Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinokurudzirwa Ne“zvinhu Zvikuru zvaMwari”

Tinokurudzirwa Ne“zvinhu Zvikuru zvaMwari”

Tinokurudzirwa Ne“zvinhu Zvikuru zvaMwari”

“Tinovanzwa vachitaura norurimi rwedu pamusoro pezvinhu zvikuru zvaMwari.”—Mabasa 2:11.

1, 2. Chii chinoshamisa chakaitika muJerusarema paPendekosti ya33 C.E.?

MAMWE mangwanani chirimo chava kunopera mugore ra33 C.E., chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika kuboka revarume nevakadzi, vadzidzi vaJesu Kristu vakanga vakaungana pane imwe imba muJerusarema. “Kamwe kamwe kudenga kwakaitika ruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Uye vakaona marimi akafanana neemoto . . . , uye vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi.”—Mabasa 2:2-4, 15.

2 Boka guru revanhu rakaungana pamberi peimba yacho. Pakati pavo paiva nevaJudha vokune dzimwe nyika, “varume vaitya Mwari” vakanga vauya kuJerusarema kuzopemberera mutambo wePendekosti. Vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe wavo akanzwa vadzidzi vachitaura norurimi rwake “pamusoro pezvinhu zvikuru zvaMwari.” Zvaigona sei kudaro nepo vaitaura vacho vose vaiva vaGarireya?—Mabasa 2:5-8, 11.

3. Muapostora Petro akataura mashoko api kuboka raiva paPendekosti?

3 Mumwe wevaGarireya ivavo aiva muapostora Petro. Akatsanangura kuti mavhiki mashoma akanga apfuura, Jesu Kristu akanga aurayiwa nevarume vasina kururama. Zvisinei, Mwari akanga amutsa Mwanakomana wake kubva kuvakafa. Zvadaro, Jesu akaonekwa nevadzidzi vake vakawanda, kusanganisira Petro nevamwewo vakanga vari ipapo. Mazuva gumi chete akanga apfuura, Jesu akanga akwira kudenga. Ndiye akanga adurura mudzimu mutsvene pavadzidzi vake. Izvi zvine zvazvaireva here kune vaipemberera Pendekosti? Zvechokwadi zviripo. Rufu rwaJesu rwakaita kuti pave nohwaro hwokuti vakanganwirwe zvivi zvavo uye vagamuchire “chipo chapachena chomudzimu mutsvene” kana vaitenda maari. (Mabasa 2:22-24, 32, 33, 38) Saka vanhu ava vaiona vakadavidza sei ku“zvinhu zvikuru zvaMwari” zvavakanga vanzwa? Uye nhoroondo iyi ingatibatsira sei kuongorora basa redu pachedu kuna Jehovha?

Vakakurudzirwa Kuita Chimwe Chinhu!

4. Uprofita hupi hwaJoere hwakazadzika pazuva rePendekosti ya33 C.E.?

4 Zvavakanga vagamuchira mudzimu mutsvene, vadzidzi muJerusarema vakabva vangotanga kutaurira vamwe mashoko akanaka oruponeso, kutanga neboka rakanga raungana mumangwanani iwayo. Kuparidza kwavo kwakazadzika uprofita hunoshamisa, hwakanyorwa mazana masere emakore izvi zvisati zvaitika naJoere, mwanakomana waPetueri, hunoti: “Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo . . . zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.”—Joere 1:1; 2:28, 29, 31; Mabasa 2:17, 18, 20.

5. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaprofita mupfungwa ipi? (Ona mashoko omuzasi.)

5 Izvi zvaireva here kuti Mwari aizomutsa vaprofita vose, varume nevakadzi, vakadai saDhavhidhi, Joere, naDhibhora, ndokuvashandisa kufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi? Kwete. ‘Vanakomana nevanasikana, varanda nevarandakadzi’ vechiKristu vaizoprofita mupfungwa yokuti vaizokurudzirwa nomudzimu waJehovha kuzivisa “zvinhu zvikuru” zvakanga zvaitwa naJehovha uye zvaakanga achizoita. Saka vaizoshanda sevatauriri veWokumusoro-soro. * Kunyange zvakadaro, boka revanhu rakaita sei?—VaHebheru 1:1, 2.

6. Pavakanzwa hurukuro yaPetro, vakawanda vaiva muboka vakakurudzirwa kuitei?

6 Boka ranzwa zvakatsanangurwa naPetro, vakawanda vavo vakakurudzirwa kuti vaite chimwe chinhu. “Vakagamuchira shoko rake nemwoyo wose” uye “vakabhabhatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.” (Mabasa 2:41) Zvavakanga vari vaJudha uye vanhu vakatendeukira kuchiJudha, vakanga vachitova nezivo huru yeMagwaro. Izvozvo, zvichibatanidzwa nokutenda zvavakanga vadzidza kubva kuna Petro, zvakavapa chikonzero chokuti vabhabhatidzwe “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Vabhabhatidzwa, “vakaramba vachizvipira kukudzidzisa kwevaapostora.” Panguva imwe cheteyo, vakatanga kutaurirawo vamwe kutenda kwavakanga vachangobva kuwana. Zvechokwadi, “zuva rimwe nerimwe vakaramba vari patemberi nemwoyo mumwe, . . . vachirumbidza Mwari uye vachifarirwa nevanhu vose.” Pamusana pebasa rouchapupu iri, “Jehovha akaramba achiwedzera kwavari zuva nezuva avo vakanga vachiponeswa.” (Mabasa 2:42, 46, 47) Ungano dzechiKristu dzakamuka munyika dzakawanda uko vadzidzi vatsva ava vaigara. Hapana mubvunzo kuti kuwedzera uku, kusvika pamwero wakati, kwakakonzerwa nokushingairira kwavakaita kuparidza “mashoko akanaka” pavakadzoka kumusha.—VaKorose 1:23.

Shoko raMwari Rine Simba

7. (a) Chii chinokwevera vanhu vemarudzi ose kusangano raJehovha nhasi? (b) Mikana ipi yokumwe kuwedzera yaunoona mumunda wepasi pose uye munyika yenyu? (Ona mashoko omuzasi.)

7 Zvakadini nevaya vanoshuva kuva vashumiri vaMwari nhasi? Ivowo vanofanira kunyatsodzidza Shoko rwaMwari. Sezvavanodaro, vanosvika pakuziva Jehovha saMwari ane “nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6; Mabasa 13:48) Vanodzidza nezvourongwa hwaMwari hwomutsa hworudzikinuro kuburikidza naJesu Kristu, ane ropa rakadeurwa rinogona kuvachenesa pachivi chose. (1 Johani 1:7) Vanosvikawo pakuonga chinangwa chaMwari chokuti pave no“kumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Kuda Tsime re“zvinhu zvikuru” izvi kunokura mavari, uye vanokurudzirwa kuparidza chokwadi chinokosha ichi. Ipapo vanova vashumiri vaMwari vakazvitsaurira, uye vakabhabhatidzwa uye vanoramba “vachiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.” *VaKorose 1:10b; 2 VaKorinde 5:14.

8-10. (a) Chiitiko chomumwe mukadzi wechiKristu chinoratidza sei kuti Shoko raMwari “rine simba”? (b) Chiitiko ichi chakudzidzisei nezvaJehovha nokubata kwaanoita nevashumiri vake? (Eksodho 4:12)

8 Zivo iyo vashumiri vaMwari vanowana kubva mukudzidza kwavanoita Bhaibheri haisi yenhando. Zivo yakadaro inokurudzira mwoyo yavo, inochinja mafungiro avo, uye inova yavo. (VaHebheru 4:12) Somuenzaniso, mumwe mukadzi anonzi Camille akapinzwa basa rokutarisira vakwegura. Mumwe wevaaitarisira aiva Martha, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Sezvo Martha akakanganiswa zvikuru nechirwere chepfungwa, aida kugara achitarisirwa. Aifanira kuyeuchidzwa kuti adye—kunyange kumedza zvokudya zvake. Zvisinei, pane chimwe chinhu chakanga chanamira mupfungwa dzaMartha, sezvatichaona.

9 Rimwe zuva, Martha akaona Camille achichema pamusana pokushungurudzika nezvimwewo zvaimunetsa. Martha akambundira Camille ndokumukumbira kuuya kuzodzidza naye Bhaibheri. Asi munhu akaita saMartha aigona kudzidzisa Bhaibheri here? Hungu, aigona! Kunyange zvazvo akanga asingachayeuki zvakawanda, Martha akanga asina kukanganwa Mwari wake akanaka; uye akanga asina kukanganwa chokwadi chinokosha chaakanga adzidza kubva muBhaibheri. Pakudzidza kwacho, Martha aiudza Camille kuti averenge ndima imwe neimwe, atarire Magwaro aivamo, averenge mubvunzo waiva pazasi pepeji, oupindura. Izvi zvakaenderera mberi kwenguva yakati, uye pasinei nokurwara kwaMartha, Camille akafambira mberi muzivo yeBhaibheri. Martha akaziva kuti Camille aifanira kusangana nevamwe vaifarira kunamata Mwari. Achifunga izvi, akapa mudzidzi wake dhirezi neshangu, kuitira kuti Camille ave nechimwe chinhu chakakodzera chokupfeka paaizopinda musangano wake wokutanga paImba yoUmambo.

10 Camille akafadzwa chaizvo norudo, muenzaniso, uye kutenda, zvairatidzwa naMartha. Akaona kuti izvo Martha akanga achiedza kumudzidzisa kubva muBhaibheri zvaikosha kwazvo, sezvo Martha akanga akanganwa zvinenge zvinhu zvose kunze kwezvaakanga adzidza muMagwaro. Gare gare, Camille paakachinjirwa kune imwe nzvimbo, akaona kuti yakanga yava nguva yokuti aite chimwe chinhu. Pamukana wokutanga, akapinda muImba yoUmambo, akapfeka dhirezi neshangu dzaakanga apiwa naMartha, uye akakumbira kudzidza Bhaibheri. Camille akafambira mberi zvakanaka uye akabhabhatidzwa.

Tinokurudzirwa Kuratidza Tsika Dzinodiwa naJehovha

11. Kuwedzera pakushingaira mubasa rokuparidza, tingaratidza sei kuti takakurudzirwa nemashoko akanaka?

11 Nhasi, kune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu izvo, kufanana naMartha uye Camille iye zvino, zviri kuparidza “mashoko akanaka oumambo” pasi pose. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, zvinokurudzirwa chaizvo ne“zvinhu zvikuru zvaMwari.” Zvinofara kuti zvine ropafadzo yokutakura zita raMwari uye kuti akadurura mudzimu wake pazviri. Pakupedzisira, zvinoita zvose zvazvinogona kuti ‘zvifambe zvakafanira Jehovha zvichimufadza kwazvo,’ zvichiva netsika dzaanoda muupenyu hwazvo hwose. Pakati pezvimwe zvinhu, izvi zvinosanganisira kuremekedza tsika dzinodiwa naMwari pamupfekero nechitarisiko chedu.—VaKorose 1:10; Tito 2:10.

12. Izano ripi rakananga pamusoro pomupfekero nechitarisiko ratinowana rakanyorwa pana 1 Timoti 2:9, 10?

12 Hungu, Jehovha akaratidza zvaanoda kuti tiite muchitarisiko chedu. Muapostora Pauro akanyora zvimwe zvezvinhu zvinodiwa naMwari panyaya iyi. “Ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa, kwete nemagadzirirwe okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” * Tinodzidzei kubva mumashoko aya?—1 Timoti 2:9, 10.

13. (a) Chii chinorehwa nokuti “nguo dzakagadzirwa zvakanaka”? (b) Nei tingati zvinodiwa naJehovha zvine mwero?

13 Mashoko aPauro anoratidza kuti vaKristu vanofanira ‘kushonga nguo dzakagadzirwa zvakanaka.’ Chitarisiko chavo hachifaniri kuva chouyanga. Munhu wose zvake, kunyange varombo, vanogona kuita zvinhu zvine mwero zvakadaro zvinodiwa kuburikidza nokuona kuti zvipfeko zvavo zvakachena, uye zvinotaridzika zvakanaka. Somuenzaniso, gore negore Zvapupu zvomune imwe nyika yokuSouth America zvinofamba kwemakiromita akawanda nomusango uye zvozokwira igwa kwemaawa akawanda kuti zvinopinda kokorodzano yazvo yoruwa. Hazvishamisi kuona mumwe munhu achiwira murwizi kana kubvarurirwa hembe yake negwenzi murwendo rwacho. Saka vapindi vekokorodzano pavanosvika munharaunda ichaitirwa kokorodzano, kazhinji vanenge vakangoti nyangarara. Saka vanotanga kuita basa rokusonera mabhatani matsva, kugadzirisa zipi, uye kugeza nokuchisa zvipfeko zvavachapfeka pakokorodzano. Vanokoshesa kukokwa kwavakaitwa kuzodya patafura yaJehovha, uye vanoda kupfeka zvakakodzera.

14. (a) Zvinorevei kupfeka no“mwero nokunaka kwepfungwa”? (b) Kuti tipfeke ‘sevanhu vanoti vanotya Mwari,’ izvi zvinosanganisirei?

14 Pauro akaratidza zvakare kuti tinofanira kupfeka zvine “mwero nokunaka kwepfungwa.” Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kupfeka zvinhu zvinoshamisira, zvinoratidza kupandukira, zvinokanganisa mafungiro evamwe, zvinosiya miviri yakashama kana kuratidza zviri mukati, kana kuti zvipfeko zvefashoni zvine mazita akakurumbira. Kuwedzera kune izvi, tinofanira kupfeka nenzira inoratidza ‘kutya Mwari.’ Izvozvo zvinotipa chimwe chinhu chokufunga nezvacho, handizvo here? Haisiri nyaya yokungopfeka zvakakodzera pakupinda misangano yeungano chete asi tichipfeka zvine uyanga pane dzimwe nguva. Chitarisiko chedu nguva dzose chinofanira kuratidza mafungiro okuremekedza, uye orukudzo nokuti tiri vaKristu nevashumiri maawa 24 pazuva. Zviri pachena kuti zvipfeko zvedu zvebasa uye zvokuchikoro zvichava zvakakodzera basa ratinenge tichiita. Kunyange zvakadaro, tinofanira kupfeka zvine mwero uye zvine chiremera. Kana zvipfeko zvedu nguva dzose zvichiratidza kutenda kwedu muna Mwari, hatizombonzwi tava kuzeza kuparidza tisina kuzvironga nemhosva yokunyara nechitarisiko chedu.—1 Petro 3:15.

‘Musada Nyika’

15, 16. (a) Nei zvichikosha kuti tirege kutevedzera nyika munhau dzezvipfeko nechitarisiko? (1 Johani 5:19) (b) Zvikonzero zvipi zvinoshanda zvinofanira kuita kuti tidzivise fashoni pazvipfeko nechitarisiko chedu?

15 Zano rakanyorwa pana 1 Johani 2:15, 16 rinopawo nhungamiro pane zvatinosarudza kuita nezvipfeko uye chitarisiko chedu. Tinoverenga kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.”

16 Zano iroro rinoenderana nenguva chaizvo! Panguva apo vanhu vari kufurirwa nevezera ravo zvisati zvamboitika, hatifaniri kubvumira nyika kutidzora pamupfekero wedu. Rudzi rwezvipfeko uye chitarisiko zvave zvichidzikira mumakore achangobva kupfuura. Kunyange zvipfeko zvevanhu vezvebhizimisi nevanoshanda hazviratidzi nguva dzose mwero wezvinganzi zvakakodzera vaKristu. Ichi ndechimwe chikonzero nei tichifanira kuramba tichiziva kudiwa kwoku“sazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu” kana tichizorarama maererano nomwero unodiwa naMwari tichibva ‘tashongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.’—VaRoma 12:2; Tito 2:10.

17. (a) Mibvunzo ipi yatingafunga nezvayo patinenge tichitenga kana kusarudza zvipfeko? (b) Nei misoro yemhuri ichifanira kuva nehanya nechitarisiko chenhengo dzomumhuri mayo?

17 Usati wasarudza kana uchifanira kutenga chimwe chipfeko, kuchenjera kuzvibvunza kuti: ‘Chipfeko ichi ndinochidirei? Chinopfekwa nomutambi akakurumbira kwazvo here—mumwe munhu wandinoyemura? Pane chikwata chevanhu kana kuti boka rinokurudzira kuzvimirira uye kupandukira rava kuchishandisa sechipfeko charo here?’ Tinofanira kunyatsotarisisawo chipfeko chacho. Kana riri dhirezi kana kuti siketi, yakareba sei? Yakasonwa sei? Chipfeko chacho chine mwero, chakakodzera, uye chakadzikama here, kana kuti chinobata, chinokanganisa mafungiro evamwe, kana kuti chakakurisa? Zvibvunze kuti, ‘Kupfeka kwangu chipfeko ichi kuchaita kuti vamwe vagumbuke here?’ (2 VaKorinde 6:3, 4) Nei tichifanira kufungisisa izvozvo? Nokuti Bhaibheri rinoti: “Kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaRoma 15:3) Misoro yemhuri dzechiKristu inofanira kuva nehanya nechitarisiko chenhengo dzomumhuri mayo. Ichiremekedza Mwari ane mbiri wainonamata, misoro yemhuri haifaniri kuzeza kupa zano rakasimba, uye rorudo parinenge richifanira kupiwa.—Jakobho 3:13.

18. Chii chinokuita kuti ufungisise nezvomupfekero nechitarisiko chako?

18 Shoko ratinotakura rinobva kuna Jehovha, uyo pachake anotonzi ndiye chiremera uye mutsvene. (Isaya 6:3) Bhaibheri rinotikurudzira kumutevedzera “sevana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1) Mupfekero nechitarisiko chedu zvinogona kuita kuti Baba vedu vokudenga vaonekwe zvakanaka kana kuti zvakaipa. Chokwadi tinoda kufadza mwoyo wavo!—Zvirevo 27:11.

19. Tinobatsirwa sei patinozivisa vamwe “zvinhu zvikuru zvaMwari”?

19 Unonzwa sei pamusoro pe“zvinhu zvikuru zvaMwari” zvawadzidza? Chaizvoizvo, tine ropafadzo huru kuti takadzidza chokwadi! Nokuti tinotenda muropa raJesu Kristu rakadeurwa, zvivi zvedu zvinokanganwirwa. (Mabasa 2:38) Saka tinoguma tava norusununguko rwokutaura pamberi paMwari. Hatityi rufu sezvinoita vaya vasina tariro. Asi, tine vimbiso yaJesu yokuti rimwe zuva “vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake vobuda.” (Johani 5:28, 29) Jehovha ave achiratidza ngoni dzake kutibudisira zvinhu zvose izvi pachena. Kuwedzera kune izvi, akadurura mudzimu wake patiri. Naizvozvo, kuonga zvinhu zvose izvi zvakanaka kunofanira kutiita kuti tide kuremekedza tsika dzake dzakakwirira uye kumurumbidza tichishingaira, tichizivisa “zvinhu zvikuru” izvi kune vamwe.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Jehovha paakagadza Mosesi naAroni kuti vataure naFarao vachimiririra vanhu vake, Akaudza Mosesi kuti: “Ndakuita samwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, uchava muprofita wako.” (Eksodho 7:1) Aroni akava muprofita, kwete mupfungwa yokufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi, asi nokuva mutauriri waMosesi.

^ ndima 7 Pavanhu vazhinji-zhinji vaivapo pakuchengetwa kwegore negore kwoKudya kwaShe Kwemanheru kwakaitwa musi waMarch 28, 2002, mamiriyoni haasati ava kushumira Jehovha chaizvoizvo. Tinonyengeterera kuti mwoyo yevakawanda vevanofarira ava ikurumidze kuda kuvavarira ropafadzo yokuva vaparidzi vemashoko akanaka.

^ ndima 12 Kunyange zvazvo mashoko aPauro aitaurwa kuvakadzi vechiKristu, dzidziso iri ipapo inoshandawo kuvarume vechiKristu uye kune vechiduku.

Ungapindura Sei?

• “Zvinhu zvikuru” zvipi izvo vanhu vakanzwa paPendekosti ya33 C.E., uye vakaita sei?

• Munhu anova sei mudzidzi waJesu Kristu, uye kuva mudzidzi kunosanganisira chii?

• Nei zvichikosha kuti tiongorore mupfekero nechitarisiko chedu?

• Zvii zvinofanira kufungwa nezvazvo pakusarudza kana chipfeko kana kuti masonerwo acho akakodzera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Petro akazivisa kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa

[Mifananidzo iri papeji 17]

Chitarisiko chako chinoita kuti Mwari waunonamata aonekwe zvakanaka here?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vabereki vechiKristu vanofanira kuva nehanya nechitarisiko chenhengo dzemhuri dzavo