Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Mutsa Une Rudo Kune Vaya Vanoda Kubatsirwa

Ratidza Mutsa Une Rudo Kune Vaya Vanoda Kubatsirwa

Ratidza Mutsa Une Rudo Kune Vaya Vanoda Kubatsirwa

“Mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro ne[“mutsa une rudo,” NW].”—ZEKARIA 7:9.

1, 2. (a) Nei tichifanira kuratidza mutsa une rudo? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

SHOKO raJehovha Mwari rinotikurudzira kuda [“mutsa une rudo,” NW].” (Mika 6:8) Rinotipawo zvikonzero zvokuti tiite kudaro. Somuenzaniso, “munhu une [“mutsa une rudo,” NW], unoitira mweya wake zvakanaka.” (Zvirevo 11:17) Izvozvo ndezvechokwadi chaizvo! Kuratidza mutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika, kunoita kuti tive noukama husingagumi nevamwe. Izvi zvichaita kuti tive neshamwari dzakavimbika—mubayiro unokosha zvechokwadi!—Zvirevo 18:24.

2 Uyezve, Magwaro anotiudza kuti: “Munhu unotsvaka kururama no[“mutsa une rudo,” NW] unowana upenyu.” (Zvirevo 21:21) Hungu, kuramba kwedu tichiratidza mutsa une rudo kuchaita kuti tidiwe naMwari uye kuchatiita kuti tizokwanisa kuwana zvikomborero munguva yemberi, kusanganisira upenyu husingaperi. Asi tingaratidza sei mutsa une rudo? Tinofanira kuuitira ani? Uye mutsa une rudo unosiyana nomutsawo zvawo here?

Mutsawo Zvawo uye Mutsa Une Rudo

3. Mutsa une rudo unosiyana papi nomutsawo zvawo?

3 Mutsawo zvawo wakasiyana munzira dzakatsaukana-tsaukana nomutsa une rudo. Somuenzaniso, vaya vanoratidza mutsa vanowanzozviita vasina zvakanyanya zvokuita nevanhu vacho vavanoitira mutsa. Zvisinei, kana tikaitira mumwe munhu mutsa une rudo, tinonzwa tichida munhu iyeye. MuBhaibheri, kuratidzwa kwomutsa une rudo pakati pevanhu kungavakirwa paukama hwagara huripo. (Genesi 20:13; 2 Samueri 3:8; 16:17) Kana kuti kungavakirwa paukama hunobva pazviito zvomutsa zvakamboitwa. (Joshua 2:1, 12-14; 1 Samueri 15:6; 2 Samueri 10:1, 2) Kuenzanisira kusiyana uku, regai tifananidze mienzaniso miviri yomuBhaibheri, mumwe womutsa uye mumwe womutsa une rudo zvairatidziranwa nevanhu.

4, 5. Mienzaniso miviri yomuBhaibheri inotaurwa pano inoratidza sei kusiyana kwakaita mutsawo zvawo nomutsa une rudo?

4 Mumwe muenzaniso womutsa unoitwa nevanhu une chokuita neboka revanhu raisanganisira Pauro rakanga rapwanyikirwa nechikepe. Dutu rakanga ravasundira kumahombekombe pachitsuwa cheMarita. (Mabasa 27:37–28:1) Kunyange zvazvo vanhu vepaMarita vakanga vasina kumbobvira vazivana nevanhu vaifamba nechikepe ava kana kumbova noukama navo, vakagamuchira vaenzi ava nomutsa, vachivaitira “mutsa unoshamisa.” (Mabasa 28:2, 7) Kugamuchira kwavakaita vaeni uku kwaiva kwomutsa, asi kwaiva kwemasanga uye kwakaitirwa vanhu vavaisaziva. Naizvozvo waiva mutsawo zvawo.

5 Kuti tienzanise, funga mutsa wakaitwa naMambo Dhavhidhi kuna Mefibhosheti, mwanakomana weshamwari yake Jonatani. Dhavhidhi akaudza Mefibhosheti kuti: “Iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.” Achitsanangura chikonzero nei akanga achiita urongwa uhwu, Dhavhidhi akamuudza kuti: “Zvirokwazvo ndichakuitira [“mutsa une rudo,” NW] nokuda kwaJonatani baba vako.” (2 Samueri 9:6, 7, 13) Mutsa uyo Dhavhidhi akaramba achiratidza unotaurwa nezvawo zvakakodzera sokuratidzwa kwomutsa une rudo, kwete mutsa chete, nokuti wairatidza kuvimbika kwaakaita kuukama hwakanga huripo. (1 Samueri 18:3; 20:15, 42) Saizvozvowo, nhasi vashumiri vaMwari vanoratidza mutsa kuvanhu vose zvavo. Asi, vanoramba vachiratidza mutsa une rudo, kana kuti rudo rwakavimbika, kune vaya vavane ukama navo hunotenderwa naMwari.—Mateu 5:45; VaGaratiya 6:10.

6. Zvinhui zvinoitwa nevanhu vane mutsa une rudo kune vamwe vanhu zvinonyatsooneka muShoko raMwari?

6 Kuti tizive zvinoitwa nomunhu ane mutsa une rudo, tichati ongororei nhoroondo nhatu dzomuBhaibheri dzinobudisa pachena unhu uhwu. Kubva mairi tichaona kuti mutsa une rudo unoitwa nevanhu (1) unoratidzwa nezviito chaizvo, (2) unoratidzwa nokuzvidira, uye (3) unoratidzwa kunyanya kune vaya vanoda kubatsirwa. Uyezve, nhoroondo idzi dzinoenzanisira kuti isu tingaratidza sei mutsa une rudo nhasi.

Baba Vanoratidza Mutsa Une Rudo

7. Muranda waAbrahamu akataurira Bhetueri naRabhani chii, uye inyaya yei yakamutswa nomuranda wacho?

7 Genesi 24:28-67 inopedzisa nyaya yomuranda waAbrahamu, ambotaurwa munyaya yatangira ino. Asangana naRebheka, akakokwa kumba kwababa vake, Bhetueri. (Ge 24 Ndima 28-32) Ndipo pakatanga kutsanangura muranda nyaya yose yokutsvakira mwanakomana waAbrahamu mudzimai. (Ge 24 Ndima 33-47) Akasimbisa kuti aiona kubudirira kwaakanga aita kusvikira panguva iyoyo sechiratidzo chaibva kuna Jehovha, “iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunun’una watenzi wangu.” (Ge 24 Ndima 48) Muranda ainyatsovimba kuti kurondedzera kwake nomwoyo wose nyaya yacho kwaizoita kuti Bhetueri nomwanakomana wake Rabhani vabvume kuti Jehovha akanga achitsigira rwendo rwacho. Muranda wacho akazoti: “Kana muchida kuitira tenzi wangu [“nomutsa une rudo,” NW] nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.”—Ge 24 Ndima 49.

8. Bhetueri akaita sei panyaya dzaiva nechokuita naRebheka?

8 Jehovha akanga atoitira Abrahamu mutsa une rudo kare. (Genesi 24:12, 14, 27) Bhetueri aizoita zvimwe chetezvo here nokutendera Rebheka kuenda nomuranda waAbrahamu? Mutsa une rudo waMwari waizozadzikiswa nomutsa une rudo womunhu here? Kana kuti rwendo rurefu rwomuranda uyu kwaizongova kufira nhando here? Muranda waAbrahamu anofanira kuva akanyaradzwa kunzwa Rabhani naBhetueri vachiti: “Chinhu ichi chinobva kuna Mwari.” (Ge 24 Ndima 50) Vakaziva kupindira kwaiita Jehovha munyaya vakabva vabvuma nomwoyo wose zvaakanga asarudza. Zvadaro, Bhetueri akaratidza mutsa wake une rudo nokuwedzera kuti: “Tarira, Rebheka uri pamberi pako, umutore, uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.” (Ge 24 Ndima 51) Rebheka akafarira kuenda nomuranda waAbrahamu, uye pasina nguva refu akanga ava mudzimai anodiwa waIsaka.—Ge 24 Ndima 49, 52-58, 67.

Mutsa Une Rudo Wakaratidzwa Nomwanakomana

9, 10. (a) Jakobho akakumbira mwanakomana wake Josefa kumuitirei? (b) Josefa akaitira sei baba vake mutsa une rudo?

9 Muzukuru waAbrahamu, Jakobho, akaitirwawo mutsa une rudo. Sezvinorondedzerwa muna Genesi chitsauko 47, panguva iyoyo Jakobho akanga achigara kuIjipiti, uye “nguva yokufa kwa[ke] yakanga yaswedera.” (Ge 47 Ndima 27-29) Akanga achinetseka nokuti aizofira kunze kwenyika yakanga yavimbiswa Abrahamu naMwari. (Genesi 15:18; 35:10, 12; 49:29-32) Zvisinei, Jakobho akanga asingadi kuvigwa muIjipiti, saka akaronga kuti mutumbi wake uzoendeswa kunyika yeKanani. Ndiani aizokwanisa kuona kuti chido chake chaitwa kana asiri mwanakomana wake aiva nesimba, Josefa?

10 Nhoroondo yacho inoti: “[Jakobho] akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari: Kana ndawana nyasha kwauri, . . . undiitire [“mutsa une rudo,” NW] nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti; asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, undondiviga muhwiro hwavo.” (Genesi 47:29, 30) Josefa akavimbisa kuita zvaakanga akumbirwa izvi, uye hapana kuzopera nguva refu, Jakobho achibva afa. Josefa nevamwe vanakomana vaJakobho vakaenda nomutumbi wake “kunyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda weMakpera, riya rakatengwa naAbrahamu.” (Genesi 50:5-8, 12-14) Naizvozvo Josefa akaitira baba vake mutsa une rudo.

Mutsa Une Rudo Wakaratidzwa Nomuroora

11, 12. (a) Rute akanzwira sei Naomi mutsa une rudo? (b) Kuratidza kwakaita Rute mutsa une rudo “pakupedzisira” kwaiva nani sei kupfuura kwaakaita “pakutanga”?

11 Bhuku raRute rinorondedzera kuti chirikadzi Naomi yakaitirwa sei mutsa une rudo nomuroora wayo wechiMoabhi Rute, aivawo chirikadzi. Naomi paakafunga kudzokera kuBheterehema kuJudha, Rute akaratidza mutsa une rudo nokutsunga, achiti: “Pamunoenda, neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Rute akazoratidza mutsa wake une rudo paakaratidza kuda kwake kuroorwa nehama yaNaomi yakanga yakura, Bhoazi. * (Dheuteronomio 25:5, 6; Rute 3:6-9) Bhoazi akaudza Rute kuti: “Pakupedzisira wakaita [“mutsa une rudo,” NW] kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vapfumi.”—Rute 3:10.

12 Kuratidza mutsa une rudo kwakaita Rute “pakutanga” kwaireva nguva yaakasiya vanhu vokwake akaramba aina Naomi. (Rute 1:14; 2:11) Kunyange chiito ichocho chakapfuurwa nokuratidza kwakaitwa mutsa une rudo “pakupedzisira”—kuda kwaRute kuroorwa naBhoazi. Zvino Rute aigona kuita kuti Naomi ave nomudyi wenhaka, sezvo Naomi akanga aguma ura. Vakaroorana, uye apo Rute akazopona mwana, vakadzi vomuBheterehema vakadanidzira kuti: “Naomi wakaponerwa mwanakomana.” (Rute 4:14, 17) Zvechokwadi Rute aiva “mukadzi wakanaka kwazvo,” uyo akazopiwa mubayiro naJehovha neropafadzo yakaisvonaka yokuva amai vatateguru vaJesu Kristu.—Rute 2:12; 3:11; 4:18-22; Mateu 1:1, 5, 6.

Wakaratidzwa Nezviito

13. Bhetueri, Josefa naRute vakaratidza sei mutsa wavo une rudo?

13 Wacherechedza here kuti Bhetueri, Josefa naRute vakaratidza sei mutsa une rudo? Havana kungoita izvi nemashoko omutsa asi nezviito chaizvo. Bhetueri haana kungoti chete, “Tarira, Rebheka uri pamberi pako” asi aka“tendera Rebheka . . . kuti aende.” (Genesi 24:51, 59) Josefa haana kungoti chete, “Ndichaita sezvamataura” asi iye nevakoma vake vakaitira Jakobho “sezvaakanga avarayira.” (Genesi 47:30; 50:12, 13) Rute haana kungoti chete, “pamunoenda, neni ndichaendapowo” asi akasiya vanhu vokwake akaenda naNaomi, zvokuti “ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBhetirehemi.” (Rute 1:16, 19) Kunyika yeJudha, Rute akaitazve “zvose zvaakanga arayirwa navamwene vake.” (Rute 3:6) Ichokwadi, mutsa une rudo waRute, kufanana nowevamwe, wakaratidzwa nezviito.

14. (a) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vanoratidza sei mutsa une rudo nezviito? (b) Zviito zvipi zvomutsa une rudo zvaunoziva zvinoitwa nevaKristu munharaunda yenyu?

14 Zvinonyevenutsa mwoyo kuona nzira iyo vashumiri vaMwari nhasi vanoramba vachiratidza nayo mutsa une rudo nezviito. Somuenzaniso, funga nezvevaya vanoramba vachikurudzira ndonda, vakaora mwoyo, kana kuti hama dzavo dzechiKristu dzayaura nenhamo. (Zvirevo 12:25) Kana kuti funga Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinogarotakura nemotokari vakwegura kuenda kuImba yoUmambo kunopinda misangano yevhiki nevhiki. Anna, ane makore 82 uye anotambudzwa nechirwere chearthritis, anotaura manzwiro anoita vamwe vakawanda paanoti: “Kutakurwa kuenda kumisangano chikomborero chinobva kuna Jehovha. Ndinomutenda nomwoyo wose nokundipa kwaakaita hama nehanzvadzi dzine rudo.” Uri kuitawo zvakadaro muungano menyu here? (1 Johani 3:17, 18) Kana uchidaro, ziva kuti mutsa wako une rudo unokosheswa kwazvo.

Unoratidzwa Nokuzvidira

15. Zvii zvinoitwa nomunhu ane mutsa une rudo zvinobudiswazve pachena nenhoroondo nhatu dzeBhaibheri dzatakurukura?

15 Nhoroondo dzeBhaibheri dzatakurukura dzinoratidzawo kuti mutsa une rudo unoratidzwa norusununguko uye nokuzvidira, kwete nokumanikidzwa. Bhetueri akabvumirana nomuranda waAbrahamu nokuzvidira, uye ndizvo zvakaitawo Rebheka. (Genesi 24:51, 58) Josefa akaratidza mutsa wake une rudo pasina aimumanikidza. (Genesi 50:4, 5) Rute akanga “atsungirira kwazvo kuenda na[Naomi].” (Rute 1:18) Naomi paakakurudzira Rute kuenda kuna Bhoazi, mutsa une rudo wakaita kuti muMoabhi uyu ataure kuti: “Zvose zvamunondiudza ndichazviita.”—Rute 3:1-5.

16, 17. Chii chinonyanya kuita kuti mutsa une rudo waBhetueri, Josefa, naRute uve unokosha zvikuru, uye chii chakavatuma kuuratidza?

16 Mutsa une rudo wakaratidzwa naBhetueri, Josefa, naRute unokosha kwazvo nokuti Abrahamu, Jakobho, naNaomi havana kuita zvokuvamanikidza. Pamusoro pazvo, Bhetueri akanga asingasungirwi nomutemo kuparadzana nomwanasikana wake. Aigona kudai akaudza muranda waAbrahamu nyore nyore kuti: ‘Aiwa, ndinoda kugara ndine mwanasikana wangu anobishaira.’ (Genesi 24:18-20) Saizvozvowo, Josefa akanga akasununguka kusarudza kuita kana kusaita zvaakakumbirwa nababa vake, nokuti Jakobho aizova afa uye haaigona kumumanikidza kuita zvaakanga avimbisa. Naomi pachake akaratidza kuti Rute akanga akasununguka kusara kuMoabhi. (Rute 1:8) Rute akanga akasunungukawo kuroorwa nomumwe we“majaya” pane kuroorwa naBhoazi akanga achembera.

17 Bhetueri, Josefa, naRute vakaratidza mutsa une rudo vachizvidira; pfungwa dzavo ndidzo dzaivatuma kudaro. Vakanzwa vaine mutoro wokuratidza unhu uhwu kune vavaiva noukama navo, kunyange sezvo Mambo Dhavhidhi akanzwa mutoro wokuhuratidza kuna Mefibhosheti.

18. (a) Vakuru vechiKristu ‘vanofudza boka’ nepfungwa yorudzii? (b) Mumwe mukuru akataura sei manzwiro aanoita nezvokubatsira vaanonamata navo?

18 Vanhu vaMwari, kusanganisira varume vanofudza boka raMwari, vachiri kuzivikanwa nomutsa une rudo. (Pisarema 110:3; 1 VaTesaronika 5:12) Vakuru vakadaro, kana kuti vatariri, vanonzwa mutoro wokuita maererano nokuvimbwa kwavakaitwa kuburikidza nokugadzwa kwavakaitwa. (Mabasa 20:28) Kunyange zvakadaro, basa ravo rokufudza nezvimwe zviito zvomutsa une rudo zvavanoitira ungano zvinoitwa, kwete “nokugombedzerwa, asi nokuzvidira.” (1 Petro 5:2) Vakuru vanofudza boka nokuti vane mutoro nechido chokuita kudaro. Vanoratidza mutsa une rudo kumakwai aKristu nokuti vanofanira kuita kudaro uye vanoda kudaro. (Johani 21:15-17) “Ndinoda kushanyira misha yehama kana kudziridzira runhare kwete nedzimwe vavariro asi kudziratidza kuti ndanga ndichidzifunga,” anodaro mumwe mukuru wechiKristu. “Kubatsira hama kunoita kuti ndigutsikane chaizvo!” Vakuru vane hanya vari kwose kwose vanobvumirana neizvi nomwoyo wose.

Kuratidza Mutsa Une Rudo Kune Vaya Vanoda Kubatsirwa

19. Nhoroondo dzeBhaibheri dziri kukurukurwa munyaya ino dzinosimbisa chii nezvomutsa une rudo?

19 Nhoroondo dzeBhaibheri dzatakurukura dzinoratidzawo kuti mutsa une rudo unofanira kuratidzwa kune vaya vane zvavanoda zvavasingagoni kuzviitira pachavo. Kuitira kuti dzinza rake rienderere mberi, Abrahamu aida kubatsirwa naBhetueri. Kuti mutumbi wake uendeswe kuKanani, Jakobho aida kuti Josefa amubatsire. Uye kuti ave nomudyi wenhaka, Naomi aida kuyamurwa naRute. Abrahamu, Jakobho, kana Naomi vaisagona kuita zvinhu izvozvo vasingabatsirwi. Saizvozvowo nhasi, mutsa une rudo unofanira kunyanya kuratidzwa kune vaya vanoda kubatsirwa. (Zvirevo 19:17) Tinofanira kutevedzera tateguru Jobho, uyo airwira “varombo vaichema, nenhererawo, nowaishayiwa mubatsiri” kusanganisira “waikarofa.” Jobho ‘aiitawo kuti mwoyo wechirikadzi ufare’ uye akava “meso amapofu, netsoka dzavanokamhina.”—Jobho 29:12-15.

20, 21. Ndivanaani vanoda kuitirwa mutsa une rudo nesu, uye mumwe nomumwe wedu anofanira kutsunga kuitei?

20 Chaizvoizvo, ‘varombo vanochema’ varimo muungano imwe neimwe yechiKristu. Izvi zvingabva pazvinhu zvakadai sokusurukirwa, kuora mwoyo, kunzwa uri munhu wenhando, kugumburwa, kurwara kwazvo, kana kuti kufa kwomumwe munhu waunoda. Pasinei nechinozvikonzera, vadiwa vose ivavo vane zvavanoda kubatsirwa izvo zvinogona kugadziriswa uye zvinofanira kugadziriswa nezviito zvomutsa une rudo zvatinoita tichida uye zvinoenderera mberi.—1 VaTesaronika 5:14.

21 Naizvozvo, ngatirambe tichitevedzera Jehovha Mwari, uyo “une [“mutsa une rudo,” NW].” (Eksodho 34:6; VaEfeso 5:1) Tinogona kuita izvi nokuita chimwe chinhu chaicho nokuzvidira, zvikurukuru kuchiitira vanenge vachida kubatsirwa. Uye zvechokwadi tichakudza Jehovha towana mufaro mukuru ‘sezvatinoitirana unyoro ne[“mutsa une rudo,” NW].’—Zekaria 7:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Kuti uwane mashoko akawanda pamusoro pemaroorerane avakaita, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 370, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Mutsa une rudo unosiyana sei nomutsawo zvawo?

• Bhetueri, Josefa, naRute vakaratidza mutsa une rudo munzira dzipi?

• Tinofanira kuratidza mutsa une rudo nepfungwa dzakadini?

• Ndivanaani vanoda kuitirwa mutsa une rudo nesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Bhetueri akaratidza sei mutsa une rudo?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Rudo rwakavimbika rwaRute chaiva chikomborero kuna Naomi

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mutsa une rudo unoratidzwa nomunhu nokuzvidira, uchioneka nokuita chimwe chinhu chaicho, uye uchiitirwa kune vanenge vachida kubatsirwa