Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatinodzidza Pashuramurove

Zvatinodzidza Pashuramurove

Zvatinodzidza Pashuramurove

‘ZVIROKWAZVO shuramurove iri kudenga, inoziva nguva dzayo dzakatarwa, . . . asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.’ (Jeremia 8:7) Nemashoko iwayo, muprofita Jeremia akazivisa kutonga kwaJehovha pavanhu veJudha vakanga varamba kutenda, avo vakanga vasiya Jehovha Mwari wavo ndokutanga kunamata vanamwari vokune dzimwe nyika. (Jeremia 7:18, 31) Nei Jeremia akasarudza shuramurove sedzidziso kuvaJudha vakanga vasina kutendeka?

KuvaIsraeri, shuramurove, uye kunyanya shuramurove chena, ishiri yavaigara vachiona sezvayaitama ichipfuura nomunyika dzinotaurwa muBhaibheri. Shoko rechiHebheru reshiri huru iyi, ine makumbo marefu inowanzofamba mumvura ishoko rechikadzi rinoreva kuti “akavimbika; ane mutsa une rudo.” Izvi zvakakodzera, nokuti kusiyana nedzimwe shiri dzakawanda, shuramurove chena dzinoramba dziri pamwe serume nehadzi kwoupenyu hwose. Dzapedza chando dziri kunharaunda dzinoti dziyei, shuramurove dzakawanda dzinodzokera gore negore, kakawanda kudendere radzaimboshandisa kare.

Maitiro omusikirwo eshuramurove anoratidza kuvimbika mune dzimwewo nzira dzinoshamisa. Zvose rume nehadzi dzinovhuvatira mazai nokudyisa manyana. Bhuku rinonzi Our Magnificent Wildlife rinotsanangura kuti: “Sevabereki, shuramurove dzakatendeseka zvinoshamisa. Imwe shuramurove hono kuGermany yakarovera pawaya dzemagetsi ikabatwa nemagetsi. Hadzi yayo yakaramba ichivhuvatira mazai iri yoga kwemazuva matatu, ikangobva padendere kamwe chete kwenguva pfupi kuti inotsvaka zvokudya. . . . Mune chimwe chiitiko, apo shuramurove hadzi yakapfurwa, hono yacho yakarera manyana.”

Chokwadi, nokuratidza kuva yakatendeseka nomuzvarirwo kune imwe yayo uye kutarisira vana norudo, shuramurove inorarama maererano nezvinoreva zita rayo—“akavimbika.” Saka, shuramurove dzakashanda zvakanaka sedzidziso dzine simba kuvaIsraeri vakanga vasina kutendeka uye vakatsauka.

Kuvanhu vakawanda nhasi, kuvimbika nokutendeseka ipfungwa dzechinyakare—dzinoyemurika asi dzisingashandi. Kuwanda kwaita vanhu vanorambana, vanongosiyiwa nevarume kana kuti nevabereki, utsotsi, nemamwe marudzi ounyengeri zvinoratidza kuti kuvimbika hakuchakosheswi. Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinokoshesa zvikuru kuvimbika kunokonzerwa norudo nomutsa. Rinokurudzira vaKristu “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:24) Hungu, unhu hutsva hunotibatsira kuva vakavimbika, asi tinogonawo kuwana zvatinodzidza nezvokuvimbika pashuramurove.