Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufamba Munzira dzaJehovha Kunounza Mibayiro Mikuru

Kufamba Munzira dzaJehovha Kunounza Mibayiro Mikuru

Kufamba Munzira dzaJehovha Kunounza Mibayiro Mikuru

WAKAMBOFAMBA mumakomo here? Kana wakambodaro zvichida wakanzwa souri pamusoro pedenga renyika. Zvaifadza sei kufema mhepo inotonhorera, kuona kure kure, kuona runako rwezvinhu zvose! Zvichida wakatombokanganwa nhamo dzenyika.

Kune vakawanda nzendo dzakadaro dzokunakidzwa dzingava shoma uye dzichiitwa nenguva iri kure, asi kana uri muKristu akazvitsaurira, ungava wave uchifamba munyika yakakwirira neimwe nzira—mupfungwa yomudzimu. Kufanana nomunyori wepisarema wekare, hapana mubvunzo kuti wakanyengetera uchiti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.” (Pisarema 25:4) Unoyeuka here manzwiro awakaita pawakatanga kukwira mugomo reimba yaJehovha ndokutanga kufamba munzvimbo dzakakwirira? (Mika 4:2; Habhakuki 3:19) Pasina mubvunzo, wakakurumidza kuziva kuti kufamba munzira idzi dzakakwirira dzokunamata kwakachena kwaikudzivirira uye kwaikuunzira mufaro. Wakasvika pakunzwa sezvakaita munyori wepisarema kuti: “Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.”—Pisarema 89:15.

Zvisinei, zvichida vanofamba munzira dzomumakomo vanofanira kutambudzika nokufamba mumawere asingaiti. Makumbo avo anotanga kurwadza, uye vanoneta. Isuwo tingasangana nezvinetso mubasa redu ratinoitira Mwari. Munguva ichangopfuura, nhanho dzedu dzingava dzakambotiti omerei. Tingaite sei kuti tiwanezve simba redu nomufaro wedu? Nhanho yokutanga kuziva kukwirira kwakaita nzira dzaJehovha.

Mitemo yaJehovha Yakakwirira

Nzira dzaJehovha ‘dzakakwirira kupfuura nzira dzevanhu,’ uye kunamatwa kwake kwaka‘gadzwa pamisoro yamakomo, kukakwidziridzwa kumusoro kwezvikomo.’ (Isaya 55:9; Mika 4:1) Uchenjeri hwaJehovha “uchenjeri hunobva kumusoro.” (Jakobho 3:17) Mitemo yake yakakwirira kupfuura mimwe yose. Somuenzaniso, panguva apo vaKanani vaibayira vana zvoutsinye, Jehovha akapa vaIsraeri mitemo yaive yetsika dzepamusoro-soro uye yaiva netsitsi. Akavaudza kuti: “Usatsaura murombo, kana kukudza une simba. . . . Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu; unofanira kumuda sezvaunozvida iwe.”—Revhitiko 19:15, 34.

Mazana emakore gumi nemashanu pashure pacho, Jesu akapa mimwe mienzaniso yo‘mutemo wakakudzwa’ waJehovha. (Isaya 42:21) Mumharidzo yepaGomo, akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:44, 45) “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo,” akadaro zvakare. “Izvi, chaizvoizvo, ndizvo zvinoreva Mutemo neVaprofita.”—Mateu 7:12.

Mitemo yakakwirira iyi ine zvainoita pamwoyo yevanhu vanoiteerera, ichiita kuti vatevedzere Mwari wavanonamata. (VaEfeso 5:1; 1 VaTesaronika 2:13) Funga nezvokuchinja kwakaita Pauro. Patinotanga kunzwa nezvake, ‘akanga achitendera kupondwa kwaStefani’ uye ‘achitambudza ungano.’ Makore mashomanana chete mushure maizvozvi, aibata vaKristu vomuTesaronika sezvinoita “amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo.” Kudzidzisa kwaMwari kwakachinja Pauro kubva pakuva mutambudzi akava muKristu ane hanya. (Mabasa 8:1, 3; 1 VaTesaronika 2:7) Zvechokwadi aionga kuti unhu hwake hwakanga hwaumbwa nokudzidzisa kwaKristu. (1 Timoti 1:12, 13) Kuonga kwakaita saikoko kungatibatsira sei kuramba tichifamba munzira dzaMwari dzepamusoro-soro?

Kufamba Nokuonga

Vanofamba mumakomo vanonakidzwa nezvitarisiko zvakanaka zvinooneka kana uri pakakwirira. Vanodzidzawo kunakidzwa notumwe twunhu tuduku pavanenge vachifamba, twakadai sematombo asingawanzooneka, ruva rakanaka, kana kumboti onei mhuka yomusango. Mune zvokunamata, tinofanira kugara takangwarira mibayiro—mikuru nemiduku—inobva mukufamba naMwari. Kungwarira uku kunogona kuchinja nhanho dzokuzvuva tsoka nokuneta dzova kufamba kunopa simba. Tichatevedzera mashoko aDhavhidhi okuti: “Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; nokuti ndinovimba nemi; ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.”—Pisarema 143:8.

Mary, uyo afamba kwemakore akawanda munzira yaJehovha, anoti: “Pandinotarisa zvakasikwa naJehovha, ndinoona kwete magadzirirwo azvo akaoma kunzwisisa chete asi unhu hwaMwari hwoushamwari. Ingava mhuka, shiri, kana kuti chipembenene, chimwe nechimwe chine zvachinazvo zvinoshamisa. Kunakidzwa kwakadai kunobva muchokwadi chomudzimu chinoenda chichijeka nokufamba kwemakore.”

Tingaita sei kuti tidzamise kuonga kwedu? Imwe nzira ndeyokusangotora zvachero zvatakaitirwa naJehovha. “Rambai muchinyengetera,” akanyora kudaro Pauro. “Ongai pamusoro pezvinhu zvose.”—1 VaTesaronika 5:17, 18; Pisarema 119:62.

Kudzidza woga kunowedzera pfungwa yokuonga. Pauro akakurudzira vaKristu vokuKorose kuti: “Rambai muchifamba muri pamwe na[Kristu Jesu], . . . muchifashukira nokutenda mukuonga.” (VaKorose 2:6, 7) Kuverenga Bhaibheri nokufungisisa zvatinoverenga kunosimbisa kutenda kwedu uye kunotiswededza pedyo noMunyori weBhaibheri. Mumapeji aro ose mune pfuma inogona kutiita kuti ‘tifashukire nokuonga.’

Kushumira Jehovha tiine hama dzedu kunoita kuti nzira ireruke. Munyori wepisarema akanyora nezvake kuti: “Ndiri shamwari yavose vanokutyai.” (Pisarema 119:63) Dzimwe dzenguva dzinotinakidza kupfuura dzose ndedzatinopedza pamagungano echiKristu kana kuti zvimwe zviitiko zvatinenge tiine hama dzedu. Tinonzwisisa kuti Jehovha nenzira dzake dzakakwirira ndiye akaita kuti mhuri yedu yenyika yose yechiKristu ivepo.—Pisarema 144:15b.

Kuwedzera kukuonga, kunzwa tiine mutoro kuchatisimbisa kuti tirambe tichifambira mberi munzira dzaJehovha dzakakwirira.

Kufamba Nepfungwa Yokuva Nomutoro

Vanofamba mumakomo vane pfungwa yokuva nomutoro vanoziva kukosha kwokufamba vachingwarira kuti vasarasike kana kuti vasapedzisire vava mumawere akanyanyisa. Sevanhu vakasununguka kuzvisarudzira, Jehovha anotibvumira rusununguko rwune mwero uye kuzvifungira zvokuita. Asi rusununguko irworwo rwunoda pfungwa yokuva nomutoro sezvatinozadzika mitoro yedu yechiKristu.

Somuenzaniso, Jehovha anovimba nevashumiri vake kuti vazadzike mitoro yavo. Haatiudzi kuti tinofanira kushandisa nguva nesimba zvakawanda sei mumabasa echiKristu kana kuti tinofanira kubvisa marii kana zvimwe zvinhu somupiro. Asi, mashoko aPauro kuvaKorinde anoshanda kwatiri tose anoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make.”—2 VaKorinde 9:7; VaHebheru 13:15, 16.

Mutoro womuKristu wokupa unosanganisira kuudza vamwe mashoko akanaka. Tinoratidzawo kuti tinoziva mutoro wedu kuburikidza nokupa mupiro kubasa roUmambo romunyika yose. Mumwe mukuru anonzi Gerhardt anotsanangura kuti iye nomudzimai wake vakawedzera mipiro yavo zvakati kuti pavakashanyira rimwe gungano kuEastern Europe. “Takaona kuti hama dzedu ikoko hadzina chokubata; asi dzinofarira chaizvo mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri,” akadaro, “saka takasarudza kuti taida kupa zvakawanda sezvataikwanisa kutsigira hama dzedu dzinoshayiwa dziri mune dzimwe nyika.”

Kuwedzera Kutsungirira Kwedu

Kufamba munzvimbo dzakakwirira kunoda mbabvu. Vanofamba vanozvirovedza pose pavanokwanisa, uye vakawanda vanombofamba zvinhambwe zvipfupi vachigadzirira kufamba zvakareba. Saizvozvowo, Pauro akakurudzira kuti tigare takabatikana mumabasa okunamata kuti tirambe takasimba mukutenda. Vaya vanoda ‘kufamba zvakafanira Jehovha’ uye kuti ‘vasimbiswe,’ Pauro akati, vanofanira ‘kuramba vachibereka zvibereko mubasa rose rakanaka.’—VaKorose 1:10, 11.

Chido chinowedzera kutsungirira kwomunhu anofamba mumakomo. Sei? Kuramba akaisa pfungwa pachimwe chinhu chiri kuoneka zvakajeka, chakadai segomo riri kure, kunobatsira zvikuru. Uye mufambi paanosvika padzimwe nzvimbo, anogona kupima kuti asarirwa nepakadini kuti asvike paari kuda. Sezvaanotarisa kumashure chinhambwe chaatofamba kare, anonzwa achigutsikana.

Saizvozvowo, tariro yedu youpenyu husingaperi inotichengetedza uye inotipa simba. (VaRoma 12:12) Patiri kufamba munzira yaJehovha kudaro, tinogutsikana nokuva nezvinangwa nokuzvisvitsa mubasa rechiKristu. Uye hakusi kufara kwatinoita patinotarira shure kumakore akawanda okushumira nokutendeka kana kuti tikatarira kuchinja kwatakaita unhu hwedu!—Pisarema 16:11.

Kuti vafambe zvinhambwe zvakareba uye kuti vasakurumidza kuneta, vafambi havachinji-chinji vachiti vakambofambisa vofamba zvishoma. Saizvozvowo, kuva nomuitiro wakanaka kunosanganisira kupinda misangano nguva dzose uye kubuda mubasa romumunda kuchatibatsira kufambira mberi takananga kwatiri kuda kusvika. Nokudaro, Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Ngatirambei tichifamba zvakanaka nomuitiro iwoyu.”—VaFiripi 3:16.

Ichokwadi kuti hatifambi toga munzira dzaJehovha. “Ngativei nehany’a nomumwe nomumwe wedu, tichikurudzirana kuva norudo nokuita mabasa akanaka,” anonyora kudaro Pauro. (VaHebheru 10:24, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Kuva noushamwari hwakanaka hwomudzimu kunoita kuti zvive nyore kuramba tichifamba nevatinonamata navo.—Zvirevo 13:20.

Chokupedzisira, uye chinokosha kupfuura zvose, hatifaniri kutombokanganwa simba rinopiwa naJehovha. Vaya vane simba riri muna Jehovha “vanowedzera simba pasimba ravo.” (Pisarema 84:5, 7) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tichifanira kupfuuura nomumamiriro ezvinhu akaoma, tichibatsirwa naJehovha tinozviita.