Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana mumwe munhu akazviuraya, zvingabvumirwa here kuti mushumiri wechiKristu ape hurukuro yemariro?

Mushumiri wechiKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira kana achigona kupa hurukuro yemariro nehana yakanaka nokuda kwomumwe munhu anoita seazviuraya. Paanenge achiita chisarudzo, anofanira kufunga mibvunzo inotevera: Jehovha anoona sei kuzviuraya? Chaizvoizvo rufu rwacho rwakakonzerwa nokuzviponda here? Chirwere chepfungwa kana kuti manzwiro ndizvo zvingave zvakakonzera kuzviuraya kwacho here? Kuzviuraya kunoonekwa sei munzvimbo yacho?

SevaKristu, tinoda kuziva maonero anoita Jehovha kuzviuraya. Kuna Jehovha upenyu hwomunhu hunokosha uye hutsvene. (Genesi 9:5; Pisarema 36:9) Munhu akazviuraya achida anenge azviponda, saka hakufadzi mumeso aMwari. (Eksodho 20:13; 1 Johani 3:15) Izvi zvinobva zvaita kuti hurukuro yemariro isapiwa nokuda kwomunhu anenge azviuraya here?

Chimbofunga nezvaMambo Sauro wevaIsraeri. Paakaziva kuti aisazopona muhondo yake yokupedzisira nevaFiristia, pane kubvumira kuti muvengi wake amubate nenzira inozvidzisa, “Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.” VaFiristia pavakawana chitunha chake, vakachisungira pamadziro eguta reBheti-shani. Vaziva zvakanga zvaitwa nevaFiristia, vagari veJabheshi-giriadhi vakabvisa chitunha chacho ndokuchipisa. Zvadaro vakatora mapfupa ake ndokuaviga. Vakatotsanya kwemazuva manomwe, yaiva tsika yokuchema yevaIsraeri yegamuchidzanwa. (1 Samueri 31:4, 8-13; Genesi 50:10) Dhavhidhi, wakazodzwa waJehovha, paakaziva zvakanga zvaitwa nevagari veJabheshi-giriadhi, akati: “Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga. Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi.” (2 Samueri 2:5, 6) Zvinyorwa zvaMwari hazviratidzi kuti vagari veJabheshi-giriadhi vakashorwa kuti vaitirei inganzi tsika yemariro nokuda kwaMambo Sauro. Enzanisa izvi nechiitiko chevaya vasina kuvigwa nemhaka yokuita kwavo zvakaipa. (Jeremia 25:32, 33) Mushumiri wechiKristu angafunga nezvenhoroondo yaSauro paanenge achisarudza kuti opa here hurukuro yemariro nokuda kweazviuraya.

Mushumiri wacho angada kufungawo nezvechinangwa chehurukuro yemariro. Kusiyana nevanhu vanodavira kuti mweya haufi, Zvapupu zvaJehovha hazviiti mariro azvo nepfungwa isiri iyo yokutaura kuti mufi atamira kune humwe upenyu. Pane kubatsira mufi, chinangwa chikuru chokuva nehurukuro yemariro ndechokunyaradza vafirwa uye kupa uchapupu hwemamiriro ezvinhu evakafa kune vaya vanenge varipo. (Muparidzi 9:5, 10; 2 VaKorinde 1:3-5) Chimwe chikonzero chinokosha chokupa hurukuro yemariro ndechokubatsira vose vanenge varipo kuti vafunge nezvokupfupika kwoupenyu. (Muparidzi 7:2) Zvinangwa izvi zvichapedzwa nokupa hurukuro yemariro nokuda kwomunhu anenge azviuraya here?

Chokwadi, vamwe vangafunga kuti munhu wacho akatora upenyu hwake achida, achinyatsoziva kuti ari kutadzira Jehovha. Asi inguva dzose here dzatinogona kutaura kuti pfungwa iyi ndeyechokwadi? Kuti changa chingori chiito chaakangoerekana aita here? Vamwe vanozviuraya vanozozvidemba uye pavanozofa vanenge vasisadi kuzviuraya. Munhu haagoni kupfidza zvaanenge aita kana afa.

Chimwe chinhu chinokosha kuziva kuti kuzviuraya kwakawanda kunokonzerwa nezvirwere zvepfungwa nemanzwiro. Vanhu vanofa nenzira iyi vanongonzi vazviuraya. Maererano nomumwe mushumo, 90 muzana yevaya vanozviuraya vanenge vane chinetso chepfungwa, manzwiro kana kuti chokupindwa muropa nezvinodhaka. Jehovha achakanganwira kuzviuraya kunoitwa nevanhu vanenge vari mumamiriro akadaro epfungwa here? Hatisi pachinzvimbo chokutema kana mufi apara chivi chisingakanganwirwi mumeso aJehovha. Mushumiri wechiKristu angafungawo nezvemamiriro ezvinhu uye nhoroondo yokurwara kwomufi paanenge achisarudza kuti opa here kana kuti kwete hurukuro yemariro nokuda kweazviuraya.

Pane chimwezve chinhu chokufunga nezvacho: Vanhu vari munharaunda yacho vanoona sei kuzviuraya uye rufu rwomunhu wacho? Izvi zvinokosha zvikurukuru kuvakuru, avo vane hanya nomukurumbira weungano yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbo iyoyo. Zvichienderana nemaonerwo anoitwa kuzviuraya munharaunda yacho, uye kuti kuzviuraya kwomunhu uyu kuri kutorwa sei, vakuru vangasarudza kusatsigira mariro akadaro paruzhinji kana kuti kusapira hurukuro yacho muImba yoUmambo.

Zvisinei, kana mushumiri wechiKristu akakumbirwa kutungamirira pamariro acho, anganzwa kuti iye hake pachake angapa hurukuro yacho. Kana akasarudza kuita kudaro, anofanira kungwarira kusasimbisa mashoko okuti zvinobvira kuti mufi amutswe. Tariro yomufi yeremangwana iri mumaoko aJehovha, uye hapana munhu anokwanisa kutaura kana mufi wacho achamutswa kana kwete. Mushumiri wacho anogona kungotaura nezvechokwadi cheBhaibheri maererano norufu uye kunyaradza vafirwa.