ndakagadzwa kuti ndive mutsivi womutariri wedunhu (mushumiri anofambira). Zvandiremera, ndakanyengetera kuti: “Jehovha, handifungi kuti izvi ndinozvikwanisa. Asi kana muchida kuti ndiedze, ndichaedza zvose zvandinokwanisa.” Makore maviri gare gare, ndava nemakore 54, ndakapa bhizimisi rangu duku kuna Thomas gotwe redu.

Vana vedu vose vakanga vakura, zvakaita kuti ini naKarla tiwane mukana wokuitira Jehovha zvakawanda. Gore iroro, ndakagadzwa kuva mutariri wedunhu ndikatumirwa kuimwe nharaunda yeHamburg nokuSchleswig-Holstein kwose. Pamusana poruzivo rwedu rwokurera mhuri, takakwanisa kunzwisisa zvikuru vabereki nevana. Hama dzakawanda dzakatidana kuti vabereki vadzo vomudunhu.

Pashure pokufamba neni mubasa redunhu kwemakore gumi, Karla aifanira kuvhiyiwa. Uye mugore iroro zvakare, vanachiremba vakaona kuti ndaiva nemota muuropi. Saka, ndakarega basa rangu somutariri wedunhu ndikanovhiyiwa uropi. Kwakapera makore matatu ndisati ndakwanisazve kushanda somutsivi womutariri wedunhu. Ini naKarla tava nemakore ari kuma70 uye hatichisiri mubasa rokufambira. Jehovha akatibatsira kuona kuti pakanga pasina chikonzero chokubatirira kuropafadzo yandakanga ndisisakwanisi kuita.

Tichitarira shure, ini naKarla tinoonga kutibatsira kwakaita Jehovha kudyara rudo nokuda kwechokwadi mumwoyo yevana vedu. (Zvirevo 22:6) Mumakore ose aya, Jehovha akatitungamirira nokutidzidzisa, achitibatsira kuita mitoro yedu. Kunyange zvazvo tingava tachembera uye tisisina simba, rudo rwedu nokuda kwaJehovha haruna kuchembera uye ruchiripo sakare.—VaRoma 12:10, 11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, asi harichawanikwi.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mhuri yedu, ichifamba ichitevedza Rwizi rweElbe, kuHamburg, muna 1965

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vamwe vemhuri yedu vari pakokorodzano yemarudzi akawanda kuBerlin muna 1998

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nomudzimai wangu Karla