Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvinodiwa naJehovha Kunomukudza

Kuita Zvinodiwa naJehovha Kunomukudza

Kuita Zvinodiwa naJehovha Kunomukudza

“Ndichamukudza nokuonga.”—PISAREMA 69:30.

1. (a) Nei Jehovha aine kodzero yokukudzwa? (b) Tinomukudza sei nokuonga?

JEHOVHA ndiye Mwari wemasimba ose, Changamire Wezvose, Musiki. Zvaakadaro, zita rake nezvinangwa zvinokodzera kukudzwa. Kukudza Jehovha zvinoreva kumukwidziridza, kumurumbidza neshoko zvose nechiito. Kuzviita “nokuonga” kunoda kuti tigare tichionga zvaari kutiitira iye zvino nezvaachatiitira munguva inotevera. Mafungiro atinofanira kuita anoratidzwa pana Zvakazarurwa 4:11, apo zvisikwa zvomudzimu zvakatendeka zviri kudenga zvinozivisa kuti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Tinokudza sei Jehovha? Nokudzidza nezvake toita zvaanoda kwatiri. Tinofanira kunzwa sezvakaita munyori wepisarema paakati: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.”—Pisarema 143:10.

2. Jehovha anobata sei nevaya vanomukudza uye vasingamukudzi?

2 Jehovha anokoshesa zvikuru vanhu vanomukudza. Ndokusaka ari iye “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Mubayiro wacho ndowei? Mumunyengetero Jesu akati kuna Baba vake vokudenga: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Hungu, vaya vano“kudza [Jehovha] nokuonga” “vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Ukuwo, “munhu wakaipa haana mubayiro.” (Zvirevo 24:20) Uye mumazuva ano okupedzisira, kukudza Jehovha ndekwokukurumidzira nokuti ava kubva oparadza vakaipa nokuponesa vakarurama. “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17; Zvirevo 2:21, 22.

3. Nei tichifanira kuteerera bhuku raMaraki?

3 Kuda kwaJehovha kunowanika muBhaibheri, nokuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Shoko raMwari iroro rine nhoroondo dzakawanda dzokukomborera kunoita Jehovha vaya vanomukudza uye dzezvinoitika kune vaya vasingadaro. Imwe yenhoroondo idzodzo ine chokuita nezvakaitika muIsraeri nguva yomuprofita Maraki. Munenge mugore ra443 B.C.E., Nehemiya paaiva gavhuna weJudha, Maraki akanyora bhuku rine zita rake. Bhuku iri rine simba uye rinonakidza rine mashoko nouprofita “zvakanyorwa nokuda kwokunyevera isu tasvikirwa nemigumo yegadziriro dzezvinhu.” (1 VaKorinde 10:11) Kuteerera mashoko aMaraki kunogona kutibatsira kugadzirira “zuva . . . guru raJehovha, rinotyisa,” paachaparadza nyika ino yakaipa.—Maraki 4:5.

4. Zvinhu zvipi zvitanhatu zvatinoitwa kuti tiise pfungwa dzedu pazviri muna Maraki chitsauko 1?

4 Ko bhuku raMaraki, rakanyorwa makore 2 400 apfuura, rinotibatsira sei muzana rino remakore rechi21 kugadzirira zuva guru raJehovha rinotyisa? Chitsauko chokutanga chinoisa pfungwa dzedu kuzvinhu zvitanhatu kana kuti zvinoti pfuurei zvinokosha pakukudza kwedu Jehovha nokuonga kuitira kuti tiwane nyasha dzake noupenyu husingaperi: (1) Jehovha anoda vanhu vake. (2) Tinofanira kuratidza kukoshesa zvinhu zvitsvene. (3) Jehovha anotitarisira kumupa zvakanakisisa zvedu. (4) Kunamata kwechokwadi kunobva pakuva norudo rusina udyire, kwete pamakaro. (5) Kushumira Mwari nenzira yaanogamuchira hakusi kutevedzera mitemo yakagadzwa inorema. (6) Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvidavirira kuna Mwari. Saka, munyaya ino yokutanga panhatu dzinobva mubhuku raMaraki, ngationei chimwe nechimwe chezvinhu izvozvo sezvatinonyatsoongorora Maraki chitsauko 1.

Jehovha Anoda Vanhu Vake

5, 6. (a) Nei Jehovha aida Jakobho? (b) Kana tikatevedzera kutendeka kwaJakobho, tinogona kutarisira chii?

5 Rudo rwaJehovha runonyanyobudiswa pachena mundima dzokutangatanga dzaMaraki. Bhuku racho rinozarura nemashoko okuti: “Chirevo cheshoko raJehovha kuna Israeri.” Mwari anoenderera mberi achiti: “Ndakakudai.” Achitaura nezvomumwe muenzaniso, mundima imwe cheteyo, Jehovha anoti: “Ndakada Jakobho.” Jakobho aiva murume ane kutenda muna Jehovha. Nokufamba kwenguva, Jehovha akachinja zita raJakobho kuva Israeri, uye akava tateguru vorudzi rwaIsraeri. Jehovha akada Jakobho nokuti aiva murume wokutenda. Vaiva pakati pevanhu vakaratidza unhu sehwaiva naJakobho pamberi paJehovha vakadiwawo Naye.—Maraki 1:1, 2.

6 Kana tichida Jehovha toramba tiri pakati pevanhu vake nokutendeka, tinowana nyaradzo pamashoko ari pana 1 Samueri 12:22, anoti: “Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” Jehovha anoda vanhu vake uye anovapa mubayiro, pakupedzisira woupenyu husingaperi. Saka tinoverenga kuti: “Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nemwoyo wako.” (Pisarema 37:3, 4) Kuda kwedu Jehovha kunosanganisira chimwe chinhu chatinoitwa kuti tifunge nezvacho muna Maraki chitsauko 1.

Ratidza Kukoshesa Zvinhu Zvitsvene

7. Nei Jehovha akavenga Isau?

7 Sezvatinoverenga pana Maraki 1:2, 3, pashure pokunge ati, “Ndakada Jakobho,” anoti, “Isau ndakamuvenga.” Nei paine musiyano wakadaro? Jakobho akakudza Jehovha, asi mukoma wake, Isau, haana kudaro. Isau ainziwo Edhomi. Pana Maraki 1:4, nyika yeEdhomi inonzi nyika yezvakaipa, uye vanhu vacho vakatsamwirwa. Zita rokuti Edomi (rinoreva kuti “Zvitsvuku”) rakapiwa Isau pashure pokutengesa udangwe hwake hwaikosha kuna Jakobho kuti apiwe nyemba tsvuku. “Isau akazvidza udangwe hwake,” inodaro Genesi 25:34. Muapostora Pauro akakurudzira vamwe vaaitenda navo kuti vangwarire kuti “parege kuva nechifeve kana munhu asingaongi zvinhu zvitsvene, saIsau, uyo akapa kodzero dzake dzoudangwe achitsinhana nokudya kumwe chete.”—VaHebheru 12:14-16.

8. Chii chakaita kuti Pauro afananidze Isau nechifeve?

8 Nei Pauro akabatanidza zviito zvaIsau noufeve? Nokuti kuva nemafungiro seaIsau kunogona kutuma munhu kusakoshesa zvinhu zvitsvene. Izvi zvinogona kuzogumawo nokuita zvivi zvakakomba zvakadai soufeve. Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anogona kuzvibvunza kuti: ‘Dzimwe nguva ndinomboedzwa kuda kutengesa nhaka yangu yechiKristu here—upenyu husingaperi—nechimwe chinhu chinopera chakadai sezvokudya zvenyemba? Zvichida ndisingazivi, ndinozvidza zvinhu zvitsvene here? Isau aisashivirira chido chokuda kugutsa dumbu. Akati kuna Jakobho: Ndapota, kurumidza, ndipewo zvitsvuku izvo ndidye.” (Genesi 25:30) Zvinosuruvarisa kuti vamwe vashumiri vaMwari vakataura chaizvoizvo kuti: “Kurumidza! Tingasweromirira muchato unokudzwa here?” Havi yokuda kurara vose vasina basa nezvinozoitika yakava ndiro yavo yezvokudya zvenyemba.

9. Tingaita sei kuti tirambe tichitya Jehovha?

9 Ngatisambozvidze zvinhu zvitsvene nokusema rucheno, kutendeseka, uye nhaka yedu yomudzimu. Pane kuva saIsau, ngativei saJakobho akatendeka toramba tichitya Mwari kuburikidza nokuratidza kukoshesa zvinhu zvitsvene. Tingazviita sei? Nokungwarira kuita zvinodiwa naJehovha. Izvi zvinobva zvatitungamirira kuchinhu chechitatu chinojekeswa muna Maraki chitsauko 1. Ndechipi ichocho?

Kupa Jehovha Zvakanakisisa Zvedu

10. Vapristi vaizvidza tafura yaJehovha munzirai?

10 Vapristi veJudha vaishumira patemberi muJerusarema nguva yaMaraki vakanga vasingapi Jehovha zvibayiro zvakanakisisa. Maraki 1:6-8 inoti: “‘Mwanakomana unokudza baba vake, nomuranda unokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko?—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapristi vanozvidza zita rangu.” “Tinozvidza zita renyu neiko?” vakabvunza vapristi. “Munondivigira chingwa chine tsvina paatari yangu,” Jehovha akapindura. “Takakusvibisai neiko?” vapristi vakabvunza. Naizvozvo Jehovha akavaudza kuti: “Pakutaura kwenyu muchiti: Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.” Vapristi ivavo vakaratidza kuti vaizvidza tafura yaJehovha nguva yose yavaipa chibayiro chakaremara, vachiti: “Hazvina kuipa.”

11. (a) Jehovha akati chii nezvezvibayiro zvisingadiwi? (b) Vanhu vose zvavo vaiva nemhosva munzira ipi?

11 Saka, Jehovha akataura navo maererano nezvibayiro zvakadaro zvisingafadzi achiti: “Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here?” Kwete, gavhuna wavo aisazofarira chipo chakadaro. Zvino, Changamire Wezvose ndiye aizogamuchira zvinopiwa zvakaremara here! Uye vapristi havasivo voga vaiva nemhosva. Ichokwadi kuti vaizvidza zita raJehovha rine mbiri nokuita zvibayiro zvacho. Asi vanhu vose zvavo vaiva vasina mhosva here? Vaitova nayo! Ndivo vacho vaive vasarudza mhuka idzodzo dzisingaoni, dzakaremara, uye dzairwara uye ndivo vaidziunza kuvapristi kuti dzibayirwe. Chaiva chivi chikuru chaizvo!

12. Tinobatsirwa sei kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu?

12 Kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu ndeimwe nzira yokuratidza kuti tinonyatsomuda. (Mateu 22:37, 38) Kusiyana nevapristi vakatsauka vomuzuva raMaraki, sangano raJehovha rinopa murayiridzo womuMagwaro unotibatsira kukudza Jehovha nokuonga nokuita zvaanoda kuti tiite. Ine chokuita neizvi ipfungwa yechina inokosha inogona kuwanikwa muna Maraki chitsauko 1.

Kunamata Kwechokwadi Kunobva Murudo, Kwete Mumakaro

13. Vapristi vaiitei chairatidza kuti vaiita zvinhu zvavo vachitumwa nemakaro?

13 Vapristi vomuzuva raMaraki vaiva noudyire, vaisava norudo, uye vaikara mari. Tinozviziva sei? Maraki 1:10 inoti: “Haiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.” Hungu, vapristi vaiva nemakaro ivavo vaitoda mubhadharo kuti vaite kunyange tubasa twaiva nyore kupfuura mamwe twepatemberi, vachida kubhadharwa kunyange kuti vavhare mikova nokubatidza moto wepaatari! Hazvishamisi kuti Jehovha aisafadzwa nezvibayiro zvaibva mumaoko avo!

14. Nei tichigona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzorwa norudo?

14 Makaro noudyire zvevapristi vaiita zvivi vomuJerusarema rekare zvingatiyeuchidza kuti, maererano neShoko raMwari, vanokara havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 6:9, 10) Kufungisisa nzira dzevapristi ivavo dzokuita zvakangovanakira kunowedzerawo kukoshesa kwedu basa rokuparidza rinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Nderokuzvidira, uye hatimbobhadharisi ushumiri hwedu. Aiwa, “hatisi vashambadzi veshoko raMwari.” (2 VaKorinde 2:17) Kufanana naPauro, mumwe nomumwe wedu angataura zvechokwadi kuti: “Ndakakuzivisai nomufaro mashoko akanaka aMwari pasina mutengo.” (2 VaKorinde 11:7) Cherechedza kuti Pauro ‘akazivisa nomufaro mashoko akanaka.’ Izvozvo zvinoratidza pfungwa yechishanu yatinoratidzwa muna Maraki chitsauko 1.

Kuitira Mwari Basa Hakusi Kutevedzera Mitemo Yakagadzwa Inorema

15, 16. (a) Mafungiro api aiva nevapristi nezvokupa zvibayiro? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinopa sei zvibayiro zvazvo?

15 Vapristi vakanga vasina kutenda vaiona kupa zvibayiro sebasa rinonetesa. Kwavari waiva mutoro. Sezvinotaurwa pana Maraki 1:13, Mwari akavaudza kuti: “Munotiwo: Tarirai zvinonetsa sei! Mazvishora.” Vapristi ivavo vaishora, kana kuti kuzvidza zvinhu zvitsvene zvaMwari. Ngatinyengeterei kuti isu pachedu tisazombova saivo. Pane kudaro, ngatigarei tichiratidza mafungiro anooneka mumashoko a1 Johani 5:3 anoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.”

16 Ngatifadzwe nokupa zvibayiro zvomudzimu kuna Mwari, tisingambozvioni somutoro unonetesa. Ngatiteerere mashoko aya ouprofita: “Muti [kuna Jehovha]: Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.” (Hosea 14:2) Mashoko okuti “miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu” anoreva zvibayiro zvomudzimu, mashoko atinotaura pakurumbidza Jehovha uye pamusoro pezvinangwa zvake. VaHebheru 13:15 inoti: “Na[Jesu Kristu] ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” Tinofara sei kuti zvibayiro zvedu zvomudzimu hazvisi chinhu chokungoitawo zvacho, asi kuratidzwa kwomwoyo wose kworudo rwedu kuna Mwari! Izvi zvinotisvitsa papfungwa yechitanhatu inowanika muna Maraki chitsauko 1.

Mumwe Nomumwe Wedu Anofanira Kuzvidavirira

17, 18. (a) Nei Jehovha akatuka “munyengeri”? (b) Chii chakanga chisina kufungwa nezvacho nevaya vakaita zvounyengeri?

17 Vanhu vairarama muzuva raMaraki vaiva nomutoro wezvavaiita, uye ndizvo zvatinoitawo. (VaRoma 14:12; VaGaratiya 6:5) Maererano neizvi, Maraki 1:14 inoti: “Munyengeri ngaatukwe une gondohwe [risina kuremara] pakati pemakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara.” Munhu aiva nedanga rezvipfuwo akanga asina mhuka imwe—toti gwai rimwe chete—zvokuti aizoti hapanawo zvaaigona kuita. Pakusarudza mhuka yokubayira, akanga asingafaniri kusarudza isingaoni, yakaremara, kana yairwara. Kana aisarudza mhuka yakadaro yakaremara, zvaizoratidza kuti aizvidza urongwa hwaJehovha hwezvibayiro, nokuti munhu aiva nedanga rezvipfuwo kutaura chokwadi aigona kuwana yakanga isina kuremara zvakadaro!

18 Saka, nechikonzero chakanaka Jehovha akatuka munyengeri aiva negondohwe rakanaka asi ounza—pamwe aitofanira kuita zvokuzvuzvurudza—mhuka isingaoni, yakaremara, kana kuti yairwara achienda nayo kumupristi kundobayira. Asi, hapana nepanomboratidza kuti mupristi chero upi zvake aitaura zvaiva mumutemo waMwari kuti mhuka dzakaremara dzaisagamuchirwa. (Revhitiko 22:17-20) Vanhu vanofunga vaiziva kuti zvaizodai zvisina kuvafambira zvakanaka kudai vakanga vaedza kumanikidza gavhuna wavo kutambira chipo chakadaro. Asi chaizvoizvo apa vakanga vari kupa Changamire Wezvose, Jehovha, anova mukuru, mukuru nokure kuna gavhuna upi zvake wevanhu. Maraki 1:14 inotaura nezvazvo ichidai: “Ndiri Mambo mukuru—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.”

19. Chii chatiri kuda kwazvo kuti chiitike, uye tinofanira kunge tichiitei?

19 Sevashumiri vakavimbika vaMwari, tinoda kwazvo kuona zuva apo Mambo Mukuru, Jehovha, achatyiwa nevanhu vose. Panguva iyoyo, “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Panguva ino ngatiedze kuita zvinodiwa naJehovha nokutevedzera munyori wepisarema uyo akati: “Ndichamukudza nokuonga.” (Pisarema 69:30) Kuti tidaro, Maraki ane rimwe zano rinogona kubatsira zvikuru. Saka munyaya mbiri dzinotevera, ngatinyatsoongorora zvimwe zvikamu zvebhuku raMaraki.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kukudza Jehovha?

• Nei zvibayiro zvaipiwa nevapristi muzuva raMaraki zvaisagamuchirwa naJehovha?

• Tinopa sei Jehovha chibayiro chokurumbidza?

• Kunamata kwechokwadi kunofanira kubva pachii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Uprofita hwaMaraki hwakanongedzera kuzuva redu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Isau aisakoshesa zvinhu zvitsvene

[Mufananidzo uri papeji 11]

Vapristi nevanhu vakapa zvibayiro zvisingagamuchirwi

[Mufananidzo uri papeji 12]

Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinopa zvibayiro zvokurumbidza pasina muripo