Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Namata Mwari “Nomudzimu”

Namata Mwari “Nomudzimu”

Namata Mwari “Nomudzimu”

“Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?”—ISAYA 40:18.

ZVICHIDA unotodavira nomwoyo wose kuti kushandisa mifananidzo kunobvumirwa mukunamata Mwari. Ungafunga kuti izvi zvinoita kuti uve pedyo noMunzwi womunyengetero, uyo asingaoneki uye angaita seasiri munhu uye asinganzwisisiki.

Asi takasununguka zvachose kusarudza nzira yedu toga yokunamata nayo Mwari here? Haasi Mwari here pachake anofanira kuva nesimba rokutaura zvinobvumirwa nezvisingabvumirwi? Jesu akatsanangura maonero anoita Mwari nyaya yacho paakati: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.” (Johani 14:6) * Mashoko iwayo chete anorambidza kushandiswa kwemifananidzo kana zvimwe zvinhu zvipi hazvo zvinoera.

Hungu, pane rudzi rwokunamata chairwo runobvumwa naJehovha Mwari. Ndorwupi irworwo? Pane chimwe chiitiko Jesu akatsanangura kuti: “Awa iri kuuya, uye zvino yatovapo, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, zvechokwadi, Baba vari kutsvaka vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:23, 24, NW.

Ko Mwari, uyo ari “mudzimu,” angamiririrwa nechidhori chinooneka here? Kwete. Pasinei nokuti mufananidzo ungava wakanaka sei, haumbofi wakasvika pambiri yaMwari. Saka mufananidzo haungambomiririri Mwari zvechokwadi. (VaRoma 1:22, 23) Munhu angava ‘achinamata muchokwadi’ here kana achinamata Mwari achishandisa mufananidzo wakagadzirwa nevanhu?

Dzidziso yeBhaibheri Yakajeka

Mutemo waMwari wairambidza kugadzirwa kwemifananidzo sezvinhu zvinonamatwa. Wechipiri weMirayiro Gumi waiti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira.” (Eksodho 20:4, 5) Magwaro echiKristu akafuridzirwa anorayirawo kuti: “Tizai kunamata zvifananidzo.”—1 VaKorinde 10:14.

Ichokwadi kuti vakawanda vanoomerera pakuti kushandisa kwavo mifananidzo hakusi kunamata. Somuenzaniso vaKristu veOrthodox vanowanzoramba kuti vanonyatsonamata mifananidzo yavanokotamira, yavanopfugamira, uye yavanonyengetera pamberi payo. Mumwe mupristi weOrthodox akanyora kuti: “Tinoiremekedza nokuti zvinhu zvitsvene, uye nokuti tinotya uyo anofananidzirwa neMifananidzo yacho.”

Kunyange zvakadaro, mubvunzo unoramba uripo: Mwari anobvumira kushandiswa kwemifananidzo nechinangwa chokuya kunonzi kunamata nenzira isina kunanga here? Hapana papi zvapo muBhaibheri panobvumira muitiro wakadaro. VaIsraeri pavakaita mufananidzo wemhuru yendarama, vachiti chinangwa chayo ndechokuti vanamate Jehovha, akataura kuti aisazvida zvachose, achiti vaiva vatsauka pakutenda.—Eksodho 32:4-7.

Ngozi Yakavanzika

Kushandisa zvinhu zvinooneka pakunamata muitiro une ngozi. Kunogona kuedza vanhu zviri nyore kuti vanamate chinhu panzvimbo paMwari anonzi anomiririrwa nechinhu chacho. Nemamwe mashoko, mufananidzo wacho ndiwo unenge wava kunamatwa.

Izvozvo zvakaitika pazvinhu zvakawanda mumazuva evaIsraeri. Somuenzaniso, pavakanga vari murwendo rwavo murenje, Mosesi akagadzira nyoka yendarira. Pakutanga, chaimiririrwa nenyoka yaiva pabango chaishanda senzira yokuporesa. Vaya vairangwa nokurumwa nenyoka vaigona kutarira nyoka yendarira vobatsirwa naMwari. Asi vanhu vagara muNyika Yakapikirwa, vanoita sevakachinja bango iri kuti rive chinhu chinonamatwa, sokunge kuti nyoka yendarira pachayo ndiyo yaiva nesimba rokuporesa. Vakapisa zvinonhuwira kwairi uye vakatoipa zita, Nehustani.—Numeri 21:8, 9; 2 Madzimambo 18:4.

VaIsraeri vakaedzawo kushandisa areka yesungano somushonga wokupinga vavengi vavo, zvikazovaipira. (1 Samueri 4:3, 4; 5:11) Uye mumazuva aJeremiya, vagari vomuJerusarema vaiva nehanya zvikuru netemberi kupfuura Mwari ainamatwa imomo.—Jeremia 7:12-15.

Kapfungwa kokunamata zvinhu panzvimbo paMwari kachiriko zvikuru. Mumwe mutsvakurudzi wemashoko Vitalij Ivanovich Petrenko akati: “Mufananidzo . . . unova chinhu chinonamatwa uye panova nengozi yokunamata zvidhori . . . Munhu anofanira kubvuma kuti iyi ipfungwa inokosha yechihedheni yakapinzwa mukunamata mifananidzo kuburikidza nezvinodavirwa nevakawanda.” Saizvozvowo, mumwe mupristi weGreek Orthodox, Demetrios Constantelos mubhuku rake rinonzi Understanding the Greek Orthodox Church anoti: “Zvinobvira kuti muKristu aite mufananidzo chinhu chokunamata.”

Kutaura kwokuti mifananidzo inongobatsira chete pakunamata kunoita kuti pave nemibvunzo yakawanda. Nei? Ko hachisi chokwadi here kuti mimwe mifananidzo yaMariya kana kuti vamwe “vasande” inogona kutorwa seiyo munhu anofanirwa kuzvipira kwairi zvakanyanya uye seinobatsira kupfuura mimwe inomiririra vanhu vamwe chetevo vakafa kare? Somuenzaniso, mumwe mufananidzo unomiririra Mariya kuTínos, Greece, une vanhu vawo vakazvipira kwauri, vakasiyana nevamwe vakazvipira kune mumwe mufananidzo unomiririra Mariya muSoumela, kumusoro kweGreece. Mapoka acho ose anodavira kuti mifananidzo yawo yakakwirira, inoita zvishamiso zvinopfuura mimwe, kunyange zvazvo yose ichimirira munhu mumwe cheteyo akafa kare. Saka, chaizvoizvo vanhu vanoti mimwe mifananidzo ine simba uye vanoinamata.

Kunyengetera ku“Vasande” Kana Kuti Kuna Mariya Here?

Zvisinei, zvakadini nokunamata vanhu vakadai saMariya kana kuti “vasande”? Jesu, paakaedzwa naSatani akamupindura achishandisa Dheuteronomio 6:13 ndokuti: “Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.” (Mateu 4:10) Akazotizve vanamati vechokwadi vaizonamata “Baba,” kwete mumwe munhuzve. (Johani 4:23) Ichiziva izvozvo, imwe ngirozi yakatsiura muapostora Johani aida kuedza kuinamata, ichiti: “Rega kudaro . . . namata Mwari.”—Zvakazarurwa 22:9.

Zvakanaka here kunyengetera kuna Mariya, amai vaJesu vepasi pano, kana kuti “vasande,” tichivakumbira kuti vatisvitsire minyengetero yedu kuna Mwari? Mhinduro yeBhaibheri yakananga ndeyokuti: “Kunongova . . . nomurevereri mumwe chetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.”—1 Timoti 2:5.

Chengetedza Ukama Hwako naMwari

Sezvo kushandisa mifananidzo kuchipesana nezvinodzidziswa neBhaibheri zvakajeka, hakugoni kubatsira vanhu kugamuchirwa naMwari uye kuponeswa. Kusiyana naizvozvo, Jesu akati upenyu husingaperi hunobva pakuwana kwedu zivo yaMwari mumwe chete wechokwadi, kunyatsoziva unhu hwake husingaenzaniswi pamwe nezvinangwa zvake nokubata kwaanoita nevanhu. (Johani 17:3) Mifananidzo isingaoni, isinganzwi, kana kutaura haibatsiri munhu kuziva Mwari uye kumunamata zvaanobvuma. (Pisarema 115:4-8) Dzidzo iyoyo inokosha kupfuura dzimwe dzose inowanikwa nokudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri.

Kuwedzera kukusabatsira kwako, kunamata mifananidzo kungavawo nengozi dzomudzimu. Sei? Chinokosha kupfuura zvose ndechokuti kunogona kukuvadza ukama hwomunhu naJehovha. NezvevaIsraeri, avo “vakamutsamwisa nezvinonyangadza,” Mwari akafanotaura kuti: “Ndichavavanzira chiso changu.” (Dheuteronomio 32:16, 20) Kuvakazve kwavo ukama naMwari kwaireva ‘kurasha zvifananidzo zvavo.’—Isaya 31:6, 7.

Saka, rakakodzera sei zano romuMagwaro rokuti “Vana vaduku, zvichenjerei pazvifananidzo”!—1 Johani 5:21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kunze kwokunge zvakaratidzwa, Magwaro ose ari munyaya ino akatorwa muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

[Bhokisi riri papeji 6]

Akabatsirwa Kunamata “Nomudzimu”

Olivera aiva nhengo yakazvipira yeChechi yeOrthodox muAlbania. Nyika yacho payakadzika mutemo unorambidza kunamata muna 1967, Olivera akaramba achiita zvokunamata pachivande. Akashandisa yakawanda yemari yekamudyandigere kake achitenga mifananidzo yegoridhe nesirivha, zvinonhuwira, uye makenduru. Aizvichengeta akazviviga mumubhedha wake uye aiwanzorara pacheya iri pedyo achityira kuti zvingazoonekwa kana kuti kubiwa. Paakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha kumavambo a1990, Olivera akabata chokwadi cheBhaibheri chaiva mushoko ravo. Akaona zvinotaurwa neBhaibheri nezvokunamata “nomudzimu,” uye akadzidza manzwiro anoita Mwari nezvokushandiswa kwemifananidzo. (Johani 4:24, NW) Chapupu chaidzidza Bhaibheri naye chakacherechedza kuti pose pachaishanyira musha waOlivera chaiwana kuti zvifananidzo zvaive zvati shomekei. Pakupedzisira pakanga pasisina kana nechimwe. Pashure pokubhabhatidzwa kwake, Olivera akati: “Nhasi, panzvimbo pezvifananidzo zvisingabatsiri, ndine mudzimu waJehovha. Ndiri kuonga zvikuru kuti mudzimu wake haushandisi zvifananidzo kuti usvike kwandiri.”

Athena, wokuchitsuwa cheLesbos muGreece, aiva nhengo inoshingaira zvikuru yeChechi yeOrthodox. Aiva nhengo yekwaya uye aitevedzera zvose zvokunamata nomazvo, kusanganisira kushandiswa kwemifananidzo. Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira Athena kuziva kuti hazvisi zvinhu zvose zvaakanga adzidziswa zvaiwirirana neBhaibheri. Izvi zvaisanganisira kushandiswa kwemifananidzo nemichinjikwa pakunamata. Athena akaomerera pakuti aida kuzvitsvakira oga mashoko okuti zvinhu izvi zvokunamatisa zvakabva nokupi. Pashure pokutsvaka zvakadzama mumamwe mabhuku okunyika, akagutsikana kuti zvinhu izvozvo zvakanga zvisiri zvechiKristu. Chido chake chokunamata Mwari “nomudzimu” chakaita kuti arase mifananidzo, pasinei nokuti yaidhura zvakadini. Zvisinei, Athena aifara kurasikirwa chero nechii zvacho kuti anamate Mwari nenzira yakachena uye yaanobvuma.—Mabasa 19:19.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Mifananidzo Unyanzvi Hwemaoko Chete Here?

Mumakore achangopfuura aya, mifananidzo yeOrthodox yave ichiunganidzwa munyika yose. Vanoiunganidza vanowanzotora mufananidzo, kwete sechinhu chechitendero chinoera, asi sounyanzvi hwemaoko hunoratidza tsika dzeByzantium. Hazviwanzoshamisi kuwana mifananidzo yakadaro yokunamata yakawanda yakashongedza musha kana kuti hofisi yomumwe munhu asingadaviri kuti kuna Mwari.

Zvisinei, vaKristu vechokwadi havakanganwi basa guru romufananidzo. Chinhu chinonamatwa. Nepo vaKristu vasingatongi vamwe pamusoro pekodzero yavo yokuva nemifananidzo, ivo pachavo havagari nemifananidzo, kunyange sezvinhu zvokungounganidza. Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa nemagwaro zvinowanikwa pana Dheuteronomio 7:26, inoti: “Usapinza chinonyangadza mumba mako, kuti iwe urege kuva chinhu chakayeriswa saicho. Unofanira kuchisema chose, nokuvenga chose, nokuti chinhu chakayeriswa.”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mwari akanga asingabvumiri kushandiswa kwezvidhori pakunamata

[Mufananidzo uri papeji 8]

Zivo inobva muBhaibheri inotibatsira kunamata Mwari nomudzimu