Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ndiani?

Mwari Ndiani?

Mwari Ndiani?

“MWARI izita rinowanzopiwa simba guru kwazvo pasi nokudenga uye rinonamatwa nevanhu,” inodaro The Encyclopedia Americana. Shoko rokuti “Mwari” rinorondedzerwa nerimwe duramashoko kuti “chinhu chiriko zvechokwadi chikuru kupfuura zvose.” Chinhu chiriko zvechokwadi ichi chakaita sei?

Mwari isimba risiri munhu here kana kuti munhu chaiye? Ane zita here? Iye Utatu here, sezvinodavirwa nevakawanda? Tingasvika sei pakuziva Mwari? Bhaibheri rinopa mhinduro dzechokwadi uye dzinogutsa kumibvunzo iyi. Rinototikurudzira kutsvaka Mwari, richiti: ‘Haasiri kure nomumwe nomumwe wedu.’—Mabasa 17:27.

Isimba Risiri Munhu Here Kana Kuti Munhu Chaiye?

Vakawanda vanodavira muna Mwari vanofunga kuti iye isimba, kwete munhu. Somuenzaniso, mune dzimwe tsika, mabhanan’ana, madutu, chamupupuri nezvimwe zvakadai zvave zvichitorwa savanamwari. Vamwe vakaongorora uchapupu hwakaunganidzwa nemasayendisiti pavaitsvakurudza zvine chokuita nemamiriro akaita zviri muchadenga uye zvakaita upenyu pasi pano, vakasvika pakuti panofanira kuva paine Mukonzeri Wokutanga. Kunyange zvakadaro, vanozeza kutaura kuti Mukonzeri iyeye munhu.

Asi, sezvo zvinhu zvakasikwa zvakaoma kunzwisisa, hazviratidzi here kuti Mukonzeri Wokutanga anofanira kuva aiva noungwaru hwakakura chaizvo? Pane ungwaru panotofanira kuva nepfungwa. Pfungwa huru dzakaita kuti zvisikwa zvose zvivepo ndedzaMwari. Hungu, Mwari ane muviri, kwete wenyama sowedu, asi muviri womudzimu. “Kana kune muviri wenyama,” rinodaro Bhaibheri, “kunewo womudzimu.” (1 VaKorinde 15:44) Richitsanangura zvakaita Mwari, Bhaibheri rinonyatsoti: “Mwari Mudzimu.” (Johani 4:24) Mudzimu une upenyu hwakasiyana kwazvo nohwedu, uye hauoneki nemaziso evanhu. (Johani 1:18) Kunewo zvisikwa zvomudzimu zvisingaoneki. Ingirozi—“vanakomana vaMwari.”—Jobho 1:6; 2:1.

Sezvo Mwari ari munhu ane muviri womudzimu asina kuita zvokusikwa, zvakakodzera kuti ave nenzvimbo yokugara. Richitaura nezvenzvimbo inogara zvisikwa zvomudzimu, Bhaibheri rinotiudza kuti kumatenga ndiko ‘kunogara’ Mwari. (1 Madzimambo 8:43) Uyezve, munyori weBhaibheri Pauro anoti: ‘Kristu akapinda mudenga chaimo kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.’—VaHebheru 9:24.

Shoko rokuti “mudzimu” rinoshandiswawo muBhaibheri pane imwe pfungwa. Achitaura naMwari mumunyengetero munyori wepisarema akati: “Munotuma [“mudzimu,” NW] wenyu, izvo ndokusikwa.” (Pisarema 104:30) Mudzimu uyu hausi Mwari pachake asi isimba rinotumwa kana kushandiswa naMwari kuita chero zvaanoda. Achishandisa simba iri, Mwari akasika matenga atinoona, pasi pano, nezvinhu zvose zvipenyu. (Genesi 1:2; Pisarema 33:6) Mudzimu wake unodanwa kuti mudzimu mutsvene. Mwari akashandisa mudzimu mutsvene wake kufuridzira varume vakanyora Bhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Saka, mudzimu mutsvene isimba rinoshanda risingaonekwi rinoshandiswa naMwari kuita zvinangwa zvake.

Mwari Ane Zita Risina Mumwe

Munyori weBhaibheri Aguri, akabvunza kuti: “Ndiani wakaunganidza mhepo muchanza chake? Ndiani wakasungira mvura munguvo yake? Ndiani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake?” (Zvirevo 30:4) Zvakanga zvichibvunzwa naAguri chaizvo ndezvokuti, ‘Unoziva zita kana dzinza romunhu akaita zvinhu izvi here?’ Mwari oga ndiye ane simba rokudzora mhepo, giravhiti nemamwe masimba akadai. Nepo zvakasikwa zvichipa umboo hwakasimba hwokuti Mwari ariko, hazvitauri zita raMwari. Tingatoti, taisazoziva zita raMwari kutoti Mwari pachake aitiudza. Uye akatiudza. “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu,” anodaro Musiki.—Isaya 42:8.

Zita raMwari iro risina mumwe rokuti Jehovha, rinowanikwa kanoda kusvika ka7 000 muMagwaro echiHebheru chete. Jesu Kristu akaita kuti zita iroro rizivikanwe nevamwe uye akarirumbidza pamberi pavo. (Johani 17:6, 26) Zita iroro rinowanikwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri mushoko rokuti “Hareruya,” zvinoreva kuti “rumbidzai Jah.” Uye “Jah” kudimburirwa kwezita rokuti “Jehovha.” (Zvakazarurwa 19:1-6, NW ref., mashoko omuzasi) Asi maBhaibheri akawanda emazuva ano haawanzoshandisi zita iroro. Anowanzoshandisa shoko rokuti “ISHE” kana kuti “MWARI,” rakanyorwa rose nemabhii makuru kurisiyanisa nemazita okuremekedza akajairwa okuti “Ishe” uye “Mwari.” Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti zita raMwari ringadaro raidaidzwa richinzi Yahwe.

Nei paine maonero akasiyana zvakadaro pamusoro pezita roMunhu mukuru kupfuura vose pasi nokudenga? Dambudziko racho rakatanga zviuru zvemakore zvakapfuura apo vaJudha vaitenda mashura vakarega kududza zita raMwari, vakatanga kuisa shoko rechiHebheru rokuti “Changamire Ishe” pose pavaiona pane zita raMwari sezvavaiverenga Magwaro. Sezvo chiHebheru chomuBhaibheri chainyorwa chisina mavhawero, hapana nzira yokunyatsoziva nayo madaidziro aiita Mosesi, Dhavhidhi nevamwe vekare mabhii mana anoumba zita raMwari. Zvisinei, madaidziro echiShona okuti Jehovha, ave achishandiswa kwemazana emakore, uye vanhu vakawanda nhasi vanobvuma kudaidzwa kwarinoitwa kwakada kufanana mune mimwe mitauro.—Eksodho 6:3; Isaya 26:4, King James Version.

Kunyange zvazvo pasina anonyatsoziva madaidzirwo aiitwa zita raMwari muchiHebheru, zvarinoreva hazvina kuvanzika zvachose. Zita rake rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Nokudaro Jehovha Mwari anozviratidza kuti ndiye Muiti Wezvinangwa Mukuru. Nguva dzose anoita kuti zvinangwa nezvipikirwa zvake zviitike. Mwari wechokwadi bedzi, ane simba rokuita izvi, ndiye ane kodzero yokuva nezita iroro.—Isaya 55:11.

Hapana mubvunzo kuti zita rokuti Jehovha rinoita kuti Mwari Wemasimba Ose ave akasiyana nevamwe vanamwari vose. Ndicho chikonzero nei zita iroro richiwanika kakawanda kwazvo muBhaibheri. Nepo dzimwe shanduro dzisingashandisi zita raMwari, Pisarema 83:18 rinotaura zvakajeka kuti: “Imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” Muushumiri hwake, Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kuti: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Mateu 6:9) Saka tinofanira kushandisa zita raMwari patinonyengetera, patinotaura nezvake, uye patinomurumbidza kune vamwe.

Jesu ndiMwari Here?

Jehovha Mwari pachake anonyatsojekesa kuti Mwanakomana wake ndiani. Evhangeri yaMateu inorondedzera kuti Jesu abhabhatidzwa, “kwakanga kune inzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.’” (Mateu 3:16, 17) Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.

Asi vamwe vanhu vezvitendero vanoti Jesu ndiMwari. Vamwe vanoti Mwari Utatu. Maererano nedzidziso iyi, “Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mweya Mutsvene ndiMwari, asi havasiri vanamwari vatatu asi Mwari mumwe.” Zvinonzi vatatu ava “vose havana magumo uye vose vakaenzana.” (The Catholic Encyclopedia) Pfungwa idzodzo dzakarurama here?

NezvaJehovha, Magwaro akafuridzirwa anoti: “Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.” (Pisarema 90:2) Ndi“Mambo asingagumi”—asina mavambo kana magumo. (1 Timoti 1:17) Ukuwo, Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose,” “wokutanga wezvakasikwa naMwari.” (VaKorose 1:13-15; Zvakazarurwa 3:14) Achitaura nezvaMwari saBaba vake, Jesu akati: “Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Jesu akatsanangurawo kuti paiva nezvinhu izvo iye kana ngirozi vaisaziva asi zvaizivikanwa naMwari chete. (Mako 13:32) Uyezve Jesu akanyengetera kuna Baba vake, achiti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Akanga achinyengetera kuna ani kana kusiri kuMunhu mukuru kupfuura iye? Uye ndiMwari akamutsa Jesu murufu, kwete kuti Jesu akazvimutsa.—Mabasa 2:32.

Saka, maererano neMagwaro Jehovha ndiMwari Wemasimba Ose, uye Jesu Mwanakomana wake. Vaviri ivavo vakanga vasina kuenzana Jesu asati auya pasi pano kana kuti paairarama pasi pano; uyezve Jesu haana kuzonoenzana naBaba vake amutsirwa kudenga. (1 VaKorinde 11:3; 15:28) Sezvataona, mudzimu mutsvene, unonzi munhu wechitatu woUtatu, hausi munhu. Asi, isimba rinoshandiswa naMwari kuita chero zvaanoda. Saka Utatu haisi dzidziso yomuMagwaro. * “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,” rinodaro Bhaibheri.—Dheuteronomio 6:4.

Ziva Mwari Zviri Nani

Kuti tide Mwari tozvipira kwaari oga sezvakamufanira, tinofanira kumuziva sezvaari chaizvo. Tingaziva sei Mwari zviri nani? “Izvo zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake.” (VaRoma 1:20) Imwe nzira yokuziva nayo Mwari zviri nani ndeyokucherechedza nokufungisisa tichionga zvaakasika.

Zvisinei, zvakasikwa hazvitiudzi zvose zvatinoda kuziva nezvaMwari. Somuenzaniso, kuti tinzwisise kuti iye Munhu chaiye womudzimu ane zita rake oga, tinofanira kutarira muBhaibheri. Tingatoti kudzidza Bhaibheri ndiyo nzira yakanakisisa yokuziva nayo Mwari zviri nani. MuMagwaro, Jehovha anotiudza zvimwe zvakawanda nezvokuti iye ndiMwari worudzii Anotitaurirawo zvinangwa zvake uye anotidzidzisa nzira dzake. (Amosi 3:7; 2 Timoti 3:16, 17) Tinogona kufara sei kuti Mwari anoda kuti ti“svike pazivo yakarurama yechokwadi” kuitira kuti tigone kubatsirwa nezvinhu zvaanotipa norudo! (1 Timoti 2:4) Saka, ngatiite zvose zvatinokwanisa kuti tidzidze zvatinogona pamusoro paJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Kana uchida panonyatsotsanangurwa nyaya iyi, ona bhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Mwari akashandisa mudzimu mutsvene wake kusika pasi nokufuridzira varume kunyora Bhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 5]

Inzwi rinobva kudenga rakati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu akanyengetera kuna Mwari—Munhu mukuru kwaari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe nevamwe

[Mifananidzo iri papeji 7]

Tinogona kuziva Mwari zviri nani