Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Chokwadi Panzvimbo Isingambofungirwi

Kuwana Chokwadi Panzvimbo Isingambofungirwi

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Kuwana Chokwadi Panzvimbo Isingambofungirwi

KUDA kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Kuti izvi zviitike, Zvapupu zvaJehovha zvakadhinda nokuparadzira mamiriyoni emaBhaibheri nemabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri. Dzimwe nguva, mabhuku aya akabatsira vane mwoyo yakatendeseka kudzidza chokwadi nenzira isingambofungirwi. Nezvenyaya dzakadaro, vazivisi voUmambo muFreetown, Sierra Leone, vanotaura zvinotevera zvavakasangana nazvo.

Osman aiva mwanakomana wechipiri mumhuri yevana vapfumbamwe. Akakurira mumhuri inonamata, uye aienda kuchechi nababa vake nguva dzose. Zvisinei, Osman, ainetseka zvikuru nezvaidzidziswa nechitendero chake pamusoro pehero. Akanga asinganzwisisi kuti Mwari ane ngoni aigotambudza vanhu vakaipa sei achiita zvokuvapisa mumoto. Tsanangudzo dzose dzakapiwa kubatsira Osman kunzwisisa dzidziso yemoto wehero dzakakundikana kuita kuti pfungwa dzake dzigadzikane.

Osman ava nemakore 20, rimwe zuva akaona rimwe bhuku rebhuruu richibudikira mumarara mubhini. Sezvo aifarira mabhuku, akarinhonga, akaripukuta, ndokuona musoro unoti—Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. *

‘Ichokwadi chipi ichi?’ akashamisika achidaro Osman. Aitwa kuti ade kuziva zvakawanda, Osman akaenda nebhuku racho kumba akasvikoriverenga rose asina kumbozorora. Hakusi kufara kwaakaita paakadzidza kuti Mwari aiva nezita rake pachake—Jehovha! (Pisarema 83:18) Osman akadzidzawo kuti chinhu chinoratidzwa naMwari zvikurukuru rudo uye kuti kunyange pfungwa yokurwadzisa vanhu munzvimbo ine moto inomusemesa. (Jeremia 32:35; 1 Johani 4:8) Pakupedzisira, Osman akaverenga kuti Jehovha ava kuda kuzounza paradhiso yepasi muchararama vanhu nokusingaperi. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Ichokwadi chinoshamisa zvakadini kubva kuna Mwari ane ngoni norudo! Achionga nomwoyo wose, Osman akatenda Jehovha kuti akanga amuita kuti awane chokwadi panzvimbo isingambofungirwi.

Papera mazuva mashomanana, Osman akazowana Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha achibatsirwa nedzimwe shamwari akapinda musangano kokutanga. Ari ikoko, akakumbira chimwe Chapupu kudzidza naye Bhaibheri. Pasinei nokupikiswa zvakasimba nevomumhuri, Osman akaramba achifambira mberi mumudzimu uye akabhabhatidzwa. (Mateu 10:36) Iye zvino anoshumira somukuru muungano yacho. Zvinoshamisa sei kuti zvose izvi zvakabva mukuwana bhuku reBhaibheri mubhini!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1968.