Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mano Okufunga Angakuchengetedza Sei?

Mano Okufunga Angakuchengetedza Sei?

Mano Okufunga Angakuchengetedza Sei?

MAFUNGU marefu-refu anoyevedza kuona, asi kuvafambisi vezvikepe anoreva ngozi. Mvura iyoyo isina kugadzikana inogona kuvauraya.

Saizvozvowo, vashumiri vaMwari vangatarisana nezvinetso zvinoramba zvichiwedzera zvinovatyisidzira. Ungave wakaziva kuti mafungu emiedzo mumwe pashure pomumwe anoremedza vaKristu. Hapana mubvunzo kuti unoda kuinzvenga, wakatsunga kusakukurwa mumudzimu. (1 Timoti 1:19) Mano okufunga ndiwo anokosha pakukudzivirira. Chii, uye anowanikwa sei?

Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mano okufunga,” mezim·mahʹ, rinobva pashoko rinoreva kuti “kuronga kana kuti kuruka mazano.” (Zvirevo 1:4) Saka mune mamwe maBhaibheri mezim·mahʹ rakashandurwa kuti “ungwaru” kana kuti “kufanoona zviri mberi.” Nyanzvi dzeBhaibheri Jamieson, Fausset, naBrown dzinorondedzera mezim·mahʹ so“kuchenjerera kunzvenga zvakaipa ndokuita zvakanaka.” Izvi zvinoreva kufungisisa migumisiro yenguva refu uyewo yepakarepo yezviito zvedu. Kana tine mano okufunga, tichanyatsofungisisa pane zviripo tisati taita chimwe chinhu, zvikurukuru kana zvisarudzo zvinokosha zvichifanira kuitwa.

Murume ane mano okufunga paanoita zvisarudzo pamusoro penguva yemberi kana kuti pemamiriro ake ezvinhu aari iye zvino, anotanga aongorora ngozi kana misungo ingangovapo. Angoziva ngozi dzingangovapo, anoona kuti angadzinzvenga sei, achifunga nezvezvakamupoteredza uye shamwari dzake. Saka anogona kuronga nzira ichaguma zvakanaka, zvichida kunyange ichaunza zvikomborero zvaMwari. Ngatikurukurei mienzaniso inobatsira inojekesa izvi.

Nzvenga Musungo Wounzenza

Mhepo painosunda mafungu ane simba yakananga kumuromo wechikepe, mamiriro ezvinhu iwayo anorondedzerwa sokutarisana nemhepo inobva mugungwa. Vafambisi vezvikepe vari mungozi yokuti chikepe chavo chinganyura kutoti vakafamba vakatarisana nemafungu.

Tinotarisana nemamiriro ezvinhu akadaro, sezvo tichirarama munyika yakazara nounzenza. Zuva nezuva, tinosangana nemafungu epfungwa dzokufadza nyama uye mifananidzo yatinoona. Hatigoni kuramba zvaanogona kuguma aita pachishuwo chedu chokuzvarwa nacho chezvepabonde. Tinofanira kushandisa mano edu okufunga kuti tikurire miedzo yacho pane kungokukurwa tichipinda mumamiriro ezvinhu ane ngozi.

Somuenzaniso, varume vechiKristu vanowanzoshanda pamwe chete nevaya vasinganyanyi kuremekedza vakadzi, vanovaona sezvinhu zvokungorara nazvo. Vatinoshanda navo vangataura nemisere vachishandisa majee akaipa uye vachitaura zvepabonde nechibhende. Mamiriro ezvinhu akadai anogona kuzodyara pfungwa dzounzenza mupfungwa dzomuKristu.

Pamwe mukadzi wechiKristu angafanirawo kushanda saka angasangana nezvinetso. Angashanda pamwe chete nevarume nevakadzi vane tsika dzisingapindirani nedzake. Zvichida mumwe wevarume vaanoshanda navo anoratidza kumufarira. Pakutanga, angamubata nokunzwisisa, achitomuremekedza nemhaka yezvaanotenda zvechitendero chake. Kuramba achimufarira uye vari pedyo nepedyo kunogona kuita kuti mukadzi wacho ade kuva shamwari yepedyo.

SevaKristu, mano okufunga angatibatsira sei mumamiriro ezvinhu akadaro? Kutanga, anogona kutinyevera nezvengozi dzomudzimu, uye chechipiri, anogona kuita kuti tifunge nezvechiito chakakodzera. (Zvirevo 3:21-23) Muzviitiko zvakaita seizvi, tinofanira kutaurira vatinoshanda navo kuti tsika dzedu dzakasiyana nemhaka yezvatinodavira zviri muMagwaro. (1 VaKorinde 6:18) Kutaura kwedu nomufambiro zvinogona kusimbisa zvatinenge tataura. Uyezve, kushamwaridzana nevamwe vatinoshanda navo kungada kudzorwa.

Zvisinei, zvingakonzera unzenza hazvingomuki kunzvimbo yebasa chete. Zvingamukawo kana murume nomukadzi vakarega zvinetso zvichiita kuti chinzwano chavo chive chisina kusimba. Mumwe mushumiri anofambira akati: “Kuparara kwomuchato hakungoerekani kwaitika. Murume nomukadzi zvishoma nezvishoma vangarega kuwirirana, vasingataudzani kana kupedza nguva vari pamwe chete. Vangatsvaka zvinhu zvokunyama kuti vazadzise nguva iyi. Nemhaka yokuti havatombotauri mashoko okurumbidzana, vanganzwa vachikwezvwa nevamwe varume kana vakadzi.”

Mushumiri uyu ane ruzivo akaenderera achiti: “Nguva nenguva, murume nomukadzi vanofanira kugara pasi ndokukurukura kana pane chimwe chinhu chiri kukanganisa ukama hwavo. Vanofanira kuronga kuti vangadzidza, vanganyengetera, uye vangaparidza pamwe chete sei. Vangabatsirwa zvikuru nokutaurirana ‘vari mumba, pamugwagwa, pavanorara, uye pavanomuka,’ sezvinongoitwa nevabereki nevana.”—Dheuteronomio 6:7-9.

Kubata Netsika Dzisiri dzechiKristu

Kunze kwokutibatsira kubata nemiedzo younzenza zvinobudirira, mano okufunga anogonawo kutibatsira kubata nezvinetso nevamwe vaKristu. Mhepo painosunda mafungu necheshure kwechikepe, izvi zvinoita kuti pave nemafungu anotevera chikepe. Mafungu anogona kusimudza kumashure kwechikepe kwoendeswa parutivi. Izvi zvinoita kuti rutivi rukuru rutarisane nemafungu uye rwova mungozi yokukuvadzwa.

Isu tinogonawo kupinda mungozi inobva nedivi ratisingatarisiri. Tinoshumira Jehovha “nomwoyo mumwe” pamwe chete nehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzakatendeka dzakawanda. (Zefania 3:9) Kana mumwe wadzo akazvibata nenzira isiri yechiKristu, zvingaita sokuti kukundikana kuvimbika uye zvingatirwadza zvikuru. Mano okufunga angatidzivirira sei kuti tirambe takatsiga uye tisina kukuvara zvakanyanya?

Yeuka kuti “hakuna munhu usingatadzi.” (1 Madzimambo 8:46) Naizvozvo, hazvifaniri kutishamisa kuti dzimwe nguva, hama yechiKristu ingatishatirisa kana kuti ingatigumbura. Tikaziva izvi, tinogona kugadzirira zvinhu zvakadaro ndokufungisisa kuti tinofanira kuita sei. Muapostora Pauro akaita sei apo dzimwe hama dzake dzechiKristu dzakataura nezvake nenzira inorwadza, yokusaremekedza? Pane kusiya kunamata, akagumisa achiti kudiwa naJehovha kwaikosha zvikuru pane kudiwa nevanhu. (2 VaKorinde 10:10-18) Mafungiro akadaro achatibatsira kuti tirege kukurumidza kurwadziwa kana tavhiringidzwa.

Zvakada kuita sokugumburwa pachigunwe chedu. Izvi pazvinenge zvaitika, tingasafunga zvakajeka kweminiti imwe kana maviri. Asi kana marwadzo acho aderera, pfungwa dzedu dzinodzoka, tofunga senguva dzose. Saizvozvowo, hatifaniri kuita chiito pakarepo kana tataurirwa mashoko asiri omutsa kana kuti taitirwa zvakaipa. Asi, chimbomira ndokufunga migumisiro yokutsiva kusina musoro.

Malcolm, ave ari mumishinari kwemakore akawanda, anotsanangura zvaanoita kana atadzirwa. “Kutanga ndinofunga nezvemibvunzo iyi: Ndiri kutsamwira hama iyi nemhaka yokuti unhu hwedu hauna kupindirana here? Zvaataura zvinokosha chaizvoizvo here? Kurwara kwangu nemarariya kungave kuri ikwo kuri kuita kuti ndinzwe neiyi nzira here? Ndichaona zvinhu neimwe nzira here mumaawa mashomanana anotevera?” Kazhinji, sezvakaonekwa naMalcolm, kusawirirana kwacho hakukoshi uye kunogona kufuratirwa. *

Malcolm anowedzera kuti: “Pano neapo, pasinei zvapo nokuedza kwose kwandinoita kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu, imwe hama yacho inoramba isina ushamwari. Ndinoedza kuita kuti izvi zvisanditsamwisa. Ndangoita zvose zvandinogona, ndinoona nyaya yacho neimwe nzira. Ndinombokanganwa nezvayo. Handibvumiri kuti nyaya yacho indikuvadze mumudzimu kana kuti ikanganise ukama hwangu naJehovha uye nehama dzangu.”

SaMalcolm, hatifaniri kubvumira kusazvibata kwomumwe munhu kuchitikanganisa zvakanyanya. Muungano dzose mune hama nehanzvadzi dzinofara, dzakatendeka. Mufaro kufamba munzira yechiKristu “pamwe” navo. (VaFiripi 1:27) Kuyeuka kutsigira kworudo kwaBaba vedu vokudenga kuchatibatsirawo kuona zvinhu sezvazviri.—Pisarema 23:1-3; Zvirevo 5:1, 2; 8:12.

Kusada Zvinhu Zvenyika

Mano okufunga anogona kutibatsira kutarisana nomumwe muedzo usinganyatsooneki. Mhepo painosunda mafungu yakananga parutivi rwechikepe, inozivikanwa segungwa riri kurova parutivi pechikepe. Kana mamiriro okunze akanaka, gungwa rakadaro ringasunda chikepe kuti chisiye nzira yacho zvishoma nezvishoma. Zvisinei, pakunenge kune mhepo yakasimba, mvura inorova padivi pechikepe inogona kuita kuti chipidiguke.

Saizvozvowo, kana tikabvumira muedzo wokuda zvose zvinopiwa nenyika yakaipa, mararamiro aya okuda zvenyika angaita kuti tibude munzira yomudzimu. (2 Timoti 4:10) Kana kukasadzorwa, kuda zvenyika pakupedzira kungaita kuti tisiye nzira yedu yechiKristu zvachose. (1 Johani 2:15) Mano okufunga angatibatsira sei?

Kutanga, achatibatsira kuona kuti ingozi dzipi dzatava kuda kupinda madziri. Nyika inoshandisa mazano ose angafungidzirwa kuti itinyengere. Inoramba ichisimudzira mararamiro anonzi munhu wose anofanira kutsvaka—mararamiro okushamisira evapfumi, mbozha, uye “vakabudirira.” (1 Johani 2:16) Tinovimbiswa kuyemurwa uye kutenderwa nomunhu wose, zvikurukuru nevezera redu uye vavakidzani. Mano okufunga achatibatsira kukurira mararamiro aya anokurudzirwa nenyika, achitiyeuchidza nezvokukosha ‘kwokusada mari,’ nokuti Jehovha akavimbisa kuti ‘haangambotiregeri.’—VaHebheru 13:5.

Chechipiri, mano okufunga achaita kuti tirege kutevera vaya “vakatsauka pachokwadi.” (2 Timoti 2:18) Zvakaoma zvikuru kupikisa vaya vatinoda uye vatinovimba navo. (1 VaKorinde 15:12, 32-34) Kunyange kana tichingopesvedzerwa zvishoma nevaya vakasiya nzira yechiKristu, zvinogona kutivhiringidza kufambira mberi kwedu mumudzimu uye toguma tava mungozi. Tinogona kuita sechikepe chinongoti tsaukei zvishomanana kubva munzira yacho yekwachakananga. Pakuenda rwendo rurefu, chinogona kukundikana kusvika kwachiri kuenda nedaro refu.—VaHebheru 3:12.

Mano okufunga angatibatsira kuziva patiri mupfungwa yomudzimu uye kwatiri kuenda. Zvimwe tinoziva kudiwa kwokuita mabasa echiKristu zvakazara. (VaHebheru 6:11, 12) Ona kushandisa kwakaita chimwe Chapupu chiduku mano okufunga kuti chigone kuramba chichivavarira zvinhu zvomudzimu: “Ndaiva nomukana wokuita basa rokutora nhau. Ndairifarira zvikuru, asi ndakayeuka ndima iri muBhaibheri inoti ‘nyika iri kupfuura,’ asi ‘uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.’ (1 Johani 2:17) Ndakafunga kuti mararamiro angu anofanira kuratidza zvandinotenda. Vabereki vangu vakanga vasiya kutenda kwechiKristu, uye ndakanga ndisingadi kutevera muenzaniso wavo. Saka ndakasarudza kurarama upenyu hune chinangwa ndokubva ndanyoresa kuita ushumiri hwenguva yakazara sapiyona wenguva dzose. Kwapera makore mana ndichigutsikana, ndinoziva kuti ndakaita chisarudzo chakarurama.”

Kutarisana Nemadutu Omudzimu Zvinobudirira

Nei zviri zvokukurumidzira kuti tishandise mano okufunga nhasi? Vanofambisa zvikepe vanofanira kungwarira zviratidzo zvenjodzi, zvikurukuru kana madutu ari kutanga. Kana kukatanga kutonhora uye mhepo yowedzera simba, vanoderedza maseiri vogadzirira mamiriro okunze akaipa zvikuru. Saizvozvowo, tinofanira kugadzirira kutarisana nokudzvinyirira kunowedzera kwemhepo yakasimba sezvo nyika ino yakaipa iri kusvika kumugumo wayo. Zvinhu zvinoumba tsika dzakanaka munzanga zviri kuparara, uye ‘vanhu vakaipa vari kubva pakuipa vachienda pakuipisisa.’ (2 Timoti 3:13) Kungofanana nevafambisi vezvikepe vanoteerera nguva dzose zvinofungidzirwa kuti mamiriro okunze achange akaita, tinofanira kuteerera nyevero dzouprofita dzeShoko raMwari rakafuridzirwa.—Pisarema 19:7-11.

Patinoshandisa mano okufunga, tinoshandisa zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi. (Johani 17:3) Tinogona kutarisira zvinetso tosarudza kuti tingazvipedza sei. Saka tichatsunga kuti tisambotsauswa munzira yechiKristu, uye tinogona kuisa “nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi” nokutanga uye kuramba tichitevera zvinhu zvomudzimu.—1 Timoti 6:19.

Kana tikachengetedza uchenjeri hunoshanda uye mano okufunga, hatifaniri ‘kutya chivhunduso chinotiwira kamwe-kamwe.’ (Zvirevo 3:21, 25, 26) Asi tinogona kunyaradzwa nechipikirwa chaMwari chinoti: ‘Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; mano okufunga achakurindira.’—Zvirevo 2:10, 11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 VaKristu vanofanira kuedza kuva norugare, maererano nezano riri pana Mateu 5:23, 24. Kana nyaya yacho ichisanganisira zvivi zvakakomba, vanofanira kuedza kuwana hama yavo, sezviri pana Mateu 18:15-17. Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1999, mapeji 17-22.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukurukurirana nguva dzose kunovaka muchato