Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudavira Mashura Kunodzora Upenyu Hwako Here?

Kudavira Mashura Kunodzora Upenyu Hwako Here?

Kudavira Mashura Kunodzora Upenyu Hwako Here?

KUNE vanhu vanodavira mashura pasi pose. Dzimwe nguva kunokosheswa kwazvo kuchinzi ndeimwe yenhaka dzetsika. Kana kuti kunganzi chinhu chokungofarirawo—chinoita kuti upenyu huti nakidzei. Kunyika dzokuMadokero, vanhu kakawanda kacho havana chokwadi chakazara nokudavira mashura. Kumwewo—somuenzaniso, muAfrica—vanhu vanogona kuvhiringidzwa upenyu hwavo zvikuru nokudavira mashura.

Tsika dzakawanda dzomuAfrica dzinobva pakudavira mashura. Mabhaisikopu, zvirongwa zvomuredhiyo, nemabhuku anobudiswa muAfrica zvinowanzoratidza kana kutaura nezvemashura nenhau dzezvinhu zvakavanzika, zvakadai semashiripiti, kunamatwa kwemadzitateguru, uye mazango. Nei vanhu vachidzorwa zvakadaro nokudavira mashura, uye kudavira mashura kunokonzerwa nei?

Chii Chinokonzera Kudavira Mashura?

Kudavira mashura kuzhinji kunonyanya kubva pakutya midzimu yevashakabvu kana kuti midzimu chero ipi zvayo. Zviitiko zvinodudzirwa sokuedza kunenge kuchiita midzimu iyi kutyisidzira vapenyu, kuvayambira, kana kuti kuvapa mubayiro.

Kudavira mashura kunobatanidzwawo zvikuru nokuporesa uye mishonga. Kuvanhu vakawanda vari munyika dzichiri kusimukira, mishonga yemazuva ano inodhura zvikuru uye kakawanda haimbowaniki. Saka, vakawanda vanotsvaka kurapwa kana kuedza kutora matanho okuzvidzivirira nokushandisa tsika dzemadzitateguru, kuita zvemidzimu, uye kudavira mashura. Vanoonawo zviri nani kurapwa nen’anga inoziva tsika dzavo uye inotaura mutauro wavo pane kurapwa nachiremba wokuchipatara. Saka kudavira mashura kunoramba kuripo.

Tsika dzokudavira mashura dzinoti kurwara kana tsaona hazvisi zvinhu zvinongoerekana zvaitika, asi zviitiko zvinorongwa nemasimba ari munyikadzimu. N’anga dzingataura kuti mushakabvu haasi kufara nechimwe chinhu. Kana kuti masvikiro angataura kuti mumwe munhu akashandisa imwe n’anga kutsinga murwere, uye ndicho chikonzero nei akarwara kana kuti akaita tsaona.

Mashura anosiyana-siyana kwazvo pasi pose, uye kupararira kwawo kunoenderana netsika dzemo, ngano, nemamiriro ezvinhu. Asi nyaya huru apa ndeyokudavira kuti mumwe munhu, kana kuti chimwe chinhu, chiri munyikadzimu chinoda kupirwa.

Hakuna Basa Here Kana Kuti Kune Ngozi?

Kumhuri dzakawanda, kuzvarwa kwemapatya chinhu chinoshamisa uye chinofadza. Zvisinei, kune vanodavira mashura, kungadudzirwa sechiratidzo. Mune dzimwe nzvimbo dzokuWest Africa, vakawanda vanokuona sokuzvarwa kwevanamwari, uye mapatya acho anonamatwa. Kana mumwe wemapatya acho kana kuti ose akafa, panogadzirwa tuzvidhori twemapatya acho, uye mhuri yacho inopa zvidhori izvi zvokudya. Kumwewo, vanhu vanoona kuzvarwa kwemapatya seshuramanenji, zvokutoti vamwe vabereki vanouraya mumwe wawo. Nei? Vanodavira kuti kana mapatya acho ose akararama, rimwe zuva achaponda vabereki vawo.

Mienzaniso yakafanana neiyi inoratidza kuti kunyange kumwe kudavira mashura kungaita sokunofadza uye kusina basa, kumwe kunogona kuva kune ngozi—kunyange kutouraya. Nokududzira kwakaipa, chiitiko chisina ngozi chinogona kuchinjwa kuva chinhu chine ngozi.

Hungu, kutaura zvazviri, kudavira mashura kutenda, chitendero. Tichifunga nezvokuva nengozi kwokudavira mashura, zvakanaka kubvunza kuti: Ndiani chaizvo ari kubatsirwa nokudavira mashura uye miitiro yokuadavira?

Chinokonzera Kudavira Mashura

Vanhu vakawanda nhasi havabvumi kuti Satani kana kuti midzimu yakaipa zviriko, pasinei nouchapupu hunoratidza kuti zviriko. Zvisinei, munguva dzehondo, kuramba kuti pane muvengi ane ngozi kunogona kutungamirira kunjodzi. Izvozvo zvinogona kuvawo zvechokwadi mukurwisana nezvisikwa zvemidzimu ine simba rinopfuura revanhu, nokuti muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinorwa . . . nemasimba emidzimu yakaipa.”—VaEfeso 6:12.

Kunyange tisingaioni, midzimu yakaipa iriko. Bhaibheri rinorondedzera kuti mumwe munhu womudzimu asingaoneki akashandisa nyoka kutaura nomukadzi wokutanga, Evha, ndokumuita kuti apandukire Mwari, sokushandisa kunoita munhu wemashiripiti chinhu chokunyepera. (Genesi 3:1-5) Bhaibheri rinodaidza munhu womudzimu uyu kuti “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Iyeye, Satani, akabudirira kunyengedza dzimwe ngirozi kuti dzipanduke. (Judha 6) Ngirozi dzakaipa idzi dzakava madhimoni, vavengi vaMwari.

Jesu akadzinga madhimoni muvanhu, uye vadzidzi vake vakaadzingawo. (Mako 1:34; Mabasa 16:18) Midzimu iyi haisi vashakabvu, nokuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Asi, ingirozi dzakapanduka dzakatsauswa naSatani. Kuibvunza kana kuti kubvuma kudzorwa nayo hachisi chinhu chokurerutsa, nokuti iyo, kufanana nomutungamiriri wayo, Satani Dhiyabhorosi, inoda kutiparadza. (1 Petro 5:8) Vavariro yayo ndeyokutibvisa patariro chete yevanhu—Umambo hwaMwari.

Bhaibheri rinozivisa imwe yenzira dzinoshandiswa naSatani nemadhimoni ake richiti: “Satani anoramba achizvishandura kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14) Satani anoda kutinyengedza kuti tidavire kuti anogona kutipa upenyu huri nani. Naizvozvo, tingaratidzika setinobatsirwa kwenguva pfupi nokupindira kwemidzimu yakaipa. Asi haigoni kugadzirisa zvinhu zvechigarire. (2 Petro 2:4) Haimbogoni kupa chero ani zvake upenyu husingaperi, uye nokukurumidza ichaparadzwa. (VaRoma 16:20) Musiki wedu ndiye chete anogona kutipa upenyu husingaperi nomufaro wechokwadi nokudzivirira kwakanakisisa pamasimba emidzimu yakaipa.—Jakobho 4:7.

Mwari anoshora kutsvaka kubatsirwa tichiita zvemidzimu. (Dheuteronomio 18:10-12; 2 Madzimambo 21:6) Ikoko kutamba nomuvengi, kubatana nevasingadi Mwari! Kutarisa kana kuverenga mashoko anotaura nezvenyeredzi, kubvunza svikiro redzinza, kana kuti kuita miitiro chero ipi zvayo yokudavira mashura kungareva kubvumira midzimu yakaipa kudzora zvisarudzo zvaunoita muupenyu hwako. Kwakangofanana nokubatana nayo mukupandukira kwayo Mwari.

Kudzivirirwa Pane Zvakaipa—Kunobvira Here?

Ade, * mumwe murume anogara kuNiger, aidzidza Bhaibheri nomumwe muparidzi wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Ade akatsanangura chikonzero nei aiva nezango muchitoro chake: “Kune vavengi vakawanda.” Mudzidzisi weBhaibheri waAde akamuratidza kuti Jehovha oga ndiye anogona kuvimbwa naye kuti atidzivirire chaizvo. Akaverengera Ade Pisarema 34:7, rinotaura kuti: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.” Ade akati: “Kana Jehovha achigona kundidzivirira zvechokwadi, naizvozvo ndichabvisa zango racho.” Iye zvino, makore akawanda pashure paizvozvo, anoshumira somukuru nomushumiri wenguva yakazara. Hapana kana nomuvengi wake mumwe akamukuvadza.

Bhaibheri rinoratidza kuti nguva nezviitiko zvisingafanooneki zvinotiwira tose, tingave tichidavira mashura kana kuti tisingaadaviri. (Muparidzi 9:11) Asi Jehovha haambotiedzi nezvinhu zvakaipa. (Jakobho 1:13) Rufu nokusakwana zvinokonzerwa nechivi chakagarwa nhaka kubva kuna Adhamu. (VaRoma 5:12) Pamusana peizvi munhu wose anorwara nguva nenguva nokuitawo zvikanganiso zvingatungamirira kunjodzi. Naizvozvo, zvingava zvisina kururama kutaura kuti urwere hwose kana kuti zvinetso zvose zvoupenyu mabasa emidzimu yakaipa. Kudavira izvozvo kunogona kungotiedza kuti tide kupira midzimu neimwe nzira. * Patinorwara, tinofanira kutsvaka kurapwa kwakakodzera, kwete kupiwa mazano no“murevi wenhema nababa venhema,” Satani Dhiyabhorosi. (Johani 8:44) Nhamba dzezvakaongororwa dzinoratidza kuti vanhu vanogara munyika makakurumbira zvokudavira mashura emadzitateguru havararami nguva refu kana kuti upenyu huri nani kudarika vanhu vari mune dzimwe nyika. Saka zviri pachena kuti kudavira mashura hakuna zvakunombobatsira.

Mwari ane simba kudarika mudzimu wakaipa upi noupi, uye Iye anofarira kuti tigare zvakanaka. “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Petro 3:12) Nyengetera kwaari kuti akudzivirire uye akupe uchenjeri. (Zvirevo 15:29; 18:10) Ita zvaunogona kuti unzwisise Shoko rake Dzvene, Bhaibheri. Zivo yakarurama yeBhaibheri ndiyo dziviriro yakanakisisa yatingava nayo. Ichatibatsira kuziva chikonzero nei zvinhu zvakaipa zvichiitika uye kuti tingawana sei nyasha dzaMwari Wemasimba Ose.

Kubatsira Kwezivo yaMwari

Zivo yakarurama yaJehovha nezvinangwa zvake—chinhu chinopesana nokusaziva uye kudavira mashura—ndiyo inoita kuti tiwane dziviriro yechokwadi. Izvi zvinoratidzwa nenyaya yaJean, mumwe murume wokuBenin. Mhuri yaJean yakanga yakanyura mukudavira mashura. Maererano netsika dzedzinza dzokudavira mashura, mukadzi ainge achangobva kusununguka mwanakomana aifanira kugara muimba inovakirwa vakadzi vakadai kwemazuva mapfumbamwe. Kana akasununguka mwanasikana, aivharirwa muimba iyoyo mazuva manomwe.

Muna 1975, mudzimai waJean akasununguka mwana mukomana akanaka, wavakatumidza kuti Marc. Zvichibva pazivo yeBhaibheri, Jean nomudzimai wake vaisada kuita chinhu chipi nechipi chine chokuita nemidzimu yakaipa. Asi vaizotya uye vaizonzwa vachimanikidzwa kutevera mashura voita kuti mai vacho vagare muimba iyoyo here? Kwete—vakaramba mashura aidavirwa nedzinza aya.—VaRoma 6:16; 2 VaKorinde 6:14, 15.

Pane chakashata chakaitika kumhuri yaJean here? Kwapfuura makore akawanda, uye Marc ava mushumiri anoshumira muungano yokwavo yeZvapupu zvaJehovha. Mhuri yose inofara kuti haina kubvumira kudavira mashura kudzora upenyu hwayo nokuisa mungozi rugare rwayo rwomudzimu.—1 VaKorinde 10:21, 22.

VaKristu vechokwadi vanofanira kubvisa miitiro yerima yokudavira mashura muupenyu hwavo vogamuchira chiedza chomudzimu chinopiwa noMusiki, Jehovha, uye Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Nokudaro vanogona kuva norugare rwechokwadi rwepfungwa runobva muzivo yokuti vari kuita zvakarurama mumaziso aMwari.—Johani 8:32.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Mazita akachinjwa.

^ ndima 21 Ona nyaya inoti “Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here?” iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1999.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Mamwe Mashura Anowanzodavirwa Pasi Pose

• Tumiti twokudyisa zvokudya twakamira twakati twi mundiro ine mupunga tunoshura rufu

• Kuona zizi masikati machena zvinoshura

• Kudzima kwekenduru pamutambo zvinoreva kuti midzimu yakaipa iri pedyo ipapo

• Kudonhedza sambureni pauriri zvinoreva kuti mumba muchapondwa munhu

• Kuisa ngowani pamubhedha kunopa munyama

• Kurira kwemabhero kunodzinga madhimoni

• Kudzima makenduru ose kamwe chete pazuva rokuzvarwa zvinoita kuti zvinoshuviwa nomunhu wacho zviitike

• Mutsvairo wakasendama pamubhedha unoita kuti midzimu yakaipa iri mumutsvairo wacho iise zvitsinga pamubhedha

• Katsi nhema inodimbura nzira mberi kwako inoshura

• Kudonhedza foroko kunoreva kuti pane munhurume ari kukushanyira

• Mufananidzo wenzou unokonzera rombo rakanaka kana wakatarisa kumusuo

• Bhutsu yebhiza inoiswa pamusoro pomusuo inokonzera rombo rakanaka

• Ruva rinokwira nemadziro emba rinodzivirira zvakaipa

• Zvinopa munyama kufamba pasi pemanera

• Kupwanya girazi zvinoreva kuva nerombo rakaipa kwemakore manomwe

• Kuteura mhiripiri kunoreva kuti uchakakavadzana neshamwari yako yepamwoyo

• Kuteura munyu kunounza rombo rakaipa kutoti tumunyu tushoma shoma tukaraswa nepamusoro pepfudzi rokuruboshwe

• Kusiya cheya inotamba-tamba ichitenheka isina kugarirwa kunodaidza madhimoni kuti agarepo

• Kusiya shangu dzakasunika kunoshura

• Kana mumwe munhu akafa, mawindo anofanira kusiyiwa akavhurwa kuti mweya ubude

[Bhokisi riri papeji 6]

Vakanunurwa Pakudzorwa Nokudavira Mashura

Zvapupu zvaJehovha zvaiparidza mune imwe nharaunda muSouth Africa. Pakavhurwa musuo pashure pokunge zvagogodza, Zvapupu zvacho zvakaona mukadzi akapfeka zvipfeko zvesvikiro (n’anga) achibuda. Zvakanga zvava kuda kubva, asi mukadzi wacho akati zvitaure mashoko azvakanga zvauya nawo. Mumwe weZvapupu zvacho akaverenga Dheuteronomio 18:10-12 kumuratidza zvinotaura Bhaibheri nezvokuita zvemidzimu. N’anga yacho yakagamuchira mashoko acho ikabvuma kudzidza Bhaibheri. Yakati kana ikagutsikana kubva mukudzidza kwayo Bhaibheri kuti kuita zvoun’anga kwaipesana nokuda kwaJehovha, yaizozvirega.

Yadzidza chitsauko 10 mubhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano pamwe chete neBhaibheri, yakapisa makona ayo ose ikatanga kupinda misangano paImba yoUmambo. Pamusoro pazvo, yakagadzirisa muchato wayo, kunyange zvazvo yakanga yakaparadzana nomurume wayo kwemakore 17. Iye zvino vose vari vaviri Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira, zvakabhabhatidzwa.

[Mufananidzo uri papeji 6]

N’anga inokanda hakata kuti ishopere chiri kukonzera zvinetso zvomurwere

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zivo yakarurama yaMwari inounza dziviriro yechokwadi nomufaro