Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi

VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi

VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi

“Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”—JOHANI 4:24.

1. Mwari anofadzwa nokunamata kworudzii?

MWANAKOMANA waJehovha akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, akanyatsojekesa kunamata kunofadza Baba vake vokudenga. Paaipa uchapupu hunonyevenutsa mwoyo kune mumwe mukadzi wechiSamariya patsime raiva pedyo neguta reSikari, Jesu akati: “Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Kunyange zvakadaro, awa iri kuuya, uye zvino yatovapo, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, zvechokwadi, Baba vari kutsvaka vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:22-24) Tinofanira kunzwisisa sei mashoko iwayo?

2. VaSamariya vaivakira kunamata kwavo pai?

2 VaSamariya vaiva nepfungwa dzechitendero dzisina kururama. Vaingobvuma mabhuku mashanu okutanga chete eMagwaro Matsvene seakafuridzirwa—uye iwaya mushanduro yavo chete, yainzi Samaritan Pentateuch. Nepo vaSamariya vakanga vasinganyatsozivi Mwari, vaJudha vakanga vapiwa zivo yeMagwaro. (VaRoma 3:1, 2) Zvaiita kuti vaJudha vakatendeka nevamwewo vanzwirwe nyasha naJehovha. Asi izvi zvaizoda kuti vaitei?

3. Chii chinodiwa kuti tinamate Mwari “nomudzimu nechokwadi”?

3 Kuti vafadze Jehovha, vaJudha, vaSamariya, nevamwewo vekare vaifanira kuitei? Vaifanira kumunamata “nomudzimu nechokwadi.” Ndizvo zvatinofanira kuitawo. Kunyange zvazvo kunamata Mwari kuchifanira kuitwa nokushingairira uye nomwoyo wakazara norudo nokutenda, kunamata Mwari nomudzimu kunonyanya kuda kuti tive nomudzimu waMwari tozvibvumira kutungamirirwa nawo. Nokudzidza nokushandisa zviri muShoko raMwari, kuda kwedu, kana kuti mafungiro edu, anofanira kuwiriraniswa neake. (1 VaKorinde 2:8-12) Kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naJehovha, kunofanirawo kuitwa kwaari nechokwadi. Kunofanira kupindirana nezvinotaurwa neShoko raMwari, Bhaibheri, maererano naye uye zvinangwa zvake.

Chokwadi Chinogona Kuwanikwa

4. Vamwe vanoona sei chokwadi?

4 Vamwe vanodzidza nezvezvitendero vakava nemaonero okuti chokwadi chaicho hachikwanisi kuwanika nevanhu. Munyori wokuSpain, Alf Ahlberg akatonyora kuti: “Mibvunzo yakawanda pamusoro pezvinodavirwa nevanhu ndeyorudzi rwuya rwokuti hazviiti kupa mhinduro dzakananga.” Kunyange zvazvo vamwe vachiti kunongova nechokwadi chishoma, izvozvo ndizvo here? Hazvisizvo zvaifungwa naJesu.

5. Jesu akauyirei munyika?

5 Ngatizvifungidzirei tichiona chiitiko chinotevera: Kumavambo kwegore ra33 C.E., uye Jesu akamira pamberi paGavhuna weRoma Pondiyo Pirato. Jesu anoudza Pirato kuti: “Ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” Pirato anobvunza kuti: “Chokwadi chii?” Asi haamiriri kuti Jesu ataurezve.—Johani 18:36-38.

6. (a) “Chokwadi” chinorondedzerwa sei? (b) Jesu akapa vateveri vake basa rei?

6 “Chokwadi” chave chichirondedzerwa kuti “ndiwo mamiriro chaiwo anenge akaita zvinhu, zvokuti kana kuri kuzvitaura ndiwo mabudiro azvinofanira kuitawo.” (Duramazwi Guru rechiShona) Zvisinei, Jesu aipupurira chokwadiwo zvacho here? Kwete. Aifunga nezvorumwe rudzi rwechokwadi. Akatuma vateveri vake kunozivisa chokwadi ichocho, nokuti akavaudza kuti: “Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Nyika ino isati yaguma, vateveri vechokwadi vaJesu vaizozivisa “chokwadi chemashoko akanaka” pasi pose. (VaGaratiya 2:14) Izvi zvaizoitika mukuzadzika kwemashoko aJesu anoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Saka zvinokosha kuti tizive vaya vari kudzidzisa marudzi ose chokwadi nokuparidza mashoko akanaka oUmambo.

Madzidziro Atingaita Chokwadi

7. Ungaratidza sei kuti Jehovha ndiye Tsime rechokwadi?

7 Jehovha ndiye Tsime rechokwadi chomudzimu. Munyori wepisarema akatodana Jehovha kuti “Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5; 43:3) Jesu akabvuma kuti shoko raBaba vake ichokwadi, uye akazivisawo kuti: “Zvakanyorwa muVaprofita kuti, ‘Uye vose vachadzidziswa naJehovha.’ Munhu wose anenge anzwa kuna Baba akadzidza anouya kwandiri.” (Johani 6:45; 17:17; Isaya 54:13) Saka zviri pachena kuti vaya vanotsvaka chokwadi vanofanira kudzidziswa naJehovha, Murayiridzi Mukuru. (Isaya 30:20, 21) Vanotsvaka chokwadi vanofanira kuwana “zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:5) Uye Jehovha akadzidzisa kana kuti akapa chokwadi munzira dzakasiyana-siyana.

8. Mwari akadzidzisa kana kutaura chokwadi munzira dzipi?

8 Somuenzaniso, Mwari akapa vaIsraeri Mutemo kuburikidza nengirozi. (VaGaratiya 3:19) Muzviroto, akavimbisa zvikomborero kumadzitateguru Abrahamu naJakobho. (Genesi 15:12-16; 28:10-19) Mwari akatotaura ari kudenga, sepaya pakabhabhatidzwa Jesu, uye mashoko aya anofadza akanzwiwa panyika, okuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateu 3:17) Tinogona kufarawo nokuti Mwari akataura chokwadi kuburikidza nokufuridzira vanyori veBhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Saka, nokudzidza muShoko raMwari, tinogona kuva no‘kutenda muchokwadi.’—2 VaTesaronika 2:13.

Chokwadi noMwanakomana waMwari

9. Mwari akashandisa sei Mwanakomana wake kuzivisa chokwadi?

9 Mwari akashandisa Mwanakomana wake zvakanyanya kuzivisa vanhu chokwadi. (VaHebheru 1:1-3) Tingatoti Jesu akataura chokwadi zvakanga zvisati zvamboitwa nomumwe munhu. (Johani 7:46) Kunyange pashure pokukwira kwake kudenga, akazivisa chokwadi chaBaba vake. Somuenzaniso, muapostora Johani akagamuchira “zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza.”—Zvakazarurwa 1:1-3.

10, 11. (a) Chokwadi chakapupurirwa naJesu chine chokuita nei? (b) Jesu akaita sei kuti chokwadi chibude pachena?

10 Jesu akaudza Pondiyo Pirato kuti Iye akanga auya panyika kuzopupurira chokwadi. Muushumiri hwake, Jesu akajekesa kuti chokwadi ichocho chaiva nechokuita nokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kuburikidza noUmambo hwaMwari uhwo Kristu ari Mambo wacho. Asi kupupurira chokwadi kwaisada kuti Jesu angoparidza nokudzidzisa chete. Jesu akaita kuti chokwadi chibude pachena nokuchizadzika. Maererano neizvi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anokutongai pane zvokudya nezvokunwa kana pamusoro pomutambo kana pamusoro pokuchengetwa kwokugara kwemwedzi kana pamusoro pesabata; nokuti zvinhu izvozvo mumvuri wezvinhu zvichauya, asi chinhu chaichoicho ndechaKristu.”—VaKorose 2:16, 17.

11 Chokwadi chakabudawo pachena nokuzvarwa kwakafanotaurwa kwaJesu muBheterehema. (Mika 5:2; Ruka 2:4-11) Chokwadi chakabudawo pachena nokuzadzika kwemashoko ouprofita aDhanieri maererano nokuonekwa kwaMesiya pakupera kwe‘vhiki dzemakore’ 69. Izvozvo zvakaitika apo Jesu akazvipa kuna Mwari kuti abhabhatidzwe uye akazodzwa nomudzimu mutsvene, panguva chaipo, muna 29 C.E. (Dhanieri 9:25; Ruka 3:1, 21, 22) Chokwadi chakabudazve pachena kuburikidza noushumiri hwaJesu hwaijekesa zvinhu hwaakaita somuzivisi woUmambo. (Isaya 9:1, 2, 6, 7; 61:1, 2; Mateu 4:13-17; Ruka 4:18-21) Chakabudawo pachena kuburikidza norufu rwake norumuko.—Pisarema 16:8-11; Isaya 53:5, 8, 11, 12; Mateu 20:28; Johani 1:29; Mabasa 2:25-31.

12. Nei Jesu aigona kutaura kuti ‘ndini chokwadi’?

12 Sezvo Jesu Kristu aiva musimboti wechokwadi, aigona kutaura kuti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Vanhu vanosunungurwa mumudzimu pavanozviisa “kurutivi rwechokwadi” nokubvuma basa raJesu muchinangwa chaMwari. (Johani 8:32-36; 18:37) Sezvo vakafanana nemakwai vachigamuchira chokwadi votevera Kristu mukutenda, vachawana upenyu husingaperi.—Johani 10:24-28.

13. Tichaongorora chokwadi chomuMagwaro muzvinhu zvipi zvitatu?

13 Chokwadi chakataurwa naJesu nevadzidzi vake vakafuridzirwa ndicho chinoumba kutenda kwechiKristu. Saka vaya vano“teerera kukutenda” “vanopfuurira kufamba muchokwadi.” (Mabasa 6:7; 3 Johani 3, 4) Saka ndivanaani vanofamba muchokwadi nhasi? Ndivanaani chaizvoizvo vari kudzidzisa marudzi ose chokwadi? Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, tichatarisa vaKristu vokutanga toongorora chokwadi chomuMagwaro maererano ne(1) zvinodavirwa, (2) manamatiro, uye (3) kuzvibata kwomunhu.

Chokwadi Nezvinodavirwa

14, 15. Ungatii nezvemaonero ayo vaKristu vokutanga vaiita Magwaro uye maonerwo ayo anoitwa neZvapupu zvaJehovha?

14 Shoko raJehovha rakanyorwa raikosheswa kwazvo nevaKristu vokutanga. (Johani 17:17) Ndiro raiva chiyereso chezvavaidavira nezvavaiita. Clement wokuAlexandria womuzana remakore rechipiri nerechitatu akati: “Vaya vari kuvavarira zvakasimba kuwana unhu hwakanaka havazoregi kutsvaka chokwadi, kusvikira vawana uchapupu hwezvavanodavira kubva muMagwaro.”

15 Kufanana nevaKristu vokutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa Bhaibheri kwazvo. Zvinodavira kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa.” (2 Timoti 3:16) Saka ngatimbofungei nezvezvishomanana zvaidavirwa nevaKristu vokutanga tichibatsirwa nezvadzidzwa nevashumiri vaJehovha vemazuva ano nokuti vanoshandisa Bhaibheri sebhuku ravo guru rokudzidza.

Chokwadi Pamusoro Pomweya

16. Ndechipi chiri chokwadi pamusoro pomweya?

16 Nokuti vaidavira zvinotaurwa muMagwaro, vaKristu vokutanga vaidzidzisa chokwadi pamusoro pomweya. Vaiziva kuti “munhu akava mweya mupenyu” Mwari paakamusika. (Genesi 2:7) Uyezve, vaibvuma kuti munhu mweya unofa. (Ezekieri 18:4; Jakobho 5:20) Vaizivawo kuti “vakafa havana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5, 10.

17. Ungatsanangura sei tariro nokuda kwevakafa?

17 Asi, vadzidzi vokutanga vaJesu vaiva netariro yechokwadi yokuti vakafa vari mundangariro dzaMwari vachamutswa, kana kuti vachadzorerwa kuupenyu. Rudaviro irworwo rwakataurwa zvakajeka naPauro, uyo akazivisa kuti: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Kunyange pane imwe nguva gare gare, aizviti muKristu Minucius Felix akanyora kuti: “Ndiani angava benzi kana dununu zvokutosvika pakutaura kuti munhu, akaitwa naMwari pakutanga, haagoni kuitwazve naye patsva?” Kufanana nevaKristu vokutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinoomerera pachokwadi cheMagwaro maererano nomweya uri munhu, rufu, norumuko. Ngatichiongororai kuti Mwari naKristu ndivanaani.

Chokwadi Noutatu

18, 19. Nei zvinganzi Utatu haisi dzidziso yomuMagwaro?

18 VaKristu vokutanga vakanga vasingati Mwari, Kristu, nomudzimu mutsvene Utatu. The Encyclopædia Britannica inoti: “Shoko rokuti Utatu kana dzidziso yacho chaiyo hazvimbowanikwi muTestamendi Itsva, uye Jesu nevadzidzi vake vaisada kupikisa Shema [munyengetero wechiHebheru] iri muTestamendi Yekare inoti: “Chinzwa, Iwe Israeri: Tenzi Mwari wedu ndiTenzi mumwe chete’ (Dheut. 6:4).” VaKristu vakanga vasinganamati vanamwari vatatu veRoma kana vamwewo vanamwari. Vakabvuma mashoko aJesu okuti Jehovha chete ndiye anofanira kunamatwa. (Mateu 4:10) Uyezve, vaidavira mashoko aKristu anoti: “Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Ndiwo maonero anoitawo Zvapupu zvaJehovha.

19 Vateveri vokutanga vaJesu vainyatsoratidza kusiyana kwakaita Mwari, Kristu, nomudzimu mutsvene. Vaitobhabhatidza vadzidzi (1) muzita raBaba, (2) muzita roMwanakomana, uye (3) muzita romudzimu mutsvene, kwete muzita roUtatu. Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi chomuMagwaro uye zvinoratidza kusiyana kwakaita Mwari, noMwanakomana wake, nomudzimu mutsvene.—Mateu 28:19.

Chokwadi Norubhabhatidzo

20. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuzivei?

20 Jesu akatuma vateveri vake kuita vadzidzi nokudzidzisa vanhu chokwadi. Kuti vazobhabhatidzwa, vanoda zivo inokosha yomuMagwaro. Somuenzaniso, vanofanira kuziva nzvimbo nechiremera zvaBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu. (Johani 3:16) Vanoda kubhabhatidzwa vanofanirawo kunzwisisa kuti mudzimu mutsvene hausi munhu asi kuti isimba raMwari rinoshanda.—Genesi 1:2, mashoko omuzasi.

21, 22. Nei ungati rubhabhatidzo ndorwevatendi chete?

21 VaKristu vokutanga vaibhabhatidza vanhu vaiziva zvavaiita uye vainge vapfidza, vazvitsaurira zvizere kuna Mwari kuti vaite kuda kwake. VaJudha nevatendeuki vakaungana muJerusarema paPendekosti ya33 C.E. vakanga vava kutoziva Magwaro echiHebheru. Vanzwa muapostora Petro achitaura nezvaJesu Mesiya, vanenge 3 000 “vakagamuchira shoko rake nemwoyo wose vakabhabhatidzwa.”—Mabasa 2:41; 3:19–4:4; 10:34-38.

22 Rubhabhatidzo rwechiKristu nderwevatendi. Vanhu muSamariya vakagamuchira chokwadi, uye “pavakatenda Firipi, akanga achizivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabva vabhabhatidzwa, varume nevakadzi.” (Mabasa 8:12) Somutendeuki akanga akazvipira aiva nezivo yaJehovha, mukuru mukuru weEtiopiya akatanga kubvuma mashoko aFiripi maererano nokuzadzika kwouprofita hwaMesiya, akabva abhabhatidzwa. (Mabasa 8:34-36) Gare gare, Petro akaudza Koneriyasi nevamwe veMamwe Marudzi kuti “munhu [anotya Mwari] uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye” uye kuti munhu wose anotenda muna Jesu Kristu anokanganwirwa zvivi. (Mabasa 10:35, 43; 11:18) Zvose izvi zvinopindirana nomurayiro waJesu ‘wokuita vadzidzi, vachivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvaakanga avarayira.’ (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8) Ndiyo nzira inotorwawo neZvapupu zvaJehovha iyoyo, zvichigamuchira vaya bedzi vane zivo inokosha yeMagwaro uye vakazvitsaurira kuna Mwari kuti vabhabhatidzwe.

23, 24. Ndeapi maitirwo akarurama orubhabhatidzo rwechiKristu?

23 Kunyudzwa zvakakwana mumvura ndiyo nzira yakakodzera yokubhabhatidzwa kwevatendi. Jesu abhabhatidzwa muRwizi rweJodhani, aka“buda mumvura.” (Mako 1:10) Mukuru mukuru weEtiopiya akabhabhatidzwa mu“mvura zhinji.” Iye naFiripi “vakapinda mumvura” vakazo“buda” vachibva mumvura macho. (Mabasa 8:36-40) Kubatanidza kunoita Magwaro rubhabhatidzo nokuvigwa kwokufananidzira kunoratidzawo kunyudzwa zvakakwana mumvura.—VaRoma 6:4-6; VaKorose 2:12.

24 The Oxford Companion to the Bible rinoti: “Kurondedzerwa kwokumwe kubhabhatidzwa kwakamboitwa kuri muTestamendi Itsva kunoratidza kuti munhu aibhabhatidzwa wacho ainyudzwa pasi pemvura.” Maererano nebhuku rechiFrench rinonzi Larousse du XXe Siècle (Paris, 1928), “VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakabhabhatidzwa vachiita zvokunyudzwa, kwose kwaiwanikwa mvura.” Uye bhuku rinonzi After Jesus—The Triumph of Christianity rinoti: “[Rubhabhatidzo] runonyanyoda kuti anoda kubhabhatidzwa azivise kutenda, zvichiteverwa nokunyudzwa mumvura muzita raJesu.”

25. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

25 Zvinhu zvichangobva kutaurwa maererano nezvinodavirwa uye miitiro yakavakirwa muBhaibheri yevaKristu vomuzana remakore rokutanga inongova mienzaniso chete. Zvinobvira kuratidza zvimwe zvakafanana pakati pezvavaidavira nezvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha. Munyaya inotevera, tichakurukura dzimwe nzira dzokuziva nadzo vari kudzidzisa vanhu chokwadi.

Ungapindura Sei?

• Mwari anoda kunamata kworudzii?

• Chokwadi chakabuda sei pachena kuburikidza naJesu Kristu?

• Ndechipi chiri chokwadi maererano nomweya norufu?

• Rubhabhatidzo rwechiKristu runoitwa sei, uye vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuitei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Jesu akaudza Pirato kuti: ‘Ndakauya kuzopupurira chokwadi’

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unogona here kutsanangura kuti nei Jesu akati: ‘Ndini chokwadi’?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndechipi chiri chokwadi maererano norubhabhatidzo rwechiKristu?