Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza

Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza

Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza

“Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.”—ISAYA 60:1.

1, 2. (a) Vanhu vari mumariroi ezvinhu? (b) Ndivanaani vari kukonzera rima iro vanhu vari mariri?

“DAI Isaya kana Pauro Musande aivapo!” Ikoko kudembatemba kwakaitwa naPurezidhendi weUnited States Harry Truman kare kuma1940. Akataurirei mashoko iwayo? Akaona kuti panodiwa vanhu vanonyatsokwanisa kuratidza muenzaniso wetsika dzakanaka. Vanhu vakanga vachangopfuura nguva ingafananidzwa nerima yavakashaya tariro kupfuura imwe nguva ipi zvayo muzana remakore rechi20, hondo yenyika yechipiri. Asi, kunyange zvazvo hondo yakanga yapera, nyika yakanga isina runyararo. Rima rakaramba riripo. Chokwadi, makore 57 hondo iyoyo yapera, nyika ichiri murima. Kudai Purezidhendi Truman anga achiri mupenyu nhasi, chokwadi aizodai achiri kuona kukosha kwokuva nevanhu vanonyatsokwanisa kuratidza muenzaniso wetsika dzakanaka vakaita saIsaya kana kuti muapostora Pauro.

2 Purezidhendi Truman angave aizviziva kana kuti kwete, muapostora Pauro akataura nezverima riri kutambudza vanhu, uye akanyevera nezvaro muzvinyorwa zvake. Somuenzaniso, akanyevera vaainamata navo kuti: “Tinorwa, kwete neropa nenyama, asi nehurumende, nevane simba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Nemashoko aya Pauro akaratidza kuti akanga asingangozivi nezverima romudzimu rakafukidza nyika asiwo kuti aiziva kwarinobva chaiko—masimba emadhimoni anorondedzerwa se“vatongi venyika.” Sezvo midzimu ine simba kwazvo iriyo iri kukonzera rima renyika, vanhuwo zvavo vangaitei kuti varibvise?

3. Pasinei nerima rakafukidza vanhu, Isaya akafanotaurei nokuda kwevakatendeka?

3 Saizvozvowo Isaya akataura nezverima riri kutambudza vanhu. (Isaya 8:22; 59:9) Kunyange zvakadaro, achitarira mberi kuzuva redu, akafanotaura achifuridzirwa kuti kunyange munguva dzine rima idzi, Jehovha aizovhenekera vaya vanoda chiedza. Saka kunyange tisina Pauro naIsaya pano, tine zvavakafuridzirwa kunyora kuti zvititungamirire. Kuti tione kuti ichocho chikomborero chakakura kune vaya vanoda Jehovha, ngatitarire mashoko ouprofita aIsaya anowanikwa muchitsauko chechi60 chebhuku rake.

Mukadzi Wouprofita Anovheneka Chiedza

4, 5. (a) Jehovha anorayira mukadzi kuitei, uye chii chaanopikira? (b) Chitsauko 60 chaIsaya chine mashoko api anofadza?

4 Mashoko okutanga aIsaya chitsauko 60 ari kutaurwa kumukadzi ari kusiririsa zvikuru—akazvambarara pasi nouso murima. Chiedza chinoerekana chati bhaa murima imomo, uye Jehovha anodanidzira kuti: “Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.” (Isaya 60:1) Nguva yasvika yokuti mukadzi wacho asimuke oratidza chiedza chaMwari, kubwinya kwake. Nei? Tinoona mhinduro yacho mundima inotevera, inoti: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.” (Isaya 60:2) Mukadzi wacho paanoita zvaarayirwa naJehovha, anovimbiswa kuwana mugumisiro wakanaka kwazvo. Jehovha anoti: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.”—Isaya 60:3.

5 Mashoko anofadza ari mundima nhatu idzi isumo uye pfupiso yezvose zviri muchitsauko 60 chaIsaya. Anofanotaura zvaizoitika kumukadzi wouprofita uye anotsanangura kugara kwatingaita muchiedza chaJehovha pasinei nerima rafukidza vanhu. Zvisinei, mifananidzo youprofita iri mundima nhatu idzi inorevei?

6. Mukadzi anotaurwa muna Isaya chitsauko 60 ndiani, uye ndivanaani vanomumiririra pasi pano?

6 Mukadzi anotaurwa pana Isaya 60:1-3 iZiyoni, sangano raJehovha rokudenga rezvisikwa zvomudzimu. Nhasi, Ziyoni rinomiririrwa pasi pano nevasara va“Israeri waMwari,” ungano yepasi pose yevaKristu vakazodzwa nomudzimu, vane tariro yokutonga naKristu kudenga. (VaGaratiya 6:16) Rudzi urwu rwomudzimu runopedzisira rwava nenhengo 144 000, uye kuzadzika kwemazuva ano kwechitsauko 60 chaIsaya kunoitika pane dziri kurarama pasi pano mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 14:1) Uprofita hwacho hunewo zvakawanda zvokutaura nezveshamwari dzevaKristu vakazodzwa ava, “boka guru” re“mamwe makwai.”—Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16.

7. Zvinhu zvakanga zvakamira sei nokuda kweZiyoni muna 1918, uye izvi zvakanga zvaprofitwa sei?

7 Pane nguva apo Israeri waMwari akanga akazvambarara murima, sezvinofananidzirwa nomukadzi wouprofita here? Hungu, izvi zvakaitika makore 80 akapfuura. Muhondo yenyika yokutanga, vaKristu vakazodzwa vakanga vatamburira zvakasimba kuti vachengete basa rokupupura richienderera mberi. Asi muna 1918, gore rokupedzisira rehondo, basa rakarongwa rokuparidza rakapotsa ramira. Joseph F. Rutherford, akanga achitarisira basa rokuparidza munyika yose, nevamwe vaKristu vakakurumbira vakatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba vapomerwa mhosva dzenhema. Mubhuku raZvakazarurwa, vaKristu vakazodzwa vaivapo panguva iyoyo vakarondedzerwa muuprofita sezvitunha zviri “mumugwagwa wakafara weguta guru rinonzi Sodhomu neIjipiti mupfungwa yomudzimu.” (Zvakazarurwa 11:8) Iyoyo zvechokwadi yaiva nguva yerima kuZiyoni, richimiririrwa nevana varo vakazodzwa vaiva pasi pano!

8. Chii chakachinja zvinoshamisa muna 1919, zvikazoguma sei?

8 Zvisinei, mugore ra1919 zvinhu zvakachinja zvinoshamisa. Jehovha akavhenekera Ziyoni! Vamwe vaIsraeri vaMwari vakanga vapona vakasimuka ndokupenya nechiedza chaMwari, vachitangazve kuzivisa mashoko akanaka vasingatyi. (Mateu 5:14-16) Pamusana pokushingaira kutsva kwevaKristu ava, vamwe vakakweverwa kuchiedza chaJehovha. Pakutanga, vatsva ava vakazodzwa sedzimwe nhengo dzaIsraeri waMwari. Dzinorondedzerwa se“madzimambo” pana Isaya 60:3, sezvo vachizogara nhaka pamwe naKristu muUmambo hwaMwari hwokudenga. (Zvakazarurwa 20:6) Gare gare, boka guru remamwe makwai rakatanga kukweverwa kuchiedza chaJehovha. Ava ndivo “marudzi” anotaurwa muuprofita.

Vana Vomukadzi Vanouya Kumba!

9, 10. (a) Mukadzi akaona chii chinofadza, uye izvi zvakafanofananidzirei? (b) Ziyoni rave rine chikonzero chipi chokufara?

9 Zvino, Jehovha anotanga kuita seanopazve mamwe mashoko anotaurwa pana Isaya 60:1-3. Anorayirazve mukadzi uya. Teerera zvaanotaura: “Ringira kwose kwose nameso ako, uone.” Mukadzi wacho anodaro, uye zvaanoona zvinozofadza! Vana vake vari kuuya kumusha. Rugwaro rwacho runoenderera mberi ruchiti: “Vose vanoungana pamwe chete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.” (Isaya 60:4) Kuparidzwa kwoUmambo pasi pose kwakatanga muna 1919 kwakakwevera zviuru zvevatsva kubasa raJehovha. Ivavawo vakava “vanakomana” ne“vanasikana” veZiyoni, nhengo dzakazodzwa dzaIsraeri waMwari. Saka, Jehovha akashongedza Ziyoni nokuunza kwaaita vokupedzisira ve144 000 kuchiedza.

10 Ungafungidzira here kufara kuri kuita Ziyoni nokuva nevana varo? Asi, Jehovha anopa Ziyoni zvimwe zvikonzero zvokufara. Tinoverenga kuti: “Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, pfuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.” (Isaya 60:5) Maererano nemashoko iwayo ouprofita, kubvira kuma1930, vaKristu vazhinji-zhinji vane tariro yepasi vave vachidirana kuZiyoni. Vakabuda mu“gungwa” revanhu vakaparadzaniswa naMwari, uye vanomirira pfuma yemarudzi. Zvinhu “zvinodikanwa nendudzi dzose.” (Hagai 2:7; Isaya 57:20) Cherechedza kuti vari kunzi “zvinodikanwa nendudzi dzose” ava havaendi kunoshumira Jehovha vachiita mazvake mazvake. Aiwa, vanowedzera kunaka kweZiyoni nokuuya kuzonamata nehama dzavo dzakazodzwa, vachiva “boka rimwe” navo pasi po“mufudzi mumwe.”—Johani 10:16.

Vashambadzi, Vafudzi, Nevatengesi Vanouya kuZiyoni

11, 12. Rondedzera mapoka akaonekwa achifamba akananga kuZiyoni.

11 Kuunganidzwa kwakafanotaurwa uku kunoguma nokuwedzera kunoshamisa kwenhamba yevarumbidzi vaJehovha. Izvi zvinofanotaurwa mumashoko anotevera ouprofita hwacho. Fungidzira kuti wakamira nomukadzi womuuprofita uhwu paGomo reZiyoni. Unotarira kumabvazuva, uye unoonei? “Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzamakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.” (Isaya 60:6) Mapoka evatengesi anotungamirira midungwe yavo yemakamera munzira dzinoenda kuJerusarema. Makamera acho akaita semafashamo akafukidza nyika! Vatengesi vacho vakatakura zvipo zvinokosha, “ndarama nezvinonhuwira.” Uye vashambadzi ava vanouya kuchiedza chaJehovha kuti vazomurumbidza pane voruzhinji, ‘kuti vaparidze kurumbidzwa kwaJehovha.’

12 Vashambadzi havasivo voga vari kufamba. Vafudziwo vari kufamba vakananga kuZiyoni. Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondohwe eNebhayoti achakushumira.” (Isaya 60:7a) Madzinza evafudzi ari kuuya kuguta dzvene kuzopa Jehovha makwai awo akanakisisa. Anotozvipa iwo kuti ashumire Ziyoni! Jehovha anogamuchira sei vabvakure ava? Mwari pachake anopindura kuti: “Zvichaiswa paatari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.” (Isaya 60:7b) Jehovha nengoni anogamuchira zvinopiwa uye basa rinoitwa nevabvakure ava. Kuvapo kwavo kunoshongedza temberi yake.

13, 14. Chii chinoonekwa chichibva nechokumadokero?

13 Iye zvino tendeudza musoro wako uongorore kumadokero. Unoonei? Nechokure uko, kune rinoita segore jena rakapararira pamusoro pegungwa. Jehovha anobvunza mubvunzo wauri kufunga, achiti: “Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo?” (Isaya 60:8) Jehovha anozvipindurira mubvunzo wake achiti: “Zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarshishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokune Mutsvene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.”—Isaya 60:9.

14 Unogona kuzviona mupfungwa here? Gore jena riya rava pedyo uye zvino rava kuita semadododo machena akaumbana nechokoko kumadokero. Rinotaridzika seshiri dzakawanda dziri kugunzva mafungu. Asi sezvadzinoramba dzichiswedera pedyo, unoona kuti zvikepe zvine maseiri azvo akabhedhenurwa kuti abate mhepo. Zvikepe zvakawanda zviri kuenda kuJerusarema zvokuti zvakaita seboka renjiva. Kubva kuzviteshi zvengarava zviri kure, zvikepe zvakawanda zviri kumhanya chaizvo, zvichiunza vatendi kuJerusarema kunonamata Jehovha.

Sangano raJehovha Rinokura

15. (a) Mashoko aIsaya 60:4-9 anofanotaura nezvokuwedzera kupi? (b) Chii chinoitwa nevaKristu vechokwadi?

15 Ndima 4 kusvika ku9 dzinoratidza mufananidzo wouprofita wakajeka kwazvo wokuwedzera kwepasi pose kwakaitika kubvira muna 1919! Nei Jehovha akakomborera Ziyoni nokuwedzera kwakadaro? Nokuti kubvira muna 1919, Israeri waMwari akavheneka chiedza chaJehovha nokutendeseka uye zvisingachinji. Zvisinei, wacherechedza here kuti maererano nendima 7, vachangobva kusvika ava ‘vanouya vari paatari yaMwari’? Paatari ndipo panoitirwa zvibayiro, uye chinhu ichi chiri muuprofita chinotiyeuchidza kuti basa raJehovha rinosanganisira zvibayiro. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinokutetererai . . . kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaRoma 12:1) Maererano nemashoko aPauro, vaKristu vechokwadi havagutsikani nokungopinda minamato yechitendero kamwe chete pavhiki. Vanopa nguva yavo, simba, nepfuma kuti vatsigire kunamata kwakachena. Kuvapo kwevanamati vakazvipira kudaro hakushongedzi imba yaJehovha here? Uprofita hwaIsaya hwakati kwaizodaro. Uye tinogona kuva nechokwadi chokuti vanamati vanoshingaira vakadaro vakanakawo mumaziso aJehovha.

16. Ndivanaani vakabatsira mubasa rokuvakazve kare, uye ndivanaani vave vachiita kudaro mazuva ano?

16 Vachangobva kuuya vanoda kushanda. Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira.” (Isaya 60:10) Mukuzadzika kwokutanga kwemashoko aya kare mumazuva okudzoka kuusungwa hwomuBhabhironi, madzimambo nevamwewo vaibva kumarudzi vakabatsira chaizvo mukuvakwa kwetemberi neguta reJerusarema. (Ezra 3:7; Nehemia 3:26) Mukuzadzika kwemazuva ano, boka guru revanhu rave richitsigira vakazodzwa vasara mukuvaka kunamata kwechokwadi. Rave richibatsira kuvaka ungano dzechiKristu uye nokudaro rosimbisa “masvingo” esangano raJehovha rakaita seguta. Rinoitawo basa rokuvaka chaiko—kuvakwa kweDzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, uye zvivako zveBheteri. Munzira dzose idzi, vanotsigira hama dzavo dzakazodzwa mukutarisira zvinodiwa nesangano raJehovha riri kukura!

17. Ndeipi imwe nzira iyo Jehovha anoshongedza nayo vanhu vake?

17 Mashoko okupedzisira aIsaya 60:10 anokurudzira sei! Jehovha anoti: “Ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.” Hungu, kare muna 1918 na1919, Jehovha akaranga vanhu vake zvechokwadi. Asi ikako ndikare. Iye zvino yava nguva yokuti Jehovha aratidze ngoni kuvashumiri vake vakazodzwa neshamwari dzavo dzemamwe makwai. Uchapupu hwokuti izvi ndezvechokwadi kuwedzera kunoshamisa kwaakavakomborera nako, achiita ‘seanovashongedza.’

18, 19. (a) Jehovha anopikira chii nezvokuuya kwevatsva musangano rake? (b) Ndima dzasara dzechitsauko 60 chaIsaya dzinotiudzei?

18 Gore roga roga, mazana ezviuru zve“vatorwa” vatsva anosonganirana nesangano raJehovha, uye nzira inoramba yakavhurika nokuda kwevamwe vakawanda kuti vavatevere. Jehovha anoti kuZiyoni: “Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu [uye] madzimambo avo [“anenge achitungamirira,” NW].” (Isaya 60:11) Vamwe vashori vanoedza kuvhara “masuo” iwayo, asi tinoziva kuti havangabudiriri. Jehovha pachake akati neimwe nzira masuo acho acharamba akavhurika. Kuwedzera kucharamba kuchiitika.

19 Kuchine dzimwe nzira idzo Jehovha akakomborera nadzo vanhu vake, achivashongedza, mumazuva ano okupedzisira. Ndima dzasara dzechitsauko 60 chaIsaya dzinoprofita dzichijekesa nzira idzodzo.

Unogona Kutsanangura Here?

• “Mukadzi” waMwari ndiani, uye ndiani anomumiririra pasi pano?

• Vana veZiyoni vakanga vakazvambarara pasi rini, uye vaka“simuka” rini uye sei?

• Achishandisa mifananidzo yakasiyana-siyana, Jehovha akafanotaura sei kuwedzera kwevaparidzi voUmambo?

• Jehovha akaita sei kuti chiedza chake chipenyere vanhu vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Mukadzi” waJehovha anonzi asimuke

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zvikepe zvakawanda zvinotaridzika senjiva dziri pajengachenga