Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vakanyura”

“Vakanyura”

“Vakanyura”

“Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.”

NEMASHOKO iwayo Mosesi nevaIsraeri vakaimba vachipemberera kununurwa kwavo nomuGungwa Dzvuku nokutsvairwa kwakaitwa vavengi vavo vechiIjipiti vaivatevera—Farao nemauto ake.—Eksodho 15:4, 5.

Munhu wose akaona chiitiko chinoshamisa ichocho aitoti awane chidzidzo chete. Hapana munhu anobudirira kudenha kana kudzivisa chiremera chaJehovha akararama. Mwedzi mishomanana chete gare gare, vaIsraeri vakakurumbira—Kora, Dhatani, Abhirami, nevatsigiri 250—vakapikisa pachena chiremera chaMosesi naAroni chavakapiwa naMwari.—Numeri 16:1-3.

Arayirwa naJehovha, Mosesi akayambira vaIsraeri kuti vabve pamatende evapanduki vacho. Dhatani naAbhirami, vakabatana nevomudzimba dzavo vakaomesa misoro vakasachinja zvavaiita. Mosesi akazozivisa kuti Jehovha nenzira Yake pachake, aizoita kuti vanhu vose vazive kuti varume ava vakanga “vazvidza Jehovha.” Panguva iyoyo, Jehovha akatsemura pasi pavakanga vamire. “Naizvozvo ivo, nezvose zvavo vakaburukira kubwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.” Zvakadini naKora nevamwe vapanduki? ‘Moto wakaburuka kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva nemazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.’—Numeri 16:23-35; 26:10.

Farao nemauto ake, pamwe chete nevapanduki ivavo murenje, vose vakaparara nokuti vakakundikana kubvuma chiremera chaJehovha uye kufarira kwake zvinhu zvine chokuita nevanhu vake. Saka, ndezvokukurumidzira kuti vose vanoda kuona Jehovha achivadzivirira mumazuva ano akaoma vadzidze nezvake vamuteerere so“Wokumusoro-soro” uye “Wamasimba Ose.” Vachiita izvozvo vanogona kuyeuka nokufungisisa mashoko aJehovha anopa chivimbo anoti: “Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; asi hazvingaswederi kwauri. Uchangozvitarira hako nameso ako, ukaona mubayiro wavakaipa. Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusoro-soro ugaro hwako.”—Pisarema 91:1, 7-9.