Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kuchenjera here kuti muKristu wechokwadi ave pamariro kana kuti muchato uri kuitirwa muchechi?

Kuita kwedu chimwe chinhu mukunamata kwenhema hakufadzi Jehovha uye kunofanira kuregwa. (2 VaKorinde 6:14-17; Zvakazarurwa 18:4) Mariro anoitirwa muchechi chiito chokunamata chingatosanganisira mharidzo dzinotsigira pfungwa dzisiri mumagwaro dzakadai sokusafa kwomweya uye mubayiro wokudenga wevanhu vose vakanaka. Angasanganisira miitiro yakadai sokuita chiratidzo chomuchinjikwa uye kunyengetera pamwe chete nomupristi kana mufundisi. Minyengetero nemimwe miitiro yechitendero inopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri zvinogona kuitwawo pamichato yechitendero inoitirwa muchechi kana kuti kune imwewo nzvimbo. Ari muboka umo mumwe munhu wose ari kuita zviito zvokunamata kwenhema, muKristu angazviwana zvakaoma kusaita zviri kuita vamwe. Kusangwarira kwakadini kuzviisa parumananzombe pakadaro!

Zvakadini kana muKristu achifunga kuti hazvitomboiti kuti arege kuva pamariro acho kana kuti muchato uri kuitirwa muchechi? Somuenzaniso, murume asingatendi angakurudzira mudzimai wake wechiKristu kuva naye pachiitiko chakadaro. Angakwanisa kungoenda nomurume wake ongononyarara achiona zviri kuitwa here? Achiremekedza zvido zvomurume wake, mudzimai angasarudza kuenda naye, akatsunga kuti haazoiti zvipi zvazvo zvinenge zvichiitwa zvechitendero chenhema. Ukuwo, angasarudza kusaenda, achifunga kuti zvingazomuomera mupfungwa kusaita zvinenge zvichiitwa nevamwe, zvichida zvozomuita kuti apedzisire aputsa nheyo dzemitemo yaMwari. Ndiye anozvionera zvokuita oga. Zvechokwadi anoda kuva akagadzikana mumwoyo, aine hana yakachena.—1 Timoti 1:19.

Chipi zvacho chaangasarudza kuita, zvingava zvinomubatsira kutsanangurira murume wake kuti haakwanisi kubatanidzwa muzviitiko zvipi nezvipi zvechitendero kana kubatana nevamwe pakuimba nziyo dzechechi kana kukotamisa musoro panonyengeterwa. Zvichibva pakutsanangura kwomudzimai, murume angasvika pakuti kuvapo kwomudzimai wake kungatoita kuti zvinhu zvisazomufadza. Angasarudza kuenda oga nokuti anoda mudzimai wake, anoremekedza zvaanodavira, kana kuti nechido chokudzivisa kunyadziswa. Asi akaomerera pakuti aende naye, angangoenda kungonotarisa pasina chaari kuita.

Chimwe chisingafaniri kukanganwika manzwiro angangoita vamwe vatinonamata navo kana tikapinda muchivako chechitendero. Zvingakuvadza hana dzevamwe here? Zvingaderedza kudzivisa kwavo kubatanidzwa mukunamata zvifananidzo here? “[Ivai] nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro, “kuti muve vasina chavanopomerwa uye musingagumburi vamwe kusvikira pazuva raKristu.”—VaFiripi 1:10.

Kana chiitiko chacho chichibatanidza hama yepedyo, pangava nevomumhuri vanowedzera kufurira. Chipi zvacho chaangaita, muKristu anofanira kunyatsoona kuti zvii zvinobatanidzwa. Mune zvimwe zviitiko angasvika pamhedziso yokuti hapana chinetso chingabva pakuva pamariro kana kuti muchato zvinoitirwa muchechi somucherechedzi chete. Zvisinei, mamiriro ezvinhu angaita kuti kupinda kukuvadze hana yake kana kuti dzevamwe kupfuura kubatsira kwazvinoita kuva pachiitiko chacho. Chero zvikadini, muKristu anofanira kuva nechokwadi kuti zvaanosarudza kuita hazvikanganisi kuchengeta kwake hana yakanaka pamberi paMwari nevanhu.