Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mumamiriro ezvinhu api akakodzera kuti mudzimai wechiKristu apfeke chifukidziro chomusoro nokuda kwezvikonzero zvokunamata?

“Asi mukadzi wose anonyengetera kana anoprofita musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake,” akanyora kudaro muapostora Pauro. Nei? Nemhaka yenhungamiro yaMwari youtungamiriri inoti: “Musoro womukadzi murume.” Kunyengetera kana kuparidza muungano rinowanzova basa romurume. Saka, mudzimai wechiKristu paanotarisira nyaya dzine chokuita nokunamata idzo dzaizowanzoitwa nomurume wake kana nomurume akabhabhatidzwa, anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro.—1 VaKorinde 11:3-10.

Mamiriro ezvinhu ayo mudzimai wechiKristu anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro angamuka muukama hwake hwomumhuri. Somuenzaniso, mhuri painoungana pamwe chete kuti idzidze Bhaibheri kana kuti idye, murume ndiye anowanzotungamirira mukuidzidzisa uye kupa munyengetero kuna Mwari. Zvisinei, kana asingatendi, izvi zvingafanira kuitwa nomudzimai wake. Saka, paanenge achinyengeterera vamwe zvinonzwika kana kuti achiitisa vana vake chidzidzo cheBhaibheri murume wake aripo, zvakakodzera kuti hanzvadzi yechiKristu ipfeke chifukidziro chomusoro. Kana murume wake asipo, mudzimai wacho haasungirwi kupfeka chifukidziro chomusoro, sezvo achipiwa mvumo naMwari yokudzidzisa vana vacho.—Zvirevo 1:8; 6:20.

Zvisinei, zvakadini kana mumhuri mune mwanakomana ari mushumiri akazvitsaurira, akabhabhatidzwa waJehovha Mwari? Sezvo mwanakomana wacho ari nhengo yeungano yechiKristu, anofanira kuwana mirayiridzo kubva kuvanhurume vari nhengo dzayo. (1 Timoti 2:12) Kana baba vake vari mutendi, mwanakomana wacho anofanira kudzidziswa navo. Zvisinei, kana baba vasipo, ndipo panofanira kupfeka amai chifukidziro chomusoro kana vachidzidza Bhaibheri nomwanakomana muduku uyu akabhabhatidzwa uye nevamwe vana. Ndivo vachasarudza kana vachida kukumbira mwanakomana akabhabhatidzwa uyu kunyengetera pachidzidzo chakadaro kana kuti pakudya. Vangafunga kuti haasati ava kunyatsokwanisa uye vangasarudza kunyengetera pachavo. Kana vasarudza kunyengetera mumamiriro ezvinhu akadai, vanofanira kupfeka chifukidziro chomusoro.

Vakadzi vechiKristu vangafanira kupfeka chifukidziro chomusoro pavanenge vachiita mabasa eungano. Somuenzaniso, pamusangano unoitwa pakati pevhiki nokuda kwebasa romumunda, pangava nehanzvadzi dzechiKristu chete, pasina varume. Dzimwe nguva pamusangano weungano panenge pasina hama dzechirume dzakabhabhatidzwa. Kana hanzvadzi ichifanira kutarisira mabasa anowanzofanira kuitwa nehama pamusangano weungano wakarongwa kana pamusangano webasa romumunda, inofanira kupfeka chifukidziro chomusoro.

Vakadzi vechiKristu vanofanira kupfeka chifukidziro chomusoro here pavanenge vachiturikira kana kuti kuturikira nomutauro wemasaini hurukuro dzeBhaibheri kana kuverengera vanhu ndima dzinobva mumabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri anenge achishandiswa pamusangano weungano? Kwete. Hanzvadzi dzinenge dzichiita izvi dzinenge dzisiri kutungamirira kana kuti kudzidzisa. Saizvozvowo, hanzvadzi hadzifaniri zvadzo kuzvifukidza musoro padzinenge dzichipa mienzaniso, kurondedzera zvakaitika, kana kuti kupa hurukuro dzevadzidzi paChikoro chaMwari Choushumiri.

Nepo kudzidzisa muungano kuchifanira kuitwa nevarume vakabhabhatidzwa, varume nevakadzi vose vane basa rokuparidza nokudzidzisa kunze kweungano. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Nokudaro mukadzi wechiKristu paanenge achitaura nevokunze nezveShoko raMwari paine Chapupu chaJehovha chechirume, hapana zvapo chikonzero chokuti apfeke chifukidziro chomusoro.

Zvisinei, zvakasiyana kana chidzidzo chenguva dzose cheBhaibheri chakarongwa chichiitirwa pamusha, uye paine murume akazvitsaurira akabhabhatidzwa. Iyi ipurogiramu yokudzidzisa yakafanorongwa inotungamirirwa chaizvoizvo neanoitisa chidzidzo chacho. Mumamiriro ezvinhu akadaro, chidzidzo chinenge chakafanana nemisangano inoitwa muungano. Kana Chapupu chechidzimai chakabhabhatidzwa chichiitisa chidzidzo chakadaro paine Chapupu chechirume chakabhabhatidzwa, zvakakodzera kuti chipfeke chifukidziro chomusoro. Zvisinei, hama yakazvitsaurira inofanira kunyengetera. Hanzvadzi haizonyengeteri ipo paine hama yakazvitsaurira kutoti pane zvimwe zvikonzero chaizvo, zvakadai sokuti hama yacho haigoni kutaura.

Hanzvadzi yechiKristu nguva nenguva ingaperekedzwa kuchidzidzo cheBhaibheri nomuparidzi woUmambo wechirume asina kubhabhatidzwa. Kana ichida, ingamukumbira kuitisa chidzidzo chacho. Asi sezvo asingagoni nenzira yakafanira kumiririra hanzvadzi yakabhabhatidzwa mumunyengetero kuna Jehovha, zvingava zvakakodzera kuti inyengetere pachidzidzo chacho. Kana ichiitisa chidzidzo chacho uye ichinyengetera mumamiriro ezvinhu akadai, hanzvadzi yacho inofanira kufukidza musoro wayo. Kunyange zvazvo muparidzi wacho wechirume asati abhabhatidzwa hake, vokunze vanomuziva senhengo yeungano nokuda kwebasa rake rokuparidza.

‘Mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake nemhaka yengirozi,’ akanyora kudaro Pauro. Hungu, hanzvadzi dzechiKristu dzine ropafadzo yokuva mienzaniso yakanaka kumamiriyoni engirozi dzinoramba dzichizviisa pasi paJehovha nokuvimbika. Zvakakodzera sei kuti vakadzi vanoda Mwari vakoshese zvakafanira kupfeka chifukidziro chomusoro pazvinodiwa!

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kufukidza musoro chiratidzo chokuremekedza utungamiriri