Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mbiri yaJehovha Inopenya Pavanhu Vake

Mbiri yaJehovha Inopenya Pavanhu Vake

Mbiri yaJehovha Inopenya Pavanhu Vake

“Jehovha uchava chiedza chako chisingaperi.”—ISAYA 60:20.

1. Jehovha anokomborera sei vanhu vake vakatendeka?

“JEHOVHA unofarira vanhu vake; uchashongedza vanyoro noruponeso.” (Pisarema 149:4) Ndizvo zvakataura munyori wepisarema wekare, uye nhoroondo yaratidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Vanhu vaJehovha pavanenge vakatendeka, anovatarisira, anoita kuti vabereke zvibereko, uye anovadzivirira. Munguva dzekare akaita kuti vakunde vavengi vavo. Nhasi, anovachengeta vakasimba mumudzimu uye anovavimbisa ruponeso runobva pachibayiro chaJesu. (VaRoma 5:9) Anoita izvi nokuti vakanaka mukuona kwake.

2. Kunyange zvazvo vachimboshorwa, vanhu vaMwari vane chivimbo chei?

2 Ichokwadi kuti munyika yakazadzwa nerima, vaya vano“rarama nokuzvipira kuna Mwari “ vachashorwa. (2 Timoti 3:12) Kunyange zvakadaro, Jehovha anocherechedza vashori vacho, uye anovayambira kuti: “Rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.” (Isaya 60:12) Nhasi, kushorwa kunouya nenzira dzakawanda. Mune dzimwe nyika, vashori vanoedza kudzora kana kurambidza kunamata kunoitwa Jehovha nevaKristu vepachokwadi. Mune dzimwe, vanyanyisi vanorova vanamati vaJehovha uye vanopisa zvinhu zvavo. Zvisinei, yeuka kuti Jehovha akatoronga kare magumiro achaita kushora kupi zvako, zvichizadzika kuda kwake. Vashori vachakundikana. Vose vanorwisana neZiyoni, rinomiririrwa nevana varo vari pasi pano, havangabudiriri. Iyoyo haisi vimbiso inokurudzira here inobva kuna Mwari wedu mukuru, Jehovha?

Vakakomborerwa Kupfuura Zvavaitarisira

3. Kunaka nokubereka zvibereko kwevanamati vaJehovha kunoenzanisirwa sei?

3 Chokwadi ndechokuti mumazuva okupedzisira enyika ino, Jehovha akakomborera vanhu vake kupfuura zvavaitarisira. Akashongedza zvishoma nezvishoma kunyanya-nyanya nzvimbo yake yokunamatira nevaya varimo vane zita rake. Maererano nouprofita hwaIsaya, anoti kuZiyoni: “Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misipresi, nemipaini nemifiri pamwe chete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.” (Isaya 60:13) Makomo akazara nemiti mihombe yakasvibira anonakidza kuona. Saka miti mihombe mifananidzo yakakodzera yokunaka nokubereka zvibereko kwevanamati vaJehovha.—Isaya 41:19; 55:13.

4. ‘Imba tsvene’ ne“nzvimbo yetsoka” dzaJehovha zvii, uye zvakashongedzwa sei?

4 ‘Imba tsvene’ ne“nzvimbo yetsoka” dzaJehovha zvinotaurwa pana Isaya 60:13 zvii? Mashoko aya anoreva zvivanze zvetemberi huru yomudzimu yaJehovha, kureva urongwa hwokutaura naye patinenge tichimunamata kuburikidza naJesu Kristu. (VaHebheru 8:1-5; 9:2-10, 23) Jehovha akataura chinangwa chake chokushongedza temberi yake yomudzimu nokuunganidza vanhu kubva mumarudzi ose kuti vauye kuzomunamata imomo. (Hagai 2:7) Isaya pachake akanga amboona mapoka anobva mumarudzi ose achinanga kugomo raJehovha rakakwirira rokunamata. (Isaya 2:1-4) Mazana emakore gare gare, muapostora Johani akaona muchiratidzo “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Ivava vakanga “vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari . . . , vari kumuitira basa dzvene masikati nousiku mutemberi yake.” (Zvakazarurwa 7:9, 15) Sezvo uprofita uhwu hwazadzika muzuva redu, imba yaJehovha yashongedzwa tichinyatsoona.

5. Vana veZiyoni vakaona kuvandudzika kupi kukuru?

5 Uku ndiko kunonzi kuchinja kukuru kwakaitika kuZiyoni! Jehovha anoti: “Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu waipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji.” (Isaya 60:15) Hondo yenyika yokutanga yava kunopera, “Israeri waMwari” akatarisana nenguva yokuparadzwa zvechokwadi. (VaGaratiya 6:16) Chokwadi akanzwa “asiyiwa,” nokuti vana vake vaiva pasi pano vakanga vasinganyatsonzwisisi zvaidiwa naMwari kwavari. Ipapo muna 1919, Jehovha akamutsazve vashumiri vake vakazodzwa, uye kubva ipapo akavashongedza nokubudirira kunoshamisa kwomudzimu. Kupfuura izvozvo, chipikirwa chiri mundima iyi hachifadzi here? Jehovha achaona Ziyoni se“chinhu chinorumbidzwa.” Hungu, vana veZiyoni, uye Jehovha pachake, vachadada neZiyoni. Richa“farirwa,” richikonzera mufaro unofashukira. Uye izvozvo hazvingovi kwenguva pfupi chete. Kuitirwa nyasha kweZiyoni, richimiririrwa nevana varo vari pasi pano, kuchagara “nokusingaperi.” Hakuzomboperi.

6. VaKristu vechokwadi vanoshandisa sei pfuma yemarudzi?

6 Zvino teerera chimwe chipikirwa chaMwari. Achitaura kuZiyoni Jehovha anoti: “Uchanwawo mukaka wamarudzi, uchanwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Wamasimba ose waJakobho.” (Isaya 60:16) Ziyoni rinonwa sei “mukaka wamarudzi” nokuyamwa “mazamu amadzimambo”? Mukuti vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo dze“mamwe makwai” vanoshandisa pfuma yemarudzi kuti kunamata kwakachena kuenderere mberi. (Johani 10:16) Mipiro yokuzvidira yemari inobatsira kuti basa guru romunyika dzose rokuparidza nokudzidzisa ribudirire. Kushandisa zvine uchenjeri unyanzvi hwemazuva ano hwokugadzira zvinhu, kunoita kuti maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri abudiswe mumazana emitauro. Nhasi, chokwadi cheBhaibheri chava kuwanika kuvanhu vakawanda zvisati zvamboitika munhoroondo yose. Vagari vomunyika dzakawanda kwazvo vari kudzidza kuti Jehovha, akatenga vashumiri vake vakazodzwa kubva muusungwa hwomudzimu, ndiye Muponesi wavo zvechokwadi.

Kufambira Mberi Kwesangano

7. Vana veZiyoni vakaona kufambira mberi kupi kunoshamisa?

7 Jehovha akashongedzawo vanhu vake neimwe nzira. Akavakomborera nokufambira mberi kwesangano. Pana Isaya 60:17, tinoverenga kuti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.” Kuisa ndarama panzvimbo yendarira kuvandudzika, uye ndizvo zvazvakaitawo nezvimwe zvinhu zvataurwa. Maererano neizvi, Israeri waMwari akawana kuvandudzika kwesangano kunoenderera mberi mumazuva ose okupedzisira. Funga nezvemienzaniso mishomanana.

8-10. Rondedzera kumwe kuvandudzika kwakaitika musangano kubvira muna 1919.

8 Gore ra1919 risati rasvika, ungano dzevanhu vaMwari dzakanga dzichitungamirirwa nevakuru nemadhikoni, vose vachisarudzwa nenhengo dzeungano. Kutanga gore iroro, “muranda akatendeka, akangwara” akagadza mutungamiriri webasa muungano imwe neimwe kuti atarisire zvaiitwa mubasa romumunda. (Mateu 24:45-47) Zvisinei, muungano dzakawanda urongwa ihwohwo hahuna kushanda zvakanaka nokuti vamwe vakuru vakasarudzwa havana kutsigira zvakazara basa rokuparidza evhangeri. Nokudaro, muna 1932, ungano dzakarayirwa kuti dzirege kusarudza vakuru nemadhikoni. Pane kudaro dzaizosarudza varume vaizoshanda mudare rebasa pamwe chete nomutungamiriri webasa. Izvozvo zvakanga zvakafanana ne“ndarira” panzvimbo ye“matanda”—kuvandudzika kwakakura!

9 Muna 1938, ungano pasi pose dzakasarudza kugamuchira urongwa hwakavandudzwa, huya hwaiti enderanei chaizvo nomuenzaniso womuMagwaro. Kutarisirwa kweungano kwakazonzi kuitwe nomuranda weungano achibatsirwa nevamwe vashumiri, vose vachigadzwa mukutungamirira kwomuranda akatendeka, akangwara. Pakanga pasisinazve zvokuita sarudzo! Saka kugadza vanhu muungano kwakanga kwava kuitwa nenzira yaMwari. Izvozvo zvakanga zvakafanana ne“dare” panzvimbo ye“mabwe” kana kuti “ndarama” panzvimbo ye“ndarira.”

10 Kubvira ipapo, kufambira mberi kwakaramba kuchiitika. Somuenzaniso, muna 1972 zvakaoneka kuti kuita kuti ungano dzitarisirwe nedare rinoshandira pamwe revakuru vakagadzwa naMwari, risina mukuru mumwe ane simba pane vamwe vose, kwaitoda kuti fananei zvikuru nenzira yaitarisirwa nayo ungano dzomuzana remakore rokutanga. Uyezve, anenge makore maviri apfuura pakaitwazve rimwe danho. Kutungamirirwa kwemamwe masangano epamutemo kwakagadziridzwa, zvichiita kuti Dare Rinodzora rikwanise kutarisira zvizere zvokunamata kwevanhu vaMwari pane kuvhiringidzwa nenyaya dzepamutemo dzezuva nezuva.

11. Ndiani ave achitsigira kuchinja kwesangano pakati pevanhu vaJehovha, uye kuchinja uku kwaguma nei?

11 Ndiani ari kutsigira kuchinja uku kunofambira mberi? NdiJehovha Mwari chete. Ndiye akati: “Ndichauya nendarama.” Uye anotizve: “Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.” Hungu, Jehovha ndiye anotarisira vanhu vake. Kufambira mberi kwesangano kwakafanotaurwa uku humwe uchapupu hwokuti ari kushongedza vanhu vake. Uye kwakaguma nokukomborerwa kweZvapupu zvaJehovha munzira dzakawanda. Pana Isaya 60:18, tinoverenga kuti: “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo.” Anonakidza sei mashoko iwayo! Asi akazadzika sei?

12. Rugare rwasvika sei pakukurumbira pakati pevaKristu vechokwadi?

12 VaKristu vanonyatsotarisira kurayiridzwa nokutungamirirwa naJehovha, uye zvinoguma zvaitika zvakafanotaurwa naIsaya kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Uyezve, mudzimu waJehovha unoshanda pavanhu vake, uye chimwe chezvibereko zvomudzimu iwoyo rugare. (VaGaratiya 5:22, 23) Kuva norugare kunoguma kwaita vanhu vaJehovha kunovaita vanozorodza munyika izere mhirizhonga. Kuva kwavo vane rugare, kunobva pakudanana kunoita vaKristu vechokwadi, kunofanoratidza mararamiro achaitwa munyika itsva. (Johani 15:17; VaKorose 3:14) Chokwadi mumwe nomumwe wedu anofara kuva norugare irworwo uye anofara kubatsira kuti ruvepo, zvinoita kuti Mwari wedu arumbidzwe nokukudzwa, uye rugare irworwo ndicho chinhu chikuru muparadhiso yedu yomudzimu!—Isaya 11:9.

Chiedza chaJehovha Chicharamba Chichipenya

13. Nei tingava nechokwadi chokuti chiedza chaJehovha hachizoregi kupenyera vanhu vake?

13 Chiedza chaJehovha chicharamba chichipenya pavanhu vake here? Hungu! Pana Isaya 60:19, 20, tinoverenga kuti: “Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha uchava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako. Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha uchava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma.” Nhapwa dzomudzimu padzakangomira “kuchema” muna 1919, chiedza chaJehovha chakatanga kudzipenyera. Anopfuura makore 80 izvi zvaitika, dzichiri kuwana nyasha dzaJehovha sezvo chiedza chake chinoramba chichipenya. Uye hachizodzimi. Kuvanamati vake, Mwari haazo“viri” sezvinoita zuva kana ku‘tapudzika’ sezvinoita mwedzi. Asi achavavhenekera nokusingaperi. Ivimbiso yakaisvonaka kwazvo kwatiri isu vanorarama mumazuva okupedzisira enyika ino iri murima!

14, 15. (a) Vanhu vaMwari vose “vakarurama” munzira ipi? (b) Maererano naIsaya 60:21, mamwe makwai anotarisira kuzadzika kwechii kunokosha?

14 Zvino chinzwa chimwe chipikirwa chinotaurwa naJehovha nezvomumiririri weZiyoni wepasi pano, Israeri waMwari. Isaya 60:21 inoti: “Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.” Muna 1919 apo vaKristu vakazodzwa vakadzorerwa pabasa, vakanga vava boka revanhu rinoshamisa. Munyika ine zvivi, ‘vakanzi vakarurama’ pamusana pokutenda kwavo kusingazununguki muchibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu. (VaRoma 3:24; 5:1) Ipapo, kufanana nevaIsraeri vakasunungurwa muusungwa hwomuBhabhironi, vakagara nhaka ye“nyika,” nyika yomudzimu, kana kuti nzvimbo yebasa, umo vaizova vari muparadhiso yomudzimu. (Isaya 66:8) Runako rwomudzimu rwenyika iyoyo rwakaita serwomuparadhiso haruzomboperi nokuti rudzi rwaIsraeri waMwari haruzovi rusina kutendeka sezvakaita Israeri wekare. Kutenda kwavo, kutsungirira kwavo, uye kushingaira kwavo hakuzomboregi kuita kuti zita raMwari rikudzwe.

15 Vose vari murudzi rwomudzimu irworwo vakapinda musungano itsva. Vose vakanyorwa mutemo waJehovha pamwoyo yavo, uye Jehovha, achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu, akakanganwira zvivi zvavo. (Jeremia 31:31-34) Anovaita vakarurama se“vanakomana” uye anobata navo sokunge vakakwana. (VaRoma 8:15, 16, 29, 30) Shamwari dzavo dzemamwe makwai dzakakanganwirwawo zvivi zvadzo pachishandiswa chibayiro chaJesu, uye kufanana naAbrahamu, vakanzi vakarurama seshamwari dzaMwari kuburikidza nokutenda. “Vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.” Uye idzi shamwari dzemamwe makwai dzinotarisira kune chimwe chikomborero chakasiyana nezvimwe. Dzapona pa“kutambudzika kukuru” kana kuti dzamutswa, dzichaona kuzadzika chaiko kwemashoko aIsaya 60:21 pasi rose parinova paradhiso. (Zvakazarurwa 7:14; VaRoma 4:1-3) Panguva iyoyo, ‘vanyoro vachagara nhaka yenyika; vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.’—Pisarema 37:11, 29.

Kuwedzera Kunoenderera Mberi

16. Chipikirwa chipi chakaisvonaka chakaitwa naJehovha, uye chakazadzika sei?

16 Mundima yokupedzisira yechitsauko 60 chaIsaya, tinoverenga chipikirwa chokupedzisira chaJehovha. Anoti kuZiyoni: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Munguva yedu, Jehovha akachengeta shoko rake. VaKristu vakazodzwa pavakadzorerwa pabasa muna 1919, vaiva vashoma—zvechokwadi, “muduku.” Vakawedzera apo vamwe vaIsraeri vomudzimu vakaunzwa. Uye zvadaro mamwe makwai akatanga kuuya kwavari achiramba achiwedzera. Rugare rwevanhu vaMwari, paradhiso yomudzimu iripo mu“nyika” yavo, rwakakwezva vakawanda kwazvo vane mwoyo yakatendeseka zvokuti “wakadukupa” azova “rudzi rune simba” zvechokwadi. Panguva ino “rudzi” urwu—Israeri waMwari ne“vatorwa” vakazvitsaurira vanopfuura mamiriyoni matanhatu—rwakakura kudarika nyika dzakawanda dzepasi dzinozvitonga. (Isaya 60:10) Vagari vemo vose vanobatana pakupenya nechiedza chaJehovha, uye zvinoita kuti vose vanake zvikuru mumaziso ake.

17. Kukurukurwa uku kwechitsauko 60 chaIsaya kwakufadza sei?

17 Chokwadi kukurukura pfungwa dzinokosha dzechitsauko 60 chaIsaya kunosimbisa kutenda. Zvinokurudzira kuona kuti pachine nguva mberi zvakadaro, Jehovha aiziva kuti vanhu vake vaizopinda muusungwa hwomudzimu vozosunungurwa. Zvinotishamisa kuti pachine nguva mberi zvakadaro, Jehovha akafanoona kuwedzera kukuru kwevanamati vechokwadi muzuva redu. Uyezve, zvinonyaradza sei kuziva kuti Jehovha haazotisiyi! Ndeyorudo sei vimbiso yokuti masuo e“guta” achagara akavhurika kuti vaya ‘vanoda upenyu husingaperi’ vagamuchirwe nomutsa! (Mabasa 13:48) Jehovha acharamba achipenyera vanhu vake. Ziyoni richaramba riri chidadiso sezvo vana varo vanoita kuti chiedza chavo chirambe chichiwedzera kupenya. (Mateu 5:16) Chokwadi tatsunga zvatisati tamboita kuramba tiri pedyo naIsraeri waMwari uye kukoshesa ropafadzo yedu yokuratidza chiedza chaJehovha!

Unogona Kutsanangura Here?

• Panyaya yokushorwa, tine chivimbo chei?

• Vana veZiyoni ‘vakanwa mukaka wemarudzi’ sei?

• Jehovha ‘akaunza ndarira panzvimbo yematanda’ sei?

• Zvinhui zviviri zvinotaurwa pana Isaya 60:17, 21?

• “Wakadukupa” ava sei “rudzi rune simba”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 18]

UPROFITA HWAISAYA—Chiedza Chavanhu Vose

Mashoko ari munyaya idzi akakurukurwa muhurukuro paKokorodzano Dzoruwa dze“Vadzidzisi veShoko raMwari” dza2001 na2002. Pakapera hurukuro yacho, munzvimbo dzakawanda mukurukuri akabudisa bhuku idzva rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose, Bhuku Rechipiri. Gore rakanga rapfuura racho, Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose, Bhuku Rokutanga rakanga rabudiswa. Sezvo bhuku idzva iri rakabudiswa, pava nokukurukurwa kunoenderana nenguva kwendima imwe neimwe iri mubhuku raIsaya. Mabhuku aya ari kubatsira zvakanaka kudzamisa kunzwisisa nokukoshesa kwedu bhuku rouprofita raIsaya rinosimbisa kutenda.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Mukushorwa nechisimba, ‘Jehovha anoshongedza vanhu vake noruponeso’

[Mifananidzo iri papeji 16]

Vanhu vaMwari vanoshandisa pfuma inokosha yemarudzi kufambisira mberi kunamata kwakachena

[Mifananidzo iri papeji 17]

Jehovha akakomborera vanhu vake nokufambira mberi kwesangano uye norugare