Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Zvaifanira Kuita Mambo

Tevedzera Zvaifanira Kuita Mambo

Tevedzera Zvaifanira Kuita Mambo

“Unofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake . . . inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake.”—DHEUTERONOMIO 17:18, 19.

1. MuKristu angada kutevedzera vanaani?

HAUNGAMBOZVIFANANIDZI namambo kana kuti mambokadzi. Ndoupi muKristu uye mudzidzi weBhaibheri akatendeka angazvifungidzira aine simba roumambo, sereMadzimambo akanaka akadai saDhavhidhi, Josiya, Hezekia, kana kuti Jehoshafati? Asi, pane inenge nzira imwe inokosha yaunogona uye yaunofanira kuvatevedzera nayo. Ndeipi iyoyo? Uye nei uchifanira kuvatevedzera munzira iyoyo?

2, 3. Jehovha akafanoonei chine chokuita namambo wevanhu, uye mambo iyeye aifanira kuitei?

2 Mumazuva aMosesi, kare kare Mwari asati atendera vaIsraeri kuva namambo, Akafanoona kuti vanhu Vake vaizopedzisira vava kuda kuva namambo. Naizvozvo akafuridzira Mosesi kunyorawo musungano yoMutemo mirayiridzo ine chokuita neizvozvo. Iyi yaiva mirayiridzo yaipiwa mambo.

3 Mwari akati: “Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, . . . ukati: Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza; zvirokwazvo unofanira kuzvigadzira hako mambo uchatsaurwa naJehovha Mwari wako. . . . Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, unofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, . . . inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite.”—Dheuteronomio 17:14-19.

4. Mirayiridzo yaMwari nokuda kwemadzimambo yaisanganisira chii?

4 Chokwadi, mambo uyo Jehovha aizosarudzira vanamati vake aifanira kuita kopi yake kubva muzvinyorwa zvaunogona kuona muBhaibheri rako. Zvadaro mambo wacho aifanira kuverenga mukopi iyoyo mazuva ose, kakawanda. Kwakanga kusiri kurovedza ndangariro. Kwaiva kudzidza, uye kwaiva nechinangwa chinobatsira. Mambo aizotenderwa naJehovha aifanira kuramba achidzidza zvakadaro kuti akudziridze mwoyo wakarurama oramba ainawo. Aifanirawo kudzidza zvinyorwa zvakafuridzirwa izvozvo kuti ave mambo anobudirira, anonzwisisa.—2 Madzimambo 22:8-13; Zvirevo 1:1-4.

Dzidza Sezvaiita Mambo

5. Mambo Dhavhidhi aiva nezvikamu zvipi zvomuBhaibheri zvokukopa nokuverenga, uye ainzwa sei nezvazvo?

5 Unofunga kuti izvozvo zvaizoda kuti Dhavhidhi aitei paakava mambo wevaIsraeri? Aitozofanira kuita kopi yemabhuku mashanu okutanga eBhaibheri (Genesi, Eksodho, Revhitiko, Numeri, Dheuteronomio). Funga kuti Dhavhidhi anofanira kuva akafara sei mupfungwa dzake nomwoyo kushandisa maziso nemaoko ake kunyora kopi yoMutemo wacho. Zvichida Mosesi ndiye akanyorawo bhuku raJobho uyewo Pisarema rechi90 nerechi91. Kuti Dhavhidhi akaakopa zvakare here? Zvichida. Uyezve, angangodaro aiwana mabhuku aJoshua, Vatongi, naRute. Saka unogona kuona kuti Mambo Dhavhidhi aizodai akava nechikamu chakati kurei cheBhaibheri chokuverenga nokufungisisa. Uye zvakakodzera kuti udavire kuti ndizvo chaizvo zvaakaita, nokuti cherechedza zvaakataura nezvoMutemo waMwari, zvava kuwanikwa pana Pisarema 19:7-11.

6. Tingava sei nechokwadi kuti Jesu aifarira Magwaro kufanana natateguru vake Dhavhidhi?

6 Dhavhidhi Mukuru—Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi—akatevedzera muenzaniso iwoyo. Yaiva tsika yaJesu kuenda kusinagogi yomunharaunda yake vhiki nevhiki. Ikoko ainzwa Magwaro achiverengwa nokutsanangurwa. Uyezve, imwe nguva Jesu pachake akaverengera vanhu vakawanda Shoko raMwari zvinonzwika uye akatsanangura kushanda kwaro. (Ruka 4:16-21) Zviri nyore kuti unzwisise kuziva kwaaiita Magwaro. Ingoverenga nhoroondo dzeEvhangeri, uone kuti Jesu akataura kakawanda sei kuti “zvakanyorwa kuti” kana kuti nedzimwe nzira kutaura nezvendima chaidzo dzeMagwaro. Somuenzaniso, muMharidzo yake Yepagomo yakanyorwa nezvayo naMateu, Jesu akataura zviri muMagwaro echiHebheru ka21.—Mateu 4:4-10; 7:29; 11:10; 21:13; 26:24, 31; Johani 6:31, 45; 8:17.

7. Jesu akanga akasiyana sei nevatungamiriri vezvitendero?

7 Jesu akateerera zano riri pana Pisarema 1:1-3 rinoti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa, . . . asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. . . . Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” Izvozvo zvakanga zvakasiyana sei nevatungamiriri vechitendero vomumazuva ake, avo “vakazvigarisa pachigaro chaMosesi,” asi vasingateereri “murayiro waJehovha”!—Mateu 23:2-4.

8. Nei zvakanga zvisingabatsiri kuti vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaverenge nokudzidza Bhaibheri?

8 Zvisinei, vamwe vangavhiringidzwa neimwe ndima inogona kududzirwa sokuti Jesu akanga achirambidza kudzidza Bhaibheri. Pana Johani 5:39, 40, tinoverenga zvakataurwa naJesu kune vamwe mumazuva ake, kuti: “Munonzvera Magwaro, nokuti munofunga kuti muchava noupenyu husingaperi nawo; uye iwaya ndiwo chaiwo anondipupurira. Asi hamudi kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.” Nokutaura izvozvo Jesu akanga asiri kurambidza vateereri vake vechiJudha kudzidza Magwaro. Asi akanga achitofumura kusavimbika kwavo kana kuita kwavo zvisingapindirani nezvavaiverenga. Vaiziva kuti Magwaro aigona kuvatungamirira kuupenyu husingaperi, asi Magwaro iwayo avakanga vachitsvakurudza aifanira kudai akavatungamirira kuna Mesiya, Jesu. Zvisinei, vakaramba kumugamuchira. Nokudaro kudzidza kwaisabatsira chinhu nokuti vakanga vasiri pachokwadi, vasingadzidzisiki.—Dheuteronomio 18:15; Ruka 11:52; Johani 7:47, 48.

9. Vaapostora nevaprofita vokutanga vakagadza muenzaniso wei?

9 Zvakanga zvakasiyana sei nevadzidzi vaJesu, kusanganisira vaapostora vake! Vaidzidza “zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa [kuita kuti munhu ave] akachenjera nokuda kwokuponeswa.” (2 Timoti 3:15) Nenzira iyi, vakanga vakafanana nevaprofita vekare vaka“bvunzisisa nokunyatsonzvera.” Vaprofita ivavo havana kutora kutsvakurudza ikoko sokushingairira kudzidza kamwe chete kwemwedzi mishomanana kana kuti kwegore rimwe. Muapostora Petro akati “vakaramba vachitsvaka,” kunyanya nezvaKristu nembiri yaisanganisirwa mubasa rake rokuponesa vanhu. Mutsamba yake yokutanga, Petro anotora mashoko ari mumabhuku gumi eBhaibheri ka34.—1 Petro 1:10, 11.

10. Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kufarira kudzidza Bhaibheri?

10 Saka, zviri pachena kuti kunyatsodzidza Shoko raMwari raiva basa remadzimambo eIsraeri yekare. Jesu akatevedzera muenzaniso uyu. Uye kuridzidza kwaiva basa guru kune vaya vaizotonga naKristu semadzimambo kudenga. (Ruka 22:28-30; VaRoma 8:17; 2 Timoti 2:12; Zvakazarurwa 5:10; 20:6) Maitiro aya emadzimambo anodiwawo mazuva ano kune vose vanotarisira makomborero panyika mukutonga kwoUmambo sezvaaiitwa kare ikako.—Mateu 25:34, 46.

Basa Remadzimambo Nerako

11. (a) VaKristu vangangopedzisira vaita sei nezvokudzidza? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

11 Tinogona kutaura zvakasimba uye nokutendeseka kuti muKristu wechokwadi mumwe nomumwe anofanira kuongorora Bhaibheri pachake. Hachisi chinhu chinongodiwa paunotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mumwe nomumwe wedu anofanira kutsunga kusava sevamwe vomumazuva omuapostora Pauro vakazoregeredza kudzidza voga. Vakadzidza “zvinhu zvepakutanga zvemashoko matsvene aMwari,” zvakadai se“dzidziso yokutanga pamusoro paKristu.” Asi havana kuramba vachidzidza saka havana ‘kupfuurira kuti vave vakuru.’ (VaHebheru 5:12–6:3) Maererano naizvozvo tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonzwa sei pamusoro pokuti ndidzidze Shoko raMwari ndoga, kunyange ndave ndichisonganira neungano yechiKristu kwenguva pfupi kana kuti kwemakumi emakore? Pauro akanyengeterera kuti vaKristu vomumazuva ake varambe vachi“wedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.” Ndinoratidza kuti ndinodawo kuita kudaro here?’—VaKorose 1:9, 10.

12. Nei kuramba uchida Shoko raMwari kwazvo kuchikosha?

12 Chinhu chinokoshera kuva netsika dzakanaka dzokudzidza ndechokuti unosvika pakunzwa uchida Shoko raMwari zvikuru. Pisarema 119:14-16 rinotaura nezvokufungisisa zvine chinangwa Shoko raMwari senzira yaungasvika nayo pakurida. Zvakare, izvozvo ndezvechokwadi pasinei nokuti wave uri muKristu kwenguva yakareba sei. Kusimbisa izvozvo, yeuka muenzaniso waTimoti. Kunyange zvazvo murume mukuru wechiKristu iyeye akanga achitoshanda “somurwi akanaka kwazvo waKristu Jesu,” Pauro akamukurudzira kuita nepaaigona napo pakubata “shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:3, 15; 1 Timoti 4:15) Zvakajeka kuti kuita ‘nepaunogona napo’ kunosanganisira kuva netsika dzakanaka dzokudzidza.

13. (a) Munhu angaita sei kuti awane nguva yakawanda yokudzidza Bhaibheri? (b) Chii chaunogona kugadzirisa kuti uwane nguva yokudzidza?

13 Danho rokuva netsika yakanaka yokudzidza nderokugara uchironga nguva yokudzidza Bhaibheri. Wave uchiita sei panyaya iyi? Chero mhinduro yokutendeseka yaunopa, unofunga kuti ungabatsirika nokupedza nguva yakawanda uchidzidza woga here? Zvimwe unganetseka nokuti ‘ndingaronga sei nguva yokuita izvozvo?’ Vamwe vakati kurumidzei kumuka mangwanani kuti vawedzere nguva yavo yokuverenga Bhaibheri kunobudirira. Vangaverenga Bhaibheri kwemaminitsi 15 kana kuita chirongwa chavo pachavo chokudzidza voga. Kana kuti, zvakadini nokuti gadzirisei purogiramu yako yevhiki nevhiki? Somuenzaniso, kana uine tsika yokuverenga pepanhau mazuva akawanda kana kuti kuona nhau dzemanheru paterevhizheni, zvingaita here kurega kuita izvozvo zuva rimwe chete pavhiki? Ungashandisa nguva yezuva iroro kuwedzera kudzidza Bhaibheri. Kana ukashandisa maminitsi anenge 30 kudzidza uri woga panzvimbo pokuverenga kana kuteerera nhau, ungawana maawa anopfuura 25 pagore. Fungidzira kubatsira kwemaawa 25 okuverenga kana kudzidza Bhaibheri zvakawedzerwa! Herino rimwe zano: Muvhiki inouya, ongorora zvaunoita panopera zuva rimwe nerimwe. Ona kana ungawana chimwe chinhu chinogona kuregwa kana kudimburirwa kuti uwane nguva yokuverenga kana kudzidza Bhaibheri zvakawedzerwa.—VaEfeso 5:15, 16.

14, 15. (a) Nei vavariro dzichikosha pakudzidza uri woga? (b) Dzimwe vavariro dzingava dzei pakuverenga Bhaibheri?

14 Chii chichaita kuti kudzidza kuve nyore kwauri uye kuti kunyatsonakidza? Ivavariro. Ivavariro dzipi dzokudzidza dzinokwanisika dzaungazviisira? Kune vakawanda, vavariro yokutanga yakanaka ndeyokuverenga Bhaibheri rose. Zvichida kusvikira panguva ino, wakaverenga zvikamu zveBhaibheri pano neapo uye wakabatsirwa nazvo. Iye zvino ungavavarira kuverenga Bhaibheri rose here? Chaungatanga kuvavarira kuita kuti udaro kungava kuverenga Evhangeri ina, zvichiteverwa nevavariro yechipiri, yakadai sokuverenga mamwe Magwaro echiKristu echiGiriki ose. Kana wangonzwa kugutsikana nokubatsira kwazvo, chivavarira kuverenga mabhuku aMosesi nemabhuku enhoroondo kusvikira kuna Esteri akatevedzana. Wapedza kudaro, uchaona kuti zvinokwanisika kuchipedzisa mamwe mabhuku asara eBhaibheri. Mumwe mukadzi, uyo aiva nemakore 65 paakava muKristu, akanyora mukati mebutiro reBhaibheri rake musi waakatanga kuriverenga akazonyora musi waakaripedza. Iye zvino akariverenga kashanu! (Dheuteronomio 32:45-47) Uye pane kuverenga mukombiyuta kana pamapepa akadhindwa, aiverenga Bhaibheri racho pacharo.

15 Vamwe vakatopedza kuverenga Bhaibheri rose vakatora dzimwe nhanho dzokuita kuti kudzidza kwavo kunoenderera mberi kubereke zvibereko zvakawanda uye kupe mubayiro. Imwe nzira ndeyokumbodzidza mamwe mashoko aunenge wasarudza usati waverenga bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri. Munhu angawana mashoko akanaka kwazvo pamusoro pemarongerwo enhoroondo yacho, manyorerwo, uye kubatsira kunogona kuita bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri kubva mumabhuku a“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” naInsight on the Scriptures. *

16. Tinofanira kudzivisa kutevera mienzaniso ipi yokudzidza Bhaibheri?

16 Paunenge uchidzidza, rega kutora nzira inowanzoshandiswa nedzinonzi nyanzvi dzeBhaibheri dzakawanda. Vanosimbirira kuongorora magwaro zvakanyanyisa sezvinonzi Bhaibheri rakanyorwa nevanhu. Vamwe vavo vanoedza kutaura kuti bhuku rimwe nerimwe rine vanhu vakati varakanyorerwa kana kufungidzira chinangwa kana pfungwa dzaiva nomunhu akanyora bhuku rimwe nerimwe. Mafungiro evanhu akadaro anoita kuti munhu azongoguma oona mabhuku eBhaibheri sedzinongova nhoroondowo zvadzo kana kuaona seanoratidza chitendero mumaonero evanhu zvishoma nezvishoma. Dzimwe nyanzvi dzinopedzisira dzava kunyanyoongorora mashoko, zvakadai sokuongorora mutauro wakashandiswa mumabhuku eBhaibheri. Vanenge vava kuita basa rokudzidza kwakatangira mashoko uye kududzira zvinoreva mashoko echiHebheru neechiGiriki panzvimbo pokudzidza zvinenge zvichireva shoko raMwari. Unofunga kuti kuita kwakadaro kungapa kutenda kwakadzama uye kunokurudzira here?—1 VaTesaronika 2:13.

17. Nei tichifanira kuona Bhaibheri serine shoko revanhu vose?

17 Zvinotaurwa nenyanzvi zvakarurama here? Ichokwadi here kuti bhuku rimwe nerimwe rinongova nepfungwa huru imwe kana kuti rine vanhu varakanyatsonyorerwa? (1 VaKorinde 1:19-21) Chokwadi ndechokuti mabhuku eShoko raMwari anobatsira zvechigarire kuvanhu vemazera ose nemamiriro ose ezvinhu. Kunyange kudai rimwe bhuku rakatanga kunyorerwa munhu mumwe, zvakadai saTimoti kana Tito, kana kuti kuboka rakati, zvichida vaGaratiya kana kuti vaFiripi, tose tinogona kudzidza uye tinofanira kudzidza mabhuku iwayo. Anokosha kwatiri tose, uye bhuku rakati ringataura nezvenyaya dzakawanda uye rinobatsira vanhu vakawanda. Hungu, shoko riri muBhaibheri rinoshanda kuvanhu vari munyika dzose, izvo zvinotibatsira kunzwisisa chikonzero nei rakashandurirwa mundimi dzevanhu vari pasi pose.—VaRoma 15:4.

Rinobatsira Iwe Nevamwewo

18. Sezvaunoverenga Shoko raMwari, unofanira kunge uchifungisisei?

18 Sezvaunodzidza, uchaona kuti zvinobatsira chaizvo kutsvaka kunzwisisa Bhaibheri nokuedza kuona kubatana kwakaita mashoko akakwana arimo. (Zvirevo 2:3-5; 4:7) Zvakaziviswa naJehovha kuburikidza neShoko rake zvakanyatsobatana nechinangwa chake. Saka sezvaunenge uchiverenga, wiriranisa zvauri kudzidza uye zano racho nechinangwa ichocho. Ungafungisisa kuti chiitiko, pfungwa, kana kuti uprofita hunei chokuita nechinangwa chaJehovha. Zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinondiudzei nezvaJehovha? Zvinobatana sei nokuitwa kwechinangwa chaMwari kuburikidza noUmambo hwake?’ Ungafungisisawo kuti: ‘Ndingashandisa sei mashoko aya? Ndingaashandisa pakudzidzisa kana kupa vamwe mazano akavakirwa muMagwaro here?’—Joshua 1:8.

19. Ndiani anobatsirwa kana ukaudza vamwe zvinhu zvaunodzidza? Tsanangura.

19 Kufunga vamwe kunobatsirawo pane zvimwe zvinhu. Paunenge uchiverenga uye uchidzidza Bhaibheri, uchadzidza zvinhu zvitsva wonzwisisa zvimwe zvinhu zvitsva. Edza kutaurawo zvinhu izvi mukurukurirano dzinovaka dzaunoita nevemhuri yako kana kuti nevamwe. Kana ukadaro panguva dzakakodzera uye nenzira ine mwero, kurukurirano dzakadaro pasina mubvunzo dzichabatsira. Kudzokorora kwako nomwoyo wose uye nomufaro zvawakadzidza kana zvawakawana zvichifadza kungangoita kuti vamwe vanyatsogutsikana. Kupfuura izvozvo, zvichakubatsira iwe pachako. Munzira ipi? Nyanzvi dzakataura kuti munhu achayeuka kwenguva refu zvinhu zvaakadzidza kana kuverenga kana akazvishandisa kana kuzvidzokorora, sepaanenge achizviudza vamwe, zvichiri zvitsva mupfungwa dzake. *

20. Nei zvichibatsira kuverenga Bhaibheri kakawanda?

20 Nguva imwe neimwe yaunoverenga bhuku reBhaibheri, uchatowana chinhu chitsva. Uchanakidzwa zvikuru nendima dzisina kunge dzambokunakidza kare. Dzichava nezvitsva zvadzinoreva. Izvi zvichasimbisa kuti pane kungova mabhukuwo zvawo evanhu, mabhuku eBhaibheri ipfuma yakakodzera kuti urambe uchidzidza nokubatsirwa nawo. Yeuka, mambo, akadai saDhavhidhi, aifanira kuti “aravemo mazuva ose oupenyu hwake.”

21. Mubayiroi waunogona kutarisira kubva mukuwedzera kudzidza Shoko raMwari?

21 Hungu, vaya vanotora nguva vachidzidza Bhaibheri zvakadzama vanobatsirwa zvikuru. Vanowana zvinhu zvomudzimu zvakanaka kwazvo nezvimwe zvinhu zvavanonzwisisa. Ukama hwavo naMwari hunova hwakasimba kwazvo, hwakapfuma. Vanovawo munhu anokosha zvikuru mumhuri, kuhama nehanzvadzi muungano yechiKristu, uye kune vaya vasati vava vanamati vaJehovha.—VaRoma 10:9-14; 1 Timoti 4:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Mabhuku anobatsira pakudzidza aya anobudiswa neZvapupu zvaJehovha uye anowanika mumitauro yakawanda.

^ ndima 19 Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1993, mapeji 13-14.

Unoyeuka Here?

• Madzimambo omuIsraeri aifanira kuita chii?

• Jesu nevaapostora vakapa muenzaniso wei wokudzidzwa kweBhaibheri?

• Chii chaungagadzirisa kuti uwedzere nguva yako yokudzidza uri woga?

• Unofanira kufunga nezvokudzidza Shoko raMwari nepfungwa dzakadini?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 15]

“Mumaoko Edu”

“Kana tichida . . . konikodhenzi yeBhaibheri, hapana chishandiso chatingawana chinopfuura Indaneti. Asi kana tichida kuverenga Bhaibheri, kuridzidza, kufunga nezvaro, kufungisisa nezvaro, tinofanira kuva naro mumaoko edu, nokuti ndiyo chete nzira yokuripinza nayo mupfungwa nemwoyo yedu.”—Gertrude Himmelfarb, purofesa akakurumbira ava pamudya ndigere, City University, New York.