Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dyara Kururama, Kohwa Mutsa waMwari Une Rudo

Dyara Kururama, Kohwa Mutsa waMwari Une Rudo

Dyara Kururama, Kohwa Mutsa waMwari Une Rudo

“WAKAZVIITA rubatso pamusoro pomutorwa, uchaona nhamo nokuda kwazvo; asi unovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.” (Zvirevo 11:15) Chirevo ichi chipfupi chinonyatsokurudzira kuti munhu uite zvinhu uchiziva! Sainira chikwereti munhu wausingazivi uzvikokere nhamo. Dzivisa kubatana maoko—chiratidzo chaishanda kuratidza kuti vanhu vaita chibvumirano muIsraeri yekare—kuti usapinde mumusungo wezvemari.

Zvakajeka kuti chidzidzo chinokosha chiri kushandiswa pano ndeichi: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) “Zvidyarirei mukururama,” akadaro muprofita Hosea, “mugocheka zvorudo.” (Hosea 10:12) Hungu, dyara kururama nokuita zvinhu nenzira yaMwari, ukohwe mutsa wake une rudo. Achishandisa mutemo uyu nguva nenguva, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akakurudzira zvakasimba kuita zvakarurama, kutaura zvakarurama, uye kuva nemafungiro akanaka. Kunyatsoongorora mashoko ake ouchenjeri zvechokwadi kuchatikurudzira kuzvidyarira mbeu mukururama.—Zvirevo 11:15-31.

Dyara ‘Kunaka,’ Ukohwe ‘Kukudzwa’

“Mukadzi ane runako ndiye anokudzwa,” anodaro mambo akachenjera, “asi vadzvinyiriri ndivo vanowana pfuma.” (Zvirevo 11:16, NW) Ndima iyi inoratidza musiyano uri pakati pokukudzwa kunogara kwenguva refu uko mukadzi ane runako, “mukadzi ane nyasha,” anogona kuwana, noupfumi husingagari nguva refu hunowanikwa nomudzvinyiriri.—An American Translation.

Munhu angawana sei runako runoguma nokukudzwa? “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara,” akapa zano Soromoni, “ipapo zvichava . . . [“runako,” NW] pamutsipa wako.” (Zvirevo 3:21, 22) Uye munyori wemapisarema akataura nezvo‘runako rwakadururirwa pamiromo yamambo.’ (Mapisarema 45:1, 2) Hungu, uchenjeri hunoshanda, mano okufunga, uye kushandisa rurimi zvakanaka zvinoita kuti munhu akoshe uye ave norunako. Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaita mukadzi akangwara. Abhigairi, mudzimai waNabhari benzi, mumwe muenzaniso. Akanga “akangwara, uye wakanga akanaka kumeso,” uye Mambo Dhavhidhi akamurumbidza nokuda kwo“kungwara,” kwake.—1 Samueri 25:3, 33.

Mukadzi akazvipira kuna Mwari uyo ane runako chairwo achakudzwa zvechokwadi. Vamwe vachataura zvakanaka nezvake. Kana akaroorwa, achawana kukudzwa mumeso omurume wake. Kutaura zvazviri, achaita kuti mhuri yose ikudzwe. Uye kukudzwa kwake hakusi kwenguva pfupi chete. “Zita rakanaka rinofanira kusanangurwa kupfuura pfuma zhinji; uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.” (Zvirevo 22:1) Zita rakanaka raanoita naMwari rinokosha zvechigarire.

Mamiriro acho ezvinhu akasiyana nomudzvinyiriri, ‘murume ane utsinye.’ (Zvirevo 11:16, New International Version) Mudzvinyiriri anoiswa muboka revarume vakaipa uye vaya vanovenga vanamati vaJehovha. (Jobho 6:23; 27:13) Murume akadaro ‘haaisi Mwari pamberi pake.’ (Pisarema 54:3) Nokudzvinyirira uye kuitira udyire akarurama, munhu akadaro anga ‘unganidza pfuma seguruva.’ (Jobho 27:16) Asi, pane imwe nguva, angarara orega kumuka, uye chero rimwe zuva raangazosvinura maziso ake ringava rokupedzisira. (Jobho 27:19) Pfuma yake yose uye zvose zvaakaita zvinenge zvava pasina.—Ruka 12:16-21.

Chokwadi Zvirevo 11:16 inodzidzisa chidzidzo chinokosha! Nokutiudza muchidimbu zvichakohwewa norunako uye noudzvinyiriri, mambo weIsraeri anotikurudzira kudyara kururama.

“Mutsa Une Rudo” Unounza Mibayiro

Achidzidzisazve chimwe chidzidzo muukama hwevanhu, Soromoni anoti: “Munhu ane [“mutsa une rudo,” NW] unoitira mweya wake zvakanaka, asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.” (Zvirevo 11:17) “Pfungwa huru yechirevo chacho,” inodaro imwe nyanzvi, “ndeyokuti unhu hunoratidzwa nomunhu kune vamwe, hungava hwakanaka kana kuti hwakashata, hune mimwe migumisiro isingadiwi kana kuti isingatarisirwi.” Chimbofunga nezvomumwe mukadzi wechiduku anonzi Lisa. * Kunyange zvazvo asingadi kudaro, anogara achinonoka kwaanenge akaronga kusangana nevamwe. Hazvishamisi kuti anonoke nemaminitsi 30 kana kupfuura paanenge akaronga kusangana nevamwe vaparidzi voUmambo nokuda kwebasa rokuparidza. Zviri kuita Lisa hazvimubatsiri. Angapomera vamwe here kana vakatadza kushivirira nemhaka yokuti nguva inokosha inenge ichipera vobva varega kuronga kusangana naye?

Munhu anoda zvakanyatsorurama—uya anovavarira kuita zvinhu zvakanyanyokwirira—anenge achizviitirawo utsinye. Nokuedza nguva dzose kuita zvinhu zvisingabviri kuita, anozviita kuti agume aneta uye aora mwoyo. Ukuwo, tinoita nenzira inotipa mubayiro kana tikava nevavariro dzine musoro uye dzakanaka. Zvichida hatikurumidzi kubata pfungwa sezvinoita vamwe. Kana kuti kungava kuti urwere kana kukwegura zvava kutitadzisa kuita zvimwe zvinhu. Tisamboneta kufambira mberi mune zvokunamata, asi ngatirambe tichiratidza kunzwisisa nguva dzose mukubata nokutadza kwedu kuita zvimwe zvinhu. Tichafara kana ‘tichiita nepatinogona napo’ maererano nemano edu.—2 Timoti 2:15; VaFiripi 4:5.

Achitsanangura zvimwe zvakawanda maererano nokuti munhu akarurama anozvibatsira sei nepo ane utsinye achizvikuvadza, mambo akachenjera anoti: “Wakaipa unopiwa mubayiro wokunyengedzera; asi unokusha kururama uchawana mubayiro wazvokwadi. Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; asi unotevera zvakaipa, unovinga rufu rwake. Vane mwoyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza. Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; asi vana vavakarurama vacharwirwa.”Zvirevo 11:18-21.

Munzira dzakasiyana-siyana ndima idzi dzinosimbisa pfungwa iyi inokosha: Dyara kururama ukohwe mubayiro. Wakaipa angada kunyengera kana kubhejera kuti awane chinhu chaasina kushandira. Sezvo mibayiro iyoyo ichiwanwa nenhema, angaodzwa mwoyo. Munhu anoshanda nokuvimbika anowana mubayiro chaiwoiwo mukuti anenge akachengeteka. Aine tendero yaMwari, munhu asina chaangapomerwa anenge ari munzira youpenyu. Asi akaipa achafambirwa sei nezvinhu? ‘Kunyange zvazvo achigaroronga’ kuita zvakaipa, wakaipa haaregi kurangwa. (Zvirevo 2:21, 22) Ikurudziro yakaisvonaka sei yokudyara kururama!

Kunaka Chaiko Kune Akangwara

“Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso usina kungwara,” anoenderera mberi Soromoni. (Zvirevo 11:22) Munguva inotaurwa muBhaibheri zvindori zvomumhino zvaiva zvishongo zvaiwanzoshandiswa kushongedza. Chindori chendarama chaiiswa nepadivi pemhino kana kuti nepakati pemaburi maviri emhino chaiva chishongo chaingokurumidza kuoneka pamukadzi. Zvaiva zvisina kukodzera sei kuti chishongo chakanaka zvakadaro chive mumhino dzenguruve! Ndozvakaitawo munhu akanaka kunze asi asina “kungwara.” Chishongo chakanaka hachina kukodzera akadaro, angave mukadzi kana murume. Hachina kumukodzera—kunyange icho chakanaka hachinakidzi kana chikapfekwa nomunhu uyu.

Ichokwadi kuti vanhu tagara tichingoda kuziva kuti tinotaridzika zvakadini kune vamwe vanhu. Asi kunyanyirei kuzvidya mwoyo kana kusagutsikana nechiso chedu kana zvakaita muviri wedu? Hatigoni kudzora zvinhu zvakawanda zvomuviri wedu. Uye chitarisiko chomuviri hachisi chinhu chinonyanya kukosha. Hachisi chokwadi here kuti vanhu vakawanda vatinoda uye vatinoyemura havasi vanhu vakanyanyonaka? Kukwezva kwomuviri handicho chinhu chinokosha chinoita kuti munhu afare. Chinokosha chaizvoizvo runako rwomukati runogara kwenguva refu runoratidza unhu hunodiwa naMwari. Saka ngativei vakangwara tova nounhu hwakadaro.

“Chipavhurire Uchakodzwa”

“Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi,” anodaro Mambo Soromoni, “asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.” Achienzanisira kuti izvi zvakadai sei, anowedzera kuti: “Mumwe uriko unoparadzira, achiwedzerwa; uye uriko unonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.”Zvirevo 11:23, 24.

Zvatinoparadzira nokushingaira—kuudza vamwe—zivo yeShoko raMwari, zvechokwadi tinovandudzawo kunzwisisa kwedu “kufara nokureba nokukwirira nokudzika,” kwaro. (VaEfeso 3:18) Ukuwo munhu asingashandisi zivo yake, ari mungozi yokurasikirwa nezvaanazvo. Hungu, “anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; uye anodyara zvakawanda achakohwawo zvakawanda.”—2 VaKorinde 9:6.

“Chipavhurire uchakodzwa [uchabudirira],” anoenderera mberi mambo, “uye unodiridza uchadiridzwawo.” (Zvirevo 11:25) Tikashandisa nguva yedu nezvinhu zvedu kufambisira mberi kunamata kwechokwadi, Jehovha anofadzwa nesu zvikuru. (VaHebheru 13:15, 16) Acha‘tizarurira mawindi okudenga, otidururira zvikomborero zvatichashaiwa pokuisa.’ (Maraki 3:10) Chimbotarisa kubudirira mumudzimu kwevashumiri vake nhasi!

Achipa mumwezve muenzaniso wokusiyana kwezvido zvewakarurama nowakaipa, Soromoni anoti: “Unonyima zviyo—vanhu vachamutuka; asi mikomborero ichava pamusoro wounozvitengesa.” (Zvirevo 11:26) Kutenga zvinhu mitengo painenge yakaderera uye kuzvichengeta kusvikira zvava kunetsa kuwana uye mitengo yakwira kungawanisa purofiti. Kunyange zvazvo kuchengetedza kana kuderedza kushandiswa kwezvinhu kungabatsira, vanhu havawanzofariri munhu anoita zvakadai nokuda kwoudyire hwake. Ukuwo, munhu anodzivisa kushandisa kuomerwa kunenge kwaita vamwe kuti aite purofiti yakakura anofarirwa nevanhu.

Achitikurudzira kuramba tichida kuita zvakanaka, kana kuti zvakarurama, mambo weIsraeri anoti: “Unoshingairira zvinhu zvakanaka, unotsvaka zvinofadza; asi unotsvaka zvakashata, uchasvikirwa nazvo. Unovimba nepfuma yake uchawa; asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.”Zvirevo 11:27, 28.

Wakarurama Anofarirwa Nemweya Yakawanda

Achienzanisira kuti chiito choupenzi chinoguma sei nemigumisiro yakaipa, Soromoni anoti: “Unotambudza imba yake, uchagara nhaka yemhepo.” (Zvirevo 11:29a) Kuita zvakaipa kwaAkani ‘kwakamutambudza,’ uye iye nevomumhuri yake vakatemwa nematombo kusvikira vafa. (Joshua, chitsauko 7) Nhasi, musoro weimba yechiKristu nevamwe vomumhuri yake vangabatanidzwa muchiito chakaipa chingaguma nokudzingwa kwavo muungano yechiKristu. Nokukundikana iye pachake kuita maererano nemirayiro yaMwari uye nokunyararira zvikanganiso zvakakomba zvinoitika mumhuri yake, murume anoita kuti imba yake itambure. Iye zvichida nevamwe vomumhuri yake vangabviswa musonganiro yechiKristu sevaiti vezvakaipa vasingapfidzi. (1 VaKorinde 5:11-13) Uye achawanei? Mhepo chete—chinhuwo zvacho chisinganyanyi kukosha.

“Benzi richava muranda woune mwoyo wakachenjera,” inopfuurira ichidaro ndima yacho. (Zvirevo 11:29b) Sezvo benzi risina uchenjeri hunoshanda, harigoni kupiwa mutoro mukuru. Uyezve, kusagona kwake kuronga zvinhu kwakanaka kungaita kuti ave nomutoro kune mumwe munhu munzira yakati. Munhu asina kuchenjera iyeye angava “muranda woune mwoyo wakachenjera.” Saka, zviri pachena kuti zvinokosha kushandisa chisarudzo chakanaka uye uchenjeri hunoshanda mune zvose zvatinoita.

“Zvibereko zvowakarurama muti woupenyu,” anotivimbisa kudaro mambo akachenjera, “unobata mweya yevanhu ndiye wakachenjera.” (Zvirevo 11:30) Izvi zvinoitika sei? Nematauriro ake uye mufambiro, munhu akarurama anovaka vamwe mumudzimu. Vanokurudzirwa kushumira Jehovha uye gare gare vangawana upenyu huchavapo nokuda kwaMwari.

‘Mutadzi Uchatopiwa Mubayiro Wakawedzerwa’

Zvirevo zvataurwa zvinotikurudzira nokunyengetedza kwazvo kuti tidyare kururama! Achishandisazve neimwe nzira chidzidzo chokuti “zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa,” Soromoni anoti: “Tarirai, wakarurama uchapiwa mubayiro panyika. Ndoda wakaipa nomutadzi!”Zvirevo 11:31.

Kunyange zvazvo munhu wakarurama achishanda nesimba kuti aite zvakarurama, dzimwe nguva anotadza. (Muparidzi 7:20) Uye nokuda kwezvikanganiso zvake achapiwa “mubayiro” kuburikidza nokurangwa. Zvisinei, zvakadini nomunhu akaipa anosarudza nemaune nzira yakaipa uye asina zvaanomboita kuti aite zvakarurama? Haana kufanirwa no‘mubayiro’ mukuru—chirango chakakomba here? “Kana munhu akarurama achiponeswa nenzira yakaoma,” akanyora kudaro muapostora Petro, “munhu asingadi Mwari nomutadzi vachaoneka kupi?” (1 Petro 4:18) Naizvoizvo ngativei vakatsunga nguva dzose kuzvidyarira mbeu mukururama.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Zita rokutsiva rashandiswa pano.

[Mufananidzo uri papeji 28]

‘Runako’ rwakaita kuti Abhigairi ‘akudzwe’

[Mifananidzo iri papeji 30]

‘Wakaipa unopiwa mubayiro wokunyengedzera, wakarurama mubayiro wechokwadi’

[Mufananidzo uri papeji 31]

‘Dyara zvakawanda, ukohwe zvakawanda’