Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imhosva Yaani—Yako Here Kana Kuti Wakazvarwa Wakadaro?

Imhosva Yaani—Yako Here Kana Kuti Wakazvarwa Wakadaro?

Imhosva Yaani—Yako Here Kana Kuti Wakazvarwa Wakadaro?

MASAYENDISITI ari kushanda siku nesikati achiedza kutsvaka majini (genes) anokonzera udhakwa, ungochani, unzenza, chisimba, dzimwe tsika dzakarasa gwara, uye kunyange rufu pacharwo. Hazvingazorodzi here kuziva kuti zvatinoita haisi mhosva yedu asi kuti takazvarwa takadaro? Vanhu tagara tinoda kungopomera mumwe munhu kana chimwe chinhu kana takanganisa.

Kana iri mhosva yemajini, masayendisiti anoti zvinoita kuachinja, achibvisa unhu husingadiwi kuburikidza nokuchinja-chinja majini (genetic engineering). Kubudirira kuchangobva kuitwa pakuongorora marongerwo akaitwa majini ose omunhu kwasimbisazve tariro yokuita kudaro.

Zvisinei, kuti zvakadaro zviitwe, zviri kutorerwa pafungidziro yokuti majini akawanda atakapiwa ndiwo zvechokwadi ane mhosva yezvivi nezvikanganiso zvedu. Ko vaongorori vezvesayenzi vakawana umboo hwakakwana hwokupomera majini edu here? Ichokwadi kuti mhinduro yacho ichachinja kwazvo maonero atinozviita pachedu neremangwana redu. Zvisinei, tisati taongorora umboo hwacho, kumbotarira kwakabva vanhu kuchaita kuti tijekerwe.

Matangiro Azvakaita

Vanhu vakawanda vanoziva kana kuti vakambonzwa nhoroondo yokupinda muchivi kwakaita vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, mubindu reEdheni. Vakaitwa vaine majini akakanganisika kubva pamavambo chaipo, kakukanganisika mumagadzirirwo awo kwakaita kuti vangogara vari vanhu vanoda kuita zvivi uye vasateerera here?

Musiki wavo, Jehovha Mwari, ane mabasa ake ose akakwana, akazivisa kuti zvisikwa zvake zvose zvepasi zvaiva “zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31; Dheuteronomio 32:4) Sohumwe uchapupu hwokugutsikana kwake nebasa rake, akakomborera vaviri vokutanga ndokuvarayira kuti vabereke, vazadze pasi nevanhu, nokutarisira zvisikwa zvake zvepasi—zvingasatomboitwa nomumwe munhu asina chokwadi nebasa rake.—Genesi 1:28.

Nezvokusikwa kwevanhu vaviri vokutanga, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Izvi hazvirevi kuti vanhu vakaitwa kuti vafanane naMwari pachitarisiko, nokuti “Mwari mudzimu.” (Johani 4:24) Asi zvinoreva kuti vanhu vakapiwa unhu hwakafanana nohwaMwari, uye pfungwa yetsika, hana. (VaRoma 2:14, 15) Vaivawo vanhu vakasununguka, vanokwanisa kuyera nyaya vosarudza zvokuita.

Zvisinei, vabereki vedu havana kusiyiwa vasina nhungamiro. Asi, vakayambirwa nezvemigumisiro yokutadza. (Genesi 2:17) Saka uchapupu hunoratidza kuti Adhamu paakatarisana nokusarudza zvokuita, akasarudza kuita zvaakaona sezvakanga zvakanaka kuita kana kuti zvaibatsira panguva yacho. Akatevera mudzimai wake pachitadzo chake pane kufunga nezvoukama hwake noMusiki wake kana kuti kubatsira kwaaizoitwa kwenguva refu nezvaaizoita. Akazoedzawo kupomera Jehovha, achiti mudzimai waakanga amupa ndiye akamutsausa.—Genesi 3:6, 12; 1 Timoti 2:14.

Zvakaitwa naMwari pamusoro pechivi chaAdhamu naEvha zvine zvazvinojekesa. Haana kuedza kugadzirisa ‘kukanganiswa mumagadzirirwo’ kwakanga kwakaitwa majini avo. Asi, akaita zvaakanga avaudza kuti waizova mubayiro wezviito zvavo, zvakazotungamirira kurufu rwavo. (Genesi 3:17-19) Nyaya yekare iyi inojekesa chaizvo maitiro evanhu avakasikwa nawo. *

Uchapupu Hunoratidza Kuti Haisi Mhosva Yemajini

Kwenguva refu, masayendisiti ave achitamburira kwazvo kutsvaka majini anokonzera uye angagadzirisa maitiro evanhu uye kurasa gwara kwavakaita. Kwapera makore gumi zvikwata zvitanhatu zvevaongorori zvichiita basa iri, kwakawanikwa jini rine chokuita nechirwere cheHuntington, kunyange zvazvo vaongorori vacho vasina ruzivo rwokuti jini racho rinokonzera sei chirwere ichi. Zvisinei, richipa mushumo wokutsvakurudza uku, Scientific American rakatora mashoko omuongorori wezvinhu zvipenyu wokuHarvard, Evan Balaban, uyo akati zvaizova “zvinenge zvakatoomesesa kuwana majini anokonzera maitiro asina kutsarukana omunhu.”

Tingatoti, kuedza kubatanidza mamwe majini nemaitiro omunhu hakuna kumbobudirira. Somuenzaniso, muPsychology Today, mushumo wezvakaitwa pakutsvaka majini anokonzera kusurukirwa unoti: “Ruzivo ruripo rwezvirwere zvikuru zvepfungwa runoita kuti zvijeke kuti hazvigoni kunzi zvinonyatsokonzerwa nemajini.” Mushumo wacho unopa muenzaniso: “Vanhu vokuAmerica vakazvarwa 1905 asati asvika vaiva nomukana we1 muzana wokusurukirwa pavanosvika makore 75. Pakati pevanhu vokuAmerica vakazvarwa makore 50 gare gare, 6 muzana vakanzwa vachisurukirwa pazera remakore 24!” Nokudaro wakagumisa kuti zvimwewo zvinhu zvisiri mumiviri ndizvo chete zvinogona kuita kuti kuchinja kunoshamisa zvakadaro munguva pfupi yakadaro kuitike.

Kuongorora uku nokumwewo kwakawanda-wanda kunotiudzei? Kunyange majini aine zvaanoita kuumba unhu hwedu, zviri pachena kuti kunewo zvimwe zvinhu zvinopesvedzera. Chimwe chinhu chikuru zvinhu zvakatipoteredza, izvo zvachinja kwazvo mazuva ano. Maererano nezvinogona kupesvedzera pwere dzemazuva ano muvaraidzo dzakakurumbira, bhuku rinonzi Boys Will Be Boys rinotaura kuti hazvingaiti kuti vana vave netsika dzakanaka pavano“kura vachipedza zviuru zvemaawa vari kuona mitambo nemafirimu omuTV umo vanhu vanorohwa, kupfurwa, kubayiwa nemapanga, kutushurwa matumbu, kudimburwa misoro, kana kudimburwa nhengo dzomuviri, vana pavanokura vachiteerera mimhanzi inokurudzira kubata chibharo, kuzviuraya, zvinodhaka, doro, uye umbimbindoga.”

Zviri pachena kuti Satani, “mutongi wenyika ino,” akaita kuti pave nemhoteredzo inogutsa zvishuvo zvomunhu zvakaipa kwazvo. Uye ndiani angaramba simba guru iro zvinhu zvakadaro zvinova naro patiri tose?—Johani 12:31; VaEfeso 6:12; Zvakazarurwa 12:9, 12.

Chinonyanyokonzera Nhamo Yevanhu

Sezvatatoona, zvinetso zvevanhu zvakatanga apo vanhu vaviri vokutanga vakaita chivi. Zvakatungamirira kuchii? Kunyange zvazvo zvizvarwa zvevana vaAdhamu zvisirizvo zvine mhosva yechivi chaAdhamu, vose zvavo vanozvarwa vaine chivi, kusakwana, uye rufu senhaka yavo muupenyu. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Ndokusaka, sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.”—VaRoma 5:12.

Kusakwana kwomunhu kunomuita kuti atadze kuita zvimwe zvinhu zvachose. Asi izvozvo hazvimuiti kuti asave nomutoro wezvaanoita. Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vanotenda zvakaitwa naJehovha kuti tiwane upenyu voita kuti upenyu hwavo huwirirane nezvinodiwa naMwari vachafarirwa naye. Nokuda kwomutsa wake une rudo, Jehovha akaita urongwa hwengoni hwokudzikinura vanhu, kuita seari kutengazve chakaraswa naAdhamu. Akapa chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, uyo akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16; 1 VaKorinde 15:21, 22.

Muapostora Pauro akataura kuonga zvakadzama kwaaiita chipo ichi. Akati: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu? Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:24, 25) Pauro aiziva kuti kudai aikundwa nechivi pamusana pokushaya simba, aigona kukumbira kukanganwirwa naMwari pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. *

Kufanana nomuzana remakore rokutanga, mazuva ano vakawanda vaimborarama upenyu hwakaipa chaizvo kana kuti vaiva nemamiriro ezvinhu airatidzika seasina tariro vakasvika pazivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri, vakachinja sezvaidiwa, uye vakanga vava kukwanisa kuzowana zvikomborero zvaMwari. Kuchinja kwavaifanira kuita kwakanga kusiri nyore, uye vakawanda vachiri kufanira kurwisana nepfungwa dzinokuvadza. Asi, nokubatsira kwaMwari, vanokwanisa kuramba vakatendeseka vowana mufaro mukushumira Mwari. (VaFiripi 4:13) Funga muenzaniso mumwe chete womumwe munhu akachinja zvikuru kuitira kuti afadze Mwari.

Nyaya Yakaitika Inokurudzira

“Pandaive mukomana muduku pachikoro chebhodhingi, ndakapinda mutsika youngochani, kunyange ndisina kumbozviona sengochani. Vabereki vangu vakarambana, uye ndaida rudo rwomubereki rwandisina kumbowana. Ndapedza chikoro, ndakamanikidzwa kuita basa rechiuto. Paiva neboka rengochani pakamba yemasoja yaiva pedyo neyandaiva. Ndakachiva mararamiro avo, saka ndakatanga kushamwaridzana navo. Ndashamwaridzana navo kwegore, ndakatanga kuzviona sengochani. ‘Ndizvo zvandiri,’ ndaidaro, ‘uye hapana zvandingaita nazvo.’

Ndakatanga kudzidza chibhende nokupinda mumakirabhu engochani, kwaiwanikwa zvinodhaka nedoro pachena. Kunyange nechokunze zvose zvaiita sezvinofadza chaizvo uye zvakanaka, chaizvoizvo, zvaisemesa. Mumwoyo mangu ndainzwa kuti ukama hworudzi urwu hauna kutsarukana uye hwakanga husina chinangwa.

“Mune rimwe dhorobha duku, ndakasvika nepaiva neImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha musangano uchitoitwa. Ndakapinda ndikateerera hurukuro yacho, yaitaura nezvemamiriro ezvinhu omuParadhiso yomunguva yemberi. Gare gare ndakaonana nezvimwe Zvapupu zvacho uye ndakakokwa kugungano. Ndakaenda, uye ndakapengenuka—kuona mhuri dzinofara dzichinamata pamwe chete. Ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

“Kunyange zvazvo zvakandinetsa, ndakatanga kushandisa zvandaidzidza muBhaibheri. Ndakakwanisa kurega tsika dzangu dzose dzisina kuchena. Ndadzidza kwemwedzi gumi nemina, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha uye ndakabhabhatidzwa. Kokutanga muupenyu hwangu, ndakanga ndava neshamwari dzechokwadi. Ndakakwanisa kubatsira vamwe kudzidza chokwadi chinobva muBhaibheri, uye ndava kushanda somushumiri anoshumira muungano yechiKristu. Jehovha andikomborera zvechokwadi.”

Ndisu Tine Mhosva

Kuedza kutaura kuti tsika dzedu dzose dzakashata imhosva yemajini edu hakumbobatsiri. Pane kuti kutibatsire kugadzirisa kana kukunda zvinetso zvedu, Psychology Today inoti kuita kudaro “kungava kuchitidzidzisa kusagona kuzvibatsira uko kunova ndiko kunokonzera zvinetso zvedu zvakawanda. Pane kuderedza kuitika kwezvinetso izvi, zvinenge zvakatoita kuti zviwedzere kukura.”

Ichokwadi kuti tinofanira kurwisana nemasimba makuru akaipa, kusanganisira kurerekera pakuita chivi kwedu uye mabasa aSatani okutitsausa pakuteerera Mwari. (1 Petro 5:8) Ichokwadiwo kuti majini edu angatipesvedzera nedzimwewo nzira. Asi chokwadi hatisi vanhu vasingagoni kuzvibatsira. VaKristu vechokwadi vane masimba anovabatsira—Jehovha, Jesu Kristu, mudzimu mutsvene waMwari, Shoko rake Bhaibheri, uye ungano yechiKristu.—1 Timoti 6:11, 12; 1 Johani 2:1.

Rudzi rwaIsraeri rusati rwapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akayeuchidza vanhu nezvomutoro wavo pamberi paMwari, achiti: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Saizvozvowo, mazuva ano munhu mumwe nomumwe ava kuziva anofanira kuzvisarudzira kunamata Mwari nokuita zvaanoda. Ndiwe unosarudza.—VaGaratiya 6:7, 8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona Mukai! yaOctober 8, 1996, mapeji 17-22.

^ ndima 19 Ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mapeji 62-9, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Adhamu naEvha vakanga vafanorongerwa kuita chivi nemajini avo akanga akakanganisika here?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Munhu mumwe nomumwe anofanira kubvuma mutoro wezvisarudzo zvake here?

[Kwazvakatorwa]

Mushandisi wezvinodhaka: Godo-Foto

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kuedza kuwana majini anokonzera maitiro evanhu kwave kusingabudiriri

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kushandisa zvinotaura Bhaibheri kunogona kubatsira vanhu vakatendeka kuchinja