Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakwegura uye Ndagutsikana Nemakore Angu

Ndakwegura uye Ndagutsikana Nemakore Angu

Nyaya Youpenyu

Ndakwegura uye Ndagutsikana Nemakore Angu

YAKATAURWA NAMURIEL SMITH

Pane akagogodza gonhi rangu zvine simba. Ndakanga ndichangodzoka kumba kuzodya masikati mushure mokushanda zvakaoma mubasa rokuparidza mangwanani acho. Setsika yangu, ndakanga ndaisa mvura yetii pamoto uye ndakanga ndava kuda kumbozorora zvishoma. Munhu wacho akaramba achigogodza, uye pandaienda kumusuwo, ndakaedza kufunga kuti ndiani akanga auya panguva yakadai. Hapana kupera nguva ndisati ndaziva. Varume vaviri vakanga vari pamukova pangu vakati vakanga vari mapurisa. Vakati vakanga vauya kuzosecha imba yangu vachitsvaka mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha—sangano rakarambidzwa.

Nei Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichirambidzwa muAustralia, uye ndakanga ndava mumwe wavo sei? Zvose izvi zvakatanga nechipo chandakapiwa naamai vangu muna 1910, pandakanga ndiine makore gumi.

MHURI yedu yaigara muimba yemapuranga muguta reCrows Nest muNorth Sydney. Rimwe zuva ndakadzoka kubva kuchikoro ndikawana amai vachitaura nomumwe murume pamusuwo. Ndaida kuziva kuti murume uyu akanga akapfeka zvakanaka uye aine bhegi rakazara mabhuku akanga ari ani. Ndakaverevedza ndokupinda mumba. Zvisinei, maminitsi mashoma gare gare, Amai vakandidaidza. Vakati: “Murume uyu ane mabhuku akanaka zvikuru, uye ose anotaura nezveBhaibheri. Sezvo uchave uchisvitsa makore gumi nerimwe munguva pfupi iri kutevera, sarudza kuti unoda dhirezi idzva here kana kuti mabhuku aya. Unoda chii?”

“Hii, Amai, ndinoda hangu mabhuku aya, mazvita,” ndakapindura ndichidaro.

Nokudaro, ndiine makore gumi, ndakava nemabhuku matatu okutanga anonzi Studies in the Scriptures, akanyorwa naCharles Taze Russell. Murume akanga ari pamusuo akatsanangurira amai vangu kuti vaifanira kundibatsira kunzwisisa mabhuku aya, sezvo aizogona kundiomera. Amai vakati vaizofara kuita izvozvo. Zvinosuruvarisa kuti nguva pfupi pashure peizvi, Amai vakashaya. Baba vakaedza chose kuriritira ini nehanzvadzi yangu nomunun’una wangu, uye pakanga pava nerimwe basa randaifanira kuita, uye izvi zvakandinetsa. Asi imwe nhamo yakanga yakatimirira mberi.

Hondo Yenyika I yakatanga muna 1914, uye gore rimwe chete gare gare, baba vedu vataida zvikuru vakaurayiwa. Tava nherera, hanzvadzi yangu nomunun’una wangu vakaenda kunogara nehama dzedu, uye ini ndakaendeswa kubhodhin’i yevaKaturike. Dzimwe nguva, ndaisuruvara zvikuru. Kunyange zvakadaro, ndinofara kuti izvi zvakandipa mukana wokuita zvandaida zvikuru, kuridza mimhanzi, kunyanya kuridza piyano. Makore akafamba, uye ndakapedza kudzidza pabhodhin’i. Muna 1919, ndakaroorwa naRoy Smith, aiita zvokutengesa zviridzwa. Muna 1920 takava nomwana, uye ndakatanga zvekare mabasa epamba ezuva nezuva. Asi zvakadini nemabhuku aye?

Muvakidzani Anotiudza Chokwadi cheBhaibheri

Mumakore ose aya, ndaingova ne“mabhuku eBhaibheri” aye. Kunyange ndakanga ndisina kuaverenga chaizvo, nechomumwoyo ndaiziva kuti akanga aine mashoko anokosha. Zvino rimwe zuva ma1920 ava kunopera, Lil Bimson, mumwe muvakidzani wedu, akauya kuzotiona. Takaenda muimba yokutandarira, tikagara pasi, ndokunwa tii.

“Aizve, mune mabhuku ayo!” akangoerekana adaro.

“Mabhuku api?” Ndakabvunza, ndashamisika.

Akanongedzera kumabhuku eStudies in the Scriptures akanga ari pasherefu. Lil akaakumbira akaenda nawo kumba kwake zuva iroro akaaverenga achifara. Kufarira kwake zvaakanga achiverenga kwakakurumidza kuva pachena. Lil akawana mamwe mabhuku kubva kuVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwakanga kuchiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Uyezve, akanga asisakwanisi kurega kutiudza zvaakanga ari kudzidza. Rimwe remabhuku aakawana rainzi The Harp of God, uye nenguva isipi rakanga rava mumba medu. Ndakatanga kushanda mubasa raJehovha pandakaverenga bhuku iri reBhaibheri. Pakupedzisira, ndakawana mhinduro dzemibvunzo inokosha yakanga isina kukwanisa kupindurwa nechechi yangu.

Ndakafara zvikuru apo Roy akatanga kuteerera mashoko eBhaibheri, uye tiri vaviri takava vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira. Kare, Roy akanga ari nhengo yeFreemasons. Zvino mhuri yedu yakanga yabatana mukunamata kwechokwadi, uye kaviri pavhiki imwe hama yaidzidzisa mhuri yedu yose Bhaibheri. Takakurudzirwa zvakare patakapinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri. MuSydney, taipindira mune chimwe chivako chiduku muNewton. Panguva iyoyo, munyika iyoyo yose makanga mune Zvapupu zvisingasviki 400, saka hama dzakawanda dzaifanira kufamba madaro akati rebei kuti dzipinde misangano.

Mhuri yedu yaifanira kuyambuka Sydney Harbour kuti ipinde misangano nguva dzose. Sydney Harbour Bridge risati ravakwa muna 1932, nguva dzose taitofanira kuyambuka nechikepe. Pasinei nenguva uye mari yataishandisa pakufamba uku, takaedza kuvapo pose paidyiwa zvokudya zvomudzimu izvo Jehovha akanga ari kugovera. Kuedza kuva vakasimba muchokwadi kwatakaita kwakanga kwakakodzera zvikuru, nokuti hondo yenyika yechipiri yakanga yava kuda kutanga, uye nhau yokusava nokwawakarerekera yakanga ichizobatanidza mhuri yedu.

Nguva Yemiedzo Nemibayiro

Kutanga kwema1930 yakanga iri nguva yaifadza zvikuru kwandiri nemhuri yangu. Ndakabhabhatidzwa muna 1930, uye muna 1931 ndakanga ndiripo pakokorodzano isingakanganwiki apo isu tose takasimuka tikabvuma kudaidzwa nezita rakaisvonaka rokuti Zvapupu zvaJehovha. Ini naRoy takaedza nomwoyo wose kurarama maererano nezita iroro kuburikidza nokuita basa rokuparidza nenzira dzose dzaikurudzirwa nesangano. Somuenzaniso, muna 1932 takaita nhimbe chaiyo yokugovera kamwe kabhuku kaifanira kupiwa vanhu vakanga vauya kuzoona Sydney Harbour Bridge richivhurwa. Chinhu chakanyanya kutifadza kwakanga kuri kushandisa motokari dzine gudzanzwi, uye takava neropafadzo yokuisirwa gudzanzwi pamotokari yedu. Tichishandisa izvi, takaita kuti migwagwa yomuSydney itinhire nehurukuro dzeBhaibheri dzakanga dzapiwa naHama Rutherford.

Zvisinei, zvinhu zvakanga zviri kuchinja uye zvichiva zvakaoma zvikuru. Pakazosvika 1932 Kuderera Kukuru Kwemari kwakaonesa Australia nhamo, nokudaro ini naRoy takaedza kurerutsa upenyu hwedu. Imwe nzira yatakaita nayo izvi kwakanga kuri kutamira pedyo neungano, nokudaro takaderedza zvikuru mari yataishandisa pakufamba. Kunyange zvakadaro, kuomerwa mune zvemari kwakashaya basa apo Hondo Yenyika II yakabata pasi pose.

Kuburikidza nokuteerera murayiro waJesu wokusava rutivi rwenyika, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakatanga kutambudzwa, uye izvi zvakaitikawo muAustralia. Nemhaka yokuvhiringwa nehondo, vamwe vakatanga kuti takanga tiri vaKomonisiti. Vashori ava vakataura zvisina kururama kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri kushandisa zviteshi zvina zveredhiyo zvazvaiva nazvo muAustralia kutumira mashoko kumauto okuJapan.

Hama dzechiduku dzakadaidzwa kuenda kuhondo dzakasangana nomuedzo wakaoma zvikuru. Ndinofara kutaura kuti vanakomana vedu vose vari vatatu vakatsigira zvavaitenda uye vakaramba vasina kwavakarerekera. Dangwe redu, Richard, akapiwa mwedzi 18 mujeri. Mwanakomana wedu wechipiri, Kevin, akakwanisa kunyoresa kuti akanga asingakwanisi kuita zvechiuto. Zvinosuruvarisa kuti gotwe redu Stuart, akashaya mutsaona yomudhudhudhu paakanga achienda kunopedzisa kuzvidzivirira kwake mudare panyaya yokusava nokwaakarerekera. Nhamo iyi yakanga ichirwadza zvikuru. Zvisinei, kuramba takatarira kuUmambo uye kuchipikirwa chaJehovha chorumuko kwakatibatsira kutsungirira.

Vakakundikana Kuwana Mubayiro Chaiwo

Muna January 1941, basa reZvapupu zvaJehovha muAustralia rakarambidzwa. Asi, kufanana nezvakaitwa nevadzidzi vaJesu, ini naRoy takateerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu, uye kwemakore maviri nechidimbu, takaramba tichiita basa redu pachivande. Pakanga pari panguva iyi apo mapurisa maviri asina yunifomu andambotaura pakutanga akauya kuzogogodza pagonhi rangu. Chii chakaitika?

Ndakavati vapinde. Pavakapinda mumba, ndakavabvunza kuti, “Mungandibvumira here kumbopedzisa tii yangu musati matanga kusecha mumba muno?” Zvinoshamisa kuti vakabvuma, uye ndakaenda kukicheni kunonyengetera kuna Jehovha uye kuti ndimbofunga zvokuita. Pandakadzoka, mumwe mupurisa akapinda mukamuri rokudzidzira akatora zvose zvaakaona zvakanga zviine chiratidzo cheWatchtower, kusanganisira mabhuku ose akanga ari mubhegi rangu rokuuchapupu neBhaibheri rangu.

“Mune chokwadi here kuti hamuna mamwe mabhuku akavigwa mumakatoni?” akabva abvunza. “Takaudzwa kuti munopinda musangano vhiki yoga yoga mune imwe imba iri kwakaperera mugwagwa uno uye kuti munoenda ikoko nemabhuku akawanda.”

“Ichokwadi,” ndakapindura kudaro, “asi iye zvino haasisiko.”

“Tinozviziva izvozvo, Mai Smith,” akadaro. “Tinozivawo kuti mabhuku acho anochengeterwa mudzimba dzevanhu vanogara munharaunda ino.”

Mugota remwanakomana wedu, vakawana makatoni mashanu akanga aine kabhuku kanonzi Freedom or Romanism.

“Mune chokwadi kuti hamuna zvimwe zvinhu zviri mugaraji renyu here?” akabvunza kudaro.

“Aiwa, hamuna chirimo,” ndakadaro.

Akabva avhura rimwe kabati muimba yokudyira. Akawana mafomu asina kunyorwa chinhu, aishandiswa kunyora mushumo weungano. Akaatora akabva ati anoda kutoona zviri mugaraji chete.

“Kubva uyai nokuno,” ndakadaro.

Vakanditevera kugaraji uye pashure pokutsvaga, vakapedzisira vaenda.

Mapurisa iwayo akafunga kuti akanga awana mubayiro mukuru chaizvo pamakatoni mashanu aye! Zvisinei, akasiya mubayiro mukuru chaiwo. Munoonaka, mumazuva iwayo, ndakanga ndiri munyori muungano, uye ndakanga ndiine mazita evaparidzi uye mamwe mashoko anokosha mumba. Ndinotenda kuti hama dzakanga dzatinyevera kuti tigare takagadzirira kusechwa, saka ndakanga ndanyatsoviga mapepa aya. Ndakaaisa muhamvuropu ndokuaisa pasi pemagaba emasamba, eshuga, uye efurawa. Mamwe ndakanga ndaaisa muchizumbu cheshiri chaiva pedyo negaraji. Nokudaro mapurisa akanga adarika nepakanga paine mashoko chaiwo avakanga vari kuda.

Kupinda Mubasa Renguva Yakazara

Pakazosvika 1947, vana vedu vakuru vakanga vava nemhuri dzavo. Panguva ino, ini naRoy takasarudza kuti taikwanisa kupinda mubasa renguva yakazara. Mundima yaiva kuSouth Australia kwaidiwa vamwe vaparidzi, nokudaro takatengesa imba yedu tikatenga karavhani, yatakatumidza kuti Mizpah, zvichireva kuti “Nharireyomurindi.” Kurarama nenzira iyi kwakaita kuti tikwanise kuparidza kunzvimbo dzakawanda dziri kure. Kazhinji kacho taiparidza kundima yokumaruwa yakanga isina kugoverwa. Ndichiri nezvizhinji zvandinoyeuka zvenguva iyoyo zvainakidza. Mumwe wandakadzidzisa akanga ari mudzimai muduku ainzi Beverly. Asati afambira mberi zvokukwanisa kubhabhatidzwa, akatama. Fungidzirai kufara kwandakaita papera makore mazhinji apo imwe hanzvadzi yakauya kwandiri pakokorodzano ikati inonzi Beverly! Zvakandifadza zvikuru kuti pashure pemakore akawanda zvakadaro akanga ari kushumira Jehovha pamwe chete nomurume wake nevana.

Muna 1979, ndakava neropafadzo yokupinda Chikoro Chebasa Roupiyona. Chimwe chinhu chakanyanya kutaurwa pachikoro apa chakanga chiri chokuti, kuti munhu atsungirire mubasa roupiyona, anofanira kuva nepurogiramu yakanaka yokudzidza oga. Ndakawana kuti izvi ndezvechokwadi zvikuru. Kudzidza, misangano uye ushumiri zvave zviri zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu hwangu. Ndinoiona seropafadzo kuti ndakakwanisa kushanda sapiyona wenguva dzose kwemakore anodarika 50.

Kurarama Nourwere

Makumi emakore apfuura aya andipa zvinetso zvakati wandei. Muna 1962, ndakanzi ndine chirwere chemaziso (glaucoma). Panguva iyoyo, mishonga yaiwanika yakanga iri mishoma, uye maziso angu akatadza kuona zvakanaka munguva pfupi. Utano hwaRoy hwakadererawo, uye muna 1983 akaita sitiroko yakamusiya aoma dzimwe nhengo dzomuviri uye asingakwanisi kutaura. Akashaya muna 1986. Akanga andibatsira chaizvo mumakore angu ndiri mubasa renguva yakazara, uye kutaura chokwadi ndiri kumusuwa.

Pasinei nezvipingamupinyi izvi, ndakaedza kugara ndiine purogiramu yokudya mumudzimu. Ndakatenga imwe motokari yakasimba yakakodzera kushandisa mubasa romumunda kwandinogara, uye ndakaramba ndichiita basa rangu rokupayona ndichibatsirwa nomwanasikana wangu Joyce. Kuona kwemaziso angu kwakawedzera kuderera kusvikira rimwe ziso risisiri kuona zvachose. Vanachiremba vakaisa rimwe ziso regirazi. Kunyange zvakadaro, ndichishandisa girazi rinokudza zvinhu uye kuverenga mabhuku ane mabhii makuru, ndakakwanisa kupedza maawa matatu kusvika kumashanu pazuva ndichidzidza ndichiona neziso rimwe chete rakanga rava kuona zvishoma.

Ndave ndichikoshesa zvikuru nguva yokudzidza. Saka munogona kufungidzira kurwadziwa kwandakaita mumwe musi masikati pandakanga ndichidzidza apo ndakaerekana ndisisiri kuona chinhu zvachose. Zvakaita sokuti mumwe munhu akanga adzima mwenje. Apa ndakanga ndisisachaoni zvachose. Ndakakwanisa sei kuramba ndichidzidza? Kunyange pari zvino ndava matsi, ndinoshandisa makaseti uye ndinotsigirwa nemhuri yangu kuti ndirambe ndakasimba mumudzimu.

Kutsungirira Kusvika Kumugumo

Pari zvino sezvandava nemakore anodarika zana, utano hwangu hahusisina kunaka, uye dzimwe nguva ndinotofanira kuita zvinhu zvishoma. Dzimwe nguva ndinombonzwa kakurasika. Ndingatoti nemhaka yokuti iye zvino handichaoni, dzimwe nguva ndinotorasika! Ndinoda kuva nevamwe vanhu vandinodzidzisa Bhaibheri zvekare, asi nemamiriro akaita utano hwangu, handichakwanisi kuenda kunovatsvaka. Pakutanga izvi zvakandishungurudza. Ndaitofanira kudzidza kubvuma kuti zvimwe zvinhu handichazvigoni uye kurarama nazvo. Izvi zvave zvisiri nyore. Kunyange zvakadaro, iropafadzo huru chaizvo kuti mwedzi mumwe nomumwe ndinokwanisa kushuma nguva yandinopedza ndichitaura nezvaMwari wedu mukuru, Jehovha. Pandinowana mukana wokutaura nezveBhaibheri, zvakadai seapo manesi, vanotengesa zvinhu uye vamwe vanouya kumba, ndinotaura navo—asi ndinoita kudaro nouchenjeri.

Chimwe chezvikomborero zvangu zvikuru ndechokuona zvizvarwa zvina zvemhuri yangu zvichinamata Jehovha nokutendeka. Vamwe vavo vakashanda semapiyona kunzvimbo dzinodiwa vamwe vaparidzi, sevakuru kana vashumiri vanoshumira, uye paBheteri. Hungu, kufanana nevakawanda vezera rangu, ndaitarisira kuti mugumo wenyika ino uuye nokukurumidza. Uye ndakaona kuwedzera kwebasa kukuru mumakore makumi manomwe andave ndichishanda! Ndinonzwa kugutsikana zvikuru kuti ndakakwanisa kubatanidzwa mukuita chimwe chinhu chikuru zvakadai.

Manesi anouya kuzondiona anotaura kuti kutenda kwangu ndiko kunoita kuti ndirambe ndichirarama. Ndinobvumirana nawo. Kubatikana mubasa raJehovha ndiko kunoita kuti munhu ave noupenyu hwakanaka chaizvo. Kufanana naMambo Dhavhidhi, zvechokwadi ndinogona kutaura kuti ndakwegura uye ndagutsikana nemakore angu.—1 Makoronike 29:28.

(Hanzvadzi Muriel Smith vakashaya musi waApril 1, 2002, pakanga pachipedzisa kunyorwa kwenyaya ino. Vakanga vasara nomwedzi mumwe chete kuti vasvitse makore 102, uye zvechokwadi vakanga vari muenzaniso wakanaka wokutendeka uye kutsungirira.)

[Mifananidzo iri papeji 24]

Pandakanga ndiine makore anenge mashanu uye ndava nemakore 19, pandakasangana nomurume wangu, Roy

[Mufananidzo uri papeji 26]

Motokari yedu uye karavhani yedu yatakatumidza kuti Mizpah

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiine murume wangu, Roy, muna 1971