Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristu

Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristu

Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristu

“Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?”—VAROMA 2:21.

1, 2. Une zvikonzero zvipi zvokuda kudzidza Bhaibheri?

UNE zvikonzero zvakawanda zvokudzidza Shoko raMwari. Ungangoda kuziva zviri mariri—maererano nevanhu, zviitiko, nzvimbo, nezvimwewo zvinhu. Unoda kuziva dzidziso yechokwadi, yakasiyana nezvikanganiso zvechitendero, zvakadai soUtatu, kana kuti moto wehero. (Johani 8:32) Unodawo kuziva Jehovha zviri nani kuitira kuti unyatsova saiye wofamba pamberi pake munzira yakarurama.—1 Madzimambo 15:4, 5.

2 Chimwezve chikonzero uye chinokosha chokudzidza Shoko raMwari ndechokuti uzvishongedzere kudzidzisa vamwe—vanhu vaunoda, vaunozivana navo, uye kunyange vaya vausingazivi. VaKristu vechokwadi havaiti zvokusarudza kuti vanoda here kuita izvi kana kuti havadi. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

3, 4. Nei chiri chinhu chinokudzwa kuti udzidzise sezvakarayirwa naJesu?

3 Zvinokudzwa kuti udzidze Bhaibheri nechido chokudzidzisa vamwe uye zvinogona kukupa mufaro usingaperi. Kudzidzisa ibasa rave richiremekedzwa kwenguva refu. Encarta Encyclopedia inoti: “Pakati pevaJudha, vanhu vakuru vakawanda vaiona vadzidzisi sevanotungamirira kuruponeso, uye vaikurudzira vana kukudza vadzidzisi vavo kunyange kupfuura vabereki vavo.” Chinhu chinokudzwa zvikuru kuti vaKristu vazvidzidzise pachavo kuburikidza nokudzidza Bhaibheri vozodzidzisa vamwe.

4 “Vanhu vakawanda vanoita basa rokudzidzisa kupinda rimwe basa ripi zvaro. Varume nevakadzi vanenge mamiriyoni 48 pasi pose vadzidzisi.” (The World Book Encyclopedia) Munyika mudzidzisi ane basa rokudzidzisa vechiduku uye anogona kuvabatsira kwemakore akawanda anotevera. Vakawanda vanotobatsirwa paunoteerera murayiro waJesu wokudzidzisa vamwe; unogona kuchinja upenyu hwavo nokusingaperi. Muapostora Pauro akasimbisa izvi paakakurudzira Timoti kuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Hungu, kudzidzisa kwako kune chokuita noruponeso.

5. Nei kudzidzisa kwechiKristu kuri iko kwakanakisisa?

5 Changamire wezvose ndiye anopa mvumo uye murayiro wokuti uzvidzidzise iwe pachako wozodzidzisawo vamwe. Izvozvo zvoga zvinoita kuti basa rokudzidzisa iri rive rinokosha kwazvo kupfuura rimwe ripi neripi rokunyika, ringava riya rokudzidzisa zvidzidzo zvokutanga, unyanzvi hwebasa, kunyange unyanzvi hwezvokurapa. Kudzidzisa kwechiKristu kunosanganisira kuti mudzidzi adzidze pachake kutevedzera Mwanakomana waMwari, Kristu Jesu, uye kudzidzisa vamwe kuitawo izvozvo.—Johani 15:10.

Nei Uchifanira Kuzvidzidzisa?

6, 7. (a) Nei tichifanira kutanga tazvidzidzisa? (b) VaJudha vomuzana remakore rokutanga vakanga vakundikana kuva vadzidzisi munzira ipi?

6 Nei zvichinzi tinofanira kutanga kuzvidzidzisa? Hatingagoni kudzidzisa vamwe zvakanaka kana tisina kutanga kuzvidzidzisa. Pauro akasimbisa izvi mundima inoda kuti munhu ashandise pfungwa yaiva nezvayaireva kuvaJudha kare ikako asi ine shoko rinokosha kuvaKristu mazuva ano. Pauro akabvunza kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ unoba here? Iwe, unoti ‘Usaite upombwe,’ unoita upombwe here? Iwe, unosema zvidhori, unobira temberi here? Iwe, unozvirumbidza nomutemo, unozvidza Mwari here nokudarika kwako Mutemo?”—VaRoma 2:21-23.

7 Achishandisa mibvunzo yokuti vanhu vafunge, Pauro akataura nezvezvinhu zviviri zvakashata zvakataurwa zvakananga neMitemo Gumi zvinoti: Usaba, uye usaita upombwe. (Eksodho 20:14, 15) Vamwe vaJudha mumazuva aPauro vaidada kuti vaiva noMutemo waMwari. ‘Vakanga vadzidziswa nomuromo muMutemo uye vaitenda kuti vaiva vatungamiriri vemapofu uye chiedza cheavo vari murima, vadzidzisi vevacheche.’ (VaRoma 2:17-20) Zvisinei, vamwe vakanga vari vanyengeri nokuti vaiba uye vaiita upombwe pachivande. Izvozvo zvaizvidzisa zvose Mutemo wacho noMunyori wawo, ari kudenga. Unogona kuona kuti vakanga vasina kana kumbokodzera kudzidzisa vamwe; chaizvoizvo vakanga vasingambozvidzidzisi.

8. Vamwe vaJudha vomumazuva aPauro vangave ‘vaibira temberi’ sei?

8 Pauro akataura nezvokubira temberi. Pane vaJudha vakanyatsoita izvozvo here? Pauro aifunga nezvei? Kutaura zvakananga, maererano nemashoko asina kuzara ari mundima iyi, hatigoni kuva nechokwadi chokuti vamwe vaJudha ‘vaibira temberi’ sei. Pauro asati anyora mashoko aya mukuru weguta reEfeso akazivisa kuti Pauro neshamwari dzake vakanga vasiri “makororo etemberi,” izvo zvinoratidza kuti panenge paiva nevamwe vanhu vaifunga kuti vaJudha vaiita izvozvo. (Mabasa 19:29-37) Vakanga vachishandisa kana kuti kutengesa zvinhu zvinokosha zvaibva mutemberi dzevahedheni dzakanga dzapambwa nevakundi kana kuti vanyanyisi vechitendero here? Maererano noMutemo waMwari, ndarama nesirivha yezvidhori yaifanira kuparadzwa, isingafaniri kutorwa nomunhu kuti aishandise. (Dheuteronomio 7:25) * Saka Pauro angave aitaura nezvevaJudha vaisateerera murayiro waMwari voshandisa kana kuwana purofiti pazvinhu zvaibva mutemberi dzevahedheni.

9. Miitiro ipi yaiva nechokuita netemberi muJerusarema ingangodaro yaiva yakangofanana nokubira temberi?

9 Ukuwo, Josephus akataura nezvechimwe chinyadzo chakaitika muRoma chakakonzerwa nevaJudha vana, mutungamiriri wacho ari mudzidzisi woMutemo. Vana ivavo vakaita kuti mumwe mukadzi wechiRoma, akanga atendeukira kuchiJudha, abvume kuunza ndarama nezvimwe zvinokosha somupiro kutemberi muJerusarema. Pavakangowana zvinhu izvi kubva kwaari, ndivo vakabva vazvishandisa—zvakangofanana nokubira temberi. * Vamwewo vaiita sevanobira temberi yaMwari nokupa zvibayiro zvakaremara kana kutsigira kutengesa zvinhu kwoudyire pachivanze chayo, vachiita kuti temberi ive “bako remakororo.”—Mateu 21:12, 13; Maraki 1:12-14; 3:8, 9.

Dzidzisa Tsika dzechiKristu

10. Ipfungwa ipi huru yemashoko aPauro akanyorwa pana VaRoma 2:21-23 yatisingafaniri kurasikirwa nayo?

10 Hazvinei nokuti miitiro ipi yomuzana remakore rokutanga yaitaurwa naPauro iyo yaisanganisira kuba, upombwe, nokubira temberi, ngatiregei kurasikirwa nepfungwa huru yezvaakataura. Akabvunza kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?” Zvinokosha kucherechedza kuti mienzaniso yakataurwa naPauro yaiva nechokuita netsika. Pano muapostora haana kutaura nezvedzidziso dzeBhaibheri kana nhoroondo. Kuzvidzidzisa uye kudzidzisa vamwe kwaitaurwa naPauro kwaiva nechokuita netsika dzechiKristu.

11. Nei uchifanira kufunga nezvetsika dzechiKristu paunenge uchidzidza Shoko raMwari?

11 Kwatiri, kushandisa chidzidzo chiri pana VaRoma 2:21-23 kunoreva kudzidza tsika dzechiKristu kubva muShoko raMwari, kuita maererano nezvatinodzidza, uye kudzidzisa vamwe kuitawo kudaro. Naizvozvo, paunenge uchidzidza Bhaibheri, cherechedza kuti zvawadzidza zvinoratidza kuti Jehovha anoda chii, panova ndipo panovakirwa tsika dzechokwadi dzechiKristu. Fungisisa zano nezvidzidzo zvaunoona muBhaibheri. Ipapo shinga kushandisa zvaunodzidza. Uye kuita kudaro kunoda kushinga kwakasangana nokutsunga. Zviri nyore kuti vanhu vasina kukwana vatange kupa tuzvikonzero nei mamwe mamiriro ezvinhu achibvumira kana kuti achitoda kuti munhu ambokanganwa zvetsika dzechiKristu pane chimwe chiitiko. Zvichida vaJudha vaitaurwa naPauro vaiva vajaira kutaura tuzvikonzero twenhando twakadaro twaiitirwa kurerutsa nyaya kana kutsausa vamwe. Kunyange zvakadaro, mashoko aPauro anoratidza kuti munhu haafaniri kuzvisarudzira hake kurerutsa kana kufuratira tsika dzechiKristu.

12. Kuzvibata zvakanaka kana kuti kusazvibata kunoita kuti Jehovha Mwari aonekwe sei, uye nei zvichibatsira kuziva izvi?

12 Muapostora wacho akasimbisa chikonzero chikuru chokudzidza ndokushandisa mitemo yetsika yaunowana muBhaibheri. Kusazvibata kwevaJudha kwakaita kuti Jehovha aonekwe neimwe nzira: “Iwe, unozvirumbidza nomutemo, unozvidza Mwari here nokudarika kwako Mutemo? Nokuti . . . ‘zita raMwari riri kumhurwa pakati pemarudzi nemhaka yenyu.’” (VaRoma 2:23, 24) Ndizvo zvazvakangoitawo nhasi kuti kana tikafuratira tsika dzechiKristu, tinozvidza Muridzi wadzo. Kusiyana naizvozvo, kana tikaomerera pamaitirwo ezvinhu anodiwa naMwari, tinoita kuti aonekwe zvakanaka, tichimukudza. (Isaya 52:5; Ezekieri 36:20) Kuziva kwako izvi kunosimbisa kutsunga kwako kana ukatarisana nemiedzo kana mamiriro ezvinhu ayo angaita kuti kufuratira tsika dzechiKristu kuite sokuti ndiyo nzira iri nyore zvikuru yokuita nayo zvinhu. Uyezve, mashoko aPauro anotidzidzisa chimwezve chinhu. Kunze kwokungoziva iwe pachako kuti mufambiro wako unoita kuti Mwari aonekwe neimwe nzira, sezvaunodzidzisa vamwe, vabatsire kuona kuti mashandisiro avanoita mitemo yetsika dzinodiwa dzavari kudzidza achaita kuti Jehovha aonekwe sei. Haisi nyaya yokungoti tsika dzechiKristu dzinokurudzira kugutsikana uye dzinodzivirira utano hwomunhu chete. Dzine zvadzinoratidzawo nezvaIye akapa tsika idzodzo uye anodzikurudzira.—Pisarema 74:10; Jakobho 3:17.

13. (a) Bhaibheri rinotibatsira sei panyaya yetsika? (b) Ipa pfungwa huru yezano riri pana 1 VaTesaronika 4:3-7.

13 Tsika dzine zvadzinoitawo pane vamwe vanhu. Unogona kuona izvozvo kubva mumienzaniso iri muShoko raMwari inoratidza kukosha kwokushandisa mitemo yetsika dzinodiwa naMwari nemigumisiro yokusaishandisa. (Genesi 39:1-9, 21; Joshua 7:1-25) Unogona kuonawo zano rakananga retsika rakadai seiri: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba sezvinoitawo mamwe marudzi iwayo asingazivi Mwari; kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake munhau iyi, . . . nokuti Mwari akatidana, asingarangariri kusachena, asi maererano noutsvene.”—1 VaTesaronika 4:3-7.

14. Chii chaungazvibvunza maererano nezano riri pana 1 VaTesaronika 4:3-7?

14 Anenge munhu wose anogona kuona kubva mundima iyi kuti unzenza hunotyora tsika dzechiKristu. Zvisinei, pane zvakawanda zvaunogona kunzwisisa kubva mundima iyi. Mamwe magwaro anopa nzira dzokudzidza nokufungisisa zvakati wandei, zvichiita kuti upedzisire wava kuanzwisisa zviri nani. Somuenzaniso, ungafungisisa zvairehwa naPauro paakati kuita ufeve kunogona kuita kuti munhu asvike “pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake munhau iyi.” Ikodzero dzipi dzinotaurwawo apa, uye kudzinzwisisa zviri nani kungakupa sei rimwe simba rokuramba uine tsika dzechiKristu? Ko zvaunowana pakutsvakurudza kwakadaro zvichawedzera kukushongedza sei kudzidzisa vamwe nokuvabatsira kukudza Mwari?

Dzidza Kuti Ugodzidzisa

15. Zvishandiso zvipi zvaunogona kushandisa kuzvidzidzisa pachako?

15 Zvapupu zvaJehovha zvine zvazvinoshandisa kutsvakurudza mhinduro dzemibvunzo kana nyaya dzinomuka sezvazvinodzidza pachazvo kuti zvizodzidzisawo vamwe. Chimwe chishandiso chiri mumitauro yakawanda iWatch Tower Publications Index. Kana uchikwanisa kuiwana, unogona kuishandisa kutsvaka mashoko ari mumabhuku eBhaibheri eZvapupu zvaJehovha. Unogona kutsvaka musoro wenyaya kana kuti ndima yeBhaibheri. Chimwe chishandiso chinowanikwa neZvapupu zvaJehovha mumitauro mikuru yakawanda iWatchtower Library. Iyi purogiramu yekombiyuta iri paCD-ROM ine mabhuku akawanda kwazvo. Purogiramu yayo inoita kuti munhu akwanise kutsvakurudza misoro uye kutsanangurwa kunoitwa magwaro. Kana une chimwe chezvishandiso izvi kana kuti zvose, zvishandise nguva dzose sezvaunodzidza Shoko raMwari kuti uzodzidzisa vamwe.

16, 17. (a) Ungawanepi mashoko anojekesa kodzero dzinotaurwa pana 1 VaTesaronika 4:6? (b) Ufeve hunopindira pakodzero dzevamwe munzira dzipi?

16 Ngatitore muenzaniso wataurwa pamusoro apa, wa1 VaTesaronika 4:3-7. Pakamuka mubvunzo une chokuita nekodzero. Kodzero dzaani? Uye kodzero idzodzo dzingapindirwa sei? Nezvishandiso zvokudzidza zvataurwa, ungangowana mashoko anoverengeka anojekesa ndima idzi, kunyange kodzero dzakataurwa naPauro. Unogona kuverenga mashoko akadaro muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 863-4; Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?, peji 145; Nharireyomurindi, November 15, 1989, peji 31.

17 Ukaramba uchidzidza, uchaona kuti mabhuku iwayo anoratidza kuti mashoko aPauro ndeechokwadi sei. Munhu anoita ufeve anotadzira Mwari uye anogona kubatwa nechirwere. (1 VaKorinde 6:18, 19; VaHebheru 13:4) Murume anoita ufeve anopindira pakodzero dzakasiyana-siyana dzomukadzi waanoita naye chivi. Anoita kuti ave asina kuchena mutsika uye asave nehana yakanaka. Kana asina kuroorwa, anopindira pakodzero yake yokuroorwa ari mhandara uye kodzero yeachazova murume wake yokutarisira kumuwana ari mhandara. Anorwadzisa vabereki vomukadzi uyu nomurume wake kana akaroorwa. Murume nzenza uyu anokanganisa kodzero yemhuri yake pachake yokuva nomukurumbira wetsika dzakachena. Kana ari nhengo yeungano yechiKristu, anoizvidzisa, achikanganisa mukurumbira wayo.—1 VaKorinde 5:1.

18. Unobatsirwa sei nokudzidza Bhaibheri maererano netsika dzechiKristu?

18 Mashoko akadaro pamusoro pekodzero haabatsiri kuti ndima iyoyo ikujekere here? Kudzidza kwakadaro kunokosha zvechokwadi. Sezvaunoramba uchidzidza, uri kuzvidzidzisa. Kunzwisisa kwako kururama nesimba zveshoko raMwari kunokura. Unosimbisa kutsunga kwako kuramba uine tsika dzechiKristu pasinei nokuti miedzo ipi inomuka. Uye funga kuti unogona kuva mudzidzisi anobatsira zvikuru sei! Somuenzaniso paunenge uchidzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri, unogona kuita kuti vanzwisise 1 VaTesaronika 4:3-7, uchiwedzera kunzwisisa kwavo nokukoshesa tsika dzechiKristu. Nokudaro, kudzidza kwako kunogona kukubatsira iwe nevamwe vakawanda kukudza Mwari. Uye pano tangotaura muenzaniso mumwe chete, unobva mutsamba yaPauro kuvaTesaronika. Kune mamwe mativi akawanda etsika dzechiKristu, uyewo mimwe mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri nemazano, zvaunogona kudzidza, kushandisa, uye kudzidzisa.

19. Nei zvichikosha kuti uomerere kutsika dzechiKristu?

19 Hapana mubvunzo kuti kuita kudaro kuchenjera. Jakobho 3:17 inotaura kuti “uchenjeri hunobva kumusoro,” kuna Jehovha Mwari pachake, “kutanga hwakachena.” Nenzira yakajeka izvozvo zvinoratidza kutevedzera tsika dzinodiwa naMwari. Jehovha anotoda kuti vaya vanomumiririra mukudzidzisa Bhaibheri vave mienzaniso yakanaka “pakuchena” ivo pachavo. (1 Timoti 4:12) Mararamiro evadzidzi vokutanga vakadai saPauro naTimoti anoratidza kuti ndizvo zvavaiva; vaisaita unzenza, zvokuti Pauro akatonyora kuti: “Ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa.”—VaEfeso 5:3, 4.

20, 21. Nei uchibvumirana nezvakanyorwa nomuapostora Johani, sezvakanyorwa pana 1 Johani 5:3?

20 Nepo tsika dzinodiwa dzinotaurwa muShoko raMwari dzakanyatsojeka, hadzisi mutoro unodzvinyirira. Izvi zvakaonekwa pana Johani, muapostora akararama kupfuura vamwe vake. Zvichienderana nezvaakanga aona kwemakumi emakore aakararama, aiziva kuti tsika dzechiKristu dzakanga dzisingakuvadzi. Asi, dzakanga dzakanaka, dzaibatsira, uye dzaiva chikomborero. Johani akasimbisa izvi, achinyora kuti: “Urwu ndirwo rudo rwaMwari: kuti tichengete mirayiro yake. Uye mirayiro yake haitiremeri.”—1 Johani 5:3, New English Translation.

21 Zvisinei, cherechedza kuti Johani haana kutaura kuti kuteerera Mwari netsika dzechiKristu ndiyo nzira yakanakisisa nokuti kunoita kuti tisapinda mumatambudziko, mumigumisiro yakaipa yokuita zvakapesana neizvi. Akataura zvinhu nenzira yakarurama nokutanga kubvuma kuti kuratidzwa kworudo rwedu kuna Jehovha Mwari, mukana unokosha wokuratidza kumuda kwedu. Chokwadi, kuzvidzidzisa kana kudzidzisa vamwe kuda Mwari kunoda kuti tibvume ndokushandisa maitiro ake ezvinhu akanaka kwazvo. Hungu, zvinoreva kuzvidzidzisa pachedu uye kudzidzisa vamwe tsika dzechiKristu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nepo akanga asingaratidzi vaJudha sevasingaremekedzi zvinhu zvitsvene, Josephus akataurazve mutemo waMwari nenzira iyi: “Ngaparege kuva neanozvidza vanamwari vanoremekedzwa nemamwe maguta, kana kubira temberi dzokumwe, kana kutora pfuma yakatsaurirwa muzita ramwari upi noupi.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)—Jewish Antiquities, Bhuku 4, chitsauko 8, ndima 10.

^ ndima 9 Jewish Antiquities, Bhuku 18, chitsauko 3, ndima 5.

Unoyeuka Here

• Nei tichifanira kuzvidzidzisa tisati tadzidzisa vamwe?

• Mufambiro wedu ungaita kuti Jehovha aonekwe sei?

• Anoita ufeve angava ari kupindira pakodzero dzaani?

• Watsunga kuitei pamusoro petsika dzechiKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

“Mirayiro yake haitiremeri”