Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pakutsungirira Kwenyu Wedzerai Kuzvipira Kuna Mwari

Pakutsungirira Kwenyu Wedzerai Kuzvipira Kuna Mwari

Pakutsungirira Kwenyu Wedzerai Kuzvipira Kuna Mwari

“Wedzerai pakutenda kwenyu . . . kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari.”—2 PETRO 1:5, 6.

1, 2. (a) Mwana anotarisirwa kuita makuriroi? (b) Kukura mumudzimu kunokosha sei?

CHINHU chinokosha kuti mwana akure, asi hakusi kungokura muviri chete kunodiwa. Anotarisirwawo kukura mupfungwa. Nokufamba kwenguva, mwana wacho anosiya zvouhwana ova murume kana kuti mukadzi mukuru. Muapostora Pauro akataura nezvazvo paakanyora kuti: “Pandaiva mucheche, ndaisitaura somucheche, ndaisifunga somucheche, ndaisirangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.”—1 VaKorinde 13:11.

2 Mashoko aPauro anotaura chinhu chinokosha maererano nokukura mumudzimu. VaKristu vanofanira kukura kubva paucheche hwomudzimu vachiva “vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.” (1 VaKorinde 14:20) Vanofanira kuvavarira kuti vasvike pakuva “nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu.” Kana vadaro havazovi ‘vacheche, vachikandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu uye vachitakurwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’—VaEfeso 4:13, 14.

3, 4. (a) Tinofanira kuitei kuti tive vakakura zvakakwana mumudzimu? (b) Unhui hunodiwa naMwari hwatinofanira kuratidza, uye hunokosha sei?

3 Tingava sei vakakura zvakakwana mumudzimu? Kunyange zvazvo kukura mumuviri kuchiwanzoitika kwoga, kukura mumudzimu kunotoda kushandira. Kunotanga nokupinza zivo yakarurama yeShoko raMwari uye kuita maererano nezvatinodzidza. (VaHebheru 5:14; 2 Petro 1:3) Izviwo zvinoita kuti tizoratidza unhu hunodiwa naMwari. Sezvinoita kukura kwomuviri nenhengo dzawo, unhu hwakasiyana-siyana hunodiwa naMwari hunowanzokura hwose panguva imwe chete. Muapostora Petro akanyora kuti: “Nokushingaira nemwoyo wose, wedzerai pakutenda kwenyu kunaka, pakunaka kwenyu zivo, pazivo yenyu kuzvidzora, pakuzvidzora kwenyu kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari, pakuzvipira kwenyu kuna Mwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo kwenyu sehama rudo.”—2 Petro 1:5-7.

4 Chinhu chimwe nechimwe chakataurwa naPetro apa chinokosha, uye hapana chinogona kusiyiwa. Anowedzera kuti: “Kana zvinhu izvi zviri mamuri uye zvichifashukira, zvichakudzivisai pakuva vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko pamusoro pezivo yakarurama pamusoro paShe wedu Jesu Kristu.” (2 Petro 1:8) Ngatikurukure nezvokukosha kwokuwedzera kuzvipira kuna Mwari pakutsungirira kwedu.

Kudiwa Kwokutsungirira

5. Nei tichida kutsungirira?

5 Pauro naPetro vose vanobatanidza kuzvipira kuna Mwari nokutsungirira. (1 Timoti 6:11) Kutsungirira hakungorevi kushingirira nhamo nokuramba wakashinga chete. Kunosanganisira kushivirira, kushinga, uye kutsiga, usingarasi tariro paunotarisana nemiedzo, zvipingamupinyi, kana kutambudzwa. Zvatiri vaya vanorarama “nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu,” tinotarisira kutambudzwa. (2 Timoti 3:12) Tinofanira kutsungirira kana tichida kuratidza kuti tinoda Jehovha tokudziridza unhu hunodiwa kuti tiponeswe. (VaRoma 5:3-5; 2 Timoti 4:7, 8; Jakobho 1:3, 4, 12) Kana tikasatsungirira hatizowani upenyu husingaperi.—VaRoma 2:6, 7; VaHebheru 10:36.

6. Kutsungirira kusvikira kumugumo kunoreva kuitei?

6 Pasinei nokuti tatanga zvakanaka sei, chinokosha pakupedzisira ndechokuti titsungirire. Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Hungu, tinofanira kutsungirira kusvikira kumugumo, kungava kusvikira kumugumo woupenyu hwatinahwo iye zvino kana kuti kumugumo wenyika ino yakaipa. Chero chimwe chezviviri izvozvo, tinofanira kuramba takavimbika kuna Mwari. Zvisinei, kana tisina kuwedzera kuzvipira kuna Mwari pakutsungirira kwedu, hatigoni kufadza Jehovha uye hatizowani upenyu husingaperi. Asi kuzvipira kuna Mwari kudini?

Zvinoreva Kuzvipira Kuna Mwari

7. Kuzvipira kuna Mwari kudini, uye kunoita kuti tidii?

7 Kuzvipira kuna Mwari kuremekedza Jehovha Mwari kwaunoita pachako, kumunamata, uye kumuitira basa, zvichibva pakuvimbika kwawakaita kuuchangamire hwake pazvinhu zvose. Kuti tizvipire kuna Mwari pakuremekedza kwedu Jehovha, tinofanira kuva nezivo yakarurama maererano naye nenzira dzake. Tinofanira kuda kunyatsoziva Mwari isu pachedu. Izvi zvichaita kuti tinyatsomuda, kumuda kunoratidzwa nezviito zvedu nemararamiro. Tinofanira kuda kuva vakanyatsofanana naJehovha kusvika patinokwanisa—kutevedzera nzira dzake nokuratidza unhu hwake uye zvaari. (VaEfeso 5:1) Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari kunotikurudzira kuda kumufadza muzvose zvatinoita.—1 VaKorinde 10:31.

8. Kuzvipira kuna Mwari nokuzvipira zvakakwana zvinonyatsopindirana pakudini?

8 Kuti tiratidze kuzvipira kwechokwadi kuna Mwari, tinofanira kunamata Jehovha oga, tisingabvumiri chimwezve chinhu kutora nzvimbo yake mumwoyo yedu. Zvaari Musiki wedu, ane kodzero yokuti isu tizvipire kwaari zvakakwana. (Dheuteronomio 4:24; Isaya 42:8) Kunyange zvakadaro, Jehovha haatimanikidzi kumunamata. Anoda kuti tizvipire kwaari nokuzvidira. Kuda kwedu Mwari, kunobva pazivo yakarurama maererano naye, ndiko kunotiita kuti tichenese upenyu hwedu tozvitsaurira kwaari zvakazara uye tobva tararama maererano nokuzvipira ikoko.

Tanga Ukama naMwari

9, 10. Tingatanga sei ndokuchengetedza ukama hwepedyo naMwari?

9 Taratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari nokubhabhatidzwa, tinofanira kuramba tichiumba ukama hwakasimba naye. Naizvozvo, kuda kwedu kuita izvi uye kushumira Jehovha takatendeka kunoita kuti tirambe tichidzidza Shoko rake nokufungisisa zviri mariri. Sezvatinobvumira mudzimu waMwari kushanda papfungwa dzedu nomwoyo, tinobva tada Jehovha zvakadzama. Ukama hwedu naye hunoramba huri chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Tinotora Jehovha seShamwari yedu yepamwoyo uye tinoda kumufadza nguva dzose. (1 Johani 5:3) Tinowedzera kunakidzwa noushamwari hwedu hunofadza naMwari, uye tinofara kuti anotirayira nokutiruramisa norudo pazvinenge zvakafanira.—Dheuteronomio 8:5.

10 Kana tikasaramba tichiedza kusimbisa ukama hwedu hunokosha naJehovha, hunogona kupera. Kana izvozvo zvikaitika, haingavi mhosva yaMwari, nokuti ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Tinofara kwazvo kuti Jehovha haaiti kuti zvitiomere kutaura naye! (1 Johani 5:14, 15) Ichokwadi kuti tinofanira kushanda kuti tirambe tiine ukama hwepedyo naJehovha. Zvisinei, anotibatsira kuswedera pedyo naye nokutipa zvose zvatinoda kuti titange ndokuchengetedza kuzvipira kwaari. (Jakobho 4:8) Tingashandisa sei zvakazara zvinhu zvose izvi zvatinopiwa norudo?

Ramba Wakasimba Mumudzimu

11. Ndedzipi dzimwe nzira dzokuratidza nadzo kuzvipira kwedu kuna Mwari?

11 Rudo rwedu rwakadzama nokuda kwaMwari ruchaita kuti tide kuratidza madzamiro akaita kuzvipira kwedu kuna Mwari, maererano nezano raPauro rinoti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Kuita izvi kunoda kuti tirambe tiine muitiro wakanaka wokudzidza Bhaibheri nguva dzose, kupinda misangano, nokuita ushumiri hwomumunda. Tinogonawo kuramba tiri pedyo naJehovha ‘nokuramba tichinyengetera.’ (1 VaTesaronika 5:17) Idzi inzira dzinokosha dzokuratidza nadzo kuzvipira kwedu kuna Mwari. Kana tikaregeredza dzimwe dzacho tingarwara mumudzimu tova nyore kuvhiringidzwa nemazano aSatani.—1 Petro 5:8.

12. Tingabudirira sei kubata nemiedzo?

12 Kuramba takasimba mumudzimu uye tichishingaira kunotibatsirawo kutarisana nemiedzo yakawanda inotiwira. Miedzo ingabva pazvinhu zvinogona kutiedza zvikuru. Kana vanhu vepedyo vomumhuri, hama, kana kuti vavakidzani varivo vasingatifariri, vanotishora, uye vanotitambudza, zvinganyanya kutiomera kuti titsungirire. Kubasa kwedu kana kuchikoro tingamanikidzwa zvisinganyatsooneka kusiya tsika dzedu dzechiKristu. Kuora mwoyo, kurwara, uye kusurukirwa kunogona kutipedza simba kwoita kuti kutsungirira miedzo yokutenda kunyanye kuoma. Asi tinogona kubudirira kutsungirira miedzo yose kana tichienderera ‘mumabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, tichimirira uye tichiramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ (2 Petro 3:11, 12) Uye tinogona kuramba tichifara kuita kudaro, tiine chivimbo chokukomborerwa naMwari.—Zvirevo 10:22.

13. Chii chatinofanira kuita kana tichida kuramba takazvipira kuna Mwari?

13 Kunyange zvazvo Satani achinanga vanozvipira kuna Mwari, hatifaniri kutya. Nei? Nokuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9) Kuti titsungirire miedzo tozonunurwa saizvozvo, tinofanira “kuramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye kurarama nokunaka kwepfungwa nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pegadziriro ino yezvinhu iripo.” (Tito 2:12) Isu vaKristu tinofanira kungwarira kuitira kuti zvitadzo zvipi nezvipi zvine chokuita nokuchiva kwenyama uye mabasa enyama zvisavhiringidza ndokuparadza kuzvipira kwedu kuna Mwari. Zvino ngationgororei zvimwe zvinogona kuparadza kuzvipira kuna Mwari.

Ngwarira Zvinogona Kuparadza Kuzvipira Kuna Mwari

14. Tinofanira kuyeukei kana tikateyiwa nomusungo wokuda zvinhu zvakawanda?

14 Kuda zvinhu zvakawanda musungo kune vakawanda. Tinotogona kuzvinyengedza, “tichifunga kuti kuzvipira kuna Mwari inzira inopfumisa [nezvinhu].” Nokudaro, tinogona kushingiswa kushandisa zvisina kufanira chivimbo chinoiswa nehama dzatinonamata nadzo matiri. (1 Timoti 6:5) Tingatofunga zvisina kururama kuti zvakanaka kumanikidza muKristu akapfuma kutikweretesa mari yatingasazokwanisa kudzorera. (Pisarema 37:21) Asi kuzvipira kuna Mwari ndiko “kune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya,” kwete kuzviwanira pfuma. (1 Timoti 4:8) Sezvo ‘tisina kuuya nechinhu panyika, uye tisina chatingabuda nacho,’ ngatinyanye kutsvaka ‘kuzvipira kuna Mwari pamwe nokugutsikana’ tonzwa ‘tichigutsikana nezvokudya nezvokupfeka nepokugara.’—1 Timoti 6:6-11.

15. Chii chatingaita kana kuzvipira kwedu kuna Mwari kuri kuda kushayiswa nzvimbo nokutsvaka mafaro?

15 Kuzvipira kuna Mwari kunogona kushayiswa nzvimbo nokutsvaka mafaro. Zvingareva kuti tinofanira kukurumidza kugadzirisa zvinhu ipapa here? Chokwadi, tinogona kuwana zvimwe zvinobatsira pakurovedza muviri uye nhandaro. Asi kubatsirwa ikoko kuduku kana kukaenzaniswa noupenyu husingaperi. (1 Johani 2:25) Nhasi, vakawanda “vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo,” uye tinofanira kusiyana nevanhu vakadaro. (2 Timoti 3:4, 5) Vaya vanosimbirira pakuzvipira kuna Mwari vari ku“zvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Timoti 6:19.

16. Kuchiva kupi kwokuda kuita zvitadzo kunoita kuti vamwe vakundikane kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvakarurama, uye kuchiva uku tingakukunda sei?

16 Doro nokushandisa zvinodhaka, unzenza, uye kuchiva, zvivi zvinogona kuparadza kuzvipira kwedu kuna Mwari. Kubvuma kukundwa nezvinhu izvi kunogona kutitadzisa kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvakarurama. (1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1) Kunyange Pauro aifanira kutsungirira kuramba achirwisana nenyama inotadza. (VaRoma 7:21-25) Tinofanira kutora matanho chaiwo kuti tidzime kuchiva kusina kururama. Tinodaro nokuti tinofanira kuva neshungu dzokuramba tine tsika dzakachena. Pauro anotiudza kuti: “Urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori.” (VaKorose 3:5) Kuuraya mitezo yomuviri wedu panyaya ine chokuita nezvitadzo zvakadaro kunoda shungu kuitira kuti tizvirege, tizvidzime. Kunyengetera nomwoyo wose kuti tibatsirwe naMwari kuchaita kuti tikwanise kuramba kuchiva kusina kururama totevera kururama nokuzvipira kuna Mwari tiri munyika ino yakaipa.

17. Tinofanira kuona sei kururamiswa?

17 Kuora mwoyo kunogona kutitadzisa kutsungirira zvoita kuti tigume tisisina kuzvipira kuna Mwari. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakamboora mwoyo. (Numeri 11:11-15; Ezra 4:4; Jona 4:3) Kuora mwoyo kunogona kutirwadza zvikuru kunyanya kana kwakasangana noruvengo nokuti tinonzwa kuti takakanganisirwa kana kuti takapiwa zano kana kurangwa zvakasimba. Zvisinei, kupiwa zano kana kurangwa kunoratidza kuti Mwari anotifarira uye anotida. (VaHebheru 12:5-7, 10, 11) Kururamiswa hakufaniri kuonekwa sokungorangwa chete asi senzira yokurovedzwa nayo munzira yokururama. Kana tichizvininipisa, tichakoshesa ndokugamuchira zano, tichiziva kuti “kurayira kwokurayirirwa inzira youpenyu.” (Zvirevo 6:23) Izvi zvinogona kutibatsira kufambira mberi zvakanaka mumudzimu mukutevera kuzvipira kuna Mwari.

18. Tine mutoro wei panyaya yezvikanganiso zvatinoita?

18 Kusanzwisisana nokukanganisirana kungangokanganisa kuzvipira kwedu kuna Mwari. Zvingakonzera kuzvidya mwoyo kana kuita kuti vamwe vatore nhanho dzisiri dzokuchenjera dzokuzviparadzanisa nehama nehanzvadzi dzavanonamata nadzo. (Zvirevo 18:1) Asi zvakanaka kuyeuka kuti kugara wakatsamwira vamwe kana kuti kugara uchivavenga kunogona kukanganisa kwazvo ukama hwedu naJehovha. (Revhitiko 19:18) Kutaura chokwadi, “uyo asingadi hama yake, yaakaona, haagoni kuve achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 4:20) Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akasimbisa kuti zvinodiwa kukurumidza kutora nhanho dzokugadzirisa kusawirirana pakati pevanhu. Akaudza vateereri vake kuti: “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako, uye ipapo, paunenge wadzoka, ipa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Kukumbira ruregerero kunogona kubatsira kuporesa ronda rakakonzerwa nemashoko kana zviito zvisina kunaka. Ukama hwakakanganiswa hunogona kugadziriswa hwodzorerwa pakare kana tikakumbira ruregerero tobvuma kuti takabata nhau yacho zvisina kururama. Jesu akapawo mamwe mazano pakubata nezvinetso. (Mateu 18:15-17) Tinofara sei kana zvatinoedza kuita kuti tigadzirise zvinetso zvichibudirira!—VaRoma 12:18; VaEfeso 4:26, 27.

Tevedzera Muenzaniso waJesu

19. Nei zvakakosha kutevedzera muenzaniso waJesu?

19 Tichaedzwa zvechokwadi, asi miedzo iyi haifaniri kutitsausa panhangemutange youpenyu husingaperi. Yeuka kuti Jehovha anogona kutinunura mumiedzo yedu. ‘Sezvatinobvisa zvinorema zvose ‘tomhanya nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu,’ ‘ngatirambe takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, Jesu.’ (VaHebheru 12:1-3) Kunyatsoongorora muenzaniso waJesu uye kuedza kumutevedzera mushoko nechiito kuchatibatsira kukudziridza kuzvipira kuna Mwari tokuratidza pamwero mukuru.

20. Mibayiro ipi inobva mukutevera kutsungirira nokuzvipira kuna Mwari?

20 Kutsungirira nokuzvipira kuna Mwari zvinoshandira pamwe mukubatsira kuti ruponeso rwedu ruve rwechokwadi. Nokuratidza zvinhu izvi zvinokosha, tinogona kuramba takatendeka mubasa redu dzvene kuna Mwari. Kunyange patinenge tiri mumuedzo, tichava nomufaro sezvatinodiwa naJehovha uye tichikomborerwa naye nokuti tinenge tatsungirira uye tiri kuratidza kuzvipira kwaari. (Jakobho 5:11) Uyezve, Jesu pachake akativimbisa kuti: “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.”—Ruka 21:19.

Ungapindura Sei?

• Nei kutsungirira kuchikosha?

• Kuzvipira kuna Mwari kudini, uye kunoratidzwa sei?

• Tingaumba sei ukama hwakasimba naMwari tohuchengetedza?

• Zvii zvinogona kuparadza kuzvipira kuna Mwari, uye tingazvidzivisa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Kuzvipira kuna Mwari kunoratidzwa munzira dzakawanda

[Mifananidzo iri papeji 14]

Ngwarira zvinogona kuparadza kuzvipira kuna Mwari