Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimbika Kunotungamirira Vakarurama

Kuvimbika Kunotungamirira Vakarurama

Kuvimbika Kunotungamirira Vakarurama

“MUNHU wakazvarwa nomukadzi une mazuva mashoma, azere nokutambudzika,” rinodaro Bhaibheri. (Jobho 14:1) Marwadzo nokutambura zvinoita sokuti ndihwo upenyu hwevanhu vose. Pakuti kunyange upenyu hwezuva nezuva hunogona kuzara nokuzvidya mwoyo nokuchema! Chii chichabudirira kutitungamirira mumamiriro ezvinhu anoedza nokutibatsira kuramba takarurama pamberi paMwari?

Funga nezvomuenzaniso womumwe murume akanga akapfuma ainzi Jobho, akararama makore anenge 3 500 apfuura mune yavakunzi Arabia. Satani akatambudza kwazvo uyu murume aitya Mwari! Akarasikirwa nezvipfuyo zvake uye vana vake vaaida. Pasina nguva refu, Satani akarova Jobho nemamota kubva kumusoro kusvika kutsoka. (Jobho, zvitsauko 1, 2) Jobho akanga asingazivi kuti nei zvinhu zvakashata zvaiitika kwaari. Asi, “Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:10) “Handizorasi ku[vimbika] kwangu kusvikira ndafa!” akadaro. (Jobho 27:5 NW) Hungu, kuvimbika kwaJobho kwakamutungamirira mumiedzo yake yose.

Kuvimbika kunotsanangurwa sokunaka kana kuti kukwana kwemafungiro uye kunosanganisira kuva asina chaanopomerwa uye asina mhaka mukuona kwaMwari. Zvisinei, hakurevi kuti vanhu vasina kukwana vanofanira kutaura nokuita sevanhu vakakwana, avo vangasagona kunyatsoita zvinodiwa naMwari. Asi, kuvimbika kwevanhu kunoreva kuva nomwoyo wakakwana kuna Jehovha nokuchinangwa chake nokuda kwake. Kuzvipira kuna Mwari kwakadaro, kunotungamirira vakarurama mumamiriro ezvinhu ose uye nguva dzose. Chikamu chokutanga chechitsauko chechi11 chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinoratidza kuti kuvimbika kwedu kunogona sei kutitungamirira muzvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu uye chichitivimbisa zvikomborero zvinozotevera. Saka nechido chikuru ngationei zvakanyorwa ipapo.

Kuvimbika Kunoita Kuti Munhu Atendeseke Mubhizimisi

Achisimbisa nezvokutendeseka, achishandisa mutauro wokudetemba kwete womutongi, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Chiyero chinonyengedzera chinonyangadza kuna Jehovha; asi kurema kwakakwana kunomufadza.” (Zvirevo 11:1) Apa ndipo pokutanga panzvimbo ina mubhuku raZvirevo panoshandiswa zviyereso nezvikero kureva kuti Jehovha anoda kuti vanamati vake vave vakatendeseka mune zvemabhizimisi.—Zvirevo 16:11; 20:10, 23.

Kubudirira kwevaya vanoshandisa zviyereso zvinonyengera—kana kuti kusatendeseka—kungava kunokwezva. Asi zvechokwadi tingada kusiya mitemo yaMwari yezvakanaka nezvakaipa kuburikidza nokuita tsika dzebhizimisi dzakashata here? Hatidaro kana tichitungamirirwa nokuvimbika. Tinosiyana nokusatendeseka nokuti chiyero chakakwana, icho chiyero chakarurama chinoreva kutendeseka, chinofadza Jehovha.

“Uchenjeri Huri Kune Vanozvininipisa”

Mambo Soromoni anoenderera mberi achiti: “Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; asi uchenjeri huri kune vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Kuzvikudza—kungava kuri kwokudada, kusateerera, kana kuti kuchiva—kunounza kunyadziswa. Kune rumwe rutivi, kuchenjera kubvuma nokuzvininipisa zvatisingakwanisi. Mienzaniso yomuMagwaro inoratidza chokwadi chechirevo ichi zvakazonaka!

Mumwe muRevhi aiva noruchiva, ainzi Kora, akatungamirira mhomho yevapanduki kurwisana nechiremera chevashumiri vakagadzwa naJehovha, Mosesi naAroni. Chiito ichocho chokuzvikudza chakaguma sei? ‘Nyika yakashamisa muromo wayo ikamedza’ vamwe vevapanduki vacho, asi vamwe, kusanganisira Kora, vakaparadzwa nomoto. (Numeri 16:1-3, 16-35; 26:10; Dheuteronomio 11:6) Kunyadziswa kwakadini! Funga nezvaUza, uyo nokuzvikudza akasvoverera akabata areka yesungano achida kuti isawe. Akarohwa akafira pakarepo. (2 Samueri 6:3-8) Zvinokosha sei kuti tisiyane nokuzvikudza!

Munhu anozvininipisa uye ane mwero kunyange akakanganisa haanyadziswi. Jobho, kunyange aiita zvakanaka munzira dzakawanda, aive asina kukwana. Miedzo yake yakafumura chimwe chinana chaiva mumamwe mafungiro ake. Paaiedza kuzvidzivirira kuvapomeri vake, Jobho akapedzisira asisazivi zvaari kutaura. Akatotaura zvairatidza kuti aive akarurama kupfuura Mwari. (Jobho 35:2, 3) Jehovha akaruramisa sei Jobho?

Achitaura nezvepasi, gungwa, denga rizere nenyeredzi, dzimwe mhuka, nezvimwe zvinhu zvakasikwa zvinoshamisa, Jehovha akapa Jobho chidzidzo nezvouduku hwomunhu achienzaniswa noukuru hwaMwari. (Jobho, zvitsauko 38-41) Jehovha hapana paakambotaura chikonzero nei Jobho aitambura. Zvakanga zvisina basa kuti adaro. Jobho aiva nomwero. Akabvuma nokuzvininipisa musiyano mukuru uri pakati pake naMwari, pakati pokusakwana nokusasimba kwake nokururama kwaJehovha nesimba. “Ndinozvisema,” akadaro, “nokuzvidemba muguruva nemadota.” (Jobho 42:6) Kuvimbika kwaJobho kwakamuita kuti akurumidze kubvuma kutsiurwa. Ko isu? Tichitungamirirwa nokuvimbika, tingakurumidza kubvuma kutsiurwa kana kuti kururamiswa pazvinenge zvichidiwa here?

Mosesi aivawo nomwero uye aizvininipisa. Paaineteswa nokutarisira zvinetso zvevamwe, vatezvara vake, Jetero, vakamupa zano rokutevedzera: Ipawo vamwe varume vakakodzera mimwe mitoro. Achiziva zvaakanga asingakwanisi, Mosesi akabvuma zano racho nokuchenjera. (Eksodho 18:17-26; Numeri 12:3) Munhu ane mwero haazenguriri kupa basa rokutarisira kune vamwe, kana kutyira kuti angangotorerwa simba kuburikidza nokupawo vamwe varume vakakodzera mimwe mitoro. (Numeri 11:16, 17, 26-29) Anotova nechido chokuvabatsira kuti vafambire mberi mumudzimu. (1 Timoti 4:15) Handizvo zvatinofanira kuita here?

‘Nzira Yeasina Chaanopomerwa Yakarurama’

Achiziva kuti kuvimbika hakudziviriri akarurama pangozi nenyatwa nguva dzose, Soromoni anoti: “[Kuvimbika] kwevakarurama kuchavatungamirira; asi kusarurama kwevanonyengedzera kuchavaparadza.” (Zvirevo 11:3) Zvechokwadi kuvimbika kunotungamirira vakarurama kuita zvakanaka mukuona kwaMwari, kunyange zvinhu zvakaoma, uye nokufamba kwenguva zvinovabatsira. Jobho akaramba kusiya kuvimbika kwake, uye Jehovha “akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.” (Jobho 42:12) Vaya vanoita zvokunyengera vangafunga kuti vari kuzviyamura vachishandisa mumwe munhu uye vangatoita sevabudirira kwenguva yakati. Asi pakupedzisira kunyengera kwavo kunozovaparadza.

“Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa,” anodaro mambo akachenjera, “asi kururama kunorwira parufu.” (Zvirevo 11:4) Kupusa kwakadini kufondokera kuwana pfuma asi woshaya nguva yokudzidza woga, kunyengetera, kupinda misangano, uye kuita basa romumunda—mabasa chaiwo anoita kuti rudo rwedu kuna Mwari rudzame uye kuzvipira kwedu kwaari kusimbe! Hapana pfuma yakawanda zvokuponesa padambudziko guru riri kuuya. (Mateu 24:21) Kururama chete ndiko kuchaponesa. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Saka tinenge tachenjera kana tikateerera kurudziro yaZefania inoti: “Zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro.” (Zefania 2:2, 3) Nguva iyoyo isati yasvika ngachive chinangwa chedu ‘kukudza Jehovha nezvatinazvo.’—Zvirevo 3:9.

Achiwedzera kusimbisa kukosha kwokutevera kururama, Soromoni anosiyanisa zvinoguma zvaitika kune asina chaanopomerwa nezvinoitika kune akaipa, achiti: “Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake; asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake. Kururama kwavakarurama kuchavarwira; asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo. Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; tariro yavakashata inoparadzwa. Wakarurama unorwirwa pakutambudzika; wakaipa unopinda pachigaro chake.” (Zvirevo 11:5-8) Munhu asina chaanopomerwa haawiri munzira dzake pachake kana kubatwa nemisungo yake. Nzira yake yakati twasu. Pakupedzisira, vakarurama vachanunurwa pamatambudziko. Vakaipa vangaita sevane simba, asi kunyange zvakadaro havasati vachizoponeswa.

“Guta Rinofara Kwazvo”

Kuvimbika kwevakarurama nouipi hwevanoita zvakaipa zvine chazvinoita pane vamwe vanhuwo. “Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake,” anodaro mambo weIsraeri, “asi wakarurama ucharwirwa nezivo.” (Zvirevo 11:9) Ndiani asingabvumi kuti kuchera, makuhwa, kutaura kwakashata, nokungotaura zvisina basa zvinokuvadza vamwe? Ukuwo, kutaura kweakarurama kwakachena, anotanga anyatsofunga kuti vamwe vachanzwa sei. Anorwirwa nezivo nokuti kuvimbika kwake kunomuita kuti ave nemashoko anodiwa kuti aratidze kuti vanomupomera vari kunyepa.

“Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo,” anoenderera mberi mambo wacho, “kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.” (Zvirevo 11:10) Vakarurama vanowanzodiwa nevamwe, uye vanoita kuti vavakidzani vavo vanzwe vachifara. Hapana munhu anoda “vakaipa” zvechokwadi. Apo vanhu vakaipa vanofa, havawanzochemwi nevanhuwo zvavo. Zvechokwadi zvichange zvisingasuwisi apo Jehovha ‘achaparadza vakaipa panyika uye achadzura vanoita nokunyengedzera.’ (Zvirevo 2:21, 22) Pachatova nomufaro nokuti vanenge vasisipo. Asi zvakadini nesu? Tingaita zvakanaka tikafunga nezvomufambiro wedu kuti unoita kuti vamwe vafare here?

“Guta Rinokudzwa”

Achienderera mberi achisiyanisa zvinoitwa nevakarurama uye nevakaipa kuvamwe vanhu, Soromoni anoti: “Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.”Zvirevo 11:11.

Vanhu vomuguta vanotevera nzira yakarurama vanoita kuti muve norugare nokugarisana zvakanaka uye vanosimudzira vamwe munzanga. Saka guta rinokudzwa—rinobudirira. Vaya vanotaura zvokunyomba, zvokurwadzisa, uye zvakaipa vanokonzera nyonganyonga, kusafara, kusabatana, uye zvinetso. Izvi zvinodaro zvikurukuru kana vanhu ava vaine zvinzvimbo zvine simba. Guta rakadaro rinenge risina kurongeka, riine uori, uye riine tsika dzakaipa kana upfumi hwakaderera.

Nheyo yomutemo yakataurwa pana Zvirevo 11:11 inoshanda zvakaenzana kuvanhu vaJehovha sezvavanosangana muungano dzavo dzakaita semaguta. Ungano inodzorwa nevanhu vakakura mumudzimu—vakarurama vanotungamirirwa nokuvimbika kwavo—iboka revanhu vanofara, vanoshingaira, uye vanobatsira, vachiunza rukudzo kuna Mwari. Jehovha anokomborera ungano yacho, uye inobudirira mumudzimu. Pano nepapo, vashomanana vangava vachinyunyuta uye vasingagutsikani, vanotsvakira vamwe mhosva uye votaura zvakashata nezvemaitiro anenge achiitwa zvinhu, vakaita so“mudzi une uturu” ungagona kupararira voshatisa vamwe vanga vasina kukanganiswa. (VaHebheru 12:15) Vakadaro kazhinji kacho vanoda simba rakawanda nomukurumbira. Vanodyara runyerekupe rwokuti pane kusaruramisira, chizivano chorudzi, nezvimwe zvakadaro, muungano kana kuti pakati pevakuru. Muromo wavo zvechokwadi unogona kuparadzanisa ungano. Hatifaniri here kuisa zvimiti munzeve kana vachitaura toedza kuva vanhu vakakura mumudzimu vanoita kuti muungano muve norugare nokubatana?

Achienderera mberi, Soromoni anoti: “Unoninipisa wokwake unoshayiwa uchenjeri; asi munhu une njere unoramba anyerere. Unofamba ane makuhwa, unobudisa zvakavanda; asi une mwoyo wakavimbika, unofukidza mhaka.”Zvirevo 11:12, 13.

Kukuvadza kwakadini kunoitwa nomunhu asinganzwisisi, kana kuti “unoshayiwa uchenjeri”! Anoramba achitaura asingafungi kusvika pakuita makuhwa nokunyomba. Vakuru vakagadzwa vanofanira kukurumidza kugumisa tsika iyoyo yakashata. Kusiyana ne“unoshayiwa uchenjeri,” munhu anonzwisisa anoziva pokunyarara. Panzvimbo pokufumura zvakavanzika, anofukidza nhau yacho. Achiziva kuti rurimi rusina kudzorwa runogona kukuvadza, munhu anonzwisisa “une mwoyo wakavimbika.” Akavimbika kuvaanonamata navo uye haabudisi nyaya dzakavanzika dzinogona kuvaisa mungozi. Vakavimbika vakadaro chikomborero chakadini kuungano!

Kuti atibatsire kufamba munzira yevasina chavanopomerwa, Jehovha anotipa zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvatinogadzirirwa zvichitungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Tinobatsirwawo zvikuru somunhu mumwe nomumwe nevakuru vechiKristu muungano dzedu dzinenge maguta. (VaEfeso 4:11-13) Zvechokwadi izvi tinozvionga, nokuti “kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; asi pavarayiri vazhinji ndipo pane ruponeso.” (Zvirevo 11:14) Chero zvikadini, ngatirambei takatsunga ‘kufamba nokuvimbika kwedu.’—Pisarema 26:1.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]

Kupusa kwakadini kufondokera kuwana pfuma wosiya mabasa okunamata Mwari!

[Mifananidzo iri papeji 24]

Jobho aitungamirirwa nokuvimbika, uye Jehovha akamukomborera

[Mufananidzo uri papeji 25]

Uza akafa nokuda kwokuzvikudza kwake