Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?

Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?

Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?

“Zuva rinouya; rinopisa sechoto.”—MARAKI 4:1.

1. Maraki anorondedzera sei kuparara kuchaita nyika ino?

MUPROFITA Maraki akafuridzirwa naMwari kunyora uprofita hwezvinhu zvinotyisa zvichaitika munguva pfupi iri kutevera. Zvinhu izvi zvichawira munhu wose ari pasi pano. Maraki 4:1 inofanoti: “Tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Kuparadzwa kwenyika ino kuchava kwakakwana zvakadini? Zvichava zvakaita sokuti midzi yomuti yaparadzwa zvachose, zvokuti muti wacho hauchafi wakakurazve.

2. Mamwe magwaro anotsanangura sei zuva raJehovha?

2 Ungabvunza kuti, ‘Muprofita ari kufanotaura nezve“zuva” ripiko?’ Zuva iroro ndiro rinotaurwa nezvaro pana Isaya 13:9, iyo inoti: “Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika riite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.” Zefania 1:15 inotsanangura ichiti: “Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru.”

“Kutambudzika Kukuru”

3. “Zuva raJehovha” chii?

3 Mukuzadzika kukuru kwouprofita hwaMaraki, “zuva raJehovha” inguva inozivikanwa no“kutambudzika kukuru.” Jesu akafanotaura kuti: “Zvadaro pachava nokutambudzika kukuru kwakadaro sokusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Funga kutambudzika kana kuti nhamo yakatoonekwa nenyika, zvikurukuru kubva muna 1914. (Mateu 24:7-12) Pakuti Hondo Yenyika II yoga yakauraya vanhu vane mamiriyoni anodarika 50! Asi, ‘kutambudzika kukuru’ kuri kuuya kuchava nezviitiko zvichaita kuti izvi zvakaitika zvive pasina. Kutambudzika kukuru ikoko, nguva yakafanana nezuva raJehovha, inopera paAmagedhoni, ichigumisa mazuva okupedzisira enyika ino yakaipa.—2 Timoti 3:1-5, 13; Zvakazarurwa 7:14; 16:14, 16.

4. Panopera zuva raJehovha, chii chinenge chaitika?

4 Pachapera zuva iroro raJehovha, nyika yaSatani nevatsigiri vayo vachava vaparadzwa. Chichatanga kuenda chitendero chenhema. Jehovha anozopa mutongo panyika yaSatani yezvokutengeserana uye yezvematongerwe enyika. (Zvakazarurwa 17:12-14; 19:17, 18) Ezekieri anoprofita kuti: “Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Ezekieri 7:19) Nezvezuva iroro Zefania 1:14 inoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” Tichifunga nezvezvinotaurwa neBhaibheri nezvezuva raJehovha, tinofanira kuva takatsunga kuti tiite maererano nezvinodiwa naMwari.

5. Chii chiri kuwanikwa nevaya vanotya zita raJehovha?

5 Yapedza kufanotaura nezvezvichaitwa nezuva raJehovha panyika yaSatani, Maraki 4:2 inoti Jehovha akati: “Imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu.” “Zuva rokururama” ndiJesu Kristu. Ndiye “chiedza chenyika” chokumudzimu. (Johani 8:12) Jesu anopenya nokuporesa, kutanga kuporesa kwomudzimu, kwatiri kuona nhasi, uye pashure kuporesa mumuviri zvachose, munyika itsva. Sezvinotaurwa naJehovha, vakaporeswa ‘vachabuda vachitamba semhuru dzomuchirugu dzakakodzwa’ dziri kufara uye kunakidzwa nokuti dzabudiswa mudanga.

6. Vanhu vaJehovha vachava nemhemberero dzipi dzokukunda?

6 Zvakadini nevaya vasingadi kuita zvinodiwa zvaJehovha? Maraki 4:3, inoti: “[Vashumiri vaMwari] muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Vanhu vanonamata Mwari havasati vachizoitawo basa rokuparadza nyika yaSatani. Asi, vano“tsikira vakaipa pasi” zvokufananidzira kuburikidza nokubatanidzwa mumhemberero yokukunda ichatevera zuva raJehovha. Kwakava nemhemberero huru pashure pokunge Farao nehondo dzake vaparara muGungwa Dzvuku. (Eksodho 15:1-21) Kubviswa kwaSatani nenyika yake kuchateverwa nemhemberero yokukunda. Vakatendeka vachapona pazuva raJehovha vachaimba nomufaro vachiti: “Tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” (Isaya 25:9) Kufara kwakadini kuchavapo apo uchangamire hwaJehovha hucharevererwa uye pasi pachacheneswa kuti vanhu vagare murugare!

ChiKristudhomu Chinotevedzera Israeri

7, 8. Tsanangura zvakanga zvakaita vaIsraeri mune zvokunamata munguva yaMaraki.

7 Vaya vanosvika pakuva noukama hwakanaka naJehovha ndevaya vanomushumira, kusiyana nevaya vasingadaro. Ndizvo zvazvakanga zvakaita pakanyora Maraki bhuku rake. Muna 537 B.C.E., vakasara vevaIsraeri vakadzorerwa pashure pemakore 70 vari muusungwa muBhabhironi. Zvisinei, mumakore zana akatevera, rudzi rwacho rwakanga rwadzorerwa rwakatangazve kuramba kutenda uye kuita zvakaipa. Vanhu vakawanda vakanga vasingakudzi zita raJehovha; vaifuratira mitemo yake yakarurama; vaisvibisa temberi yake nokuunza mhuka dzisingaoni, dzakaremara, uye dzinorwara kuti dzibayirwe; uye vairamba madzimai oujaya hwavo.

8 Nokudaro, Jehovha akavaudza kuti: “Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mubatiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi . . . Nokuti ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:5, 6) Asi, Jehovha akakoka vapi nevapi vangave vakasiya nzira dzavo dzakaipa: “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.”—Maraki 3:7.

9. Uprofita hwaMaraki hwakatanga kuzadzika sei?

9 Mashoko iwayo akava nokuzadzika muzana remakore rokutanga C.E. Vakasara vevaJudha vakashumira Jehovha vakava vamwe vo“rudzi” rutsva rwevaKristu vakazodzwa nomudzimu, urwo rwaizosanganisira Vemamwe Marudzi nokufamba kwenguva. Asi ruzhinji rwevaIsraeri rwakaramba Jesu. Saka Jesu akaudza rudzi irworwo rwaIsraeri kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 23:38; 1 VaKorinde 16:22) Muna 70 C.E., sezvakanga zvafanotaurwa pana Maraki 4:1, “zuva . . . rinopisa sechoto” rakauya parudzi rwevaIsraeri. Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa, uye zvinonzi vanhu vanodarika miriyoni vakafa nenzara, kurwira utongi, uye kurwiswa nemauto eRoma. Zvisinei vaya vaishumira Jehovha vakapona dambudziko iroro.—Mako 13:14-20.

10. Munzira ipi umo vanhu vakawanda nevafundisi vanotevedzera Israeri womuzana remakore rokutanga?

10 Vanhu vose, zvikurukuru chiKristudhomu, vakatevedzera rudzi rwaIsraeri rwomuzana remakore rokutanga. Vatungamiriri nevanhu vose zvavo muchiKristudhomu vanosarudza dzidziso dzavo dzechitendero panzvimbo pechokwadi chaMwari chakadzidziswa naJesu. Vafundisi ndivo vane mhaka yakakura. Vanoramba kushandisa zita raJehovha, vachitoribvisa mushanduro dzavo dzeBhaibheri. Vanozvidza Jehovha nedzidziso dzisiri mumagwaro, dzinoshora Mwari, dzakadai sedzidziso dzechihedheni dzokutambudzwa kusingaperi mumoto wehero, dzoUtatu uye kuti mweya haufi, nokushanduka-shanduka. Vanotorera Jehovha kurumbidzwa kwaanofanira kuwana, sezvakaitwa nevapristi muzuva raMaraki.

11. Zvitendero zvenyika zvinoratidza sei wazvinonyatsoshumira?

11 Muna 1914, pakatanga mazuva okupedzisira, zvitendero zvenyika ino, zvichitungamirirwa nezviya zvinoti ndezvechiKristu, zvakaratidza wazvinonyatsoshumira. Muhondo dzenyika yose dziri mbiri, vakakurudzira nhengo dzavo kuenda kuhondo nemhaka yokusawirirana mune zvenyika, kunyange zvaireva kuponda vanhu vechitendero chavo. Shoko raMwari rinonyatsosiyanisa vaya vanoteerera Jehovha nevaya vasingamuteereri richiti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingapfuuriri kuita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo uyo asingadi hama yake. Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, kuti tinofanira kudanana; kwete saKaini, akabva kune wakaipa akaponda munun’una wake.”—1 Johani 3:10-12.

Kuzadzika Uprofita

12, 13. Uprofita hupi hwakazadzikwa nevashumiri vaMwari munguva yedu?

12 Pakapera Hondo Yenyika I muna 1918, vashumiri vaJehovha vaigona kuona kuti Mwari akanga atongera chiKristudhomu kuparadzwa, pamwe chete nezvitendero zvose zvenhema. Kubvira ipapo, vane mwoyo yakarurama vakatanga kudanwa: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari arangarira mabasa aro okusaruramisira.” (Zvakazarurwa 18:4, 5) Vaya vakanga vachida kushumira Jehovha vakatanga kucheneswa kubva pazvisaririra zvechitendero chenhema uye vakatanga kuparidza munyika yose mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa, basa rinofanira kuitwa nyika ino yakaipa isati yaguma.—Mateu 24:14.

13 Izvi zvaiitirwa kuzadzika uprofita huri pana Maraki 4:5, apo Jehovha akati: “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eriya, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.” Uprofita ihwohwo hwakatanga kuzadzika mubasa raJohani Mubhabhatidzi, akafanofananidzirwa naEriya. Johani akaita basa serakaitwa naEriya paaibhabhatidza vaJudha vakanga vapfidza zvivi zvavo kusungano yoMutemo. Zvinotonyanya kukosha, Johani ndiye akanga achifanogadzirira Mesiya nzira. Zvisinei basa raJohani raingova kuzadzika kwokutanga kwouprofita hwaMaraki. Jesu, achizivisa Johani saEriya wechipiri, akaratidza kuti kwaizova nerimwe basa ra“Eriya” munguva inotevera.—Mateu 17:11, 12.

14. Ibasa ripi rinokosha rinofanira kuitwa nyika ino isati yaguma?

14 Uprofita hwaMaraki hwakaratidza kuti basa iri guru raEriya raizoitwa ‘zuva guru rinotyisa raJehovha’ risati rasvika. Zuva iroro rinoguma nehondo iri kukurumidza kuuya yezuva guru raMwari Wemasimba Ose, paAmagedhoni. Izvi zvinoreva kuti kuguma kwenyika ino yakaipa uye Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwoUmambo hwokudenga pasi paJesu Kristu akagadzwa kuchauya pashure pebasa rakafanana nerakaitwa naEriya. Uye sezvakafanotaurwa chaizvo nouprofita ihwohwo, Jehovha asati aparadza nyika ino yakaipa, boka raEriya remazuva ano, richitsigirwa nemamiriyoni evamwe vaKristu vane tariro yokurarama pasi pano, rinoita basa racho rokudzorera kunamata kwakachena nokushingaira, richirumbidza zita raJehovha, uye richidzidzisa vanhu vakafanana nemakwai chokwadi cheBhaibheri.

Jehovha Anokomborera Vashumiri Vake

15. Jehovha anoyeuka sei vashumiri vake?

15 Jehovha anokomborera vaya vanomushumira. Maraki 3:16 inoti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” Kubvira panguva yaAbheri zvichiuya kuno, Mwari ave achiita sokunge kuti ari kunyora mubhuku mazita evaya vachayeukwa kuti vawane upenyu husingaperi. Kune ava Jehovha anoti: “Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino . . . muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.”—Maraki 3:10.

16, 17. Jehovha akakomborera sei vanhu vake nebasa ravo?

16 Zvechokwadi Jehovha ave achikomborera zvikuru vaya vanomushumira. Sei? Imwe nzira ndeyokuwana kunzwisisa zvakawedzera zvinangwa zvake. (Zvirevo 4:18; Dhanieri 12:10) Imwe ndeyokuvapa zvibereko zvakawanda mubasa rokuparidza. Vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vakabatana navo mukunamata kwechokwadi, uye ivava vose vanoumba “boka guru revanhu, . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, . . . uye vanoramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’” (Zvakazarurwa 7:9, 10) Boka guru revanhu iri rakaratidzwa munzira huru zvikuru, uye vaya vari kushingaira kushumira Jehovha zvino vava kusvika mamiriyoni anodarika matanhatu muungano dzinopfuura 93 000 pasi pose!

17 Chikomborero chaJehovha chinooneka mukuti Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri anoparadzirwa zvikuru zvisina kumboitika kare. Iye zvino mwedzi mumwe nomumwe magazini anosvika mamiriyoni 90 eNharireyomurindi neMukai! anodhindwa; Nharireyomurindi mumitauro 144, Mukai! mumitauro 87. Bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, rakabudiswa muna 1968, rine mabhuku anokwana mamiriyoni 107 akaparadzirwa mumitauro 117. Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa muna 1982, rakadhindwa mabhuku anodarika mamiriyoni 81 mumitauro 131. Bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa muna 1995, pari zvino rakatodhindwa mabhuku anodarika mamiriyoni 85 mumitauro 154. Bhurocha rakabudiswa muna 1996, rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?, rakatoparadzirwa makopi anodarika mamiriyoni 150 mumitauro 244.

18. Nei tiri kubudirira mumudzimu pasinei nokupikiswa?

18 Kubudirira uku mumudzimu kwave kuchiitika pasinei nokupikiswa kwakasimba uye kwenguva refu kubva kunyika yaSatani. Izvi zvinoratidza chokwadi chaIsaya 54:17 inoti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri—ndizvo zvinotaura Jehovha.” Zvinozorodza sei vashumiri vaJehovha kuziva kuti Maraki 3:17 iri kuzadzika zvakazara pavari inoti: “Vachava vangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—ivo vangu chaivo.”

Kushumira Jehovha Nomufaro

19. Vaya vanoshumira Jehovha vanosiyana sei nevasingamushumiri?

19 Musiyano uri pakati pevashumiri vaJehovha vakatendeka vane rudo nevaya venyika yaSatani uri kuenda uchinyatsojeka nokufamba kwenguva. Maraki 3:18 yakafanotaura kuti: “Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoeunoshumira Mwari nousingamushumiri.” Chimwe chezvakawanda zvinovasiyanisa nevamwe ndechokuti vaya vanoshumira Jehovha vanozviita nomufaro mukuru. Chimwe chezvinoita kuti vafare itariro inoshamisa yavanayo. Vane chivimbo chakazara muna Jehovha paanoti: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.”—Isaya 65:17, 18; Pisarema 37:10, 11, 29; Zvakazarurwa 21:4, 5.

20. Nei tiri vanhu vanofara?

20 Tinovimba nezvinhu zvakapikirwa naJehovha zvokuti vanhu vake vakavimbika pasi pose vachapona pazuva rake guru vopinzwa munyika itsva. (Zefania 2:3; Zvakazarurwa 7:13, 14) Uye kunyange zvazvo vamwe vangafa nguva iyoyo isati yasvika nemhaka yokukwegura, kurwara kana tsaona, Jehovha anovapikira kuti achavayeuka ndokuvamutsa kuti vawane upenyu husingaperi. (Johani 5:28, 29; Tito 1:2) Saka nepo tose zvedu tiine matambudziko uye zvinhu zvinotinetsa, zuva raJehovha sezvarinoswedera, tine chikonzero chiri chose chokuva vanhu vanofara zvikuru pasi pano.

Unopindura Sei?

• “Zuva raJehovha” chii?

• Zvitendero zvenyika zvinotevedzera sei Israeri yekare?

• Uprofita hupi hunozadziswa nevashumiri vaJehovha?

• Jehovha ave achikomborera vanhu vake sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jerusarema romuzana remakore rokutanga ‘rakatsva sechoto’

[Mifananidzo iri papeji 23]

Jehovha anowanisa vanomushumira zvavanoda

[Mifananidzo iri papeji 24]

Nokuda kwetariro yavo inoshamisa, vashumiri vaJehovha vanofara zvechokwadi