Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rufu Unoruona Sei?

Rufu Unoruona Sei?

Rufu Unoruona Sei?

MUUPENYU hwedu hwezuva nezuva patinongofunga nezvorufu tinonzwa kupera simba, hazvinei kuti tingava takasimba kana kuti takapfuma zvakadini. Runogona kutisvikira chero nguva, tingava tichiyambuka mugwagwa kana kuti takarara. Njodzi dzakadai sokuparadza kwakaitwa nemagandanga musi waSeptember 11, 2001, kuNew York City nokuWashington, D.C., dzinoita kuti tijekerwe nechokwadi chokuti rufu, “muvengi wokupedzisira,” runouraya vanhu kubva mumamiriro ose ezvinhu, uye mumazera ose, dzimwe nguva ruchiuraya zviuru zvevanhu mumaminitsi mashomanana.—1 VaKorinde 15:26.

Kunyange zvakadaro, rufu runenge ruchiri kukangaidza vanhu. Hapana chingaita kuti vanhu vade kutenga kwazvo mapepanhau kana kuita kuti vade kuona terevhizheni kupfuura nyaya dzorufu, kunyanya rufu rwevanhu vakawanda vanofa mumamiriro ezvinhu anotyisa. Vanhu havamboiti sevanofinhwa nokunzwa nezvorufu, rungava runokonzerwa nehondo, njodzi dzinongozviitikira dzoga, kupara mhosva, kana kurwara. Kutenderedza musoro uku kunoita rufu kunonyanya kuonekwa pamavhundukiro anoita vanhu panofa vakuru vakuru uye vanhu vakakurumbira.

Zvose izvi hatingazvirambi. Vanhu vachiri kungokangaidzwa norufu—rufu rwevamwe. Zvisinei, pavanozofunga nezvokufa kwavo ivo, vanozeza. Kufa kwedu ndiyo nyaya iyo vakawanda vedu tisingambodi kufunga nezvayo.

Kuvhiringidzwa Norufu

Hatimbodi zvachose kufunga nezvokufa kwedu pachedu uye zvicharamba zvakadaro. Zvinodaro nei? Nokuti Mwari akaisa mupfungwa dzedu chido chakakura chokurarama nokusingaperi. “Akaisawo [“kusaguma,” Anchor Bible] mumwoyo mavo,” runodaro rugwaro rwaMuparidzi 3:11. Naizvozvo, kusadzivisika kworufu kwaita kuti vanhu vanetseke, vave nepfungwa dzinoramba dzichivhiringidzika. Kuti vagadzirise kunetseka kunoita pfungwa uku uye kuti vagutse chido chavanozvarwa nacho chokuramba vachirarama, vanhu vakatanga zvitendero zvakasiyana-siyana, kubvira padzidziso yokusafa kwomweya kusvikira pakudavira kuberekwazve.

Chero zvodini, rufu chiitiko chinonetsa, chinotyisa, uye pasi pose vanhu vanotya rufu. Naizvozvo, hatifaniri kushamisika kuti vanhu vose zvavo vanowana rufu chiri chinhu chinotyisa kuchitarisira. Chimwe chikonzero nei zvakadaro ndechokuti rufu runobudisa pachena kuti upenyu hwokuswerotsvaka pfuma nesimba hahuna maturo.

Kuparadzaniswa Norufu Here?

Kare, munhu airwara zvokuda kufa kana kuti ainge akuvadzwa zvingangoita kuti agume afa aiwanzobvumirwa kuti afire mumusha make maakajaira, uye mune vanhu vanomuda. Ndizvo zvaiwanzoitika munguva dzinotaurwa muBhaibheri, uye zvichiri kuitwa mune dzimwe tsika. (Genesi 49:1, 2, 33) Muzviitiko zvakadaro, mhuri inoungana, uye vana vanobatanidzwa mukurukurirano yacho. Izvi zvinoita kuti munhu mumwe nomumwe mumhuri macho anzwe kuti haasi kuchema oga uye anonyaradzwa nokuti ari kutakura mutoro wacho nevamwe uye ari kuchema nevamwe.

Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinoitika munzanga mazvinoera kutaura nezvorufu, marunoonekwa sorunotyisa, uye umo vana vasingabatanidzwi zvichinzi “zvinozovaremera.” Kufa mazuva ano kwasiyana munzira dzakawanda, uye kazhinji munhu anofa pasina waanaye. Kunyange vakawanda vangada kufira pamusha, vachitarisirwa zvakanaka uye norudo nemhuri, kune vakawanda chokwadi chinorwadza ndechokuti vanofira muchipatara, kazhinji kacho vari voga vachirwadziwa, vari pamichina yakawanda yazvinouno inotyisa. Ukuwo, mamiriyoni anofa zvisingazivikanwi—vari vanhu vanofa panoparadzwa rudzi, vanofa nenzara, AIDS, hondo yevagari vomunyika imwe chete, kana kuti nenhamo inopisa tsitsi.

Nyaya Yokufungisisa

Bhaibheri harirambidzi kufungisisa nezvorufu. Muparidzi 7:2 inototiudza kuti: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose.” Patinotarisana norufu, tingarega kufunga zvinotinetsa kana mamwe mabasa enguva dzose totanga kufunga nezvokupfupika kwakaita upenyu. Izvi zvinogona kutibatsira kurarama upenyu hwedu zvine chinangwa zvikuru pane kungorarama zvachero kana kuhutambisa.

Ko iwe rufu unoruona sei? Wati waongorora manzwiro aunoita, zvaunodavira, tariro, uye kutya kwaunoita nezvokuguma kwoupenyu hwako here?

Sezvakangoita upenyu, hapana munhu anogona kutsanangura uye kunzwisisa rufu. Munhu bedzi anogona kutaura nezvenyaya yacho nechiremera Musiki wedu. Kwaari ndiko kune “tsime roupenyu,” uye ndiye “une nzira dzokubuda murufu.” (Pisarema 36:9; 68:20) Kunyange zvingaita sezvinoshamisa, kuongorora zvinowanzodavirwa pamusoro porufu maererano neShoko raMwari kucharatidza kuti kunonyaradza uye kunokurudzira. Kucharatidza kuti rufu hakusi kuguma kwezvose.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Chokwadi chokuti tinogona kufa chinotibatsira kurarama upenyu hwedu zvine chinangwa zvikuru