Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Atari Kuna Mwari Asina Zita

Atari Kuna Mwari Asina Zita

Atari Kuna Mwari Asina Zita

MUAPOSTORA Pauro akashanyira Atene, kuGirisi, munenge muna 50 C.E. Ikoko akaona atari yaiva yakatsaurirwa kuna mwari asingazivikanwi uye akazotaura nezvayo paaipa uchapupu hwakaisvonaka pamusoro paJehovha.

Achitanga hurukuro yake paGomo reMars, kana kuti paAreyopago, Pauro akati: “Vanhu vomuAtene, ndinoona kuti muzvinhu zvose munoita semunotya vanamwari zvikuru kupfuura zvinoita vamwe. Somuenzaniso, pandakanga ndichipfuura ndichinyatsocherechedza zvinhu zvamunonamata ndakawana atari yakanga yakanyorwa kuti ‘Kuna Mwari Asingazivikanwi.’ Naizvozvo chamuri kuzvipira kwachiri saMwari musingazivi, ndicho chandiri kukuparidzirai.”—Mabasa 17:22-31.

Kunyange zvazvo atari iyoyo yevaAtene isina kuzombowanika, atari dzakafanana naiyoyo dzirimo mune dzimwe nzvimbo dzeGirisi. Somuenzaniso, nyanzvi yezvemamiriro ezvinhu okunze yokuGirisi yomuzana remakore rechipiri inonzi Pausanias yakataura nezveatari dza“vanamwari Vanonzi Havazivikanwi” paPhaleron, kusiri kure neAtene. (Description of Greece, Attica I, 4) Maererano nebhuku iri, paOlympia paiva ne“atari dzavanamwari Vasingazivikanwi.”—Eleia I, XIV, 8.

Mubhuku rake rinonzi The Life of Apollonius of Tyana (VI, III), munyori wechiGiriki Philostratus (c. 170-c. 245 C.E.) akataura kuti paAtene “panogadzirwa atari dzokukudza kunyange vanamwari vasingazivikanwi.” Uye mubhuku rinonzi Lives of Philosophers (1.110), Diogenes Laertius (c. 200-250 C.E.) akanyora kuti “maatari asina mazita” aigona kuonwa munzvimbo dzakasiyana-siyana dzomuAtene.

VaRoma vakagadzirawo atari dzavanamwari vasingazivikanwi. Iri kuratidzwa pano ndeyomuzana remakore rokutanga kana kuti rechipiri B.C.E. uye yakachengetedzwa kuPalatine Antiquarium muRome, Italy. Kunyorwa kwayakaitwa nechiLatin kunoratidza kuti atari iyi yakanga yatsaurirwa zvichida kuna “mwari kana kuna mwarikadzi”—mashoko “aiwanzowanika muminyengetero kana kuti mumashoko okutsaurira uye mumabhuku.”

“Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi” haasati azivikanwa nevakawanda. Asi sokuudza kwakaita Pauro vaAtene, Mwari uyu—Jehovha—ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:24, 27.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Atari: Soprintendenza Archeologica di Roma