Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupiwa Mubairo Nokuzvipira Kuna Mwari

Kupiwa Mubairo Nokuzvipira Kuna Mwari

Nyaya Youpenyu

Kupiwa Mubairo Nokuzvipira Kuna Mwari

YAKATAURWA NAWILLIAM AIHINORIA

Ndakamuka pakati pousiku Baba vachichema sezvavaiwanzoita. Vaiumburuka pauriri vakabata padumbu. Ini naAmai, nehanzvadzi yangu inondikurira takavaunganira. Kurwadza kwacho pakwakaita sekwatidzikirei, vakagara vakati twasu, ndokutura mafemo, voti: “Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvine rugare pasi pano.” Mashoko acho aishamisa, asi akaita kuti ndifungisise nokuti ndaive ndisati ndambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha. Ndakashaya kuti vairevei.

IZVI zvakaitika muna 1953 pandaiva nemakore matanhatu. Ndaiva mumhuri ine barika muEwossa, mumwe musha unoitwa zvokurima nechepakati pakadziva kumavira zuva kweNigeria. Ndaiva mwana wechipiri, asi ndiri mukomana mukuru mumhuri yakazopedzisira yakura zvokusanganisira madzimai matatu aBaba uye vana 13. Tose taigara muimba yaSekuru yevhu, yakapfirirwa, uye yaiva nemakamuri mana. Taigarawo naAmbuya uye vanun’una vaBaba vatatu nemhuri dzavo.

Upenyu hwangu ndichiri muduku hwakanga hwakaoma. Chainyanya kuti hudaro kurwara kwaBaba. Vaigara vachirwadziwa nomudumbu kusvikira vazofa pashure pemakore akawanda. Chirwere chavo chaisazivikanwa chaisarapika nomushonga upi zvawo—yose yechivanhu neyechirungu—waikwanisa kutengwa nomurimiwo zvake womumamisha womuAfrica. Taiwanzorara tigere tichichema parutivi paBaba vachiumburuka pauriri nokurwadziwa kusvikira jongwe rarira. Pavaitsvaka angavarapa, vaiwanzofamba naAmai, vachindisiya nevanun’una vangu nehanzvadzi tichitarisirwa naAmbuya.

Mhuri yedu yairarama nokurima nokutengesa mbambaira, mufarinya, nemhodzi dzekola. Taimbokuma mukaka unogadziriswa rabha kuti tiwedzere kamari kataiwana. Chokudya chedu chikuru chaiva mbambaira. Taidya mayam (zvinhu zvakada kuita sembambaira) mangwanani, tozvidzvura masikati, tozvidya zvekare manheru. Nenguva iri kure, taimbochinja todya rudzi rwemabhanana anonzi plantain akagochwa.

Chinhu chaikosha muupenyu hwedu kwaiva kunamata madzitateguru. Mhuri yaipira zvokudya kuzvimiti zvaiva zvakasungirirwa matemhe ehozhwa. Baba vainamatawo chimwe chifananidzo kuti vadzingire kure mweya yakaipa nevaroyi.

Pandaiva nemakore mashanu, takambotama kwenguva duku kubva mumusha medu tichinogara patairima paiva kure nemakiromita 11. Ikoko Baba vakapindwa nekakonye muganda mavo, ako kakawedzera kuvatambudza sezvo vaitorwara nomudumbu nechekare. Vaisagona kushanda masikati, uye mudumbu mavo maivatambudza usiku. Ndakabatwa nechimwe chirwere chinopfuudzirwa norumwe rudzi rwenda dzinopinda muganda. Zvakaita kuti tingorarama nokubatsirwa nevomumhuri yedu yakakura. Pane kuti tife tichidya nhoko dzezvironda, takadzokera kumusha kwedu kuEwossa. Baba vaida kuti ini, mwanakomana wavo mukuru, ndisangovawo murimi anorima zvokurarama nazvo chete. Vaiva nepfungwa yokuti dzidzo yakanaka yaizoita kuti ndikwanise kusimudzira mararamiro emhuri nokundibatsira kusimudzira vanun’una vangu nehanzvadzi.

Kusangana Nezvitendero Zvakawanda

Tadzokera kumusha kwedu, ndakakwanisa kutanga kupinda chikoro. Izvi zvakaita kuti ndizive zvitendero zvechiKristudhomu. Muma1950, munhu aisagona kusiyanisa pakati pedzidzo yokuMadokero nechitendero chevapambevhu vakanga vachitonga nyika yedu. Sezvo ndakapinda chikoro chepuraimari chechiKaturike, izvi zvaireva kuti ndaifanira kuva muRoma Katurike.

Muna 1966, gore randakasvitsa makore 19, ndakagamuchirwa paPilgrim Baptist Secondary School muguta reEwohinmi, anenge makiromita 8 kubva kuEwossa. Ikoko dzidzo yangu yechitendero yakachinja. Vapristi vechiKaturike vakandirambidza kupinda Misa yomusi weSvondo nokuti ndakanga ndava kupinda chikoro chechiPurotesitendi.

Panguva yandaiva pachikoro cheBaptist ichi ndipo pandakatanga kuverenga Bhaibheri. Kunyange zvazvo ndakaramba ndichienda kuchechi yeKaturike, ndaiverenga Bhabheri ndoga pashure pokupinda chechi musi weSvondo. Dzidziso dzaJesu Kristu dzakandipedza mate mukanwa, dzikandiita kuti ndive neshungu yokurarama upenyu hune chinangwa hwokuzvipira kuna Mwari. Kuwedzera kwandaiita kuverenga Bhaibheri kwaiita kuti ndiwedzere kusemeswa nounyengeri hwevamwe vatungamiriri vechitendero nemararamiro ounzenza edzimwe nhengo dzechechi. Zvandaiona pakati pevaizviti vaKristu zvakanga zvakasiyana zvachose nezvakadzidziswa naJesu nevadzidzi vake.

Pane zvimwe zviitiko zvakanyanya kundikatyamadza. Mumwe musi pandakaenda kuchitoro chinotengwa zvinhu chomuitisi wekatekizimu kunotenga rozari, ndakaona zango rakarembera pamusuo pechitoro. Imwe nguva, mukuru wechikoro cheBaptist akaedza kushinhwa neni. Ndakazonzwa pava paya kuti aive ngochani uye kuti akanga atoshinhwa nevamwe. Ndakafungisisa nezvezvinhu izvi, ndichizvibvunza kuti, ‘Mwari anofarira here zvitendero zvine nhengo uye kunyange vatungamiriri vasingambobvunzwi kana vaita zvivi zvakakomba?’

Kuchinja Chitendero

Kunyange zvakadaro, ndaifarira zvandaiverenga muBhaibheri uye ndakasarudza kuramba ndichiriverenga. Ipapo ndipo pandakatanga kufunga nezvemashoko aBaba avakataura makore 15 akanga apfuura okuti: “Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvine rugare pasi pano.” Asi ndaizengurira nokuti vechiduku veZvapupu vaiva pachikoro pedu vaitsvinyirwa uye dzimwe nguva vairangwa nokuti vairamba kubatana nesu mumunamato wemangwanani. Uye zvimwe zvezvitendero zvavo zvaiita sezvisinganzwisisiki. Somuenzaniso, ndakaona zvakaoma kudavira kuti vane 144 000 chete ndivo vaizoenda kudenga. (Zvakazarurwa 14:3) Sezvo chishuvo changu chaiva chokuenda kudenga, ndakanetseka kuti zvimwe nhamba yacho yakanga yatokwana ndisati ndaberekwa.

Zvaiva pachena kuti Zvapupu zvakanga zvakasiyana nevamwe vanhu pamufambiro nemafungiro. Zvakanga zvisingabatanidzwi mumabasa ounzenza nemhirizhonga zvaiitwa nevamwe vechiduku pachikoro. Kwandiri, vakanga vakanyatsosiyana nenyika, sezvandakanga ndaverenga muBhaibheri kuti ndizvo zvinofanira kuva zvakaita vaya vane chitendero chechokwadi.—Johani 17:14-16; Jakobho 1:27.

Ndakati regai ndirambe ndichiongorora. Muna September 1969, ndakakwanisa kuwana bhuku rinonzi “Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi.” Mwedzi wakatevera, mumwe piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, akatanga kudzidza neni. Ndakurudzirwa nechidzidzo changu chokutanga, ndakatanga kuverenga bhuku raZvokwadi musi woMugovera manheru ndikaripedza mangwana acho masikati. Pakarepo, ndakatanga kuudza vandaidzidza navo nezvezvandakanga ndaverenga. Vana vechikoro nematicha vakafunga kuti chitendero changu chitsva chakanga chava kundipengesa. Asi ndaiziva kuti ndakanga ndisingapengi.—Mabasa 26:24.

Mashoko pamusoro pokuparidza kwangu nezvechitendero changu chitsva akasvitswa kuvabereki vangu. Vakanditi ndidzoke kumba pakarepo kuti vanyatsobata kuti chinetso changu chaiva chei. Pakanga pasina wandaibvunza mazano, sezvo Zvapupu zvose zvaiva zvaenda kuimwe yekokorodzano dzavo kuIlesha. Pandakadzoka kumusha mibvunzo yakasvikondinaya uye ndakashoropodzwa naamai vangu nehama dzangu. Ndakaedza nepandaigona napo kutsigira zvandaidzidza muBhaibheri.—1 Petro 3:15.

Vakundikana kundiratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva vadzidzisi venhema, babamunini vangu vakaedzazve imwe nzira. Vakanditeterera vachiti: “Yeuka kuti wakaenda kuchikoro kunodzidza. Kana ukasiya zvidzidzo zvako woita zvokuparidza, haufi wakapedza dzidzo yako. Saka wadii kumirira kusvikira wapedza chikoro wozoita zvako zvechitendero chitsva ichi?” Panguva iyoyo zvaiita sezvinonzwisisika, saka ndakamira kudzidza neZvapupu.

Muna December 1970, ndichangopedza chikoro, ndakananga kuImba yoUmambo, uye ndave ndiri kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha kubvira ipapo. Musi waAugust 30, 1971, ndakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Mwari. Izvozvo zvakakangaidza kwete vabereki vangu chete asi musha wose. Vaiti ndaive ndavaodza mwoyo sezvo ndaiva wokutanga muEwossa kuendeswa kuchikoro nehurumende. Vazhinji vaitarisira zvakakura kwandiri. Vaitarisira kuti ndaizoshandisa dzidzo yangu kuvandudza nharaunda yacho.

Migumisiro Yokuchinja Kwangu

Mhuri yangu nevarume vakuru vomunharaunda vakatumira nhume kuzondinyengetedza kusiya chitendero changu. Pakundinyengetedza vaisanganisira kundityisidzira. “Kana ukasasiya chitendero ichi, ramangwana rako richakuipira. Hauwani basa. Hauzovaki imba yako pachako. Hauzokwanisi kuroora nokuva nemhuri.”

Panzvimbo pezvakaipa zvavaikungura kuti dai zvaitika kwandiri, mwedzi gumi pashure pokupedza chikoro, ndakawana basa roudzidzisi. Muna October 1972, ndakaroora mudzimai wangu wandinoda, Veronica. Pava paya, hurumende yakazondidzidzisa basa roudhumeni. Ndakatenga mota yangu yokutanga, uye ndakatanga kuvaka imba yedu. Musi waNovember 5, 1973, mwanasikana wedu wokutanga, Victory, akazvarwa, uye mumakore akazotevera takavawo naLydia, Wilfred, uye Joan. Muna 1986 gotwe redu, Micah, rakazvarwa. Vose vave vachiratidza kuva vana kwavo, nhaka inobva kuna Jehovha.—Pisarema 127:3.

Ndichitarira shure, ndinogona kuona kuti zvose zvakaipa zvaikungurwa nevomunharaunda kuti dai zvaitika kwandiri zvakashanduka kuva zvikomborero. Ndokusaka ndakatumidza mwanasikana wangu wokutanga kuti Victory. Nguva ichangopfuura iyi, vanhu vomunharaunda vakandinyorera vachiti: “Tapota, tiri kukumbirawo kuti udzoke kumusha uzotibatsira kuvandudza nharaunda yedu sezvo Mwari ari kukukomborera.”

Kurera Vana Munzira dzaMwari

Ini nomudzimai wangu taiziva kuti hatikwanisi kuita mutoro wedu unodiwa naMwari wokurera vana uku tichitsvaka zvokupfuma. Saka, takadzidza kugutsikana noupenyu huri nyore. Tinosva zvedu tararama nenzira iyi pane kuzopinda muna taisireva nokuda kwokusarudza mamwe mararamiro.

Kuno kwatinogara hazvishamisi kushandisa imba imwe chete nedzimwe mhuri, muchishandisa mose mokugezera, mokubikira, nezvimwewo. Taifara kuti taikwanisa kurenda imba yataigara toga muguta ripi zvaro randaitamisirwa somushandi wehurumende. Ichokwadi kuti dzimba dzakadaro dzaidhura, asi kugara madziri kwakaderedza kusangana kwevana vedu nezvinhu zvinofurira. Ndinoonga Jehovha kuti mumakore ose aya, takakwanisa kuyarutsa vana vedu mumamiriro ezvinhu akanakira kunamata.

Uyewo, mudzimai wangu anga achingogara pamba kuti ave nevana vedu achivatarisira. Pandinopedza basa, tinoedza kuita zvinhu pamwe chete semhuri. Zvose zvatinoita, tinoita seboka. Izvi zvinosanganisira chidzidzo cheBhaibheri chemhuri, kugadzirira nokupinda misangano yeungano, kubuda nevamwe muushumiri hwechiKristu, zvose nenguva dzokufarawo nevamwe.

Takaedza kutevera zano riri pana Dheuteronomio 6:6, 7, iro rinokurudzira vabereki kudzidzisa vana vavo kwete pamba chete asi pamukana wose. Izvi zvave zvichiita kuti vana vatsvake wokutamba naye musangano kwete kunze. Vakadzidza nomuenzaniso wedu kungwarira vokutamba navo nokuti ini naVeronica hatipedzi nguva yakawandisa nevaya vatisinganamati navo.—Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33.

Ichokwadi kuti nhungamiro yedu nokudzidzisa hazvisiri izvo chete zvakanaka zvakaita kuti upenyu hwevana vedu hunake. Tave tichigamuchira uye tichiri kugamuchira vaKristu vanoshingaira mumusha medu, vazhinji vavo vashumiri vanofambira veZvapupu zvaJehovha. Nguva yakapedzwa nevaKristu vakakura mumudzimu ava nemhuri yedu yakapa vana vedu mukana wokucherechedza nokudzidza kubva mumararamiro avo okuzvipira. Izvi zvakasimbisa kudzidzisa kwedu, uye vana vakaita kuti chokwadi cheBhaibheri chive chavo.

Kupiwa Mubayiro Nokuzvipira Kuna Mwari

Nhasi ini nomudzimai wangu, pamwe nevamwe vana vedu vana, tiri muushumiri hwenguva yakazara. Ndakatanga kupayona muna 1973. Mumakore ose aya, ndaipota ndichimbomira ushumiri hwangu hwenguva yakazara nokuda kwezvinetso zvemari. Yavewo iri ropafadzo yangu kumbodzidzisa Chikoro choUshumiri choUmambo, chinorovedza vatariri vechiKristu veZvapupu zvaJehovha. Iye zvino ndine ropafadzo yokushanda murimwe Dare Rokubata Nechipatara, pamwe nokuva mutariri weguta reUhonmora.

Vanasikana vangu vokutanga, Victory naLydia, vakaroorwa nevakuru vechiKristu uye vanofara. Vanoshanda nevarume vavo senhengo dzehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuIgieduma, Nigeria. Mwanakomana wedu mukuru, Wilfred, mushumiri anoshumira, uye muduku kuna vose, Micah, anopota achishanda sapiyona webetsero. Muna 1997, Joan akapedza chikoro chesekondari uye akatora upiyona hwenguva dzose.

Kubatsira vamwe kushumira Jehovha Mwari kuri pakati pezvinhu zvinopa mubayiro zvikuru muupenyu hwangu. Ivavo vanosanganisira vamwe voukama. Baba vangu vakaedza kushumira Jehovha, asi barika rakavatadzisa. Kubva paupwere hwangu ndave ndichida vanhu. Kana ndichiona vamwe vachitambura, ndinoona sokunge zvinetso zvangu zvisingakoshi. Ndinofunga kuti vanozviona kuti ndinoda kuvabatsira zvechokwadi, uye izvi zvinoita kuti zvivaitire nyore kutaura neni.

Mumwe wevandakabatsira kuziva zvinangwa zvaMwari murume wechiduku anorwara anogara arere. Aiva mushandi wekambani yemagetsi uye akagwinhwa zvakaipa ari pabasa akaoma rutivi kubva pachipfuva zvichidzika. Akabvuma chidzidzo cheBhaibheri uye zvishoma nezvishoma akagamuchira zvaakadzidza. Kubhabhatidzwa kwake musi waOctober 14, 1995, murukova ruri pedyo nepamba pedu, ndiko kaiva kokutanga kake mumakore 15 kubva pamubhedha wake. Akati ndiro raiva zuva raakafara kupfuura mamwe ose muupenyu hwake. Iye zvino ava mushumiri anoshumira muungano.

Ndingati handizvidembi kuti, makore 30 apfuura, ndakasarudza kushumira Jehovha nevanhu vake vakazvitsaurira, vakabatana. Ndave ndichiona rudo rwechokwadi ruchiratidziranwa pakati pavo. Kunyange dai pamibayiro yaJehovha kuvashumiri vake vakatendeka paisasanganisira upenyu husingaperi, ndaizongoda chete upenyu hwokuzvipira kuna Mwari. (1 Timoti 6:6; VaHebheru 11:6) Ndiyo nzira yakaumba upenyu hwangu nokuhutsigira, ichiunza kwandiri nemhuri yangu mufaro, uye kugutsikana.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nomudzimai wangu nevana muna 1990

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nomudzimai wangu nevana nevakuwasha vaviri