Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usanyengerwa

Usanyengerwa

Usanyengerwa

KUNYENGERWA kwakabvira kare kare. Chimwe chezviitiko zvokutanga chakanyorwa munhau dzakaitika kwaiva kunyengera. Ndeapo Satani akanyengera Evha mubindu reEdheni.—Genesi 3:13; 1 Timoti 2:14.

Kunyange zvazvo kubvira ipapo pasina kumbova nenguva pasi pano apo kunyengera kwakanga kusina kupararira, nhasi kuri pose pose. Richitaura nezvenguva dzazvino, Bhaibheri rakanyevera kuti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.”—2 Timoti 3:13.

Vanhu vanonyengerwa nokuda kwezvikonzero zvemarudzi ose. Vanyengeri nevarume vanokorovhera vamwe vanonyengera vanhu kuti vavatorere mari yavo. Vamwe vezvematongerwe enyika vanonyengera vanhu vomumatunhu avo, vachisarudza kuramba vari musimba pasinei nezvinoitika. Vanhu vanotozvinyengerawo. Pane kuti vatarisane nechokwadi chisingafadzi, vanozvinyengedza vachiti hapana chakaipa nokutevera tsika dzine ngozi, dzakadai sokusvuta fodya, kushandisa zvinodhaka, kana kuita unzenza.

Uyewo pane unyengeri mune zvechitendero. Vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu vakanyengera vanhu. Nezvevanyengeri ivavo, Jesu akati: “Ndizvo zvavari vatungamiriri vari mapofu. Zvino, kana bofu rikatungamirira bofu, ose ari maviri achawira mugomba.” (Mateu 15:14) Uyezve, vanhu vanozvinyengera mune zvechitendero. Zvirevo 14:12 inoti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”

Somunguva yaJesu, nhasi vakawanda vari kunyengerwa munhau dzechitendero uye hazvishamisi! Muapostora Pauro akati Satani ‘akapofumadza pfungwa dzevasingatendi, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.’—2 VaKorinde 4:4.

Kana tikanyengerwa nomunhu anokorovhera, tinorasikirwa nemari. Kana wezvematongerwe enyika akatinyengera, tingaguma tarasikirwa norumwe rworusununguko rwedu. Asi kana Satani akatinyengera zvokuti tinoramba chokwadi pamusoro paJesu Kristu, hatizowani upenyu husingaperi! Saka usanyengerwa. Zarurira pfungwa nomwoyo wako kubhuku rinotaura chokwadi chisina mubvunzo mune zvechitendero, Bhaibheri. Tingarasikirwa nezvakawanda kana tikasadaro.—Johani 17:3.