Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyatsoongorora Dzimwe Nhema Dzinotaurwa Pamusoro Porufu

Kunyatsoongorora Dzimwe Nhema Dzinotaurwa Pamusoro Porufu

Kunyatsoongorora Dzimwe Nhema Dzinotaurwa Pamusoro Porufu

MUNHOROONDO yose, munhu ave achivhiringidzika uye achitya kwazvo paanofunga kuti rufu rungangouya. Uyezve, kutya rufu kwakawedzerwa nepfungwa dzenhema dzechitendero dzakasanganiswa netsika dzakakurumbira nezvitendero zvakadzika midzi mumunhu. Kutya rufu kwakaipira kuti kunogona kutadzisa munhu kunakidzwa noupenyu uye kunoshayisa munhu chivimbo chokuti upenyu hune chinangwa.

Zvitendero zvikuru ndizvo zvine mhosva huru yokusimudzira nhema dzinoverengeka dzakakurumbira maererano norufu. Nokuongorora shomanana dzacho maererano nechiedza chechokwadi cheBhaibheri, ona kana zvaunonzwisisa pachako nezvorufu zvichigona kujekeswa.

Nhema dzokutanga: Rufu ndiwo magumiro anofanira kuita upenyu.

“Rufu . . . rutivi runokosha rwoupenyu hwedu,” rinodaro bhuku rinonzi Death—The Final Stage of Growth. Kutaura kwakadai kunoratidza chitendero chokuti rufu harushamisi, ndiwo magumiro anofanira kuita zvinhu zvose zvipenyu. Chitendero ichi chakabva chaitawo kuti vanhu vakawanda vave nepfungwa yokuti zvinhu zvose hazvina basa uye kuti vatsvake mikana yokuita zvinhu zvakaipa.

Asi rufu ndiwo magumiro anofanira kuita upenyu here? Havasi vaongorori vose vanodavira kudaro. Somuenzaniso, Calvin Harley, nyanzvi yezvinhu zvipenyu inoongorora nezvokuchembera kwevanhu, payaibvunzurudzwa yakati haadaviri kuti vanhu “vakarongerwa kufa.” Nyanzvi yokudzivirirwa kwezvirwere William Clark akati: “Rufu haruna kubatana noupenyu zvokuti harubvisiki.” Uye Seymour Benzer, weCalifornia Institute of Technology, afungisisa anoti “kuchembera kunogona kurondedzerwa zviri nani sechiitiko chatinogona kuchinja, kwete chinhu chisingachinjiki.”

Masayendisiti paanoongorora magadzirirwo akaitwa pfungwa dzevanhu anoomerwa nemate mukanwa. Anowana kuti zvatinazvo mupfungwa dzedu, uye zvatinogona kuita nepfungwa dzedu, zvinopfuura nokure zvatinofanira kushandisa muupenyu hwemakore 70 kusvikira ku80. Somuenzaniso, masayendisiti akaona kuti zvinogona kuyeukwa nouropi hwomunhu hazvitauriki nokuwanda kwazvo. Mumwe muongorori akati anofungidzira kuti pfungwa dzedu dzinogona kuchengeta mashoko “angazadza mavhoriyamu ane mamiriyoni 20, akawanda seari mumaraibhurari makuru kupfuura ose pasi pose.” Masayendisiti anoona nezvemashandiro anoita tsinga dzouropi anoti muupenyu hunoraramwa noruzhinji rwevanhu, munhu anongoshandisa kachikamu kaduku-duku kwazvo kezvinokwanisa kuitwa nouropi hwake. Zvakakodzera kubvunza kuti, ‘Ko uropi hwakakura kudaro ndohwei nepo isu tichingoshandisa kachikamu kuduku-duku kahwo muupenyu hwedu?’

Fungawo mavhundukiro ayo vanhu vanoita rufu! Kune vakawanda, kufa kwomudzimai, murume, kana mwana kunogona kuvarwadza kupfuura zvimwe zvose muupenyu. Vanhu vanowanzosara vakavhiringika pfungwa kwenguva refu kana vafirwa nomunhu wavanoda kwazvo. Kunyange vaya vanotaura kuti rufu ndiwo magumiro anofanira kuita vanhu, vanoomerwa kuti vabvume pfungwa yokuti kufa kwavo ivo kuchareva kuguma kwezvose. British Medical Journal yakataura nezve“pfungwa ine vakawanda yokuti munhu wose anoda kurarama kwenguva yakareba sezvingabvira.”

Tichifunga nezvemanzwiro anoita munhu pamusoro porufu, kukwanisa kwake kuyeuka uye kudzidza, uye kuda kwaanoita kurarama nokusingaperi, hazvisi pachena here kuti akaitirwa kuti ararame? Chokwadi, Mwari akasika vanhu, kwete kuti vazoguma vafa, asi netarisiro yokurarama kusvikira kunguva isingazivikanwi. Cherechedza remangwana rakanzi naMwari raizova nevanhu vaviri vokutanga: “Berekai, muwande, muzadze nyika, muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Remangwana rakadaro rakaisvonaka zvechokwadi uye harizogumi!

Nhema dzechipiri: Mwari anotora vanhu murufu kuti vave naye.

Vamwe amai vane makore 27 vakanga vava kuda kufa vachisiya vana vatatu, vakaudza sisita weKaturike kuti: “Musauya kuzondiudza kuti izvi ndizvo zviri kudiwa naMwari kwandiri. . . . Handimbodi kuti mumwe munhu andiudze izvozvo.” Asi, ndizvo zvinodzidziswa nezvitendero zvakawanda nezvorufu—kuti Mwari anotora vanhu kuti vave pedyo naye.

Musiki ane utsinye zvakadaro zvokuti angatiuraya pasina zvaanombonzwa achiziva hake kuti izvi zvinodzimba mwoyo yedu here? Aiwa, kwete Mwari womuBhaibheri. Maererano na1 Johani 4:8, “Mwari rudo.” Cherechedza kuti haiti Mwari ane rudo kana kuti Mwari anoda, asi inoti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rukuru kwazvo, rwakachena kwazvo, rwakakwana kwazvo, runonyatsori muunhu hwake nezviito zvokuti zvakarurama kumutora sorudo iye pachake. Uyu haasi Mwari anotora vanhu murufu kuti vave pedyo naye.

Chitendero chenhema chaita kuti vanhu vakawanda vavhiringidzike kuti vakafa vari kupi uye vari sei. Denga, hero, purigatori, Limbo—nzvimbo idzi nedzimwe dzakasiyana-siyana dzinoti kusanzwisisika uye kutyisa zvokutyisa zviye. Ukuwo, Bhaibheri rinotiudza kuti vakafa havazivi chinhu; vari mumamiriro ezvinhu angaenzaniswa zvakanakisisa nokurara. (Muparidzi 9:5, 10; Johani 11:11-14) Saka, hatifaniri kunetseka nezvezvinoitika kwatiri kana tafa, sezvatisinganetseki patinoona mumwe munhu akarara zvakanaka. Jesu akataura nezvenguva apo “avo vose vari mumakuva ekurangaridza” vacha“buda” vachiwana upenyu hutsva muparadhiso pasi pano.—Johani 5:28, 29; Ruka 23:43.

Nhema dzechitatu: Mwari anotora vana vaduku kuti vave ngirozi.

Elizabeth Kübler-Ross, akadzidza nezvevanhu vane zvirwere zvisingaperi, akataura nezvezvimwezve zvinofungwa nevanhu vanonamata. Achitsanangura imwe nyaya yakanyatsoitika, akataura kuti “hakusi kuchenjera kutaurira mwana muduku afirwa nehanzvadzi yake kuti Mwari anoda vakomana vaduku kwazvo zvokuti atora Johnny achikaendesa kudenga.” Kutaura kwakadaro kunoita kuti Mwari anzi akaipa uye hakuratidzi unhu hwake uye zvaari. Dr. Kübler-Ross anoenderera mberi achiti: “Musikana muduku uyu paakazokura kuva mukadzi, akaramba akagumbukira Mwari, zvakazoita kuti pfungwa dzake dzisatore zvakanaka paakafirwa nomwanakomana wake makore makumi matatu gare gare.”

Ko Mwari aizotorerei mwana kuti awane imwe ngirozi—sezvinonzi Mwari aida mwana kupfuura zvaiita vabereki vake? Dai chaiva chokwadi kuti Mwari anotora vana, zvaisazomuita Musiki asina rudo, ane udyire here? Kusiyana nepfungwa iyoyo, Bhaibheri rinoti: “Rudo runobva kuna Mwari.” (1 Johani 4:7) Mwari worudo aizokonzera rufu urwo kunyange vanhu vane tsika chaivo vaizogumbukira here?

Saka nei vana vachifa? Imwe yemhinduro yeBhaibheri yakanyorwa pana Muparidzi 9:11 inoti: “Vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” Uye Pisarema 51:5 rinotiudza kuti tose hatina kukwana, tinotadza, kubvira patakanambwa, uye vanhu vose vanozoguma vafa nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Dzimwe nguva rufu runouya mwana asati azvarwa, zvichiguma nokuzvara mwana akafa. Pamwewo vana vanofa pamusana pemamiriro ezvinhu akaipa avanenge vari kana kuti vanoita tsaona vofa. Mwari haasiriye anokonzera zvakadaro.

Nhema dzechina: Vamwe vanhu vanotambudzwa kana vafa.

Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti vakaipa vachaenda kuhero inopfuta moto kuti vatambudzwe nokusingaperi. Iyi idzidziso inonzwisisika uye yomuMagwaro here? Upenyu hwevanhu hwakareba makore 70 kusvikira ku80 chete. Kunyange kudai mumwe munhu aiva nemhosva youipi hwakashatisisa muupenyu hwake hwose, kumutambudza nokusingaperi kwaizova chirango chakarurama here? Kwete. Kwaizova kusaruramisira kwakakura zvikuru kutambudza munhu nokusingaperi nokuda kwezvivi zvaakaita muupenyu hupfupi.

Mwari oga ndiye anogona kuzivisa zvinoitika kana vanhu vafa, uye akaita kudaro muShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri: “Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, zvose zvine mweya mumwe . . . Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.” (Muparidzi 3:19, 20) Pano hapana kutaurwa nezvehero inopfuta moto. Vanhu vanodzokera kuvhu—havazovipo—pavanofa.

Kuti munhu atambudzwe, anofanira kunge ari mupenyu. Vakafa vanoziva chinhu here? Bhaibheri rinopazve mhinduro richiti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina, nokuti havacharangarirwi.” (Muparidzi 9:5) Hazviiti kuti vakafa, avo ‘vasina chavanoziva,’ vatambure munzvimbo ipi neipi.

Nhema dzechishanu: Rufu runoreva kuguma kwokuvapo kwedu zvachose.

Patinofa tinenge tisisipo, asi izvi hazvirevi kuti zvinhu zvose zvinenge zvapera. Murume akatendeka Jobho aiziva kuti aizoenda kuguva, Sheori, paaizofa. Asi inzwa munyengetero wake kuna Mwari: “Haiwa! dai muchindivanza henyu paSheori, muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo. Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai.”—Jobho 14:13-15.

Jobho aidavira kuti kana aizoramba akatendeka kusvikira afa, aizorangarirwa naMwari uye munguva yakafanira ozomutswa. Izvi ndizvo zvaidavirwa nevashumiri vaMwari vose vekare. Jesu pachake akasimbisa tariro iyi uye akaratidza kuti Mwari aizomushandisa kumutsa vakafa. Mashoko aKristu pachake anotivimbisa izvi: “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi [raJesu] vobuda, avo vakaita zvakanaka kukumuka kwoupenyu, avo vaiva netsika yokuita zvakaipa kukumuka kwokutongwa.”—Johani 5:28, 29.

Munguva pfupi iri kutevera Mwari achabvisa uipi hwose otanga nyika itsva inodzorwa noutongi huri kumatenga. (Pisarema 37:10, 11; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14, 16) Zvichaguma neparadhiso pasi pose, inogarwa nevanhu vanoshumira Mwari. MuBhaibheri tinoverenga kuti: “Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kunzwa Tisingatyi

Kuziva tariro yorumuko pamwe nokuziva Iye anopa tariro iyoyo kunogona kukunyaradza. Jesu akapikira kuti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Izvozvo zvinosanganisira kutisunungura pakutya rufu. Jehovha ndiye chete anogona kuchinja kukwegura nokufa otipa upenyu husingaperi. Ungadavira zvipikirwa zvaMwari here? Hungu, unogona nokuti Shoko raMwari nderechokwadi nguva dzose. (Isaya 55:11) Tinokukurudzira kudzidza zvakawanda nezvezvinangwa zvaMwari nokuda kwevanhu. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kutya rufu kwakaipira kuti kunogona kutadzisa munhu kunakidzwa noupenyu

[Chati iri papeji 7]

DZIMWE NHEMA DZAKAKURUMBIRA MAGWARO ANOTI KUDII NEZVORUFU?

● Rufu ndiwo magumiro anofanira Genesi 1:28; 2:17;

kuita upenyu VaRoma 5:12

● Mwari anotora vanhu murufu Jobho 34:15;

kuti vave naye Pisarema 37:11, 29;115:16

● Mwari anotora vana vaduku Pisarema 51:5;

kuti vave ngirozi VaHebheru 1:7, 14

● Vamwe vanhu vanotambudzwa Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10;

kana vafa VaRoma 6:23

● Rufu runoreva kuguma kwokuvapo Jobho 14:14, 15; Johani 3:16;

kwedu zvachose Joh 17:3; Mabasa 24:15

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kuziva chokwadi pamusoro porufu kunoita kuti tisatya

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

Barrators—Giampolo/The Doré Illustrations For Dante’s Divine Comedy/Dover Publications Inc.