Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinetso Zvevanhu Zvava Kuda Kuzopera!

Zvinetso Zvevanhu Zvava Kuda Kuzopera!

Zvinetso Zvevanhu Zvava Kuda Kuzopera!

“MABASA okuyamura haanyanyi kubatsira kana asiri chikamu chourongwa hukuru uye hwezvematongerwe enyika hune chinangwa chokugadzirisa zvinokonzera kurwisana. Zvakaitika zvaratidza zvaratidzazve kuti mabasa okuyamura oga haagoni kupedza zvinetso zvinenge zviri zvematongerwe enyika kakawanda.”—The State of the World’s Refugees 2000.

Pasinei nemabasa okuyamura akakura, zvinetso zvevanhu zviri kuwedzera zvisingadzivisiki. Pane mukana here wokuwana chichagadzirisa zvechigarire zvematongerwe enyika? Chokwadi, muduku kwazvo. Asi ndokupizve kwatingatarisa? Mundima ine mashoko anokosha kumavambo kwetsamba yake kuvaKristu vokuEfeso, muapostora Pauro anotsanangura kupedza kuchaita Mwari zvinetso zvose zvevanhu. Anotoratidza chichashandiswa naMwari kuita izvi—chishandiso chichagadzirisa zvinokonzera zvinetso zvose zvevanhu zviri kutitambudza nhasi. Tadii kumboongorora zvinotaurwa naPauro? Ndima yacho inowanika pana VaEfeso 1:3-10.

“Kuunganidzazve Zvinhu Zvose Muna Kristu”

Chinangwa chaMwari, anodaro muapostora, ndechezvaanoti “kutarisirwa kwezvinhu pakunyatsokwana kwenguva yakatarwa.” Izvi zvinorevei? Zvinoreva kuti Mwari ane nguva yaakatara yaachaita zvinhu nenzira yokuti a‘unganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri pasi.’ (VaEfeso 1:10) Hungu, Mwari akatotanga kushandisa urongwa hwokuita kuti zvinhu zvose zviri kumatenga nezviri pasi zvipindirane pasi poutungamiriri hwake hwakananga. Zvinotofadza ndezvokuti, shoko ranzi pano “kuunganidzazve,” nyanzvi yeBhaibheri J. H. Thayer inoti: “Akazviunganidzirazve . . . zvinhu zvose nevanhu (vakaparadzaniswa nechivi kusvika panguva ino) muukama humwe naKristu.”

Izvozvo zvinoratidza kuti zvava kutoda kuti Mwari aite izvi tichifunga nezvokuti kusabatana kwakambotanga sei. Pakutanga munhau yomunhu, vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakatevera Satani Dhiyabhorosi mukupandukira Mwari. Vaida kuzvimirira pakodzero yavo yokuzvisarudzira chakanga chakanaka nechakanga chakaipa. (Genesi 3:1-5) Maererano nokururamisira kwaMwari, vakadzingwa mumhuri yaMwari uye vakarasikirwa noukama naye. Vakapinza vanhu mukusakwana nemimwe migumisiro yakaipisisa yose yatinayo nhasi.—VaRoma 5:12.

Kubvumirwa Kwouipi Kwekanguva

‘Nei Mwari akavabvumira kuita izvozvo?’ vamwe vangabvunza. ‘Nei asina kungoshandisa simba rake guru oita kuti zvaanoda zviitwe, nokudaro oita kuti pasave nemarwadzo ose uye kutambura kwatinako nhasi?’ Zvingava zvomuzvarirwo kufunga saizvozvo. Asi kushandisa simba guru kwakadaro kwaizoratidzei chaizvo? Unoyemura kana kufarira munhu anoti akangoona kachiratidzo kokuti vamwe vanhu havasi kupindirana naye obva angotanga kuvarwisa nokuti ane simba rokuita kudaro here? Haungambodaro.

Vapanduki ivavo havana kudenha chaizvoizvo simba rose raMwari. Vakanyanya kudenha kodzero nokururama kwematongero ake. Kuti agadzirise kamwe chete uye zvechigarire nhau huru dzakamutswa, Jehovha akabvumira zvisikwa zvake kuti zvizvitungamirire iye asingadzori zvakananga kwenguva pfupi. (Muparidzi 3:1; Ruka 21:24) Kana nguva iyoyo yapera, achapindira kuti adzorezve zvakakwana pasi rose. Panguva iyoyo zvinenge zvava pachena kuti nzira yake yokutonga ndiyo chete inopa rugare rwechigarire, mufaro, uye budiriro kuvagari vepasi. Zvadaro vadzvinyiriri vose vari pasi vachabva vabviswa zvachose.—Pisarema 72:12-14; Dhanieri 2:44.

“Nyika Isati Yavambwa”

Jehovha akaita chinangwa chokuita izvi kare kare. Pauro anoti “nyika isati yavambwa.” (VaEfeso 1:4) Izvozvo hazvina kuitwa isati yasikwa kana Adhamu naEvha. Nyika iyoyo yaiva ‘yakanaka kwazvo,’ uye kupandukira kwakanga kusati kwaitika. (Genesi 1:31) Saka muapostora Pauro aitaura “nyika” ipi? Inyika yomunguva yevana vaAdhamu naEvha—nyika ine chivi, isina kukwana yevanhu vanotarisira kudzikinurwa. Pasati pamboberekwa vana vapi nevapi, Jehovha aitoziva zvaaizoita kuti asunungure vazukuru vaAdhamu vanogona kudzikinurwa.—VaRoma 8:20.

Zvechokwadi, izvi hazvisi kureva kuti Changamire wezvose zvakasikwa anofanira kubata nhau sezvinoita vanhu. Vachiziva kuti pangaitika zviitiko zvisingatarisirwi, vanoronga zvakasiyana-siyana kuti vabate nemamiriro acho ezvinhu. Asi Mwari wemasimba ose anongoita chinangwa chake uye anoita kuti chibudirire. Kunyange zvakadaro, Pauro anotsanangura kusarudza kwakaita Jehovha maitiro aachaita kuti aunze rusununguko rwechigarire kuvanhu. Matanho api aakaita?

Ndiani Achaunza Rusununguko?

Pauro anotsanangura kuti vadzidzi vaKristu vakazodzwa nomudzimu vane basa rinokosha rokuita mukubvisa kukuvadza kwechivi chakakonzerwa naAdhamu. Jehovha ‘akatisarudza tiri pamwe naKristu,’ anodaro Pauro, kuti tizotonga pamwe naJesu muUmambo hwake hwokudenga. Achienderera mberi kutsanangura izvi, Pauro anoti Jehovha “akafanotigadza kuti tigamuchirwe kwaari sevanakomana nokuna Jesu Kristu.” (VaEfeso 1:4, 5) Zvechokwadi, Jehovha haana kuvasarudza, kana kuti kufanovagadza somunhu mumwe nomumwe. Zvisinei, akafanogadza boka revanhu vakatendeka uye vakazvipira vachazoshanda naKristu pakubvisa kukuvadzwa kwakaitwa mhuri yevanhu naSatani Dhiyabhorosi naAdhamu naEvha.—Ruka 12:32; VaHebheru 2:14-18.

Zvinoshamisa kwazvo! Mukupokana kwake kwokutanga nouchangamire hwaMwari, Satani akati vanhu vakasikwa naMwari vaiperevedza—kuti vakanyatsotambudzwa kana kuti vakanyengedzwa, vaizopandukira kutonga kwaMwari. (Jobho 1:7-12; 2:2-5) Achiratidza zvinonyatsooneka “mutsa wake usina kufanirwa une mbiri,” nokufamba kwenguva Jehovha Mwari akavimba nezvisikwa zvake zvepasi nokugamuchira vamwe vomumhuri yaAdhamu inotadza kuti vave vana vake vomudzimu. Vaya vaiva muboka duku iri vaizotorwa kuti vashumire vari mudenga. Nokuda kwechinangwa chei?—VaEfeso 1:3-6; Johani 14:2, 3; 1 VaTesaronika 4:15-17; 1 Petro 1:3, 4.

Vanakomana vaMwari ava vakagamuchirwa, anodaro muapostora Pauro, vanova “vagari venhaka pamwe naKristu” muUmambo hwake hwokudenga. (VaRoma 8:14-17) Semadzimambo nevapristi, vane zvavachaitawo mukusunungura mhuri yomunhu kubva mumarwadzo uye kutambura kwairi kuita iye zvino. (Zvakazarurwa 5:10) Chokwadi, “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” Zvisinei, nokukurumidza vanakomana vaMwari ava vakanyatsosarudzwa vachatevera Jesu mukuita chiito, uye vanhu vose vanoteerera va“chasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:18-22.

“Tinosunungurwa Norudzikinuro”

Izvi zvose zvakaitwa kuti zvikwanisike nokuratidza kunoshamisa uye kwakaisvonaka zvikuru kwaMwari mutsa usina kufanirwa kuvanhu vanogona kudzikinurwa—chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Pauro anonyora kuti: “Naye [Jesu Kristu] tinosunungurwa norudzikinuro neropa raiye, hungu, kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano nepfuma yomutsa wake usina kufanirwa.”VaEfeso 1:7.

Jesu Kristu ndiye munhu anokosha kwazvo mukuitwa kwechinangwa chaMwari. (VaHebheru 2:10) Chibayiro chake chorudzikinuro chinopa chikonzero chapamutemo chokuti Jehovha agamuchire vamwe vazukuru vaAdhamu mumhuri yake yokudenga uye kusunungura vanhu pamigumisiro yechivi chaAdhamu, pasina kukanganisa kuvimbwa kwemitemo Yake nenhungamiro. (Mateu 20:28; 1 Timoti 2:6) Jehovha akaita zvinhu nenzira inotsigira kururama kwake uye inoita zvinodiwa neruramisiro yakakwana.—VaRoma 3:22-26.

“Chakavanzika Chitsvene” chaMwari

Kwezviuru zvemakore, Mwari haana kuratidza kuti aizonyatsoita sei chinangwa chake nokuda kwepasi. Muzana remakore rokutanga C.E., ‘akazivisa vaKristu chakavanzika chitsvene chokuda kwake.’ (VaEfeso 1:9) Pauro nevamwe vaKristu vakazodzwa saiye vainyatsonzwisisa basa rinokosha rakapiwa Jesu Kristu kuita kuti chinangwa chaMwari chibudirire. Vakatangawo kunzwisisa basa ravo rinokosha sevagari venhaka pamwe naKristu muUmambo hwake hwokudenga. (VaEfeso 3:5, 6, 8-11) Hungu, hurumende yoUmambo inotungamirirwa naJesu Kristu nevamwe vaachatonga navo ndiyo ichashandiswa naMwari kuunza rugare rwechigarire kwete kudenga chete asiwo nepasi pano. (Mateu 6:9, 10) Achishandisa hurumende iyi, Jehovha achaita kuti pasi rive sezvaakanga akarirongera pakutanga.—Isaya 45:18; 65:21-23; Mabasa 3:21.

Nguva yake yakatarwa yokuti aite chiito chakananga chokubvisa kudzvinyirira nokusaruramisira kwose panyika iri munguva yemberi iri pedyo. Asi Jehovha chaizvoizvo akatanga gadziriro yokudzorera paPendekosti ya33 C.E. Sei? Panguva iyoyo nokutanga kuunganidza “zvinhu zviri kumatenga,” vaya vachatonga naKristu kumatenga. Ivava vaisanganisira vaKristu vomuEfeso. (VaEfeso 2:4-7) Munguva pfupi yapfuura, munguva yedu, Jehovha ave achiunganidza “zvinhu zviri pasi.” (VaEfeso 1:10) Kuburikidza nebasa rokuparidza munyika yose, ari kuita kuti mashoko akanaka ehurumende yake yoUmambo inotungamirirwa naJesu Kristu azivikanwe nemarudzi ose. Vaya vanogamuchira vari kutounganidzwa iye zvino munzvimbo yokuchengetwa neyokuporeswa mumudzimu. (Johani 10:16) Nokukurumidza, vari mupasi rakacheneswa kuva paradhiso, vachawana rusununguko rwakakwana kubva mukusaruramisira nokutambura kwose.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 11:18.

“Kufambira mberi kunoshamisa” kwakaitwa mumabasa okuyamura kubatsira vanhu vakadzvinyirirwa. (The State of the World’s Children 2000) Asi, kufambira mberi kuchanyatsoshamisa ndekwokupindira kwava pedyo kuchaitwa naKristu Jesu nevamwe vaachatonga navo muUmambo hwokudenga. Vachanyatsogadzirisa zvose zvinokonzera kurwisana uye uipi hwose huri kutitambudza. Vachapedza zvinetso zvose zvevanhu.—Zvakazarurwa 21:1-4.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Mabasa okuyamura haana kugadzirisa zvinetso zvevanhu

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chibayiro chorudzikinuro chaKristu chakasunungura vanhu muchivi chaAdhamu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvinokwanisika kudzivirirwa uye kuporeswa mumudzimu nhasi

[Mifananidzo iri papeji 7]

Nokukurumidza, kuburikidza noUmambo hwaMesiya, tichasunungurwa zvakakwana muzvinetso