Nzara Yava Kuda Kupedzwa!
Nzara Yava Kuda Kupedzwa!
‘INZARA yorudzii?’ ungabvunza kudaro. Inzara yezvokudya zvomudzimu! Mumwe muprofita wekare wechiHebheru akafanotaura nezvenzara iyi achiti: “Tarirai, mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha—andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Kubatsira kupedza nzara yomudzimu iyi, nhengo 48 dzekirasi yechi112 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, kuPatterson, New York, dziri kuenda kunyika 19 mumakondinendi mashanu nezvitsuwa zvegungwa.
Vanoenda vakashonga zivo, unyanzvi hwebasa, nerovedzo, kwete nyama nezviyo. Vakadzidza Bhaibheri zvakadzama kwemwedzi mishanu vachiitira kusimbisa kutenda kwavo nokuda kwebasa roumishinari muminda yokune dzimwe nyika. Musi waMarch 9, 2002, vanhu 5 554 vakapinda purogiramu yokupedza zvidzidzo vakateerera nomufaro.
Hama Stephen Lett, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakazarura purogiramu yacho vaine mufaro mukuru. Vakagamuchira vaenzi vakawanda vaishanya kubva kumativi akasiyana-siyana enyika zvakanaka kwazvo. Vapedza vakabva vataura kushanda kunoita mashoko aJesu anoti, “Imi muri chiedza chenyika” pabasa reava vaizova mamishinari. (Mateu 5:14) Vakatsanangura kuti: ‘Mumigove yenyu mucha“vhenekera” mabasa aJehovha anoshamisa akatsaukana-tsaukana, muchiita kuti vane mwoyo yakatendeseka vaone kunaka kwaJehovha nezvinangwa zvake.’ Hama Lett vakakurudzira mamishinari kushandisa chiedza cheShoko raMwari kufumura rima redzidziso dzenhema vobatsira vanotsvaka chokwadi.
Maonero Akanaka Anokosha Kuti Mubudirire
Pashure pemashoko okuzarura asachigaro, Hama Baltasar Perla, nhengo yeDare reBazi reUnited States, vakapa hurukuro yokutanga pane dzinotevedzana dzokubatsira vaipedza zvidzidzo ava kuti vave mamishinari anobudirira. Vakakurukura musoro unoti “Shinga, Usimbe uye Uzviite.” (1 Makoronike 28:20) Mambo Soromoni wokuIsraeri yekare akapiwa basa rakanga rakaoma rokuita chimwe chinhu chaakanga asati amboita muupenyu hwake—kuvaka temberi muJerusarema. Zvechokwadi Soromoni akazviita, uye achibatsirwa naJehovha temberi yakapera. Vachitsanangura kushanda kunoita chidzidzo chacho kukirasi, Hama Perla vakati: ‘Mapiwa mugove mutsva, wokuva mamishinari, uye munofanira kuva vakashinga uye vakasimba.’ Vadzidzi vacho vakakurudzirwa nevimbiso yokuti Jehovha haazovaregi kana kuvasiya chero vachiramba vari pedyo naye. Hama Perla vakafadza vateereri nokupedzisa nezvavakaona ivo pachavo, vachiti: ‘Munogona kuita zvakawanda zvakanaka semamishinari. Ini nevomumhuri yangu takadzidziswa chokwadi nemamishinari!’
Musoro wehurukuro yakapiwa naHama Samuel Herd, Mabasa 20:35) Mamishinari achava nemikana yakawanda yokuita izvi ‘sezvaanozvidurura’ nokuda kwevamwe.—VaFiripi 2:17.
imwe nhengo yeDare Rinodzora, waiti, “Vimbai naJehovha Kuti Mubudirire.” Vadzidzi vari kupinda mubasa roumishinari, uye kubudirira kwavo kunoenderana zvikuru noukama hwavo naJehovha. Hama Herd vakavarayira kuti: ‘Makawana zivo yakawanda yeBhaibheri nokudzidza kwamakaita paGiriyedhi. Mave muchigamuchira nomufaro. Asi iye zvino, kuti munyatsobudirira, mava kufanira kutanga kupa vamwe zvamakadzidza.’ (Varayiridzi vaizopa vadzidzi zano rakadini rokuonekana? Hama Mark Noumair vakavakira musoro wehurukuro yavo pana Rute 3:18, “Gadzikanai Kusvikira Maziva Kuti Zvichafamba Sei.” Achishandisa muenzaniso waNaomi naRute, mukurukuri akakurudzira vaipedza zvidzidzo kuti vavimbe zvizere nourongwa hwakaitwa nesangano raJehovha repasi pano uye kuremekedza chiremera chakagadzwa naMwari. Vachitaura mashoko anobata mwoyo yevadzidzi, Hama Noumair vakati: ‘Pangava nenguva dzamusinganzwisisi chikonzero nei chimwe chisarudzo chine chokuita nemi chakaitwa kana kuti pamungafunga kuti chimwe chinhu chinofanira kuitwa neimwewo nzira. Muchaitei? Muchasimuka moedza kugadzirisa zvinhu imi pachenyu here kana kuti ‘muchagadzikana,’ muchivimba nokutungamirira kwaMwari, muine chivimbo chokuti nokufamba kwenguva, achaita kuti zvakanaka chete zvizoitika.’ (VaRoma 8:28) Zano ‘rokungofunga nezvokufambisira mberi zvinhu zvoUmambo, uchingoramba wakatarira zviri kuitwa nesangano raJehovha pane kutarisa unhu hwevamwe,’ pasina mubvunzo richaratidza kuva rinokosha kune vachava mamishinari mumigove yokune dzimwe nyika.
Hama Wallace Liverance, vaimbovawo mumishinari uye zvino vava murayiridzi weGiriyedhi, vakapa hurukuro yokupedzisira pane dzokutanga dzacho. Musoro wehurukuro yavo waiti “Musatsauswa, Rambirai Mubasa raMwari.” Vakaratidza kuti muprofita Dhanieri akaziva kuti kusunungurwa kwevaIsraeri muusungwa kwakanga kwava pedyo kubva pakuona kwaakaita Bhabhironi richiwa uye kubva pane zvakanga zvafanotaurwa naJeremia. (Jeremia 25:11; Dhanieri 9:2) Dhanieri aiziva nezvenguva yaJehovha yokuita zvinhu, uye izvozvo zvakamubatsira kuramba achifunga nezvokuitika kwechinangwa chaMwari. Kusiyana neizvi, vaIsraeri vomuzuva raHagai vakati: “Nguva ichigere kusvika.” (Hagai 1:2) Vakarega kufunga nezvenguva yavakanga vachirarama mairi, vakatanga kufunga nezvokubudirira kwavo uye kuzvigutsa, uye vakasiya basa ravakanga vasunungurirwa muBhabhironi, rokuvakazve temberi. Hama Liverance vakapedzisa nokuti: “Saka rambai muchifunga nezvechinangwa chaJehovha nguva dzose kuti musatsauswa.”
Murayiridzi weGiriyedhi, Hama Lawrence Bowen vakava sachigaro muhurukuro yaiva nomusoro unoti “Jehovha Anokomborera Vaya Vanoshandisa Shoko Benyu.” (VaHebheru 4:12) Hurukuro iyi yakataura nezvezviitiko zvomubasa romumunda zvekirasi yacho, ichijekesa kukomborera kunoita Jehovha vaya vanoshandisa Bhaibheri pavanenge vachiparidza uye kudzidzisa. Sachigaro akataura kuti Jesu Kristu akaratidza vashumiri vose vaMwari muenzaniso, achiti: ‘Jesu aigona kutaura zvechokwadi kuti zvaaidzidzisa zvaisava zvake iye, asi aitaura Shoko raMwari.’ Vaiva nemwoyo yakatendeseka vakaona chokwadi vakachibvuma. (Johani 7:16, 17) Ndizvo zvazvakaitawo nhasi.
Kurovedzwa paGiriyedhi Kunoshongedzera Munhu Basa Rose Rakanaka
Pashure peizvi, Richard Abrahamson naPatrick LaFranca, vave vari nhengo dzemhuri yeBheteri kwenguva refu, vakabvunzurudza vatanhatu vakapedza zvidzidzo paGiriyedhi vava kushanda munzvimbo dzakatsaukana-tsaukana dzebasa renguva yakazara. Vakapedza zvidzidzo mukirasi yechi112 vakakurudzirwa pavakanzwa kuti makore akawanda gare gare vatanhatu ivavo vakaramba vachishandisa rovedzo yavakawana kuGiriyedhi maererano nokudzidza Bhaibheri, zvirongwa zvokutsvakurudza mashoko, uye mukuwirirana nevanhu, pasinei nebasa ravari kuita iye zvino.
Hama Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora, vakapa hurukuro inokosha yepurogiramu yacho. Yaiva nomusoro unoti “Zvinowanikwa Pakutsungirira Kuvengwa naSatani.” Mumwedzi mishanu yakanga yapfuura, vadzidzi vakanga vachigara nevanhu vaivada uye vaida Mwari. Zvisinei, sezvakaratidzwa muzvidzidzo zvavo zvomukirasi, tiri kurarama munyika yomuvengi. Vanhu vaJehovha vari kutambudzwa pasi pose. (Mateu 24:9) Vachishandisa nyaya dzeBhaibheri dzinoverengeka, Hama Jaracz vakaratidza kuti ‘tisu tinonyanyonangwa naDhiyabhorosi. Tinofanira kusimbisa ukama hwedu naJehovha towana simba rokutarisana nemiedzo.’ (Jobho 1:8; Dhanieri 6:4; Johani 15:20; Zvakazarurwa 12:12, 17) Hama Jaracz vakapedzisa vachiti pasinei nokuti vanhu vaMwari vanoramba vachivengwa, ‘hapana chombo chichagadzirirwa kutirwisa, sezvinotaura Isaya 54:17, chichabudirira. Jehovha achaona kuti tinonunurwa munguva yake uye munzira yake.’
‘Vashongedzerwa zvakakwana,’ vakapedza zvidzidzo mukirasi yechi112 pasina mubvunzo vachaita zvakawanda mukupedza nzara yezvokudya zvomudzimu munyika dzavachanoshanda. (2 Timoti 3:16, 17) Tinomirira nomwoyo wose mishumo yokuti vachaendesa sei mashoko anovaka kuvanhu vari munyika idzi.
[Bhokisi riri papeji 23]
ZVAKAITA KIRASI YACHO
Nyika dzinomiririrwa: 6
Nyika dzavakatumirwa: 19
Vadzidzi: 48
Avhareji yezera: 33,2
Avhareji yemakore vari muchokwadi: 15,7
Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 12,2
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kirasi Yechi112 Inopedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi
Pamazita akarongwa pazasi apa, mitsara yakarongwa kubva kumberi kuenda kumashure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsara woga woga.
(1) Parotte, M.; Hooker, E.; Anaya, R.; Reynolds, J.; Gesualdi, K.; Gonzalez, J. (2) Robinson, C.; Phillips, B.; Maidment, K.; Moore, I.; Noakes, J.; Barnett, S. (3) Stires, T.; Palmer, B.; Yang, C.; Groothuis, S.; Groppe, T.; Bach, C. (4) Anaya, R.; Soukoreff, E.; Stewart, K.; Simozrag, N.; Simottel, C.; Bach, E. (5) Stewart, R.; Yang, H.; Gilfeather, A.; Harris, R.; Barnett, D.; Parotte, S. (6) Maidment, A.; Moore, J.; Groothuis, C.; Gilfeather, C.; Noakes, S.; Stires, T. (7) Gesualdi, D.; Groppe, T.; Soukoreff, B.; Palmer, G.; Phillips, N.; Simottel, J. (8) Harris, S.; Hooker, P.; Gonzalez, J.; Simozrag, D.; Reynolds, D.; Robinson, M.