Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Johani paakaona “boka guru revanhu” richiitira Jehovha basa dzvene mutemberi, raiitira muchikamu chipi chetemberi?—Zvakazarurwa 7:9-15.

Zvine pfungwa kuti titi boka guru revanhu rinonamata Jehovha muchimwe chezvivanze zvepasi pano zvetemberi yake huru yomudzimu, zvikurukuru chiya chinoenderana nechivanze chokunze chetemberi yaSoromoni.

Munguva dzakapfuura, zvaimbonzi boka guru revanhu riri muChivanze chokufananidzira chakaenzana, kana kuti chakafanana nechiya cheVemamwe Marudzi chaivapo mumazuva aJesu. Zvisinei, kumwe kutsvakurudza kwaratidza zvikonzero zvinenge zvishanu nei izvozvo zvisizvo. Chokutanga, hazvisi zvinhu zvose zvaiva mutemberi yaHerodhi zvakafanana nezviri mutemberi huru yomudzimu yaJehovha. Somuenzaniso, Temberi yaHerodhi yaiva neChivanze Chevakadzi neChivanze chevaIsraeri. Vakadzi nevarume vose vaigona kupinda muChivanze Chevakadzi, asi varume chete ndivo vaitenderwa kupinda muChivanze chevaIsraeri. Muchivanze chepasi pano chetemberi huru yomudzimu yaJehovha, varume nevakadzi havaparadzaniswi mukunamata kwavo. (VaGaratiya 3:28, 29) Saka, hapana nzvimbo yakafanana neChivanze Chevakadzi neChivanze chevaIsraeri mutemberi yomudzimu.

Chechipiri, papurani yakapiwa naMwari yetemberi yaSoromoni kana temberi yakaonekwa naEzekieri pakanga pasina Chivanze cheVemamwe Marudzi; uyewo chakanga chisipo patemberi yakazovakwazve naZerubhabheri. Saka, hapana chikonzero chokufunga kuti Chivanze cheVemamwe Marudzi chinofanira kuva nebasa muurongwa hwokunamata hwomuTemberi huru yomudzimu yaJehovha, kunyanya patinofunga nezvepfungwa inotevera.

Chechitatu, Chivanze cheVemamwe Marudzi chakavakwa naMambo Herodhi wechiEdhomi kuti azvipe mbiri uye kuti atsvake dzvene neRoma. Herodhi akatanga kugadzirisa temberi yaZerubhabheri zvichida muna 18 kana kuti 17 B.C.E. The Anchor Bible Dictionary rinotsanangura kuti: “Zvaifarirwa namambo wokuMadokero [Roma] . . . zvaiita kuti padiwe temberi yakakura kupfuura dziya dzomumaguta okumabvazuva aienzaniswa neokumadokero.” Zvisinei, zvikamu zvetemberi yacho pachayo zvakanga zvakatorongwa kare. Duramanzwi rinotsanangura kuti: “Nepo Temberi yacho pachayo yaizofanira kuva nezvikamu zvakafanana nezvedzakaitangira [yaSoromoni neyaZerubhabheri], Gomo reTemberi rakanga risina muganhu wokukura kwaraigona kuva rakaita.” Saka, Herodhi akavandudza nzvimbo yetemberi nokuwedzera chakadanwa mazuva ano kunzi Chivanze cheVemamwe Marudzi. Nei chivako chine mavambo akadaro chingava nechachakafanana nacho muurongwa hwetemberi yaJehovha yomudzimu?

Chechina, anenge munhu wose—bofu, chirema, Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa—vaigona kupinda muChivanze cheVemamwe Marudzi. (Mateu 21:14, 15) Chokwadi, chivanze chacho chine zvachaishanda kune Vemamwe Marudzi vakawanda vakanga vasina kudzingiswa vaida kupa zvinopiwa kuna Mwari. Uye ndiko uko Jesu aipota achitaura nemapoka uye kwaakadzinga vachinji vemari nevatengesi kaviri, achiti vakanga vazvidza imba yaBaba vake. (Mateu 21:12, 13; Johani 2:14-16) Zvakare, The Jewish Encyclopedia inoti: “Chivanze ichi chokunze, kutaura chokwadi, chakanga chisiri rutivi rweTemberi. Ivhu racho rakanga risingaeri, uye chaigona kupindwa naani zvake.”

Chechishanu, shoko rechiGiriki (hi·e·ron’) rakashandurwa kuti “Temberi” iro rinoshandiswa kutaura nezveChivanze cheVemamwe Marudzi “rinotaura nezvechivako chose, pane kungotaura nezvechivako cheTemberi chete,” rinodaro A Handbook on the Gospel of Matthew, rakanyorwa naBarclay M. Newman naPhilip C. Stine. Kusiyana neizvi, shoko rechiGiriki (na·os’) rakashandurwa kuti “temberi” muchiratidzo chaJohani cheboka guru revanhu rakananga zvikuru. Paye panotaura nezvetemberi yomuJerusarema, rinowanzoreva Nzvimbo Tsvene Tsvene, chivako chetemberi, kana kuti chivanze chetemberi. Dzimwe nguva rinoshandurwa kuti “nzvimbo tsvene.”—Mateu 27:5, 51; Ruka 1:9, 21; Johani 2:20.

Vanhu vomuboka guru vanotenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. Vakachena mumudzimu, zvavaka“geza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.” Saka vanonzi vakarurama nepfungwa yokuva shamwari dzaMwari uye yokupukunyuka kutambudzika kukuru. (Jakobho 2:23, 25) Munzira dzakawanda, vakafanana nevapuroserite vomuna Israeri vaizviisa pasi pesungano yoMutemo uye vainamata pamwe chete nevaIsraeri.

Ichokwadi kuti vapuroserite ivavo vaisashumira vari muchivanze chomukati, umo vapristi vaiita mabasa avo. Uye nhengo dzeboka guru revanhu hadzisi muchivanze chomukati chetemberi yomudzimu yaJehovha, chinomirira kuva vanakomana vakakwana, vakarurama kwenhengo dze‘vapristi vatsvene’ vaJehovha pavanenge vari pasi pano. (1 Petro 2:5) Asi sezvakataura mukuru ari kudenga kuna Johani, boka guru revanhu riri mutemberi chaizvoizvo, kwete munharaunda yetemberi mune chinonzi Chivanze chomudzimu cheVemamwe Marudzi. Iropafadzo yakadini iyoyo! Uye inosimbisa sei kudiwa kwokuti mumwe nomumwe wedu arambe akachena mumudzimu nomutsika nguva dzose!

[Mufananidzo uri papeji 31]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Temberi yaSoromoni

1. Chivako Chetemberi

2. Chivanze Chomukati

3. Chivanze Chokunze

4. Manera Okukwirisa paChivanze Chetemberi