Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Yoga—Kurovedza Muviri Chete Here Kana Kuti Pane Zvimwe Zviripo?

Yoga—Kurovedza Muviri Chete Here Kana Kuti Pane Zvimwe Zviripo?

Yoga—Kurovedza Muviri Chete Here Kana Kuti Pane Zvimwe Zviripo?

KUVA nomuviri mutete wakanaka chinhu chinodiwa nevanhu chaizvo mazuva ano. Izvi zvakaita kuti vazhinji vaende kudzimba dzokurovedza muviri kuti vanobatsirwa. Nechikonzero ichi, zviuru zvevanhu munyika dzokuMadokero zvava kuita zvinoitwa kuMabvazuva zvinonzi yoga.

Vanhu vanenge vaine zvinovanetsa, vanenge vakaora mwoyo, uye vachishungurudzika vakatanga kuita yoga kuti vawane zororo. Kufungisisa, muitiro wakabuda muyoga, kwakaitwa kuti kukurumbire nenyanzvi dzomumafirimu uye vaimbi verock. Tichifunga nezvokunyanya kufarirwa kwava kuita yoga, tingabvunza kuti: ‘Yoga kunongova kurovedza muviri chete here kuchaita kuti munhu wacho ave nomuviri mutete, wakanaka uye kupa vamwe vanhu rugare rwepfungwa? Yoga ingaitwa pasina kubatanidza zvinhu zvechitendero here? VaKristu vanofanira kuita yoga here?’

Mavambo eYoga

Mavambo eshoko rokuti “yoga” akada kufanana neshoko rechiRungu rokuti “yoke.” Rinogona kureva kubatanidza kana kuti kuisa pajoko rimwe chete kana kuti kuisa pasi pejoko, kusunga kana kuti kudzora. KumuHindu, yoga muitiro kana kuti kurovedza kunoita kuti munhu abatanidzwe nesimba guru rakasiyana nerevanhu kana kuti nomudzimu. Yakatsanangurwa kuti “kusunga pajoko rimwe chete masimba omuviri womunhu, pfungwa uye mweya naMwari.”

Nhoroondo yeyoga inosvika kupi? Mifananidzo yevanhu vakagara zvakasiyana-siyana vachiita yoga iri pazvinhu zvokuisisa nazvo zvidhindo zvakawanikwa muIndus Valley, muPakistan yemazuva ano. Vanhu vakatanga kugara muIndus Valley makore zviuru zvitatu kana zviviri Kristu asati auya, pedyo zvikuru nenguva yakatanga vanhu kugara muMesopotamia. Zvidhori zvakawanikwa kunzvimbo mbiri idzi zvinoratidza murume, achimirira mwari, akapfeka ngundu yenyanga dzemhuka uye akakombwa nemhuka, achimirira Nimirodhi, “mudzimba mukuru.” (Genesi 10:8, 9) VaHindu vanoti mifananidzo yakagara ichiita yoga mifananidzo yamwari anonzi Siva, ishe wemhuka uye ishe weyoga, uyo anowanzonamatwa pachishandiswa chifananidzo. Nokudaro bhuku rinonzi Hindu World rinotsanangura kuti yoga “mirayiro yemiitiro yokuzviramba, kunyanya yakabva kuArieri, ine mashoko mazhinji epfungwa dzepasichigare uye mitambo yaiitwa.”

Nzira yokuita nayo yoga pakutanga yaiita zvokuudzwa vamwe nomuromo. Yakazoita zvokunyorwa pasi nemashoko akakwana nomumwe murume akangwara wokuIndia aiita zveyoga anonzi Patañjali mubhuku rinonzi Yoga Sutra, rinova ndiro bhuku guru romurayiridzo weyoga. Maererano naPatañjali, yoga “kuedza kuwana kukwana nenzira yakarongeka, kuburikidza nokudzora zvinhu zvakasiyana-siyana zvomunhu, zvenyama uye zvendangariro.” Kubvira pakutanga kwayo kusvika mazuva ano, yoga yave iri rutivi runokosha rwezvitendero zvokuMabvazuva, panguva ino kunyanya chiHindu, chiJain uye chiBuddha. Vamwe vanoita zveyoga vanodavira kuti ichatungamirira kuti vawane moksha, kana kuti rusununguko, kuburikidza nokusangana nomudzimu unopinda pose pose.

Saka tinobvunza zvekare kuti: ‘Yoga ingaitwa zvichinzi kurovedza muviri chete here kuti munhu ave noutano hwakanaka uye pfungwa dzakadekara, pasina kubatanidza zvechitendero?’ Tichifunga nezvekwayakabva nakwo, mhinduro inofanira kuva yokuti kwete.

Yoga Ingakusvitsa Kupi?

Chinangwa cheyoga ndechokudzidzisa munhu kuti aone zvinhu munyika yemidzimu uye kuti ‘asungwe pajoko’ kana kuti kusanganiswa nomudzimu. Asi uyu mudzimu upi?

Mubhuku rinonzi Hindu World, munyori anonzi Benjamin Walker anoti nezveyoga: “Ungava waiva muitiro wepakuvamba wemashiripiti, uye yoga ichiri nezvainoreva zvemashura nouroyi.” Vazivi vechiHindu vanobvuma kuti muitiro weyoga unokwanisa kupa munhu simba risiri romuzvarirwo, kunyange zvazvo vachiwanzoti ichi handicho chinangwa chikuru cheyoga. Somuenzaniso, mubhuku rinonzi Indian Philosophy, aimbova mutungamiriri wenyika yeIndia, Dr. S. Radhakrishnan anoti nezveyoga “kudzora muviri nemagariro aunenge wakaita kunoita kuti ugume usisina hanya nokupisa kana kutonhora. . . . Munhu ari kuita yoga anokwanisa kuona kana kunzwa zviri kure . . . Kuziva zviri kufungwa nomumwe munhu zvinokwanisa kuitika pasina kukurukura. . . . Munhu ari kuita yoga anokwanisa kuita kuti muviri wake usaoneka.”

Kuona munhu ari kuita yoga akarara pamubhedha wezvipikiri kana kuti ari kufamba pamusoro pemazimbe omoto anopisa kungaratidzika semadzangaradzimu kune vamwe vanhu uye sechinhu chinosekesa kune vamwe. Asi izvi zvinhu zvinogara zvichiitika muIndia, somuitiro wokumira negumbo rimwe chete munhu wakatarira zuva kwemaawa anoverengeka uye kudzora kufema uko kunoita kuti munhu akwanise kuvigwa mujecha kwenguva yakareba. Muna June 1995, The Times of India yakashuma kuti mumwe musikana ane makore matatu nehafu akarara achiona zvimwe zvinhu apo motokari yairema anodarika makirogiramu 750 yakafambiswa nepadumbu pake. Vanhu vakaoma mate mukanwa apo akamuka uye akanga asina kana kumbokuvara. Mushumo wacho wakawedzera kuti: “Rakanga riri simba guru reyoga.”

Pasina mubvunzo, hapana munhu chaiye anokwanisa kuita zvinhu izvi. Saka muKristu anofanira kubvunza kuti: Kuita zvinhu izvi kunoratidza chii? Zviri kubva kuna Jehovha Mwari here, “Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose,” kana kuti zviri kubva kune mumwe munhu? (Pisarema 83:18) Bhaibheri rakajeka panyaya iyi. Apo vaIsraeri vakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, iyo yakanga ine vaKanani, Jehovha akaudza vanakomana vaIsraeri ivavo kuburikidza naMosesi achiti: “Usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo.” “Zvinonyangadza” zvacho ndezvipi? Mosesi akanyevera nezvomunhu “unouka, munhu unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi.” (Dheuteronomio 18:9, 10) Zvinhu izvi zvinonyangadza kuna Jehovha nokuti mabasa emadhimoni uye mabasa enyama inotadza.—VaGaratiya 5:19-21.

Hazvifaniri Kuitwa nevaKristu

Pasinei nokuti vanodzidzisa kurovedza muviri vanoti kudii, yoga haigumiri pakurovedza muviri. Bhuku rinonzi Hindu Manners, Customs and Ceremonies rinotsanangura zvakaitika kune vamwe vaviri vaitanga kuita zveyoga vachitungamirirwa nomumwe mukuru. Mumwe wacho anonzi akati: “Ndakaedza kushandisa simba risiri romunhu kuti ndirege kufema kusvika pandaigona, uye ndaifema chete kana ndava kuda kufenda. . . . Mumwe musi, zuva rakacheka nyika, ndakafunga kuti ndakaona mwedzi muchena, uyo waiita sewakanga uchizeya-zeya. Imwe nguva ndakafungidzira ndiri murima guru chaizvo masikati. Aindidzidzisa . . . akafara zvikuru pandaimuudza zvinhu zvandakaona izvi. . . . Akandiudza kuti ndakanga ndava pedyo nokuona zvimwe zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa kana ndikaramba ndichizvipira.” Murume wechipiri anoti: “Akandimanikidza kuti nditarise kudenga zuva nezuva ndisingabwairi maziso kana kuchinja nzvimbo yangu. . . . Dzimwe nguva ndaifunga kuti ndakaona pfarivari dzomoto mumhepo; dzimwe nguva ndaiita sendiri kuona nyika dziri kubvira moto uye nyeredzi dziri kupfuta. Mudzidzisi wangu akafara zvikuru nokubudirira kwangu.”

Zvinhu zvinoshamisa zvavaiona pasina mubvunzo ndizvo zvakanga zvichidiwa nevakuru vavo kuti vaone kana vari kuita yoga. Hungu, chinangwa chikuru cheyoga imoksha, inotsanangurwa kuti kubatanidzwa nomumwe mudzimu mukuru usiri munhu. Inotsanangurwa so“kumisa (nemaune) zvinoitika mupfungwa.” Izvi zvinopesana chaizvo nechinangwa chakapiwa kuvaKristu, avo vanoudzwa kuti: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga. Uye musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VaRoma 12:1, 2.

Munhu nomunhu ndiye anosarudza kuti acharovedza muviri sei. Zvisinei, vaKristu havazoregi chero chinhu—kungava kurovedza muviri, kudya, kunwa, kupfeka, kufara, kana kuti chimwewo chinhu—chichikanganisa ukama hwavo naJehovha Mwari. (1 VaKorinde 10:31) Kune vaya vari kurovedza muviri kuti vave noutano hwakanaka, kune zvinhu zvakawanda zviripo zvisina chokuita nezvemidzimu kana mashiripiti. Kuburikidza nokurega zvinhu zvakavakirwa muchitendero chenhema, tinogona kutarira mberi kuti Mwari achatikomborera nenyika itsva yakarurama umo tichange tiine utano hwakanaka hwomuviri uye hwendangariro kusvika narini.—2 Petro 3:13, Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mifananidzo iri papeji 22]

Vakawanda vanorovedza muviri zvakanaka pasina kubatanidzwa nezvemidzimu