Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinetso Zvevanhu—Zvichazombopera Here?

Zvinetso Zvevanhu—Zvichazombopera Here?

Zvinetso Zvevanhu—Zvichazombopera Here?

“CHIKAMU chimwe muzvina chevagari vose venyika chinorarama muurombo, vanhu mabhiriyoni 1,3 vanorarama nemari iri pasi peUS$1 [Z$55,00] pazuva, bhiriyoni rimwe havana kudzidza, mabhiriyoni 1,3 havawani mvura yokunwa yakachena uye bhiriyoni rimwe vanorumwa nenzara zuva rimwe nerimwe.” Unodaro mushumo wakabva kuIreland wemamiriro akaita zvinhu munyika.

Aya mashoko anosuruvarisa anoratidza kutadza kwevanhu kuwana zvinogadzirisa zvinetso zvenyika zvechigarire! Zvinetso izvozvo zvinoita sezvinotonyanya kusiririsa paunoziva kuti vazhinji vevanhu vanorondedzerwa mumushumo iwoyo vakadzi nevana vasingagoni kuzvibatsira. Hazvityisi here kuti kunyange iye zvino, muzana rino remakore rechi21, kodzero dzavo dzinoramba “dzichityorwa kasingaverengeki zuva nezuva”?—The State of the World’s Children 2000.

“Nyika Itsva Muchizvarwa Chimwe Chete”

United Nations Children’s Fund yakaratidza chivimbo chokuti ‘zvakaitwa nemamiriro ezvinhu aya anoodza mwoyo muupenyu hwevanhu zvokuvabata zvisina kufanira munyika yose zvinogona kubviswa.’ Sangano iri rinotaura kuti mamiriro ezvinhu akaipa kwazvo anofanira kutsungirirwa nemabhiriyoni aya evanhu iye zvino “haanzvengeki kana kuchinjika.” Rakatoti “vanhu vose vacherechedze kuti pane nyika itsva muchizvarwa chimwe chete.” Rinotarisira kuti iyi ichange iri nyika umo vanhu vose “vachasunungurwa muurombo norusaruro, vachasunungurwa muchisimba uye muzvirwere.”

Vanotaura mashoko aya vanokurudzirwa nechokwadi chokuti kunyange iye zvino vanhu vane hanya nevamwe vanoita basa guru chaizvo kuderedza migumisiro inosuruvarisa ye“nhevedzano inoita seisingaperi yokurwisana uye zvinetso.” Somuenzaniso, mumakore 15 apfuura, Chernobyl Children’s Project “yakabatsira kuderedza kutambura kwemazana evana vaiva nekenza yakakonzerwa nechiutsi chenyukireya.” (The Irish Examiner, yaApril 4, 2000) Masangano makuru nemaduku anopa rubatsiro ane zvikuru zvaanoitawo muupenyu hwevasingaverengeki vanotambura pamusana pehondo uye njodzi.

Kunyange zvakadaro, vaya vanoita mabasa akadaro okupa ruyamuro vanhu vanoona zvinhu sezvazviri. Vanoziva kuti zvinetso zviri kusanganwa nazvo “zviri kwose kwose uye zvakatodzika midzi kwazvo kupfuura zvazvainge zvakaita makore gumi apfuura.” David Begg, mukuru mukuru weSangano rinoyamura rokuIreland rinonzi Concern, anoti “vashandi, vatsigiri uye vanopa ruyamuro vakabatsira zvakanaka chaizvo” Mozambique payakawirwa nemafashamo anoparadza kwazvo. “Asi,” anowedzera kudaro, “hatigoni kukunda toga njodzi dzakakura zvakadai.” Achitaura nezvezvakaitwa kubatsira Africa, anobvuma pachena kuti: “Zvikonzero zvetariro zvishomanana zviripo zvakangofanana nemakenduru anobvira zvishoma nezvishoma.” Vakawanda vaizofunga kuti mashoko ake anonyatsopfupisa mamiriro ose ezvinhu ari pasi posewo.

Tingatarisira kuona “nyika itsva [inotarisirwa] muchizvarwa chimwe chete” chaizvoizvo here? Kunyange zvazvo ruyamuro ruri kupiwa panguva ino ruchiongwa zvechokwadi, zvine musoro chaizvo kufunga nezvokutarisira imwe nyika itsva yakarurama uye ine rugare. Bhaibheri rinotaura nezvetarisiro iyoyo, sezvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Peji 3, vana: UN/DPI Mufananidzo naJames Bu