Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maperero Achaita Kuremara

Maperero Achaita Kuremara

Maperero Achaita Kuremara

FUNGIDZIRA maziso emapofu achiona, nzeve dzematsi dzichinzwa zvinhu zvose, rurimi rwembeveve ruchiimba nomufaro, uye tsoka dzevanokamhina dzichisimba uye vachikwanisa kufamba famba! Hatisi kutaura nezvokubudirira kwesayenzi yokurapa, asi nezvezvichaitika kana Mwari apindira pachake munhau dzevanhu. Bhaibheri rinofanotaura kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 35:5, 6) Asi tingava sei nechokwadi kuti uprofita hunoshamisa uhwu zvechokwadi huchazadzika?

Chokutanga, Jesu Kristu paaive pasi pano, akatorapa vanhu zvirwere nokuremara kwose. Uyezve, zvishamiso zvake zvizhinji zvakaonekwa nevakawanda—kunyange vavengi vake. Kanopfuura kamwe vapikisi vake vanoshora vakatoferefeta zvakasimba nezvokumwe kuporesa kuti zviite sokuti Jesu akanga asina kukuita. Asi vakatozonyara nokuti vakatoita kuti chishamiso chacho chizivikanwe kuti chakaitika. (Johani 9:1, 5-34) Pashure pokunge Jesu aita chimwezve chishamiso chavaisagona kuramba, vakakangaidzika vakati: “Toitei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda?” (Johani 11:47) Zvisinei, vanhuwo zvavo vaicherechedza, nokuti vakawanda vakatenda muna Jesu.—Johani 2:23; 10:41, 42; 12:9-11.

Zvishamiso zvaJesu—Kufanoratidzwa Kwokuporeswa Kwenyika Yose

Zvishamiso zvaJesu zvaisangoratidza kuti Jesu aiva Mesiya uye Mwanakomana waMwari chete. Zvakasimbisa kutenda muzvipikirwa zveBhaibheri zvokuti vanhu vanoteerera vacharapwa munguva inotevera. Zvipikirwa izvi zvinosanganisira uprofita huri muna Isaya chitsauko 35, hwataurwa mundima yokutanga. Nezvoutano hwevanhu vanotya Mwari mune ramangwana Isaya 33:24 inoti: “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.” Zvakazarurwa 21:4 inovimbisawo kuti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga [miedzo nematambudziko zviriko nhasi] zvapfuura.”

Vanhu vanogara vachinyengeterera kuzadzika kwouprofita uhwu pavanodzokorora munyengetero waJesu womuenzaniso, une mamwe mashoko anoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Hungu, kuda kwaMwari kunosanganisira pasi nevanhu. Zvirwere nokuremara, kunyange zvazvo zvakabvumidzwa nechikonzero, zvichange zvapfuura; hazvizorambi zvichiipisa “chitsiko chetsoka” dzaMwari nokusingaperi.—Isaya 66:1. *

Kurapwa Pasina Marwadzo Kana Muripo

Pasinei nokuti vanhu vairwara nei, Jesu aivaporesa vasingarwadziwi, asinganonoki, uye pasina muripo. Shoko reizvi rakapararira zvisingadzivisiki semoto womusango, uye nenguva isipi “mapoka makuru evanhu akasvika kwaari, ane vanhu vakanga vachikamhina, vakaremara, mapofu, mbeveve, nevamwe vakawanda vakangodarowo, uye vakangovaisa patsoka dzake, akavarapa.” Vanhu vakaita sei? Nhoroondo yaMateu yezvaakaona iye pachake inoenderera mberi ichiti: “Boka revanhu rakashamiswa sezvavakaona mbeveve dzichitaura nevaikamhina vachifamba nemapofu achiona, uye vakapa mbiri kuna Mwari waIsraeri.”—Mateu 15:30, 31.

Cherechedza kuti vaya vakaporeswa naJesu havana kubviswa mukati mevanhu vakawanda—sezvinoitwa nevanyengeri. Asi, hama neshamwari zhinji dzevairwara vacho “dzakangovaisa patsoka dzake, akavarapa.” Ngatimboongororai mimwe mienzaniso chaiyo yokukwanisa kuporesa kwaJesu.

Upofu: Paaiva muJerusarema, Jesu akasvinudza mumwe murume akanga ari “bofu kubva paakaberekwa.” Murume uyu aizivikanwa zvikuru muguta racho sebofu rinopemha. Saka unogona kufungidzira kumhanya mhanya nezhowezhowe rakaitwa apo vanhu vakamuona achizvifambira zvake achiona! Asi, havasi vose vakafara. Vasvotwa nokufumura kwakanga kwamboita Jesu uipi hwavo, vamwe verimwe boka rechiJudha rechitendero rakakurumbira uye raiva nesimba rainzi vaFarise vaiva neshungu dzokuti vawane umboo hwokuti Jesu aiita zvokunyengera. (Johani 8:13, 42-44; 9:1, 6-31) Nokudaro vakabvunzurudza murume wacho akanga aporeswa, tevere vabereki vake, ndokuzodzoka kumurume uye zvekare. Asi kubvunzurudza kwevaFarise kwakatosimbisa kuti Jesu akanga aita chishamiso, zvikavashatirisa. Akatyamadzwa nouipi hwevanyengeri vechitendero ava, murume wacho akanga aporeswa pachake akati: “Kubvira kare hazvina kumbonzwika kuti munhu akasvinudza maziso omunhu akaberekwa ari bofu. Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.” (Johani 9:32, 33) Nouku kuratidza kutenda kwaakaita nokuvimbika uye noungwaru, vaFarise “vakamudzingira kunze,” zvinoreva kuti vakadzinga uyu murume aimbova bofu musinagogi.—Johani 9:22, 34.

Kusanzwa: Jesu paaiva muDhekaporisi, nharaunda iri kumabvazuva kweRwizi rweJodhani, vanhu vaikoko “vakamuunzira munhu akanga ari matsi uye akanga ane chinetso chokutaura.” (Mako 7:31, 32) Jesu haana kungoporesa munhu uyu chete asi akaratidzawo kunzwisisa manzwiro anoita matsi, iyo inogona kunyara pane vanhu vakawanda. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu akatora murume wacho aiva matsi “akamubvisa muboka revanhu chinyararire” akamurapa. Ipapo zvekare vakazviona “vakashamiswa zvokushamiswa zviya,” vachiti: “Aita zvinhu zvose zvakanaka. Anotoita kuti matsi dzinzwe nevasingatauri vataure.”—Mako 7:33-37.

Kuoma rutivi rwomuviri: Jesu paaiva muKapenaume, vanhu vakauya kwaari nomumwe murume akaoma rutivi akarara pamubhedha. (Mateu 9:2) Ndima 6 kusvika ku8 dzinotsanangura zvakaitika. “[Jesu] akati kune akaoma rutivi rwomuviri: ‘Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.’ Akasimuka akaenda hake kumba kwake. Pakuona izvi mapoka evanhu akabatwa nokutya, uye akapa mbiri kuna Mwari, uyo akapa simba rakadaro kuvanhu.” Chishamiso ichiwo chakaitwa vose varipo vadzidzi vaJesu nevavengi vake. Cherechedza kuti vadzidzi, vasingadzikatidzwi noruvengo nokufungira zvisiri izvo, ‘vakapa mbiri kuna Mwari’ nezvezvavakaona.

Chirwere: “Mumwe munhu aiva nemaperembudzi akauyawo kwaari [Jesu], achimuteterera akatopfugama, achiti kwaari: ‘Kana muchida henyu, munogona kundiita kuti ndichene.’ Ipapo akasiririswa, uye akatambanudza ruoko rwake akamubata, akati kwaari: ‘Ndinoda. Cheneswa.’ Uye maperembudzi akabva angobva paari.” (Mako 1:40-42) Cherechedza kuti Jesu haana kuporesa munhu uyu zvokunge amanikidzwa asi akazviita netsitsi. Fungidzira kuti waiva nemaperembudzi. Wainzwa sei warapwa pakarepo pasina marwadzo chirwere chinotyisa chakanga chaunyanisa unyanisa muviri wako zvishoma nezvishoma chakuita kuti uite munhu asingadiwi pakati pevamwe? Pasina mubvunzo unogona kunzwisisa nei mumwe murume aiva nemaperembudzi akarapwa nechishamiso “akawira pasi nechiso chake patsoka dzaJesu, achimuonga.”—Ruka 17:12-16.

Kukuvara: Chishamiso chaJesu chokupedzisira asati asungwa nokuroverwa chaiva chokuporesa. Muchiito chokukurumidza achirwisa vaya vakanga vava kuda kutora Jesu, muapostora Petro, “sezvaakanga ane bakatwa, akarivhomora akacheka muranda womupristi mukuru akagura nzeve yake yorudyi.” (Johani 18:3-5, 10) Nhoroondo imwe cheteyo yakanyorwa naRuka inotiudza kuti Jesu “akabata nzeve yacho akamuporesa.” (Ruka 22:50, 51) Zvekare ichi chiratidzo chomutsa chakaitirwa pameso eshamwari zvose nevavengi vaJesu—pachiitiko chino, vaive vauya kuzomusunga.

Hungu, kuwedzera kwatinoita kuongorora zvishamiso zvaJesu kunowedzera kunzwisisa kwedu zvinhu zvinoratidza kuti zvakaitika zvechokwadi. (2 Timoti 3:16) Uye sezvambotaurwa, kudzidza kwakadaro kunosimbisa kutenda kwedu muchipikirwa chaMwari chokuti achaporesa vanhu vose vanoteerera. Bhaibheri rinorondedzera kutenda kwechiKristu so“kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Zvakajeka kuti Mwari anokurudzira kutenda kwakasimba kwakavakirwa pauchapupu, kwete kutenda zvachero pasina kumboongorora kana kuti kungoti dai tariro yakadaro ikazoitika. (1 Johani 4:1) Sezvatinowana kutenda kwakadaro, tinobva tawedzera kusimba, kuva noutano, uye kufara mukunamata.—Mateu 5:3; VaRoma 10:17.

Kuponeswa Mumudzimu Kunofanira Kutanga!

Vanhu vakawanda vane utano hwakanaka havasi kufara. Vamwe vakatoedza kunyange kuzviuraya nokuti havana tariro yeramangwana kana kuti nokuti vanonzwa varemerwa nematambudziko. Kutaura zvazviri, vakaremara mumudzimu—kunova kwakatoipisisa mukuona kwaMwari kupfuura kuremara mumuviri. (Johani 9:41) Ukuwo, vakawanda vakaremara mumuviri, saChristian naJunior vataurwa munyaya yateverwa neino, vanorarama upenyu hunofadza, hunogutsa. Nei? Nokuti vakasimba mumudzimu uye vanowaniswa simba netariro inobva muBhaibheri.

Achitaura nezvechimwe chinhu chinokosha kwatiri sevanhu, Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Hungu, kusiyana nemhuka, vanhu havangodi zvokudya chaizvo chete. Zvatakasikwa “mumufananidzo” waMwari, tinoda zvokudya zvomudzimu—zivo yaMwari uye kuti tiri papi muchinangwa chake pamwe nokuita kuda kwake. (Genesi 1:27; Johani 4:34) Kuziva Mwari kunozadza upenyu hwedu nechinangwa uye nesimba romudzimu. Kunoisawo hwaro hwoupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi,” akadaro Jesu, “kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Zvakanaka kucherechedza kuti vanhu vakararama naJesu havana kumudana vachiti “Murapi” asi kuti “Mudzidzisi.” (Ruka 3:12; 7:40) Nei? Nokuti Jesu akadzidzisa vanhu nezvenzira inopedza zvachose zvinetso zvevanhu—Umambo hwaMwari. (Ruka 4:43; Johani 6:26, 27) Iyi hurumende yokudenga iri mumaoko aJesu Kristu ichatonga pasi rose yozadzika zvipikirwa zveBhaibheri pamusoro pokudzorerwa kwakakwana uye kwechigarire kwevanhu vakarurama nokuvandudzwa kwomusha wavo wepasi. (Zvakazarurwa 11:15) Ndosaka Jesu, mumunyengetero wake womuenzaniso, akabatanidza kuuya kwoUmambo nokuitwa kwokuda kwaMwari pasi pano.—Mateu 6:10.

Kuvanhu vakawanda vakaremara, kudzidza nezvetariro iyi inokurudzira kwakaita kuti misodzi yavo yokusuwa ive misodzi yomufaro. (Ruka 6:21) Mwari achatoita zvinopfuura kungobvisa zvirwere nokuremara chete; achabvisa chacho chinokonzera kutambura kwevanhu—chivi. Zvechokwadi, Isaya 33:24 naMateu 9:2-7 dzambotorwa mashoko kare, dzinobatanidza kurwara nokuva nechivi. (VaRoma 5:12) Nokudaro, chivi chisisipo, vanhu pakupedzisira vachava “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari,” rusununguko runosanganisira kukwana kwepfungwa nomuviri.—VaRoma 8:21.

Vaya vane utano hunenge huri nani vangasaona kukosha kwoutano hwakanaka. Asi handizvo kune vaya vanotambudzwa nokuremara. Vanonyatsoziva kuti utano noupenyu zvakakosha zvakadini uye kuti zvinhu zvinogona kuerekana zvachinja sei. (Muparidzi 9:11) Nokudaro, tinovimba kuti vakaremara pakati pevaverengi vedu vachanyatsofunga nezvezvipikirwa zvaMwari zvinoshamisa sezvakanyorwa muBhaibheri. Jesu akapa upenyu hwake kuti ave nechokwadi kuti zvichazadzika. Pane imwe nzira yataigona kupiwa nayo chivimbo kupfuura iyi here?—Mateu 8:16, 17; Johani 3:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti uwane mashoko akakwana pamusoro pokuti nei Mwari akabvumira kutambura, ona bhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.