Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose

Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose

Nyaya Youpenyu

Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose

YAKATAURWA NATHOMSON KANGALE

Musi waApril 24, 1993, ndakakokwa kuzoteerera purogiramu yokutsaurirwa kwenzvimbo yebazi idzva, yaisanganisira zvivako 13, muLusaka, kuZambia. Sezvo ndainetseka nokufamba, hanzvadzi yechiKristu yaitenderera nesu tichiona nzvimbo yacho yakabvunza nomutsa kuti, “Munoda kuti ndikutakurirei cheya here kuti mupote muchimbozorora?” Ini ndiri munhu mutema, iye muchena, asi izvozvo zvakanga zvisina mutsauko kwaari. Zvandiorora zvikuru, ndakamuonga, sezvo mutsa wake wakaita kuti ndikwanise kutenderera ndichiona zvivako zvebazi.

MUMAKORE ose aya, zviitiko zvakaita sezvizvi zvave zvichifadza mwoyo wangu, zvichisimbisa kugutsikana kwangu kuti muushamwari hwechiKristu hweZvapupu zvaJehovha, mune rudo rwakanzi naKristu rwaizozivisa vateveri vake vechokwadi. (Johani 13:35; 1 Petro 2:17) Regai ndikuudzei kuti ndakasvika sei pakuzivana nevaKristu ava kare muna 1931, gore ravakazivisa pachena chido chavo chokuda kuzivikanwa nezita rinobva muBhaibheri rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:12.

Ushumiri Hwokutanga muAfrica

Muna November 1931, ndaiva nemakore 22 uye ndaigara muKitwe, iri munharaunda yeCopperbelt yeNorthern Rhodesia (yava kunzi Zambia). Imwe shamwari yandaitamba nayo bhora yakaita kuti ndizivane neZvapupu. Ndakapinda mimwe yemisangano yazvo ndikanyorera hofisi yebazi kuCape Town, South Africa, ndichikumbira bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri rinonzi The Harp of God. * Bhuku racho raiva muchiRungu, uye ndakariwana rakandiomera kunzwisisa, sezvo ndaisaziva mutauro iwoyo zvakanaka.

Munharaunda yeCopperbelt, iri makiromita 240 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweLake Bangweulu, pedyo nepandakakurira, maiva nevanhu vakawanda vaibva mumamwe mapurovhinzi vaishanda mumigodhi yendarira. Mapoka anoverengeka eZvapupu aisangana imomo nguva dzose achidzidza Bhaibheri. Mushure mekanguva ndakatama kubva kuKitwe ndichienda muguta raive pedyo reNdola ndikatanga kusangana neboka reZvapupu ikoko. Panguva iyoyo ndaiva kaputeni wechikwata chenhabvu chainzi Prince of Wales. Ndaivawo mushandi womumba womumwe maneja wechichena weAfrican Lakes Corporation, kambani yaiva nezvitoro zvakawanda nechepakati peAfrica.

Ndakanga ndisina kunyanya kupinda chikoro uye ndaingononga-nonga chiRungu chishoma chandainzwa kuvaRungu vandaishandira. Kunyange zvakadaro, ndaive neshungu dzokuenderera mberi nedzidzo yangu yokunyika uye ndakanyorera kuti ndidzidze pachimwe chikoro muPlumtree, kuSouthern Rhodesia (yava kunzi Zimbabwe). Zvisinei, panguva imwe cheteyo ndakanyorera kuhofisi yebazi kuCape Town kechipiri. Ndakaita kuti vazive kuti ndaive ndagamuchira The Harp of God uye kuti ndaida kushumira Jehovha nguva yakazara.

Ndakashamiswa pandakagamuchira mhinduro yavo yaiti: “Tinoonga chido chako chokushumira Jehovha. Tinoda kukukurudzira kuti unyengeterere nhau yacho, uye Jehovha achakubatsira kuti unzwisise chokwadi zvakawedzera, uye achakuwanira nzvimbo yokuti umushumire.” Pashure pokuverenga ndaverengazve tsamba yacho, ndakabvunza Zvapupu zvinoverengeka kuti ndaifanira kuita sei. Zvakati: “Kana chiri icho chido chako chaicho kuti ushumire Jehovha, chitodaro iye zvino chaiye.”

Kwevhiki yose, ndakanyengetera nezvenyaya yacho ndokuzopedzisira ndasarudza kusiyana nedzidzo yangu kuti ndirambe ndichienderera mberi nechidzidzo cheBhaibheri neZvapupu. Gore rakatevera, muna 1932, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Pashure pokutama kubva kuNdola ndichienda kuguta riri pedyo reLuanshya, ndakasangana naJeanette, mumwe mutendi, uye takaroorana muna September 1934. Patakaroorana, Jeanette akanga achitova nemwanakomana nemwanasikana.

Pashoma nepashoma ndakafambira mberi mune zvokunamata, uye muna 1937, ndakapinda mubasa renguva yakazara. Pashure penguva pfupi ndakagadzwa kuti ndishande somushumiri anofambira, iye zvino ava kunzi mutariri wedunhu. Vatariri vanofambira vanoshanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha kuti vanodzisimbisa mukunamata.

Kuparidza Mumakore Okutanga

Muna January 1938, ndakatumwa kunoshanyira mumwe mambo weChitema ainzi Sokontwe, akanga akumbira kuti Zvapupu zvaJehovha zvimushanyire. Ndakachovha bhasikoro kwemazuva matatu kuti ndisvike munharaunda yake. Pandakamuudza kuti ndaive ndatumwa semhinduro yetsamba yake yaaive anyorera kuhofisi yeCape Town, akatenda zvechokwadi.

Ndakaenda paimba neimba muvanhu vake ndikavakoka kuti vauye kuinsaka (dumba raisangana ruzhinji). Pavakanga vaungana, ndakataura neboka rose. Zvakaita kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvitangwe. Mambo womumusha macho namabharani wake ndivo vokutanga kuva vatariri veungano dzaikoko. Nhasi uno, kune ungano dzinopfuura 50 munharaunda iyoyo, iyo yava kuzivikanwa soruwa rweSamfya.

Kubva muna 1942 kusvika muna 1947, ndakashanda munharaunda yakapoteredza Lake Bangweulu. Ndaipedza mazuva gumi neungano imwe neimwe. Sezvo vashandi vaiva mukukohwa kwomudzimu vaive vashoma, takanzwa semanzwiro akaita Ishe wedu, Jesu Kristu, paakati: “Hungu, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mateu 9:36-38) Mumazuva iwayo okutanga, kufamba rwendo kwainetsa, saka Jeanette aiwanzosara muLuanshya nevana ini ndichishanyira ungano. Panguva iyoyo ini naJeanette takanga tava nevamwe vana vaviri, asi mumwe wacho akafa ava nemwedzi gumi.

Motokari dzaiva shoma mazuva iwayo zvose nemigwagwa. Rimwe zuva, ndakaenda parwendo rwemakiromita 200 ndichichovha bhasikoro raJeanette. Dzimwe nguva pandaifanira kuyambuka karukova, ndaiisa bhasikoro pamapfudzi, ndoribata noruoko rumwe chete, ndoshambira ndichishandisa rumwe. Zvakamboitika kuti nhamba yeZvapupu yakawedzera zvinoshamisa muLuanshya, uye muna 1946, 1 850 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu.

Kutarisana Nokupikiswa Kwebasa Redu

Pane chimwe chiitiko panguva yeHondo Yenyika II, mudzviti womuKawambwa akanditumira nhume akati: “Ndinoda kuti usiye kushandisa mabhuku eWatch Tower nokuti iye zvino ava kurambidzwa. Asi ndinogona kukupa zvokushandisa zvaunogona kunyora nazvo mamwe mabhuku okushandisa mubasa rako.”

“Ndiri kugutsikana nemabhuku atinawo,” ndakamupindura. “Handina chimwe chandinoda.”

“Vanhu vokuAmerica hauvazivi,” akadaro (mabhuku edu ipapo akanga achidhindwa kuUnited States). “Vachakurasa.”

“Kwete vandinosonganirana navo, havadaro,” ndakapindura.

Ndokubva azobvunza kuti: “Haugoni here kukurudzira ungano dzenyu kuti dzibvise mari yokubatsira muhondo sezviri kuita zvimwe zvitendero?”

“Basa iroro nderevashandi vehurumende,” ndakapindura.

“Wadii kuenda kumba umbonofunga nezvazvo?” akadaro.

“Pana Eksodho 20:13 na2 Timoti 2:24, Bhaibheri rinorayira kuti tisauraya uye tisarwa,” ndakadaro.

Kunyange zvangu ndakabvumidzwa kuenda, ndakazodaidzwa pava paya namudzviti kuFort Rosebery, guta rava kunzi Mansa. “Ndakudaidza pano kuti ndikuzivise kuti hurumende yava kurambidza mabhuku enyu,” akadaro.

“Hungu. Ndakanzwa nezvazvo,” ndakadaro.

“Saka unofanira kuenda kuungano dzenyu dzose wonoudza vanhu vaunonamata navo kuti vauye nemabhuku ose kuno. Wanzwisisa?”

“Iroro harisi basa rangu,” ndakapindura. “Ibasa renhume dzehurumende.”

Kungoerekana Tasangana Kwakava Nezvibereko

Pashure pehondo, takaramba tichiparidzira. Muna 1947, ndakanga ndichangopedza kushanyira imwe ungano mumusha weMwanza pandakabvunza kuti ndingatengawo kupi kapu yetii. Ndakanongedzerwa pamba pevamwe vainzi VaNkonde, paiva nemba inotengeswa tii. VaNkonde nomudzimai wavo vakandigamuchira noushamwari. Ndakakumbira VaNkonde kana vaizoverenga chitsauko chinoti “Hell, a Place of Rest in Hope” mubhuku rainzi “Let God Be True,” uku ndichinwa zvangu tii.

“Saka imi munonzwisisa kuti hero chii?” ndakabvunza ndapedza tii yangu. Ashamiswa nezvaakanga averenga, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu ndokuzobhabhatidzwa pamwe nomudzimai wake. Kunyange zvake asina kuzoramba ari Chapupu, mudzimai wake nevamwe vana vakati kuti vakaramba vari Zvapupu. Mumwe wevana vake, Pilney, achiri kutoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muZambia. Uye kunyange zvazvo amai vaPilney iye zvino vachembera zvokuti, vachiri Chapupu chakatendeka.

Kumboti Garei kuEast Africa

Hofisi yedu yebazi muNorthern Rhodesia, iyo yakatangwa kumavambo kwa1948 muLusaka, yakandituma kunoshandira kuTanganyika (yava kunzi Tanzania). Chimwe Chapupu chakandiperekedza nomudzimai wangu parwendo rwedu nomundima izere makomo. Rwendo rwacho rwakatitorera mazuva matatu uye rwainetesa zvokuti. Ini ndaive ndakatakura mutundu wemabhuku, mudzimai wangu akatakura hembe dzedu, uye chimwe Chapupu chakatakura magumbeze edu.

Patakasvika kuMbeya muna March 1948, paiva nebasa rakawanda rokuita kubatsira hama kugadziridza upenyu hwadzo kuti hunyatsowirirana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Chimwe chaiita kuti zviome ndechokuti taizivikanwa munharaunda iyoyo sevanhu veWatchtower. Kunyange zvazvo zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rakanga rabvumwa nehama, raive risina kumboshandiswa paruzhinji. Uyezve, zvimwe Zvapupu zvaifanira kusiya dzimwe tsika dzaive dzakabatana nokukudza vakafa. Asi zvichida chakanga chakanyanya kuoma kugadzirisa kune vakawanda kwaiva kunyoresa michato yavo zviri pamutemo, kuti ikudzwe navose.—VaHebheru 13:4.

Gare gare, ndakazova neropafadzo yokushumira mune dzimwe nzvimbo dzomuEast Africa, kusanganisira Uganda. Ndakapedza inenge mwedzi mitanhatu ndiri muEntebbe neKampala, kwakabatsirwa vakawanda kuwana zivo yechokwadi cheBhaibheri.

Kukokwa kuGuta reNew York

Pashure pokushandira kuUganda kwenguva yakati kuti, ndakasvika muDar es Salaam, guta guru reTanganyika, kumavambo kwa1956. Ikoko tsamba yaibva kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha yaive yakandimirira. Yaiva nemirayiridzo yokuti nditange kugadzirira kuuya kuNew York kuzopinda kokorodzano yemarudzi akawanda yaizoitwa kubva musi waJuly 27 kusvika August 3, 1958. Mafadziro azvakandiita handigoni kuatsanangura.

Pakasvika nguva yacho, mumwe mutariri anofambira, Luka Mwango, neni takakwira ndege kubva kuNdola kuenda kuSalisbury (yava kunzi Harare), kuSouthern Rhodesia, ndokubva tazopfuurira kuNairobi, Kenya. Kubva ikoko takakwira ndege yokuLondon, England, kwatakasvikogamuchirwa noushamwari. Patakaenda kunorara usiku hwatakasvika muEngland, takanakidzwa ndokuramba tichitaura nezvokugamuchirwa nomutsa kwatakaitwa nevachena isu vanhu veChitema. Zvakazotikurudzira.

Pakupedzisira, takasvika kuNew York, kwaiitirwa kokorodzano yacho. Rimwe zuva pakokorodzano yacho, ndakapa mushumo webasa reZvapupu zvaJehovha muNorthern Rhodesia. Zuva iroro vapindi vaida kusvika 200 000 vakaungana paPolo Grounds neYankee Stadium muNew York City. Ndakashaya hope usiku ihwohwo nokufunga nezveropafadzo yakaisvonaka yandakava nayo.

Mushure menguva shomanana kokorodzano yakanga yapera uye takadzokera kumusha. Parwendo rwedu rwokudzokera kumusha, takabatwazve nomutsa nehama dzedu nehanzvadzi muEngland. Kubatana kwevanhu vaJehovha pasinei nedzinza kana rudzi, kwakaratidzirwa kwatiri zvisingakanganwiki parwendo irworwo!

Kuramba Ndichishumira uye Miedzo

Muna 1967, ndakagadzwa kuva mushumiri weruwa—mushumiri anoshanya kubva kune rimwe dunhu achienda kune rimwe. Pari zvino nhamba yeZvapupu muZambia yakanga yawedzera kupfuura 35 000. Gare gare, ndakatumirwa zvakare kunoshanda somutariri wedunhu muCopperbelt, nokuda kwoutano hwakanga husisina kutsarukana. Pakupedzisira, Jeanette akava nezvinetso zvoutano uye muna December 1984 akafa akatendeka kuna Jehovha.

Paakafa, ndakarwadziwa zvikuru apo vomumhuri yake vasingatendi vakandipomera kuti ndini ndamuroya. Asi vamwe vaiziva nezvoutano hwaJeanette uye vaive vataura nachiremba wake vakatsanangurira hama idzi chokwadi chenyaya yacho. Ndokubva pazouya mumwe muedzo zvakare. Dzimwe hama dzangu dzaida kuti ndiwirirane netsika yechinyakare inonzi ukupyanika. Kunharaunda kwandinobva, tsika iyi inoda kuti panofa mudzimai wako kana kuti murume, unofanira kurara nehama yepedyo yomushakabvu. Sezvaiva pachena, ndakaramba.

Pakupedzisira, hama dzakazorega kuramba dzichindimanikidza. Ndakaonga kuti Jehovha akanga andibatsira kumira ndisingatsukunyuke. Mwedzi mumwe chete mudzimai wangu avigwa, imwe hama yakauya kwandiri ikati: “Hama Kangale, makatikurudzira zvikuru parufu rwomudzimai wenyu nokuti pakanga pasina kana tsika isiri yechiKristu yamakabvuma kutevedzera. Tinoda kukuongai zvikuru.”

Kukohwa Kunoshamisa

Ava makore 65 kubvira pandakatanga ushumiri hwangu hwenguva yakazara somumwe weZvapupu zvaJehovha. Hakusi kufara kwandave ndichiita mumakore ose aya kuona mazana eungano achiumbwa uye Dzimba dzoUmambo dzichivakwa munzvimbo dzandakamboshanda somutariri anofambira! Kubva paZvapupu zvinenge 2 800 muna 1943, iye zvino tawedzera kuva vazivisi voUmambo 122 000 muZambia. Zvechokwadi, gore rakapera vanopfuura 514 000 vakapinda Chirangaridzo munyika ino, ine vagari vasingapfuuri mamiriyoni 11.

Pari zvino, Jehovha anonditarisira zvakazonaka. Pandinenge ndichida kurapwa, imwe hama yechiKristu inondiendesa kuchipatara. Ungano dzichiri kundikoka kuzopa hurukuro dzavose, uye izvi zvinondipa nguva dzinovaka dzakawanda. Ungano yandinopinda nayo inoronga kuti hanzvadzi dzechiKristu dziite majana okuchenesa imba yangu, uye hama dzinozvipira kundiperekedza kumisangano vhiki nevhiki. Ndinoziva kuti ndaisambotarisirwa norudo zvakadaro dai ndaisashumira Jehovha. Ndinomuonga nokuramba achindishandisa muushumiri hwenguva yakazara uye nemitoro yakawanda yandave ndichikwanisa kutakura kusvika iye zvino.

Maziso angu haachanyatsooni, uye kana ndichifamba kuenda kuImba yoUmambo, ndinofanira kuzorora kanoverengeka munzira. Bhegi rangu remabhuku rava kuita serinorema mazuva ano, saka ndinoriita kuti rireruke nokubvisa mabhuku api neapi andingasashandisa kumisangano. Ushumiri hwangu hwava zvikurukuru hwokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri vaya vanouya kumba kwangu. Asi zvinozofadza kutarira kumashure mumakore ose aya ndichinyatsofungisisa nezvokuwedzera kunoshamisa kwakaitika! Ndave ndichishumira mundima umo mashoko aJehovha akanyorwa pana Isaya 60:22 akazadzika zvakawedzera. Ipapo panoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” Zvechokwadi, ndararama ndikaona izvozvo chaizvo zvichiitika kwete muZambia chete asi munyika yose. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwa.

^ ndima 50 Zvinosuwisa kuti simba raHama Kangale rakazopedzisira rapera, uye vakafa vakatendeka nyaya ino ichiri kugadzirirwa kubudiswa.

[Mifananidzo iri papeji 24]

Thomson nebazi reZambia riri mumashure

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bazi reZambia nhasi