Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tetragrammaton Mushanduro yeSeptuagint

Tetragrammaton Mushanduro yeSeptuagint

Tetragrammaton Mushanduro yeSeptuagint

ZITA raMwari, Jehovha, rinomiririrwa neTetragrammaton, zvinoreva kuti, mavara mana echiHebheru יהוה (YHWH). Zvaidavirwa kwenguva refu kuti mavara aya mana akanga asingawaniki mushanduro yeSeptuagint. Saka zvainzi vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki pavaitora mashoko muMagwaro echiHebheru havangagoni kuve vakashandisa zita raMwari muzvinyorwa zvavo.

Zvanga zvichiwanikwa mumakore anenge zana apfuura zvakaratidza kuti zita raMwari raivemo muSeptuagint. Rimwe bhuku rinoti: “Chido chokuchengetedza zita raMwari risina kuchinjwa chakanga chakakura, zvokuti vaJudha vechiGiriki pavaishandurira muchiGiriki Bhaibheri rechiHebheru, vaikopera mabhii acho chaiwo eTetragrammaton murugwaro rwechiGiriki.”

Chidimbu chemupumburu chiri kuratidzwa kuruboshwe chinongova chimwe chemienzaniso yakati kuti isina kuparara. Chimedu ichi chakawanikwa muOxyrhynchus kuEgypt, chikapiwa nhamba 3522, ndechomuzana remakore rokutanga C.E. * Chakareba masendimita 10,5 uye chakapamhama masendimita 7 uye chine ndima inobva pana Jobho 42:11, 12. Tetragrammaton, yakakomberedzwa, inowanika mumavara echiHebheru chekare. *

Saka zita raMwari raiva mumakopi eMagwaro echiKristu echiGiriki here? Imwe nyanzvi yeBhaibheri, George Howard inoti: “Sezvo Tetragram yakanga ichakanyorwa mumaBhaibheri echiGiriki [Septuagint] ayo aiva Magwaro echechi yokutanga, zvine musoro kudavira kuti vanyori veTestamende Itsva, pavaitora Magwaro, vaichengetedza Tetragram murugwaro rweBhaibheri.” Zvinoita sokuti nguva pfupi shure paizvozvi vanyori vakatanga kutsiva zita raMwari nemashoko akadai saKyʹri·os (Ishe) naThe·osʹ (Mwari).

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nezvemamwe mashoko pamusoro pemipumburu yakawanikwa paOxyrhynchus, ona Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1992, mapeji 26-8.

^ ndima 4 Nezvemimwe mienzaniso yezita raMwari mushanduro dzechiGiriki, ona New World Translation of the Holy Scriptures−With References, appendix 1C.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Courtesy of the Egypt Exploration Society