Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Uri Mukadzi Wakanaka Kwazvo”

“Uri Mukadzi Wakanaka Kwazvo”

“Uri Mukadzi Wakanaka Kwazvo”

Mashoko aya okurumbidza akaudzwa mukadzi wechiduku wokuMoabhi. Aiva chirikadzi inonzi Rute, muroora womukadzi aiva muIsraeri, Naome. Achigara muIsraeri makore anenge 3 000 apfuura munguva yevatongi, Rute akanga azviwanira zita rakanaka kwazvo. (Rute 3:11) Akawana sei zita rakanaka iri? Ndiani angabatsirwa nomuenzaniso wake?

Aiva munhu asingadyi “zvokudya zvousimbe,” Rute aishanda maawa akawanda uye nesimba kuunganidza zvakasaririra muminda, achishanda nesimba zvakaita kuti arumbidzwe. Kunyange paakarerutsirwa basa, akapfuurira kushanda zvakaoma, achiita kudaro kudarika zvaitarisirwa. Hazvishamisi kuti anokodzera rondedzero yeBhaibheri yomukadzi anorumbidzwa, anoita zvakanaka, anobishaira.—Zvirevo 31:10-31; Rute 2:7, 15-17.

Hwaiva unhu hwomudzimu hwaRute—mafungiro ake okuzvininipisa, okuzvipira uye rudo rwake rwakavimbika—zvakanyanya kuita kuti arumbidzwe nevanhu. Achisiya vabereki vake uye nyika yaakaberekerwa, asingambonyanyi kutarisira kuchengeteka kungawanika nokuroorwa, akaramba aina Naome. Panguva imwe chete iyi, Rute akaratidza chido chokushumira Jehovha, Mwari wavamwene vake. Ichisimbisa kukosha kwake, nhoroondo iri muMagwaro inotaura kuti ‘aiva nani kuna Naome kupfuura vanakomana vanomwe.’—Rute 1:16, 17; 2:11, 12; 4:15.

Kunyange zvazvo Rute akanga akanaka zvokukodzera kurumbidzwa nevanhu vaairarama navo, chainyanya kukosha kurumbidza zvakanaka kwakaita Mwari unhu hwake nokumupa kwaakaita mubayiro weropafadzo yokuva amai vatateguru vaJesu Kristu. (Mateu 1:5; 1 Petro 3:4) Rute muenzaniso wakazonaka kwete kuvakadzi vechiKristu chete asi kuvose vanoti vanonamata Jehovha!