Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini?

Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini?

Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini?

“CHINDIREGA ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.”

“Handingakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza.”

“Zita rako ndianiko?”

“Jakobho.”

“Zita rako harichazonzi Jakobho asi Israeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.”—Genesi 32:26-28.

Nhaurirano iyoyo inonakidza waiva mugumisiro wokuratidza simba kwaJakobho akanga ava nemakore 97. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti akanga ari mumhanyi, akaita mutsimba, kana kuti mavimbiri nengirozi usiku hwose. Nemhaka yei? Jakobho akanga achinetseka zvikuru nezvechipikirwa chaJehovha kuna tateguru vake—nhaka yake.

Makore akawanda izvi zvisati zvaitika mukoma waJakobho Isau akanga amupa kodzero yokuva dangwe iye achipiwa ndiro imwe yezvokudya. Asi zvino Jakobho anoudzwa kuti Isau ari kuuya nevarume 400. Zvinonzwisisika kuti Jakobho anonetseka, uye anoda vimbiso yokuti chipikirwa chaJehovha chokuti mhuri yake ichabudirira munyika yaiva mhiri kwoRwizi rwaJodhani chichiri kushanda. Maererano neminyengetero yake, Jakobho anoita chimwe chinhu chikuru. Anotumira zvipo zvakawanda kuna Isau ari kuuya. Anotorawo matanho okuzvidzivirira, achikamura vanhu vake kuva mapoka maviri uye kutungamidza madzimai nevana mhiri kwomupata waJabhoko. Achitamburira zvikuru uye nemisodzi pamatama, anoedza zvekare nesimba rose paanoita mutsimba usiku hwose nengirozi kuitira kuti “anzwirwe nyasha.”—Hosea 12:4, NW; Genesi 32:1-32.

Funga zvakanga zvatomboitika kuna Rakeri, mudzimai wechipiri waJakobho uye waaida zvikuru. Rakeri anonyatsoziva nezvechipikirwa chaJehovha chokukomborera Jakobho. Mukoma wake Rea, vahosi vaJakobho, anopona vanakomana vana nepo Rakeri anoramba asina mbereko. (Genesi 29:31-35) Pane kuti azvinzwire tsitsi, anoramba achiteterera Jehovha mumunyengetero uye anoramba achitora matanho chaiwo maererano neminyengetero yake. Sezvakanga zvamboitwa nambuya vake Sara kuna Hagari, Rakeri anouya nomurongo wake Birha ndokumupa kuna Jakobho kuti ave mudzimai wake kuitira kuti, sokutaura kwakaita Rakeri, “neni ndiwane vana kwaari.” * Birha anoberekera Jakobho vanakomana vaviri—Dhani naNaftari. Panoberekwa Naftari, Rakeri anodanidzira manzwiro aari kuita achiti: “Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Rakeri anokomborerwawo nevanakomana vaviri vake pachake, Josefa naBhenjamini.—Genesi 30:1-8; 35:24.

Nei Jehovha akakomborera zvakaitwa naJakobho naRakeri? Vakaramba vachifunga nezvokuda kwaJehovha uye vakakoshesa nhaka yavo. Vakanyengetera nomwoyo wose kuti vawane chikomborero chake muupenyu hwavo uye vakatora matanho anoshanda maererano nokuda kwaMwari nezvikumbiro zvavo.

Kufanana naJakobho naRakeri, vazhinji nhasi vangapupurira kuti, kuti vakomborerwe naJehovha, zvinoda kuti vaite zvinhu nomwoyo wose. Kazhinji kacho vanombochema, vanomboora mwoyo uye vanombovhiringika pavanenge vachiita zvimwe zvinhu. Vamwe amai, muKristu anonzi Elizabeth, vanoyeuka kuti vaida simba rakadini kuti vakwanise kutanga zvakare kupinda misangano yechiKristu pashure pokunge vamborega kwenguva refu. Vaiva nevanakomana vaduku vashanu, murume asinganamati, uye makiromita 30 okutyaira kuenda kuImba yoUmambo yakanga iri pedyo navo, zvakanga zvakaoma. “Kuedza kuenda kumisangano nguva dzose kwaida kuti ndironge zvinhu zvakati wandei, uye zvandaiziva kuti zvakanakira ini nevanakomana vangu. Zvakavabatsira kuona kuti iyi ndiyo yakanga iri nzira yavanofanira kufamba nayo.” Jehovha akakomborera zvavaiita. Pavanakomana vavo vatatu vari kushingaira muungano yechiKristu, vaviri vacho vari mubasa renguva yakazara. Vachifara nokufambira mberi mumudzimu kwavakaita, amai vacho vanoti: “Vakandikunda kana ndoreva nezvokukura mumudzimu.” Ichi chikomborero chikuru zvikuru nokuda kwezvavakaita nomwoyo wose!

Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose Uko Kunokomborerwa naJehovha

Kuita zvinhu nomwoyo wose uye kushanda zvakaoma zvechokwadi kune mubayiro wako. Patinoita chimwe chinhu kana kuti basa nesimba rakawedzerwa, ndipo patinowedzerawo kugutsikana. Ndiwo masikirwo atakaitwa naJehovha. “Chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose,” akanyora kudaro Mambo Soromoni. (Muparidzi 3:13; 5:18, 19) Zvisinei, kuti tiwane chikomborero chaMwari, tinofanira kuva nechokwadi chokuti zvatiri kuedza kuita zvakarurama. Somuenzaniso, zvakanaka here kutarisira kuti Jehovha achakomborera mararamiro anoita kuti zvinhu zvomudzimu zvive panzvimbo yechipiri? MuKristu akazvitsaurira angatarisira kuti Jehovha afare here kana iye achibvuma basa kana kuti kukwidziridzwa pabasa kuchaita kuti nguva nenguva atadze kuva noushamwari hunosimbisa kutenda uye asawane murayiridzo pamisangano yechiKristu?—VaHebheru 10:23-25.

Kupedza upenyu hwose munhu achishanda zvakaoma kubasa rokunyika kana kuti achitsvaka zvinhu zvenyama hakusati kuchireva kuti munhu ‘achaona zvakanaka’ kana achiita izvozvo achisiya zvinhu zvokunamata. Jesu akatsanangura migumisiro yokushingairira zvinhu zvisirizvo mumufananidzo wake womudyari. Nezvembeu “yakadyarwa pakati peminzwa,” Jesu akatsanangura kuti “uyu ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga shoko, uye anova asina zvibereko.” (Mateu 13:22) Pauro akanyeverawo nezvomusungo iwoyu uye akawedzera kuti vaya vanoronda zvinhu zvenyama “vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” Chii chingarapa mararamiro akadaro anoparadza mumudzimu? Pauro akaenderera mberi achiti: ‘Tiza zvinhu izvi uye usavimba nepfuma isina zvainobatsira asi naMwari, uyo anotipa zvinhu zvose kuti tifare.’—1 Timoti 6:9, 11, 17.

Pasinei nezera redu kana kuti takashumira Jehovha kwenguva yakareba zvakadini, tose zvedu tinokwanisa kubatsirwa nokutevedzera kuita zvinhu nomwoyo wose kwakaratidzwa naJakobho naRakeri. Pavaitsvaka kufarirwa naMwari, havana kukanganwa nhaka yavo, pasinei nokuti zvinhu zvaityisa uye zvakanga zvichivhiringidza zvakadini. Nhasi, zvinhu zvinonetsa uye zvakaoma zvatinotarisana nazvo zvinokwanisa kuva zvichityisa, zvichivhiringidza, kana kuti zvichitoodzawo mwoyo zvakadaro. Muedzo uripo ndewokuti tikande mapfumo pasi tobva tadyiwawo naSatani. Angashandisa chero imwe yenzira dzaanadzo, zvingave zvokuvaraidza kana mitambo kana kuti zvinhu zvatinofarira, mabasa kana kuti kubudirira, kuti zvaanoda zviitike. Zvinhu zvakanaka zvinowanzovimbiswa kuti zvichawanikwa asi kashoma kuwana zvinhu izvozvo. Vaya vanonyengerwa kana kuti vanoedzwa kuti vabatanidzwe muzvinhu zvakadaro kazhinji vanoona kuti vanoguma vaodzwa mwoyo. Kufanana naJakobho naRakeri vekare, ngatirambei tichiedza kurwa nomwoyo wose tikunde mazano aSatani.

Hapana chimwe chinodiwa naDhiyabhorosi kunze kwokutiona tichikanda mapfumo pasi, tichifunga kuti ‘hapana kwatinosvika. Hapana zvokuita. Hazvibatsiri.’ Naizvozvo, zvakakosha chaizvo kuti tose tirege kunzwa tagumirwa, tichifunga kuti ‘hapana munhu anondida’ uye kuti ‘Jehovha andikanganwa.’ Kukundwa nepfungwa dzakadaro kuzviparadza. Zvingaratidza kuti tarembedza maoko edu uye kuti hatichisiri kurwa kusvikira tawana chikomborero here? Yeuka kuti Jehovha anokomborera kuedza kwedu kuita zvinhu nomwoyo wose.

Ramba Uchirwa Kuti Uwane Chikomborero chaJehovha

Kubudirira kwedu mumudzimu kunoenderana zvikuru nokukoshesa kwatinoita zvinhu zviviri zvikuru zvine chokuita noupenyu hwedu sevashumiri vaJehovha. (1) Hapana munhu anotambura, anorwara, kana kuti anoomerwa noupenyu oga, uye (2) Jehovha anoteerera kuchema kweavo vanodana kwaari nomwoyo wose kuti avabatsire uye avakomborere.—Eksodho 3:7-10; Jakobho 4:8, 10; 1 Petro 5:8, 9.

Pasinei nokuoma kungave kwakaita mamiriro ako ezvinhu kana kuti manzwiro aungaita kuti une zvimwe zvausingakwanisi kuita, usakundwa “nechivi chinotipingirisha nyore nyore”—kushaya kutenda. (VaHebheru 12:1) Ramba uchirwa kusvikira wawana chikomborero. Shivirira, uchiyeuka mukweguru Jakobho, uyo akaita mutsimba usiku hwose kuti awane chikomborero. Kufanana nomurimi anodyara muchirimo omirira kukohwa, nomwoyo murefu tsvaka chikomborero chaJehovha pabasa rako rokumudzimu, pasinei nokuti ungafunga kuti basa rako iduku zvakadini. (Jakobho 5:7, 8) Uye nguva dzose yeuka mashoko omunyori wepisarema okuti: “Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro.” (Pisarema 126:5; VaGaratiya 6:9) Mira wakasimba, uye ramba uri pakati pevarwi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kuva nevarongo kwaivapo sungano yoMutemo isati yavapo uye kwakatenderwa nokudzorwa noMutemo. Mwari haana kuona zvakakodzera kudzorera urongwa hwepakuvamba hwaakanga atanga mubindu reEdheni hwokuti murume ave nomudzimai mumwe chete kutozosvikira pakauya Jesu Kristu, asi akadzivirira varongo kuburikidza nemitemo. Zvinonzwisisika kuti kuva nevarongo kwakaita kuti rudzi rwaIsraeri rukurumidze kuwedzera.