Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farira Kururama kwaJehovha

Farira Kururama kwaJehovha

Farira Kururama kwaJehovha

“Munhu, unotsvaka kururama nounyoro, unowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.”—ZVIREVO 21:21.

1. Mararamiroi evanhu mazuva ano aita kuti pave nemigumisiro yakashata?

“MUNHU unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 16:25) Chirevo cheBhaibheri ichi chinonyatsorondedzera mararamiro evanhu vakawanda mazuva ano! Kazhinji vanhu vanongofunga kuita zvavanoona zvakarurama, vasina basa kunyange nezvinokosha zvinodiwa nevamwe. (Zvirevo 21:2) Vanongotaura nomuromo chete kuti vanoteerera mitemo uye mwero yomunyika mavo asi vachitsvaka pokunzvenga napo panenge pangomuka mukana. Izvi zvinoita kuti vanhu vagume vava kuita mazvake mazvake, uye vavhiringidzika.—2 Timoti 3:1-5.

2. Chii chiri kutodiwa iye zvino chakanakira vanhu?

2 Kuti zvitinakire—uye kuti vanhu vose vave norugare norunyararo—iye zvino tiri kutoda mutemo kana kuti mwero wakarurama, uyo vanhu vose vanoda kugamuchira uye kuteerera. Zviri pachena kuti hapana mutemo kana mwero wakatangwa nomunhu upi noupi, zvisinei nokuti akangwara uye ari pachokwadi zvakadini, ungadiwa nevanhu vose. (Jeremia 10:23; VaRoma 3:10, 23) Kana mwero wakadaro uripo, ungawanikwa kupi uye ungava wakaita sei? Zvichida mubvunzo unonyanya kukosha ndowokuti, Kana mwero wakadaro uriko, iwe ungaufarira worarama maererano nawo here?

Kuwana Mwero Wakarurama

3. Ndiani anokwanisa kupfuura vose kupa mwero unogamuchirwa uye unobatsira vanhu vose, uye nei?

3 Kuti tiwane mwero unogamuchirwa uye unobatsira munhu wose, tinofanira kuenda kune mumwe munhu asingadzorwi nemiganhu yemadzinza, yetsika, neyezvematongerwe enyika uye asingavhiringidzwi nokutadza kwevanhu kufanoona zviri mberi uye kutadza kwavanoita kuita zvimwe zvinhu. Pasina mubvunzo munhu bedzi angakwanisa kuita izvi Musiki wemasimba ose, Jehovha Mwari, uyo anozivisa kuti: “Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.” (Isaya 55:9) Uyezve, Bhaibheri rinorondedzera Jehovha richimuti “Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) MuBhaibheri mose tinowana kutaura kwokuti “Jehovha wakarurama.” (Eksodho 9:27; 2 Makoronike 12:6; Pisarema 11:7; 129:4; Mariro aJeremia 1:18; Zvakazarurwa 19:2, NW ref., mashoko omuzasi) Hungu, tinogona kutarisa kuna Jehovha nokuda mwero wakanakisisa nokuti akatendeka, anoruramisira, uye akarurama.

4. Shoko rokuti “kururama” rinorevei?

4 Ichokwadi kuti shoko rokuti “kururama” haridiwi nevakawanda mazuva ano. Tingatoti, vanhu vakawanda havafari naro, vanotorizvidza, vachirienzanisa nokuva anodada, kana kuti anoda kuzvitora somutsvene kukunda vamwe vose uye akazvipira. Zvisinei, maererano nerimwe duramanzwi, “kururama” kunoreva “kururamisira, kunaka; kusava nemhosva, kusava nezvivi; kuita maererano nezvinodiwa nomutemo waMwari kana kuti mwero unogamuchirwa; kuita zvakarurama kana kuti neruramisiro.” Haungafariri mutemo kana kuti mwero unosanganisira zvinhu zvakaisvonaka kudaro here?

5. Rondedzera kururama sokutsanangurwa kwakunoitwa muBhaibheri.

5 Nezvokururama, Encyclopaedia Judaica inoti: “Kururama haisi pfungwa yokufungira mumwoyo chete asi kunoratidzwa nokuita zvakarurama muukama hwedu nevanhu vose.” Somuenzaniso, kururama kwaMwari hahusi unhu hunongova mupfungwa dzake chete kana kuti hwomunhu oga hwaanahwo, zvakadai soutsvene hwake nokuchena. Asi kuratidzwa kwezvaari munzira dzakarurama. Zvinogona kunzi nokuti Jehovha mutsvene uye akachena, zvose zvaanoita uye zvose zvinobva kwaari zvakarurama. Sezvinotaura Bhaibheri, “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, une nyasha pazvose zvaanoita.”—Pisarema 145:17.

6. Pauro akatii nezvevamwe vaJudha vomumazuva ake vakanga vasingatendi, uye nei?

6 Muapostora Pauro akasimbisa pfungwa iyi mutsamba yake kuvaKristu vaiva muRoma. Nezvevamwe vaJudha vakanga vasingatendi, akanyora kuti: “Nemhaka yokusaziva kururama kwaMwari asi vachitsvaka kuzviitira zvavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.” (VaRoma 10:3) Nei Pauro akataura nezvevakadaro kuti ‘vakanga vasingazivi kururama kwaMwari’? Vakanga vasina kudzidza Mutemo here, mwero wakarurama waMwari? Chokwadi vakaudzidza. Zvisinei, ruzhinji rwavo rwaiona kururama sokunaka kwomunhu pachake, kunofanira kuwanikwa nokuchengeta mitemo yechitendero zvakanyatsorurama, nokungwarira kukuru, pane kukuona semaitirwo ezvinhu anovatungamirira pane zvavanoita nevamwe vanhu. Kufanana nevatungamiriri vechitendero vomumazuva aJesu, havana kuona chinangwa chokururamisira nokururama.—Mateu 23:23-28.

7. Kururama kwaJehovha kunoratidzwa sei?

7 Kusiyana zvikuru naizvozvo, kururama kwaJehovha kunoratidzwa uye kunoonekwa zvakajeka mune zvose zvaanoita. Kunyange zvazvo kururama kwake kuchida kuti asangofuratira vanoita zvivi nemaune, izvozvo hazvimuiti Mwari asina ushamwari uye anorayira, asingafaniri kutaurwa naye. Kusiyana naizvozvo, zviito zvake zvakarurama zvakapa hwaro hwokuti vanhu vataure naye vonunurwa mumigumisiro inorwadza yechivi. Naizvozvo zvinonyatsokodzera kuti Jehovha anorondedzerwa sa“Mwari wakarurama noMuponesi.”—Isaya 45:21.

Kururama uye Ruponeso

8, 9. Mutemo wairatidza kururama kwaMwari munzira dzipi?

8 Kuti unzwisise kubatana kwakaita kururama kwaMwari nechiito chake chokuponesa, funga nezvoMutemo waakapa rudzi rwaIsraeri achishandisa Mosesi. Hapana mubvunzo kuti Mutemo wacho wakanga wakarurama. Mumashoko ake okuoneka, Mosesi akayeuchidza vaIsraeri kuti: “Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?” (Dheuteronomio 4:8) Mazana emakore gare gare, Mambo Dhavhidhi weIsraeri akazivisa kuti: “Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.”—Pisarema 19:9.

9 Kuburikidza noMutemo, Jehovha akajekesa mwero wake wakakwana wezvakarurama nezvakaipa. Mutemo wainyatsotaura zvose nezvokuti vaIsraeri vaifanira kuzvibata sei kwete chete munhau dzokunamata asi mune zvebhizimisi, ukama hwevakaroorana, miitiro yokudya neyokurasa tsvina, uye kunyangewo zvisarudzo zvomumatare. Mutemo waivawo nezvirango zvaipiwa vanoutyora, kunyange kuita kuti vamwe vatourayiwa. * Asi zvaidiwa naMwari zvakarurama, sezviri muMutemo, waiva mutoro wakakasharara uye wainetesa vanhu, waivatorera rusununguko nomufaro wavo, sezvinotaura vanhu vakawanda mazuva ano here?

10. Vaya vaida Jehovha vainzwa sei pamusoro pemitemo yake?

10 Vaya vaida Jehovha vaifarira mitemo nemirau yake yakarurama. Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi haana kungobvuma kuti zvakatemwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvakarurama chete, sezvataona, asiwo aizvida nokuzvionga nomwoyo wose. Nezvemitemo nezvakatemwa naJehovha, akanyora kuti: “Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura uchi nomusvi wamazinga ouchi. Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; pakuzvichengeta pane mubayiro mukuru.”—Pisarema 19:7, 10, 11.

11. Mutemo wakaratidza sei kuva ‘mudzidzisi anotungamirira kuna Kristu’?

11 Zviuru zvemakore zvakazotevera, Pauro akataura nezvokukosha kukuru kwoMutemo. Mutsamba yake kuvaGaratiya, akanyora kuti: “Mutemo wakava mudzidzisi wedu uchitungamirira kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nemhaka yokutenda.” (VaGaratiya 3:24) Mumazuva aPauro, mudzidzisi aiva mushumiri kana kuti muranda mumhuri yakakura. Basa rake raiva rokudzivirira vana nokuvaperekedza kuchikoro. Saizvozvowo, Mutemo waidzivirira vaIsraeri patsika dzakashata nemiitiro yokunamata yemarudzi akanga akavapoteredza. (Dheuteronomio 18:9-13; VaGaratiya 3:23) Uyezve, mutemo waiita kuti vaIsraeri vazive kuti vanotadza uye vanoda kukanganwirwa uye kuponeswa. (VaGaratiya 3:19) Urongwa hwezvibayiro hwairatidza kudiwa kwechibayiro chorudzikinuro uye hwakapa muenzaniso wouprofita uhwo Mesiya wechokwadi aizozivikanwa nawo. (VaHebheru 10:1, 11, 12) Nokudaro, Jehovha paairatidza kururama kwake kuburikidza noMutemo, aizviita achifunga nezvokugara zvakanaka kwevanhu nokuponeswa kwavo.

Vaya Vakanzi naMwari Vakarurama

12. VaIsraeri vangadai vakawanei nokunyatsochengeta Mutemo?

12 Sezvo Mutemo wakapiwa naJehovha waiva wakarurama munzira dzose, vaIsraeri pavaiuteerera vaigona kuzonzi naMwari vakarurama. Mosesi akayeuchidza vaIsraeri sezvavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa kuti: “Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarayirwa naye.” (Dheuteronomio 6:25) Uyezve, Jehovha akanga avimbisa kuti: “Chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.”—Revhitiko 18:5; VaRoma 10:5.

13. Jehovha akanga asingaruramisiri here paaida kuti vanhu vake vachengete Mutemo wake wakarurama? Tsanangura.

13 Zvinosuruvarisa kuti rudzi rwevaIsraeri rwakakundikana ‘kuita murayiro wose pamberi paJehovha’ vakabva vatadzawo kuwana zvikomborero zvavakanga vapikirwa. Vakatadza kuchengeta mirayiro yaMwari yose nokuti Mutemo waMwari wakanga wakakwana asi ivo vakanga vasina. Izvi zvinoreva here kuti Mwari haaruramisiri kana kuti haana kururama? Kwete. Pauro akanyora kuti: “Ipapo, tichatii? Mwari haana kururamisira here? Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro!” (VaRoma 9:14) Chokwadi ndechokuti vanhu, zvose Mutemo usati wapiwa uye wazopiwa, vakanzi vakarurama naMwari kunyange zvazvo vakanga vasina kukwana uye vaine zvivi. Vanhu vakadaro vaitya Mwari vanosanganisira Noa, Abrahamu, Jobho, Rakabhi naDhanieri. (Genesi 7:1; 15:6; Jobho 1:1; Ezekieri 14:14; Jakobho 2:25) Saka mubvunzo ndowokuti: Vanhu ava vainzi naMwari vakarurama pakudii kwacho?

14. Bhaibheri rinorevei parinotaura nezvomunhu kuti “akarurama”?

14 Bhaibheri parinotaura nezvomunhu kuti “akarurama,” harirevi kusava nezvivi kana kuti kukwana. Asi, rinoreva kuita kwomunhu zvaanotarisirwa naMwari nevanhu kuti aite. Kuenzanisira, Noa akanzi “munhu wakarurama” uye “asina mhosva mumarudzi ake” nokuti “akaita saizvozvo; sezvaakarayirwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:9, 22; Maraki 3:18) Zekariya naErizabheti, vabereki vaJohani Mubhabhatidzi, “vakanga vakarurama pamberi paMwari nemhaka yokufamba vasina chavanopomerwa maererano nemirayiro nezvinodiwa nomutemo zvaJehovha.” (Ruka 1:6) Uye mumwe aisava muIsraeri, mukuru mukuru weuto reItari ainzi Koneriyasi, akarondedzerwa so“murume akarurama, anotya Mwari.”—Mabasa 10:22.

15. Kururama kune chokuita nei zvikuru?

15 Uyezve, kururama kuri muvanhu kune chokuita zvikuru nezviri mumwoyo mavo—kutenda, kuonga uye kuda kwavanoita Jehovha nezvipikirwa zvake—uye kwete kungoita kwomunhu zvinodiwa naMwari. Magwaro anoti Abrahamu “akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.” (Genesi 15:6) Abrahamu aitenda zvose kuti Mwari ariko nechipikirwa chake che‘mbeu.’ (Genesi 3:15; 12:2; 15:5; 22:18) Zvichibva pakutenda kwakadaro nemabasa anoenderana nokutenda, Jehovha aigona kuva noukama naAbrahamu nevamwe vakanga vakatendeka uye kuvakomborera kunyange vakanga vasina kukwana.—Pisarema 36:10; VaRoma 4:20-22.

16. Kutenda murudzikinuro kwakaguma nei?

16 Saka kururama kwevanhu kunotsamira pakutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. NezvevaKristu vomuzana remakore rokutanga, Pauro akanyora kuti: “zviri sechipo chepachena kuti vari kunzi vakarurama nomutsa [waMwari] usina kufanirwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakaripwa naKristu Jesu.” (VaRoma 3:24) Ipapo Pauro aitaura nezvevaya vakasarudzwa kuti vave vadyi venhaka naKristu muUmambo hwokudenga. Asi chibayiro chorudzikinuro chaJesu chakavhurirawo mamiriyoni evamwe mukana wokuti vanzi naMwari vakarurama. Muapostora Johani akaona muchiratidzo “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, . . . vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena.” Nguo refu chena dzinofananidzira kuchena nokururama kwavo pamberi paMwari nokuti “vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.”—Zvakazarurwa 7:9, 14.

Kufarira Kururama kwaJehovha

17. Matanhoi anofanira kutorwa pakutevera kururama?

17 Nepo Jehovha norudo akapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, senzira iyo vanhu vanogona kunzi naye vakarurama, mugumisiro wacho haungoerekani waitika. Munhu anofanira kutenda murudzikinuro, kuita kuti upenyu hwake huenderane nezvinodiwa naMwari, kuzvitsaurira kuna Jehovha, uye kuratidza kuzvitsaurira ikoko nokubhabhatidzwa. Zvadaro, munhu anofanira kuramba achitevera kururama, nohumwe unhu hwomudzimu. Timoti, muKristu akabhabhatidzwa aiva netariro yokudenga, akarayirwa naPauro kuti: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Timoti 6:11; 2 Timoti 2:22) Jesu akasimbisawo kuti zvinodiwa kuramba uchiita chimwe chinhu paakati: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” Tingashanda nesimba kwazvo kutsvaka zvikomborero zvoUmambo hwaMwari, asi tinoshanda nesimba rakadaro here kutevera nzira dzakarurama dzaJehovha?—Mateu 6:33.

18. (a) Nei zvisiri nyore kutevera kururama? (b) Tingadzidzei mumuenzaniso waRoti?

18 Zvechokwadi, hazvisi nyore kutevera kururama. Izvi zvinodaro nokuti tose hatina kukwana uye tagara takarerekera pakuita zvisina kururama. (Isaya 64:6) Uyezve, takakomberedzwa nevanhu vasina basa zvakanyanya nenzira dzakarurama dzaJehovha. Mamiriro edu ezvinhu akafanana chaizvo neaRoti, uyo aigara muguta rakanga rakaipa kwazvo reSodhomu. Muapostora Petro akatsanangura chikonzero nei Jehovha akaona zvakakodzera kununura Roti muruparadziko rwaiuya. Petro akati: “Murume akarurama iyeye nezvaakaona nokunzwa paakanga achigara pakati pavo zuva nezuva akanga achirwadzisa mweya wake wakarurama nemhaka yemabasa avo okusateerera mutemo.” (2 Petro 2:7, 8) Saka mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Nechomumwoyo mangu ndinonzwa ndichitendera miitiro younzenza yatinoona yakatikomberedza here? Ndinongonzwa kusanakidzwa chete nevaraidzo kana mitambo yechisimba yakakurumbira here? Kana kuti ndinotambudzika nemabasa asina kururama sezvaiita Roti here?’

19. Tinogona kuwana zvikomboreroi kana tikafarira kururama kwaMwari?

19 Mumazuva ano ane ngozi uye asina chokwadi, kufarira kururama kwaJehovha ndiko kunotichengetedza nokutidzivirira. Kumubvunzo wokuti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene?” Mambo Dhavhidhi akapindura kuti: “Uyo, unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama.” (Pisarema 15:1, 2) Nokutevera kururama kwaMwari uye kukufarira, tinogona kuramba tiine ukama hwakanaka naye toramba tichiva nenyasha nechikomborero chake. Saka isu tine upenyu hwokugutsikana, kuzviremekedza, uye pfungwa dzakagadzikana. “Munhu, unotsvaka kururama nounyoro, unowana upenyu, nokururama, nokukudzwa,” rinodaro Shoko raMwari. (Zvirevo 21:21) Uyezve, kuedza zvose zvatinogona kuita zvakarurama pazvose zvatinoita kunoreva ukama hunofadza uye upenyu huri nani—mutsika nomumudzimu. Munyori wepisarema akazivisa kuti: “Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, naiye unoita zvakarurama nguva dzose.”—Pisarema 106:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kuti uwane mashoko akawanda okuti Mutemo waMosesi waibatanidza zvakawanda sei, ona nyaya inoti “Some Features of the Law Covenant,” pamapeji 214-20 mubhuku 2 raInsight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Kururama chii?

• Kuponeswa kwakabatana papi nokururama?

• Vanhu vanonzi naMwari vakarurama pakudii kwacho?

• Tingafarira sei kururama kwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Mambo Dhavhidhi akaratidza kuda mitemo yaMwari nomwoyo wose

[Mifananidzo iri papeji 16]

Noa, Abrahamu, Zekariya naErizabheti, uye Koneriyasi vakanzi naMwari vakarurama. Unoziva kuti nei here?