Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidzisa Kwako Kunobatsira Here?

Kudzidzisa Kwako Kunobatsira Here?

Kudzidzisa Kwako Kunobatsira Here?

VABEREKI, vakuru, vaparidzi vemashoko akanaka—vose vanofanira kuva vadzidzisi. Vabereki vanodzidzisa vana vavo, vakuru vanodzidzisa nhengo dzeungano yechiKristu, uye vaparidzi vemashoko akanaka vanodzidzisa vachangobva kufarira. (Dheuteronomio 6:6, 7; Mateu 28:19, 20; 1 Timoti 4:13, 16) Ungaitei kuti kudzidzisa kwako kubatsire zvikuru? Imwe nzira yaungazviita nayo ndeyokutevedzera muenzaniso nemaitiro evadzidzisi vanokwanisa vanotaurwa muShoko raMwari. Ezra aiva mumwe wevadzidzisi vakadaro.

Kudzidza Mumuenzaniso waEzra

Ezra aiva mupristi weimba yaAroni akararama makore 2 500 akapfuura muBhabhironi. Mugore ra468 B.C.E., akaenda kuJerusarema kuti afambisire mberi kunamata kwakachena pakati pevaJudha vaigara ikoko. (Ezra 7:1, 6, 12, 13) Basa iri raida kuti adzidzise vanhu Mutemo waMwari. Ezra akaita sei kuti ave nechokwadi chokuti kudzidzisa kwake kwaibatsira? Akatora matanho akakosha anoverengeka. Ona matanho aya akanyorwa pana Ezra 7:10:

“Iye Ezra [1] akanga agadzirira mwoyo wake kuti [2] aone kuti mutemo waJehovha unotii uye [3] auite uye [4] kuti adzidzise murau nokururamisira pakati paIsraeri.” (NW) Ngatimboti tarisei rimwe nerimwe rematanho aya toona zvatingadzidza maari.

“Iye Ezra Akanga Agadzirira Mwoyo Wake”

Sezvinongoita murimi anotanga kugadzirira ivhu nokurima negejo asati adyara mbeu, Ezra akanyengetera kuti agadzirire mwoyo wake kugamuchira shoko raMwari. (Ezra 10:1) Nemamwe mashoko, ‘akarerekera mwoyo wake’ kudzidziso dzaJehovha.—Zvirevo 2:2.

Saizvozvowo, Bhaibheri rinotaura kuti Mambo Jehoshafati ‘akagadzirira mwoyo wake kuti atsvake Mwari wechokwadi.’ (2 Makoronike 19:3) Kusiyana neizvi, chimwe chizvarwa chevaIsraeri “chakanga chisina kugadzirira mwoyo wacho” chinonzi chakanga “chakasindimara uye chinopandukira.” (Pisarema 78:8, NW) Jehovha anoona “munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Petro 3:4) Chokwadi, “uchadzidzisa vanyoro nzira yake.” (Pisarema 25:9) Saka chinhu chinokosha kwazvo kuti vadzidzisi vemazuva ano vatevedzere muenzaniso waEzra nokutanga vanyengetera kuti vagadzirise mwoyo wavo!

“Kuti Aone Kuti Mutemo waJehovha Unotii”

Kuti ave mudzidzisi anokwanisa, Ezra aida kuona zvinotaurwa neShoko raMwari. Kana uchida kunzwa kuti chiremba anotii nezvechirwere chaunacho, waisazonyatsoteerera wova nechokwadi chokuti unonzwisisa zvose zvaanotaura here? Hapana mubvunzo kuti waizodaro, nokuti upenyu hwako hunenge hwava panjodzi. Saka tinotofanira kuteerera zvakanyanya zvinhu zvatinoudzwa naJehovha kuburikidza neShoko rake, Bhaibheri, uye kuburikidza no“muranda akatendeka, akangwara.” Tinofanira kudaro nokuti zano rake rine chokuita noupenyu hwedu chaihwo! (Mateu 4:4; 24:45-47) Chokwadi, chiremba anogona kuva asina kururama, asi “murayiro waJehovha wakakwana.” (Pisarema 19:7) Hatizombofaniri kubvunza mumwezve munhu.

Mabhuku eBhaibheri aMakoronike (akanyorwa naEzra riri bhuku rimwe chete pakutanga) anoratidza kuti Ezra aiva mudzidzi anoshingaira zvechokwadi. Kuti anyore mabhuku iwayo, akatora mashoko kune zvimwe zvinyorwa zvakawanda. * VaJudha, vakanga vachangosvika kubva kuBhabhironi, vaida pfupiso yenhoroondo yorudzi rwavo. Vaisanyatsoziva nezvemazuva aichengetwa nechitendero chavo, mabasa omutemberi, nemabasa evaRevhi. Zvinyorwa zvine mazita emadzinza avo zvaikosha kwavari. Ndizvo zvinhu zvakanyorwa naEzra izvozvo. Kusvikira pakuuya kwaMesiya, vaJudha vaifanira kuramba vari rudzi rune nyika yarwo, temberi, vapristi, uye gavhuna. Nokuda kwemashoko akaunganidzwa naEzra, kubatana uye kunamata kwakachena kwaigona kuramba kuripo.

Madzidziro ako akafanana sei neaEzra? Kushingaira kudzidza Bhaibheri kuchakubatsira kudzidzisa Bhaibheri zvinobatsira.

Semhuri ‘Onai Kuti Mutemo waJehovha Unotii’

Kuona zvinotaurwa nomutemo waJehovha hakungoitwi paunodzidza woga chete. Chidzidzo chemhuri ndomumwe mukana wakanaka kwazvo wokuitawo izvi.

Jan naJulia, murume nomudzimai vokuNetherlands, vave vachiverengera vanakomana vavo vaviri zvinonzwika kubva musi wavakazvarwa. Nhasi, Ivo ane makore 15, uye Edo ane makore 14.Vachiri kuita chidzidzo chemhuri kamwe chete pavhiki. Jan anotsanangura kuti: “Chinangwa chedu chikuru hachisi chokuti tikurukure zvinhu zvakawanda muchidzidzo chacho asi kuti vakomana vacho vabate zvinokurukurwa.” Anowedzera kuti: “Vakomana vacho vanotsvakurudza zvinhu zvakawanda. Vanoongorora mashoko asina kurovedzeka uye vanhu vanotaurwa muBhaibheri—vakararama rini, vaiva vanaani, vaiitei, zvichingodaro. Kubvira pavakatanga kuverenga, vakatsvakurudza mashoko mumabhuku akadai saInsight on the Scriptures, maduramanzwi, uye mainisaikoropedhiya. Izvi zvinoita kuti chidzidzo chemhuri chacho chinakidze zvikuru. Vakomana vacho nguva dzose vanenge vachitoda kudzidza.” Chimwe chazvakabatsirawo ndechokuti vakomana vacho vose iye zvino ndivo vanokunda vamwe vose mukirasi dzavo pazvidzidzo zvemitauro.

John naTini, murume nomudzimai vokuNetherlands, vaidzidza nomwanakomana wavo ane makore 20, Esli, (uyo ava nemakore 24 uye ari kupayona mune imwe ungano), nomwanasikana wavo, Linda (ava nemakore 20 uye akaroorwa nehama yechiduku yakaisvonaka). Zvisinei, pane kudzidza rimwe bhuku vachishandisa nzira yenguva dzose yemibvunzo nemhinduro, vakaita kuti chidzidzo chemhuri chienderane nezera nezvinodiwa nevana vacho. Vaishandisa nzira ipi?

John anotsanangura kuti mwanakomana nemwanasikana wavo vaisarudza nyaya yavangafarira kubva pa“Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” (muNharireyomurindi) uye “Zvinotaura Bhaibheri” (muMukai!). Gare gare, vaitaura zvavainge vagadzirira, zvichiguma nekurukurirano dzemhuri dzinofadza nguva dzose. Nenzira iyi vechiduku vacho vaiwana ruzivo rwokutsvakurudza mashoko uye rwokukurukura zvavainge vawana pakudzidza kwavo. Imi nevana venyu munoda ‘kuona kuti mutemo waJehovha unotii’ here? Izvi hazvingovandudzi mano enyu okudzidzisa chete asi zvichabatsirawo vana venyu kuva vadzidzisi vanobatsira zvikuru.

“Auite”

Ezra aishandisa zvaaidzidza. Somuenzaniso, paaiva achiri muBhabhironi, angave airarama upenyu hwakagadzikana. Kunyange zvakadaro, paakaziva kuti aigona kubatsira vanhu vokwake vaiva kure, akasiya zvakanaka zvomuBhabhironi achienda kuguta raiva kure reJerusarema, raiva nezvipingamupinyi, zvinetso, nematambudziko. Sezviri pachena, Ezra haana kunge aunganidza zivo yeBhaibheri chete asi akanga agadzirira kuita zvaakanga adzidza.—1 Timoti 3:13.

Gare gare, achigara muJerusarema, Ezra akaratidza zvakare kuti aishandisa zvaakanga adzidza uye zvaaidzidzisa. Izvi zvakaoneka apo akanzwa nezvokuroora kwevarume vechiIsraeri vakadzi vechihedheni. Tinoudzwa neBhaibheri kuti ‘akabvarura nguo yake nejasi rake, akataura bvudzi romusoro wake nendebvu dzake, akagara pasi akakanuka.’ Akatonzwa ‘kunyara uye kutsveruka kusimudzira chiso chake’ kuna Jehovha.—Ezra 9:1-6.

Akanga abatsirwa kwazvo nokudzidza kwaakaita Mutemo waMwari! Ezra ainyatsonzwisisa migumisiro inorwadza yokusateerera kwevanhu vake. VaJudha vakanga vadzoka vaiva vashoma. Kudai vaizoroorana nevanhu vemamwe marudzi, vaigona kupedzisira vabatana nemarudzi echihedheni akanga akavapoteredza, uye kunamata kwakachena kwaizoparara zviri nyore panyika!

Zvinofadza kuti muenzaniso waEzra wokutya nokushingaira kwokuzvipira wakaita kuti vaIsraeri varuramise nzira dzavo. Vakadzinga madzimai avo okumwe. Mumwedzi mitatu zvinhu zvose zvakanga zvaruramiswa. Kuvimbika kwaEzra kuMutemo waMwari kwakaita zvakawanda kuti kudzidzisa kwake kubatsire.

Ndizvo zvazvakaitawo nhasi. Vamwe Baba vechiKristu vakati: “Vana havaiti sezvaunotaura; vanoita sezvaunoita!” Chokwadi ichocho chinoshanda muungano yechiKristu. Vakuru vanoratidza muenzaniso wakanaka vangatarisira kuti ungano iite maererano nezvavanodzidzisa.

“Kuti Adzidzise Murau Nokururamisira Pakati paIsraeri”

Pane chimwezve chikonzero nei kudzidzisa kwaEzra kwaibatsira. Haana kudzidzisa pfungwa dzake pachake, asi akadzidzisa “murau nokururamisira.” Kureva kuti, mirau, kana kuti mitemo, yaJehovha. Iri rakanga riri basa rake roupristi. (Maraki 2:7) Akadzidzisawo kururamisira, uye akapa muenzaniso wezvaaidzidzisa nokuomerera pane zvakarurama munzira isina rusarura, maererano nomwero waidiwa. Vaya vane simba pavanoratidza kururamisira, panova nomutsigo uye zvinhu zvinobva zvaramba zvichifamba zvakanaka. (Zvirevo 29:4) Saizvozvowo, vakuru vechiKristu, vabereki, uye vaparidzi voUmambo vakanyatsorovedzana neShoko raMwari vachaita kuti kunamata kuve nomutsigo pavanodzidzisa mirau yaJehovha uye kururamisira muungano, mumhuri dzavo, uye kune vanofarira.

Haubvumi here kuti kudzidzisa kwako kungabatsira zvikuru paunotevedzera zvizere muenzaniso waEzra akanga akatendeka? Naizvozvo, ‘gadzirira mwoyo wako, ona kuti mutemo waJehovha unotii, uite, uye dzidzisa murau nokururamisira kwaJehovha.’—Ezra 7:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Zvinyorwa 20 zvinogona kuwanika muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 444-5, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

CHII CHAKAITA KUTI KUDZIDZISA KWAEZRA KUBATSIRE?

1. Akagadzirira mwoyo wake

2. Akaona kuti Mutemo waJehovha unotii

3. Akaratidza muenzaniso wakanaka wokushandisa zvaaidzidza

4. Akadzidza kuti adzidzise maonero omuMagwaro