Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza

Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza

“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakuzorodzai”

Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza

“UYAI kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai,” akadaro Jesu Kristu. (Mateu 11:28) Uku kukokwa noMusoro weungano yechiKristu kunofadza sei! (VaEfeso 5:23) Patinofungisisa mashoko iwayo, tinobva tangonzwisisa kunobva zororo rinokosha—kuwadzana nehama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu pamisangano yechiKristu. Tinobvumirana zvechokwadi nomunyori wepisarema akanyora nezvo“kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—Pisarema 133:1.

Zvechokwadi, vatinosangana navo paungano idzodzo dzokunamata vakanakisisa, uye mamiriro ezvinhu omudzimu anenge aripo anofadza uye tinonzwa takachengeteka. Saka mumwe muKristu wechiduku akataura mashoko aya nechikonzero chakanaka achiti: “Ndinoenda kuchikoro zuva rose, uye ndinonzwa ndaneta. Asi misangano yakaita senzvimbo ine uswa hwakasvibira mugwenga, kwandinozorodzwa kuti ndizokwanisazve kuenda kuchikoro zuva rinotevera.” Mumwe wechiduku wokuNigeria akataura kuti: “Ndakaona kuti kugarosonganira nevaya vanoda Jehovha kunondibatsira kuramba ndiri pedyo naye.”

Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha inoshanda zvikuru senzvimbo yokunamata kwechokwadi munharaunda mainenge iri. Munzvimbo dzakawanda, misangano inoitirwa paImba yoUmambo kaviri pavhiki, uye vadzidzi veBhaibheri vanokurudzirwa kupinda nokukurumidza sezvinobvira kuti vabatsirwe nokusonganira kunozorodza kunoitwa ikoko.—VaHebheru 10:24, 25.

Chinhu Chinodiwa Nokukurumidza

Zvisinei, tinofanira kucherechedza kuti hazvisi Zvapupu zvaJehovha zvose zvinoshandisa Imba yoUmambo yakakodzera. Kuwedzera kunoshamisa kwevazivisi voUmambo pasi pose kwaita kuti chimwe chinhu chidiwe nokukurumidza. Zviuru zveDzimba dzoUmambo zvichiri kudiwa, kunyanya munyika dzichiri kusimukira.—Isaya 54:2; 60:22.

Kuenzanisira: Kwaingova neDzimba dzoUmambo gumi chete paungano 290 dzaiva muguta guru reDemocratic Republic of Congo. Nyika iyoyo yaida Dzimba dzoUmambo dzakawanda nokukurumidza. MuAngola ungano dzakawanda dzinopindira misangano panze nokuti kunongova neDzimba dzoUmambo shoma. Dzimba dzoUmambo dziri kudiwawo munyika dzakawanda.

Naizvozvo, kubvira muna 1999 pakaitwa urongwa hwokubatsira nokuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika dzine mari nezvokushandisa zvishoma. Zvapupu zvinoziva mabasa zvakazvipira kushandisa unyanzvi hwazvo kuti zvibatsire muzvirongwa zvokuvaka. Zvose izvozvo pazvinobatanidzwa nechido chokushandiswa uye kuwanika kwevanozvipira munharaunda dzacho, migumisiro yacho inokurudzira kwazvo. Uyezve, Zvapupu zvomunharaunda dzacho zviri kubatsirika nokurovedzwa kwazvinoitwa. Zvose izvi zviri kubatsira kuti Dzimba dzoUmambo dziri kudiwa dzivakwe munyika dzacho.

Nokudaro rubatsiro runoshanda runoenderana nezvinodiwa pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo kunosanganisira mitoo nezvishandiso zvomunharaunda idzi ruri kupiwa. Chinangwa hachisi chokungovaka Dzimba dzoUmambo dziri kudiwa zvakanyanya chete, asiwo kutanga chirongwa chokugadziridza chinoenderana nemamiriro ezvinhu omunharaunda idzi.—2 VaKorinde 8:14, 15.

Zvimwe Zviitiko Zvinofadza

Zviri kuitwa kuti vanhu vawane nzvimbo dzokunamatira zviri kubatsirei? Kumavambo a2001, mumwe mushumo waibva kuMalawi wakati: “Zvaitwa munyika ino zvinofadza kwazvo. Mumwedzi miviri iri kutevera, tichapedza Dzimba dzoUmambo dzokuwedzera.” (Mifananidzo 1 ne2) MuTogo mwedzi ichangobva kupfuura vazvipiri vakakwanisa kuvaka Dzimba dzoUmambo dzinoverengeka dzine mwero. (Mufananidzo 3) Basa rakanaka kwazvo riri kuitwa nevazvipiri vanodisisa riri kubatsirawo kuwanisa vanhu Dzimba dzoUmambo dzakakodzera muMexico, Brazil, nedzimwewo nyika.

Ungano dzinoona kuti panovakwa Imba yoUmambo, vanhu vomunharaunda vanobva vaziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisi kuzobvamo. Vamwe vanenge vakanga vasingadi kusonganira neZvapupu kusvikira pava nenzvimbo yakakodzera yokunamatira. Ungano yeNafisi kuMalawi inoshuma kuti: “Iye zvino zvatava neImba yoUmambo yakakodzera, zviri kuguma nouchapupu hwakanaka kwazvo. Saka zvava nyore kutanga zvidzidzo zveBhaibheri.”

VeUngano yeKrake kuBenin vakatsungirira kuzvidzwa kukuru munguva yakapfuura nokuti Imba yoUmambo yavaiva nayo kare yakanga yakasarira chaizvo ichienzaniswa nedzimwe chechi. (Mufananidzo 4) Zvino ungano yacho yava neImba yoUmambo yakanaka kwazvo inomiririra kunamata kwechokwadi munzira ine mwero asi ine chiremera. (Mufananidzo 5) Ungano iyi yaiva nevaparidzi voUmambo 34 neavhareji yevanhu 73 vaipinda misangano yeSvondo, asi 651 vaivapo pakatsaurirwa Imba yoUmambo iyoyo. Vakawanda vavo vaiva vanhu vomudhorobha racho vakashamiswa kwazvo pavakaona kuti Zvapupu zvaikwanisa kuvaka imba yokunamatira munguva pfupi pfupi. Richitaura nezvezvakaitika kare maererano neizvi, bazi reZimbabwe rakanyora kuti: “Mwedzi mumwe chete Imba yoUmambo itsva yavakwa, nhamba yevanopinda misangano inowanzopetwa kaviri.”—Mifananidzo 6 ne7.

Pasina mubvunzo Dzimba dzoUmambo itsva dzakawanda dzinobatsira kupa nzvimbo dzokuzorodzwa mumudzimu kuvaKristu vakazvitsaurira nevanhu vanofarira. “Tinofara zvikuru,” chakadaro chimwe Chapupu muUkraine pakatanga kushandisa ungano yomunharaunda yacho Imba yoUmambo itsva. “Takazvionera nemaziso edu kubatsira kunoita Jehovha vanhu vake.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10, 11]

Kutsigira Nomwoyo Wose Kunokosheswa

Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuona kufambira mberi kuri kuitwa kuti Dzimba dzoUmambo dziri kudiwa dzivakwe nokukurumidza pasi pose. Kuwedzera kuri kuramba kuchiita vanamati vaJehovha munyika dzakasiyana-siyana kunoda kuti Dzimba dzoUmambo itsva dzakawanda dzivakwe munguva iri mberi. Nokutika paavhareji mugore rebasa ra2001, ungano itsva 32 dzaiumbwa vhiki yoga yoga! Ungano dzakadaro dzinoda nzvimbo dzokuungana kuti dzinamate.

Mubvunzo ungamuka wokuti, ‘Tinotsigira sei nemari zvirongwa zvakadai sokuvakwa kweDzimba dzoUmambo, kunyanya munyika umo hama dzine mari shoma?’ Mhinduro yacho ine chokuita nokutsigira kwaMwari uye kupa kwevanhu.

Maererano nechipikirwa chake, Jehovha anodurura mudzimu mutsvene wake pavashumiri vake, achiita kuti “vashandire zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti vave norupo, vanoda kugoverana.” (1 Timoti 6:18) Mudzimu waMwari unoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvitsigire basa rokuparidza Umambo munzira dzose—kushandisa nguva yavo, simba, nezvimwewo zvinhu mumabasa echiKristu.

Chido chokupa nomwoyo wose ndicho chinokurudzira Zvapupu nevamwe vanobatsira nemari mubasa rokuwedzera uye rokuvaka. Kunze kwokubatsira kubhadhara mari inoshandiswa nguva dzose neungano dzavo, vanopa mipiro yebasa rokuvaka mune dzimwe nzvimbo dzenyika.

Muungano imwe neimwe, mune mabhokisi akanyorwa zvakajeka kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.” Vanhu vanogona kuisa mipiro yavo imomo kana vachida. (2 Madzimambo 12:9) Mipiro yose, yakakura kana miduku, inokosheswa. (Mako 12:42-44) Mari iyi inoshandiswa munzira dzakasiyana-siyana maererano nezvinodiwa, kusanganisira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Mari yakadaro haishandiswi kubhadhara vakuru vakuru vanotambiriswa mari nokuti Zvapupu zvaJehovha hazvina vakadaro.

Mipiro yebasa romunyika yose inoshandisirwa zvainopirwa here? Hungu inodaro. Bazi rokuLiberia—nyika yasakadzwa nehondo yevagari vemo—rinoshuma kuti Zvapupu zvizhinji zvemo hazvishandi uye zvinonetseka kwazvo nokushaya mari. Vanhu vaJehovha munyika iyi vangawana sei nzvimbo dzakakodzera dzokunamatira? “Mipiro yomwoyo wose inoitwa nehama dziri mune dzimwe nyika ichashandiswa kutsigira basa racho nemari,” inodaro hofisi yebazi. “Urongwa hwokuchenjera uye hworudo zvakadini!”

Hama dzomunyika yacho dzinopawo mipiro, pasinei nokuti varombo. Nyika yomuAfrica inonzi Sierra Leone inoshuma kuti: “Hama dzomunharaunda dziri kutsigira basa iri uye dzinofara kushandisa simba radzo uye kupa chero mipiro yemari yadzinogona kuti dzitsigire kuvakwa kweDzimba dzoUmambo.”

Pakupedzisira, kuvaka uku kunoita kuti Jehovha arumbidzwe. Hama dzokuLiberia dzinoti nomufaro: “Kuvakwa kwenzvimbo dzakakodzera dzokunamatira munyika ino yose kucharatidza vanhu kuti kunamata kwechokwadi kucharamba kuri muno uye kuchapa chiremera nokushongedza zita guru raMwari.”