Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsirwa Nomutsa Une Rudo waJehovha

Kubatsirwa Nomutsa Une Rudo waJehovha

Kubatsirwa Nomutsa Une Rudo waJehovha

“Wakachenjera . . . uchafunga [“mutsa une rudo,” NW] waJehovha.”—PISAREMA 107:43.

1. Ndirini pakatanga kushandiswa mashoko okuti “mutsa une rudo” muBhaibheri, uye tichakurukura mibvunzo ipi maererano nounhu uhwu?

MAKORE anenge 4 000 akapfuura, Roti mwana womunun’una waAbrahamu akati: “Makurisa tsitsi [“mutsa une rudo,” NW] dzenyu.” (Genesi 19:19) Ndipo panotanga kuwanikwa mashoko okuti “mutsa une rudo” muBhaibheri. Jakobho, Naomi, Dhavhidhi, nevamwe vashumiri vaMwari vakataurawo nezvounhu hwaJehovha uhwu. (Genesi 32:10; Rute 1:8; 2 Samueri 2:6) Zviripo ndezvokuti mashoko okuti “mutsa une rudo” anowanikwa kanenge ka250 muNew World Translation of the Holy Scriptures. Asi chii chinonzi mutsa une rudo waJehovha? Ndivanaani vakambouratidzwa? Uye tinobatsirwa sei nawo nhasi?

2. Nei shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mutsa une rudo” rakaoma kwazvo kutsanangura, uye ndeipi imwe shanduro yaro yakakodzera?

2 MuMagwaro, “mutsa une rudo” ishanduro yeshoko rechiHebheru rine zvakawanda zvarinoreva zvokuti mitauro yakawanda haina shoko rimwe rinonyatsobudisa pfungwa yaro yakazara. Saka, shanduro dzakadai sa“rudo,” “ngoni,” uye “kutendeka” hadzinyatsobudisi zvose zvinoreva shoko iri. Zvisinei, shanduro inobatanidza mashoko akawanda yokuti “mutsa une rudo” “haisi kure zvakanyanya nezvinoreva shoko racho,” inodaro Theological Wordbook of the Old Testament. New World Translation of the Holy Scriptures—With References nenzira yakakodzera inopa “rudo rwakavimbika” seimwe shanduro yeshoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mutsa une rudo.”—Eksodho 15:13; Pisarema 5:7; mashoko omuzasi.

Wakasiyana Norudo Nokuvimbika

3. Mutsa une rudo unosiyana sei norudo?

3 Mutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika, wakada kufanana chaizvo norudo uye kuvimbika. Asi wakasiyana nazvo munzira dzinokosha. Cherechedza kuti mutsa une rudo unosiyana sei norudo. Rudo runogona kuratidzwa kuzvinhu uye kuzvatinofunga. Bhaibheri rinotaura nezvo‘kuda waini nemafuta’ uye ‘kuda uchenjeri.” (Zvirevo 21:17; 29:3) Asi mutsa une rudo une chokuita nevanhu, kwete zvatinofunga kana kuti zvinhu zvisina upenyu. Somuenzaniso, Eksodho 20:6 painoti Jehovha ‘anoitira zviuru zvezvizvarwa mutsa une rudo,’ vanenge vachitaurwa ipapo vanhu.

4. Mutsa une rudo unosiyana sei nokuvimbika?

4 Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mutsa une rudo” rinorevawo zvakawanda pane shoko rokuti “kuvimbika.” Mune mimwe mitauro, shoko rokuti “kuvimbika” rinowanzoshandiswa pakutaura nezvezvinofanira kuitwa nomunhu ari pasi kune ane simba pamusoro pake. Asi sokutaura kunoita mumwe muongorori, muBhaibheri, mutsa une rudo “unoreva zvakatosiyana neizvozvo: ane simba ndiye akavimbika kune asina simba kana kuti anoshayiwa kana asingagoni kuzvimiririra.” Naizvozvo Mambo Dhavhidhi aigona kuteterera kuna Jehovha kuti: “Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei nounyoro [“mutsa une rudo,” NW] hwenyu.” (Pisarema 31:16) Jehovha, ane simba, anokumbirwa kuratidza mutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika, kune munhu anoda kubatsirwa, Dhavhidhi. Sezvo munhu anoda kubatsirwa asina simba pamusoro peane simba, mutsa une rudo unoratidzwa pakadai unoratidzwa munhu achida, kwete achimanikidzwa.

5. (a) Zvii zvinoitwa nomutsa une rudo waMwari zvinonyatsoonekwa muShoko rake? (b) Tichakurukura kuratidzwa kupi kwomutsa une rudo waJehovha?

5 “Wakachenjera . . . uchafunga [“mutsa une rudo,” NW] waJehovha,” anodaro munyori wepisarema. (Pisarema 107:43) Mutsa une rudo waJehovha unogona kuguma nokununurwa uye kudzivirirwa. (Pisarema 6:4; 119:88, 159) Idziviriro uye chinhu chinoita kuti munhu asununguke pamatambudziko. (Pisarema 31:16, 21; 40:11; 143:12) Pamusana pounhu uhwu, zvinobvira kuti munhu anaye kubva muchivi. (Pisarema 25:7) Nokutarira nhoroondo dzakati dzomuMagwaro uye kucherechedza dzimwe ndima dzomuBhaibheri, tichaona kuti mutsa une rudo waJehovha (1) unoratidzwa nezviito chaizvo uye (2) unoratidzwa kuvashumiri vakatendeka.

Kununurwa—Kuratidzwa Kwomutsa Une Rudo

6, 7. (a) Jehovha akakudza sei mutsa wake une rudo kuna Roti? (b) Roti akataura rini nezvomutsa une rudo waJehovha?

6 Zvichida nzira yakanakisisa yokuziva nayo makuriro akaita mutsa une rudo waJehovha kuongorora nhoroondo dzeMagwaro dzine chokuita nounhu uhwu. Pana Genesi 14:1-16 tinoona kuti Roti, mwanakomana womunun’una waAbrahamu, akapambwa neuto revavengi. Asi Abrahamu akanunura Roti. Upenyu hwaRoti hwakanga hwava mungozi zvakare apo Jehovha akasarudza kuparadza guta rakanga rakaipa reSodhomu, maigara Roti nemhuri yake.—Genesi 18:20-22; 19:12, 13.

7 Sodhomu rava kuda kutoparadzwa, ngirozi dzaJehovha dzakabudisa Roti nemhuri yake muguta racho. Panguva iyoyo, Roti akati: “Makurisa tsitsi [“mutsa une rudo,” NW] dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa.” (Genesi 19:16, 19) Nemashoko aya, Roti akabvuma kuti Jehovha akanga aratidza mutsa une rudo wakakura kwazvo kuburikidza nokumununura. Pano mutsa une rudo waMwari wakaratidzwa nokununura uye kuchengeta.—2 Petro 2:7.

Mutsa Une Rudo waJehovha uye Kutungamirira Kwake

8, 9. (a) Muranda waAbrahamu akanga afambirei? (b) Nei muranda uyu akanyengeterera mutsa une rudo waMwari, uye chii chakaitika paainyengetera?

8 Muna Genesi chitsauko 24, tinoverenga nezvepamwe pakaratidzwa mutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika rwaMwari. Nhoroondo yacho inoti Abrahamu akatuma muranda wake kuti aende kunyika yehama dzaAbrahamu kunotsvakira mwanakomana wake Isaka mudzimai. (Ge 24 Ndima 2-4) Basa raakanga apiwa raiva rakaoma, asi muranda wacho akavimbiswa kuti ngirozi yaJehovha yaizomutungamirira. (Ge 24 Ndima 7) Pakupedzisira muranda wacho akasvika patsime raiva kunze kwe“guta raNahori” (zvimwe Harani kana kuti imwe nzvimbo yaiva pedyo naipapo) panguva apo vakadzi vakanga vava kuuya kuzoteka mvura. (Ge 24 Ndima 10, 11) Paakaona vakadzi vacho vachiswedera pedyo, akaziva kuti nguva inokosha zvikuru yorwendo rwake yakanga yasvika. Zvino pavakadzi vose ivavo aizosarudza sei akanga akakodzera?

9 Achiziva kuti aida kubatsirwa naMwari, muranda waAbrahamu akanyengetera kuti: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abrahamu [“mutsa une rudo,” NW].” (Ge 24 Ndima 12) Jehovha aizoratidza sei mutsa wake une rudo? Muranda wacho akakumbira chimwe chiratidzo chaaizogona kuziva nacho mukadzi akanga asarudzwa naMwari. (Ge 24 Ndima 13, 14) Mumwe mukadzi akaita sezvaakanga akumbira chaizvo kuna Jehovha. Kutoita seakanga anzwa munyengetero wakapiwa nomuranda uyu! (Ge 24 Ndima 15-20) Ashaya romuromo, muranda wacho “akamutarisisa [achishamisika].” Asi, pakanga pachine zvinhu zvinokosha zvokuziva. Mukadzi uyu aitaridzika zvakanaka aiva mumwe wehama dzaAbrahamu here? Uye akanga asati aroorwa here? Saka muranda uyu akaramba “anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.”—Ge 24 Ndima 16, 21.

10. Nei muranda waAbrahamu akati Jehovha akanga aratidza mutsa une rudo kuna tenzi wake?

10 Zvadaro, mhandara yacho yakazvisuma kuti yaiva “mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera [mukoma waAbrahamu] Nahori.” (Genesi 11:26; 24:24) Ndipo pakabva paziva muranda uyu kuti Jehovha akanga apindura munyengetero wake. Anzwa kufara zvikuru, akakotama akati: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu ngaaongwe, usina kurega nyasha [“mutsa une rudo,” NW] dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.” (Ge 24 Ndima 27) Nokutungamirira, Mwari akaratidza mutsa une rudo kuna Abrahamu, tenzi womuranda.

Mutsa Une Rudo waMwari Unozorodza Nokudzivirira

11, 12. (a) Josefa akaratidzwa mutsa une rudo waJehovha mumiedzo ipi? (b) Mutsa une rudo waMwari wakaratidzwa sei kuna Josefa?

11 Ngatichikurukura Genesi chitsauko 39. Chinotaura nezvomuzukuru chibvi waAbrahamu ainzi Josefa, akatengeswa muuranda kuIjipiti. Kunyange zvakadaro, “Jehovha . . . wakanga ana Josefa.” (Ge 39 Ndima 1, 2) Tenzi waJosefa wokuIjipiti, Potifari, akatoti wani Jehovha aiva naJosefa. (Ge 39 Ndima 3) Zvisinei, Josefa akatarisana nomuedzo wakaoma chaizvo. Akapomerwa kuti akanga abata chibharo mudzimai waPotifari, akabva aiswa mujeri. (Ge 39 Ndima 7-20) “Mugomba” ndimo ma“vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, akasungwa namaketani amatare.”—Genesi 40:15; Pisarema 105:18.

12 Chii chakaitika munguva iyoyo yaiedza zvikuru? “Jehovha wakava naJosefa, akamuitira [“mutsa une rudo,” NW].” (Ge 39 Ndima 21a) Chiito chakati chomutsa une rudo chakakonzera zviitiko zvinotevedzana zvakazoita kuti Josefa asunungurwe panhamo dzaakanga achiona. Jehovha akaita kuti Josefa “anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.” (Ge 39 Ndima 21b) Izvi zvakaita kuti mukuru mukuru uyu ape Josefa chinzvimbo chokutarisira vamwe. (Ge 39 Ndima 22) Zvadaro, Josefa akasangana nomurume akazoguma aita kuti azivikanwe naFarao, mutongi weIjipiti. (Genesi 40:1-4, 9-15; 41:9-14) Uyuwo mambo akabva akwidziridza Josefa achimuisa pachinzvimbo chokuva mutongi anomutevedzera weIjipiti, zvikaguma nokuita kwake basa rinoponesa upenyu munyika yeIjipiti yakanga yarohwa nenzara. (Genesi 41:37-55) Kutambura kwaJosefa kwakatanga aine makore 17 uye akapedza makore anopfuura 12 achitambura! (Genesi 37:2, 4; 41:46) Asi mumakore ose iwayo okushungurudzwa nokutambudzwa, Jehovha Mwari akaratidza mutsa wake une rudo kuna Josefa nokumudzivirira kuti asatambura zvachose uye nokumuchengetera basa rakaropafadzwa muchinangwa chaMwari.

Mutsa Une Rudo waMwari Haumbokundikani

13. (a) Kuratidzwa kupi kwomutsa une rudo waJehovha kunowanikwa muPisarema 136? (b) Mutsa une rudo chii chaizvo?

13 Jehovha akaramba achiratidza mutsa wake une rudo kuvaIsraeri sorudzi. Pisarema 136 rinorondedzera kuti nomutsa wake une rudo, akavanunura (Pis 136 Ndima 10-15), akavatungamirira (Pis 136 Ndima 16), uye akavadzivirira. (Pis 136 Ndima 17-20) Mwari akaratidzawo mutsa wake une rudo kumunhu mumwe nomumwe. Munhu anoratidza mutsa une rudo kune vamwe vanhu anozviita nemabasa okuzvidira nechinangwa chokupedza chimwe chinhu chinenge chichidiwa. Nezvomutsa une rudo, rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinotaura kuti: “Chiito chinochengetedza kana kuita kuti upenyu hubudirire. Kupindira uchibatsira mumwe munhu ane dambudziko kana kuti ari kushushikana.” Imwe nyanzvi inourondedzera ichiti “rudo runoratidzwa nezviito.”

14, 15. Nei tingava nechokwadi chokuti Roti aiva mushumiri aitenderwa naMwari?

14 Nhoroondo dzaGenesi dzataongorora dzinotiratidza kuti Jehovha haambokundikani kuratidza mutsa une rudo kune vaya vanomuda. Roti, Abrahamu naJosefa vakararama mumamiriro ezvinhu akasiyana uye vakatarisana nemiedzo yakasiyana. Vaiva vanhu vasina kukwana, asi vaiva vashumiri vanotenderwa naJehovha, uye vaitodawo kubatsirwa naMwari. Kuziva kuti Baba vedu vokudenga vane rudo vanotoratidzawo vanhu vakadaro mutsa une rudo kunofanira kutinyaradza.

15 Roti akaita zvimwe zvisarudzo zvokusachenjera zvakazomupinza mumatambudziko. (Genesi 13:12, 13; 14:11, 12) Asi, akaratidzawo humwe unhu hwakanaka kwazvo. Ngirozi mbiri dzaMwari padzakasvika muSodhomu, Roti akadzigamuchira. (Genesi 19:1-3) Nokutenda akanyevera vakuwasha vake nezvokuparadzwa kwakanga kwava kuda kuitwa Sodhomu. (Genesi 19:14) Maonero aiita Mwari Roti anowanikwa pana 2 Petro 2:7-9, patinoverenga kuti: “[Jehovha] akanunura Roti akarurama, uyo akanga achitambudzika zvikuru nokunyanyisa muunzenza kwevanhu vanozvidza mutemo—nokuti murume akarurama iyeye nezvaakaona nokunzwa paakanga achigara pakati pavo zuva nezuva akanga achirwadzisa mweya wake wakarurama nemhaka yemabasa avo okusateerera mutemo—Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo.” Hungu, Roti aiva murume akarurama, uye mataurirwo azvakaitwa apa anoratidza kuti aiva munhu anotya Mwari. Kufanana naye, tinonzwirwa mutsa une rudo naMwari sezvatinoita “mabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari.”—2 Petro 3:11, 12.

16. Bhaibheri rinotaura nemashoko api akanaka nezvaAbrahamu naJosefa?

16 Nhoroondo iri muna Genesi chitsauko 24 inonyatsojekesa ukama hwakasimba hwaivapo pakati paAbrahamu naJehovha. Ndima yokutangaGe 24:1 inotaura kuti “Jehovha wakanga aropafadza Abrahamu pazvinhu zvose.” Muranda waAbrahamu akadana Jehovha kuti “Mwari watenzi wangu Abrahamu.” (Ge 24 Ndima 12, 27) Uye mudzidzi Jakobho akati Abrahamu ‘akanzi akarurama’ uye “akasvika pakunzi ‘shamwari yaJehovha.’” (Jakobho 2:21-23) Ndizvo zvimwe chetezvo naJosefa. Ukama hwakasimba hwaiva pakati paJehovha naJosefa hunosimbiswa muchitsauko 39 chose chaGenesi. (Ge 39 Ndima 2, 3, 21, 23) Uyezve, nezvaJosefa, mudzidzi Stefani akati: “Mwari akanga anaye.”—Mabasa 7:9.

17. Tingadzidzei kubva mumienzaniso yaRoti, Abrahamu, naJosefa?

17 Vanhu vakaratidzwa mutsa une rudo waMwari vatichangobva kukurukura vaiva vanhu vane ukama hwakanaka naJehovha Mwari uye vaishandira chinangwa chaMwari munzira dzakasiyana-siyana. Vakatarisana nezvipingamupinyi zvavangadai vasina kugona kukunda vari voga. Chakanga chichinetsa apa chaiva chokuti Roti aizopona here, dzinza raAbrahamu raizoramba riripo here, uye basa raJosefa raizochengetedzwa here. Jehovha oga ndiye aigona kuita zvaidiwa nevarume ava vaimuda, uye ndizvo chaizvo zvaakaita kuburikidza nokupindira nezviito zvomutsa une rudo. Kuti tizonzwirwa mutsa une rudo naJehovha Mwari nokusingaperi, isuwo tinofanira kuva noukama hwakasimba naye, uye tinofanira kuramba tichiita zvaanoda.—Ezra 7:28; Pisarema 18:50.

Vashumiri vaMwari Vanonzwirwa Nyasha

18. Magwaro akasiyana-siyana omuBhaibheri anoratidza chii nezvomutsa une rudo waJehovha?

18 “Pasi pazere” nomutsa une rudo waJehovha, uye unhu hwaMwari uhwu tinohuda kwazvo! (Pisarema 119:64) Tinobvumirana nomwoyo wose nemashoko omunyori wepisarema anoramba achidzokororwa anoti: “Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!” (Pisarema 107:8, 15, 21, 31) Tinofara kuti Jehovha anonzwira vashumiri vake vaanotendera mutsa wake une rudo—kungava kumunhu mumwe nomumwe kana kuti vari boka. Mumunyengetero, muprofita Dhanieri akataura naJehovha sa“Mwari mukuru unotyisa, unosimbisa sungano yake nenyasha [“mutsa une rudo,” NW] dzake kune vanomuda, vanochengeta mirayiro yake.” (Dhanieri 9:4) Mambo Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Rambai muchiitira vanokuzivai [“mutsa wenyu une rudo,” NW].” (Pisarema 36:10) Tinofara sei kuti Jehovha anoratidza mutsa une rudo kuvashumiri vake!—1 Madzimambo 8:23; 1 Makoronike 17:13.

19. Munyaya inotevera, tichakurukura mibvunzo ipi?

19 Kutaura chokwadi, zvatiri vanhu vaJehovha tinonzwirwa nyasha! Kunze kwokungobatsirwa norudo rwaMwari runoratidzwa vanhu vose zvavo, tinowanawo zvikomborero zvedu toga zvinobva pamutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika rwaBaba vedu vokudenga. (Johani 3:16) Kunyanya munguva yokushayiwa ndipo patinobatsirwa nounhu uhwu hunokosha hwaJehovha. (Pisarema 36:7) Asi tingatevedzera sei mutsa une rudo waJehovha Mwari? Isu somunhu oga tiri kuratidza here unhu uhwu hwakaisvonaka? Mibvunzo iyi nemimwe yakafanana nayo ichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Mashoko okuti “mutsa une rudo” anogona kushandurwazve achinzi kudii muMagwaro?

• Mutsa une rudo unosiyana sei norudo uye kuvimbika?

• Jehovha akaratidza mutsa une rudo kuna Roti, Abrahamu naJosefa munzira dzipi?

• Tinogona kuwana chivimbo chei nokuratidzwa kwakamboitwa mutsa une rudo naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Unoziva nzira iyo Mwari akanzwira nayo Roti mutsa une rudo here?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Nomutsa wake une rudo, Jehovha akatungamirira muranda waAbrahamu

[Mifananidzo iri papeji 16]

Jehovha akaratidza mutsa une rudo nokudzivirira Josefa