Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kokorodzano Dzemarudzi Akawanda Muna 2003

Kokorodzano Dzemarudzi Akawanda Muna 2003

Kokorodzano Dzemarudzi Akawanda Muna 2003

MUSI woMugovera, October 6, 2001, musangano wegore negore wenhengo dzeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania wakaitwa muJersey City, New Jersey, U.S.A. Pashure pomusangano iwoyo, imwe purogiramu chaiyo yakaitwa nenhengo dzacho nevamwe vakanga vakokwa kuzopindawo musangano wacho. Zuva rakatevera racho, pane mimwe misangano yokuwedzera yakaitwa mumaguta mana muCanada nomuUnited States, nhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha dzakapa chiziviso chinotevera pashure pehurukuro yadzo yokugumisa:

“Sezvatinotarira mberi, zvinokosha kwazvo kuti vanhu vaMwari vose vasarega kuungana kwavo pamwe chete. Muapostora Pauro akakurudzira kuti kuungana uku, pamwe chete nokukurudzirana, kuitwe kunyanya zvatinoona zuva guru uye rinotyisa raJehovha richiswedera pedyo. (VaHebheru 10:24, 25) Maererano nomurayiro weMagwaro uyu, tinotarisira kuva nekokorodzano dzoruwa mumativi ose epasi pano gore rinouya [2002]. Uye mugore ra2003, kana kuri kuda kwaJehovha, zvingaita kuva nekokorodzano chaidzo dzemarudzi akawanda mune dzimwe nyika dzepasi pano. Iye zvino yava nguva yokuramba takamuka toramba takarinda, tichiona mafambiro achaita zvinhu munyika.”

Pasinei nokuwedzera kwokusava nechokwadi uye kunetseka kuri kuita vanhu sezvo nyika ino yava pedyo nomugumo wayo, basa revanhu vaMwari rinofanira kuenderera mberi. Mashoko akanaka oUmambo, kusanganisira shoko renyevero reBhaibheri, rinofanira kuparidzwa kumarudzi ose, madzinza, ndimi, nevanhu, tichivaudza kuti ‘vatye Mwari nokumupa mbiri, nokuti awa yokutonga kwake iri kuramba ichiswedera.’ (Zvakazarurwa 14:6, 7) Naizvozvo, maererano nechido uye nomufaro waBaba vedu vokudenga, kokorodzano dzemarudzi akawanda dziri kurongwa munyika dzakatsaukana-tsaukana mugore ra2003.

Chokutanga, kokorodzano dzakadaro dziri kurongwa kuti dzingaitwa mumaguta mashoma kuNorth America, uye nguva pfupi pashure pacho, kuEurope. Gare gare muna 2003 imomo, urongwa huchaitwa kuti mapoka enhume aende kumaguta mashoma kuAsia; uye gore racho rava kunopera, mamwe mapoka achaenda kuAfrica, kuSouth America, uye kunharaunda yePacific. Mamwe mapazi achakumbirwa kutumira nhume shoma kune dzimwe nzvimbo dzichaitirwa kokorodzano, saka hazvizoiti kukoka vanhu vose kuti vapinde. Kunyange zvakadaro, zvichava zvichikurudzira kuva nenhume shoma dzinomiririra nyika dzakasiyana-siyana pakokorodzano imwe neimwe.

Ungano dzeZvapupu zvaJehovha nokukurumidza dzichagamuchira mashoko ane chokuita nekokorodzano idzi. Mashoko emisi yacho chaiyo nemaguta achapindira nhume dzinenge dzakokwa achapiwa nemapazi omunyika dzacho. Naizvozvo, tinokumbira kuti panguva ino musanyora tsamba kana kubvunza maererano nenyaya iyi.

Zvapupu zvakazvitsaurira uye zvakabhabhatidzwa zvine mienzaniso yakanaka kwazvo uye zvinoratidza rudo rwehama muungano dzazvo ndizvo chete zvichasarudzwa kuva nhume. Ivavawo vachava nemikana yakanaka kwazvo yokugamuchira vaeni norudo. (VaHebheru 13:1, 2) Izvi zvichaguma “nokukurudzirana.” (VaRoma 1:11, 12) Mamwe mashoko ane chokuita nourongwa uhwu achapiwa nemapazi achakumbirwa kutumira nhume kune imwe nyika kana kuti kunyika dzakawanda.

Kokorodzano dzemazuva matatu dzegore ra2003 dzicharongwa munyika dzakawanda senguva dzose. Nokuungana pamwe chete, tose tichava nomukana woku‘teerera, kudzidza, uye kukurudzirwa.’ (Dheuteronomio 31:12; 1 VaKorinde 14:31) Izvi zvichapa vanhu vaMwari vose mukana woku‘ravira kuti vaone kuti Jehovha akanaka.’ (Pisarema 34:8) Pakokorodzano dzose dzemarudzi akawanda, uyewo pakokorodzano dzoruwa dzakawanda, pachava nemamishinari, vamwe vavo vachava papurogiramu.

Mugore ratiri rino, tiri kuita Kokorodzano Dzoruwa dze“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira,” dzinotikurudzira kupa uchapupu hwakakura. Sezvatinoita izvi, hapana mubvunzo kuti kutarisira kwedu zvatakachengeterwa naJehovha nokuda kwegore riri kuuya kuchawedzera. Izvi zvichatibatsira ku‘ramba takarinda, kuramba takamuka, uye kuva vakagadzirira’ pamusana penguva dzino dzakaoma uye dzinokosha.—Mateu 24:42-44.