Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kuziva Kuti Mwari Ndiani

Tinofanira Kuziva Kuti Mwari Ndiani

Tinofanira Kuziva Kuti Mwari Ndiani

HAZVIKUNAKIDZI here kuona nyeredzi dzakati farara nedenga rose usiku, kusina makore? Ko kunhuwirira kwemaruva akanaka hakufadzi here? Haunzwi kufara here nokuteerera nziyo dzeshiri nokupepereka kwemashizha pakunenge kuine kamhepo kanofefetera? Uye hakusi kunakidza ikoko kunoita whale dzine simba nezvimwe zvisikwa zvinogara mugungwa! Kwozoti vanhu vane hana inoshanda zvakanaka nouropi hunoshamisa. Ko iwe unoti zvinhu zvose zvinoshamisa zvakatikomberedza zvakavapo sei?

Vamwe vanodavira kuti zvose izvi zvakangonyuka. Asi kana izvi zvirizvo, nei vanhu vachidavira kuti kuna Mwari? Zvingaita sei kuti makemikari akasiyana-siyana anosangana oga pasina aronga kuti abudise zvisikwa zvinonzwa zvichida kunamata?

“Vanhu vanongozvarwa vachida zvokunamata uye hazvinei nokuti vapfumi kana kuti varombo, vanhu vakadzidza kana kuti vasina.” Mashoko aya akataura muchidimbu kutsvakurudza kwakanyorwa naPurofesa Alister Hardy mubhuku rake rinonzi The Spiritual Nature of Man. Kuongorora uropi kwakaitwa nguva ichangopfuura kwakaita kuti nyanzvi dzemashandiro ouropi dzifunge kuti vanhu vakangosikwa pfungwa dzavo dzakarerekera kune zvokunamata. Bhuku rinonzi Is God the Only Reality? rinoti: “Kubvira vanhu pavakatanga kuvapo, mutsika dzose nemazera ose, vanhu vanowanzotsvaka chinangwa choupenyu . . . kuburikidza nechitendero.”

Funga zvakataurwa makore anenge 2 000 apfuura nomumwe murume akanga akadzidza. Akanyora kuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Ndima yokutanga chaiyo yeBhaibheri inototaura kuti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.”—Genesi 1:1.

Zvisinei, Mwari ndiani? Vanhu vane mhinduro dzisingabvumirani pamubvunzo uyu. Paakabvunzwa kuti Mwari ndiani, mumwe mukomana achiri kuyaruka, anonzi Yoshi akapindura kuti: “Handinyatsoziva. Ndiri muBuddha, uye zvokuziva kuti Mwari ndiani hazvina kumbenge zvichikosha kwandiri.” Kunyange zvakadaro, Yoshi akabvuma kuti Buddha pachake anonamatwa nevakawanda. Nick, muzvinabhizimisi ane makore ari kuma60, anodavira muna Mwari uye anofunga kuti isimba guru kwazvo. Paakakumbirwa kutsanangura zvaanoziva pamusoro paMwari, Nick akamboti zii ndokuzopindura kuti: “Shamwari, iwoyo mubvunzo wakaoma chaizvo. Zvandingangotaura chete ndezvokuti Mwari ariko.”

Vamwe vanhu “vanonamata nokushumira zvakasikwa naMwari, panzvimbo poMusiki pachake.” (VaRoma 1:25, Today’s English Version) Mamiriyoni anonamata madzitateguru akafa, achidavira kuti Mwari ari kure zvikuru zvokusataurika naye. Muchitendero cheHindu, mune vanamwari nevanamwarikadzi vakawanda. Vanamwari vakasiyana-siyana, vakadai saZeusi naHemesi, vainamatwa mumazuva evaapostora vaJesu Kristu. (Mabasa 14:11, 12) Machechi akawanda echiKristudhomu anodzidzisa kuti Mwari Utatu, kureva kuti kuna Mwari Baba, Mwari Mwanakonama, uye Mwari Mweya Mutsvene.

Chokwadi, “kune ‘vanamwari’ vakawanda ne‘madzishe’ akawanda,” rinodaro Bhaibheri. Zvisinei, rinoenderera mberi richiti: “Chaizvoizvo kwatiri kuna Mwari mumwe Baba, zvinhu zvose zvinobva kwavari.” (1 VaKorinde 8:5, 6) Hungu, kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi. Asi ndiani? Akaita sei? Zvinokosha kuti tizive mhinduro dzemibvunzo iyi. Paainyengetera kuna Mwari uyu, Jesu pachake akati kwaari: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Pane chikonzero chokudavira kuti kuchengeteka kwedu nokusingaperi kunotsamira pakuziva kwedu chokwadi pamusoro paMwari.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Zvakavapo sei?

[Kwazvakatorwa]

Whale: Courtesy of Tourism Queensland

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Index Stock Photography © 2002