Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unotanga Wafunga Zvinozodiwa Here?

Unotanga Wafunga Zvinozodiwa Here?

Unotanga Wafunga Zvinozodiwa Here?

JESU KRISTU akapa vadzidzi vake tariro youpenyu husingaperi, asi akavakurudzirawo kutanga vafunga zvinozodiwa pakuva muKristu. Akaenzanisira pfungwa yacho nokubvunza kuti: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa [kana kuti, zvinobatanidzwa], kuti aone kana ane zvakakwana zvokuipedza nayo?” (Ruka 14:28) Jesu airevei paakati zvinodiwa?

VaKristu vose vanosangana nemiedzo—mimwe yakaoma chaizvo. (Pisarema 34:19; Mateu 10:36) Naizvozvo, tinoda kuva vakagadzirira mupfungwa nomumudzimu kuti tizorega kushamisika patinoshorwa kana patinosangana nemamwe matambudziko. Tinofanira kuva takatoverengera kare zvinetso zvakadaro pane zvinobatanidzwa pakuva mudzidzi waKristu, tichiziva kuti mubayiro wacho—kuponeswa pachivi norufu—unokosha kupfuura chipi nechipi chatingapiwa nenyika ino. Hungu, hapana chinhu chinobvumirwa naMwari—kunyange rufu—chinogona kutikuvadza zvachose kana tikaramba tichimushumira.—2 VaKorinde 4:16-18; VaFiripi 3:8.

Kutenda kwedu kungava sei kwakasimba zvakadaro? Kutenda kwedu kunosimba nguva imwe neimwe yatinoita chisarudzo chakarurama, patinotsigira zvakasimba nheyo dzemitemo yechiKristu, kana kuita chiito chinoenderana nokuda kwaMwari—kunyanya patinenge tichimanikidzirwa kuita zvakasiyana naizvozvo. Patinowana chikomborero chaJehovha pamusana penzira yedu yokutendeka, kutenda kwedu kunosimbiswa kuchiitwa kuti kuve kwakadzama. Nenzira iyoyo, tinotevedzera muenzaniso waJesu, vadzidzi vake vokutanga, nevarume nevakadzi vose vokutenda avo mumakore ose aya ‘vakatanga vafunga zvaizodiwa’ pakushumira Mwari zvakarurama.—Mako 1:16-20; VaHebheru 11:4, 7, 17, 24, 25, 32-38.