Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hero Chii Chaizvo?

Hero Chii Chaizvo?

Hero Chii Chaizvo?

SHOKO rokuti “hero” ringava richiunza mufananidzo upi zvawo mupfungwa dzako, asi kazhinji kacho hero inofungwa nezvayo senzvimbo yokurangirwa chivi. Nezvechivi nezvachinokonzera, Bhaibheri rinoti: “Sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.” (VaRoma 5:12) Magwaro anotiwo: “Mubayiro unoripa chivi rufu.” (VaRoma 6:23) Sezvo chirango chechivi ruri rufu, mubvunzo unokosha wokuzvibvunza kuti tizive kuti hero chii ndouyu: Chii chinoitika kwatiri patinofa?

Pane rumwe rudzi rwoupenyu, muchimwe chimiro, runoenderera mberi pashure porufu here? Hero chii, uye vanhu vorudzii vanoenda ikoko? Pane tariro ipi zvayo kune vaya vanoendako here? Bhaibheri rinopa mhinduro dzechokwadi uye dzinogutsa kumibvunzo iyi.

Upenyu Pashure Porufu Here?

Pane chimwe chinhu chiri mukati medu, chakadai somweya kana kuti mudzimu, chinosara panofa muviri here? Funga kuti murume wokutanga, Adhamu, akasvika sei pakuva noupenyu. Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake.” (Genesi 2:7) Kunyange zvazvo kufema kwaiita kuti ave mupenyu, kuisa “mweya woupenyu” mumhino dzake kwaisanganisira zvinopfuura kungofuridzira mhepo mumapapu ake. Zvaireva kuti Mwari akaisa upenyu mumuviri waAdhamu usina upenyu—“simba roupenyu,” rinova rinoshanda muzvisikwa zvose zvepasi. (Genesi 6:17; 7:22) Bhaibheri rinotaura nezvesimba roupenyu iri so“mudzimu.” (Jakobho 2:26) Mudzimu iwoyo unogona kufananidzwa nesimba remagetsi rinoita kuti muchina kana kuti mudziyo ushande. Sokungotiwo simba remagetsi harifi rakava sechinhu chacho charinoshandisa, simba roupenyu harigoni kuva sechimwe chezvisikwa zvarinoraramisa. Harina unhu uye harikwanisi kufunga.

Chii chinoitika kumudzimu panofa munhu? Pisarema 146:4 inoti: “Simba rake roupenyu rinobuda, iye anodzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” [NW] Kana munhu afa, hakuna mudzimu wake usiri munhu unoramba uchirarama mune imwe nyikadzimu. ‘Unodzokera kuna Mwari akaupa.’ (Muparidzi 12:7) Izvi zvinoreva kuti tariro ipi zvayo youpenyu hwomunhu iyeye mune remangwana iri pana Mwari chete.

Vazivi vechiGiriki vekare Socrates naPlato vaidavira kuti mweya uri mukati momunhu unopukunyuka rufu uye kuti hautombofi. Bhaibheri rinodzidzisei nezvomweya? Adhamu “akava mweya mupenyu,” inodaro Genesi 2:7. Haana kugamuchira mweya; iye ndiye aiva mweya—munhu sezvaari. Magwaro anotaura nezvomweya uchitambudzwa, uchiguta kana kunzwa nzara, uchida onde, uchiita manyawi, zvichingodaro. (Jobho 19:2; Zvirevo 27:7; Mika 7:1; Habhakuki 2:4) Hungu, munhu pachake ndiye mweya. Panofa munhu, mweya iwoyo unofa.—Ezekieri 18:4.

Saka vakafa vari sei? Paaipa Adhamu mutongo, Jehovha akati: “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Adhamu aivepi Mwari asati amuumba kubva muguruva revhu nokumupa upenyu? Zviri pachenaka kuti akanga asiko! Paakafa, Adhamu akadzokera pakusavapo zvachose kwoupenyu. Zvokuti vakafa vari sei zvinojekeswa pana Muparidzi 9:5, 10, patinoverenga kuti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Muguva, mauri kuenda, hamushandwi kana kuronga kana ruzivo kana uchenjeri.” (New International Version) Maererano neBhaibheri, kufa kuva asiko. Vakafa havazivi, havanzwi, havafungi.

Kurwadziswa Kusingaperi Here Kana Kuti Guvawo Zvaro?

Sezvo vakafa vasingazivi, hero haigoni kuva nzvimbo ine moto yokurwadzisa umo vakaipa vanotambura pashure porufu. Saka hero chii? Kuongorora zvakaitika kuna Jesu pashure pokufa kwake kunotibatsira kupindura mubvunzo iwoyo. Munyori weBhaibheri Ruka anorondedzera kuti: “[Jesu] Haana kusiyiwa muHadhesi [hero, King James Version] uyewo nyama yake haina kuona kuora.” * (Mabasa 2:31) Ko kuhero kwakaendwa kunyange naJesu kwaiva kupi? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakakugamuchidzai . . . kuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro; uye kuti akavigwa, hungu, kuti akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro.” (1 VaKorinde 15:3, 4) Saka Jesu aiva muhero, guva, asi haana kusiyiwa arimo, nokuti akamutswa.

Fungawo nezvenyaya yomurume akarurama Jobho, uyo akatambura zvikuru. Achikungura kubuda mumatambudziko ake, akateterera kuti “Ndiani achandibvumira izvi, kuti mundichengete muhero [Sheori], uye mondivanza kusvikira hasha dzenyu dzapfuura?” * (Jobho 14:13, Douay Version) Kushaya musoro kwakadini kufunga kuti Jobho aida kuenda kunzvimbo inopisa nomoto kuti achengetwe! Kuna Jobho, “hero” yaingovawo guva zvaro, kwaizoperera kutambura kwake. Saka hero yomuBhaibheri iguvawo zvaro rinongoendwa nevanhu vose vakanaka uyewo vakaipa.

Moto Wehero—Kuparadza Zvachose?

Kungava here kuti moto wehero ndewokufananidzira kuparadza zvachose kana kuti zvakasimba? Achisiyanisa moto neHadhesi, kana kuti hero, Magwaro anoti: “Rufu neHadhesi zvakakandirwa mugungwa remoto.” “Gungwa” rataurwa pano nderokufananidzira, sezvo rufu nehero (Hadhesi) zvinokandirwa imomo zvisiri zvinhu zvinganzi zvinonyatsopiswa. “Iri [gungwa remoto] rinoreva rufu rwechipiri”—rufu rusina tariro yokudzokera kuupenyu.—Zvakazarurwa 20:14.

Gungwa remoto rinoreva zvakafanana ne“Gehena remoto [moto wehero, King James Version]” rakataurwa nezvaro naJesu. (Mateu 5:22; Mako 9:47, 48) Shoko rokuti Gehena rinowanikwa ka12 muMagwaro echiKristu echiGiriki, uye rinenge richitaura nezvomupata weHinomi, wokunze kwemasvingo eJerusarema. Jesu paaiva pasi pano, mupata uno waishandiswa sepokurasira marara, “umo mitumbi yevapari vemhosva, yemhuka dzakafa, nedzimwe tsvina dzorudzi rwose dzaikandwa.” (Smith’s Dictionary of the Bible) Moto waiwedzerwa sarufa kuti urambe uchibvira kuti upise marara. Jesu akashandisa mupata uyu somufananidzo chaiwo wokuparadzwa kusingagumi.

Sezvinongoita Gehena, gungwa remoto rinofananidzira kuparadzwa zvachose. Rufu neHadhesi ‘zvinokandirwamo’ pakuti zvichabviswa apo vanhu vachasunungurwa pachivi nomutongo worufu. Vatadzi vanoita vachiziva vasingapfidzi vachawanawo “mugove” wavo mugungwa iroro. (Zvakazarurwa 21:8) Ivowo vachaparadzwa zvachose. Ukuwo, vaya vanoyeukwa naMwari vari muhero—guvawo zvaro rinongoendwa nevanhu vose—vane remangwana rinoshamisa.

Hero Haichisina Chinhu!

Zvakazarurwa 20:13 inoti: “Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” Hungu, hero yeBhaibheri ichasara isina chinhu. Sezvakavimbiswa naJesu, “awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake [Jesu] vobuda.” (Johani 5:28, 29) Kunyange havo vasiri kurarama iye zvino, mamiriyoni evakafa vachiri mundangariro dzaJehovha Mwari vachamutswa, kana kuti kudzorerwa kuupenyu, muparadhiso ichadzorerwa pasi pano.—Ruka 23:43; Mabasa 24:15.

Munyika itsva yaMwari, vanhu vanomutswa vanowirirana nemitemo yake yakarurama havazofaniri kufazve. (Isaya 25:8) Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” Zvichaitika ndezvokuti “zvinhu zvokutanga [zvichave] zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Chikomborero chakadini chakachengeterwa vaya vari muhero—“makuva ekurangaridza”! Chikomborero ichi chikonzero chakakwana chokuti tiwedzere kuwana zivo yaJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Johani 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 MuKing James Version, shoko rechiGiriki rokuti Hadhesi rakashandurwa kuti “hero” munzvimbo gumi dzarinowanikwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Pana Ruka 16:19-31 panotaura nezvokurwadziswa, asi nhoroondo yacho yose ndeyokufananidzira. Ona chitsauko 88 chaMunhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Shoko rechiHebheru Sheori rinowanikwa ka65 muMagwaro echiHebheru uye rakashandurwa richinzi “hero,” “guva,” uye “gomba” muKing James Version.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jobho akanyengeterera kuti adzivirirwe ari muhero

[Mufananidzo uri papeji 6]

Gehena remoto—mufananidzo wokuparadzwa zvachose

[Mufananidzo uri papeji 7]

‘Avo vari mumakuva ekurangaridza vachabuda’