Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Magwaro anopa nhungamiro ipi nezvokudzidziswa kwomwana kana mumwe mubereki ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye mumwe asiri?

Nhungamiro mbiri dzinokosha dzeMagwaro dzinoratidza zvingaitwa maererano nokudzidziswa kwomwana nomubereki Chapupu ane mumwe wake asiri Chapupu. Imwe yacho ndeiyi: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Imwezve ndeiyi: “Murume musoro womukadzi wake sezvowo Kristu ari musoro weungano.” (VaEfeso 5:23) Nhungamiro yokupedzisira inoshanda kwete chete kumadzimai ane varume Zvapupu asiwo kune vane varume vasiri Zvapupu. (1 Petro 3:1) Mubereki anenge ari Chapupu angaita sei maererano nenhungamiro idzi paanenge achidzidzisa vana vake?

Kana murume ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndiye ane basa rokutarisira mhuri yake mune zvokunamata nezvokunyama. (1 Timoti 5:8) Kunyange zvazvo amai vasingatendi vangapedza nguva yakawanda nevana vavo, baba vari Chapupu vanofanira kudzidzisa vana vavo nokuvarovedza mumudzimu pamusha uye nokuenda navo kumisangano yechiKristu, kwavachabatsirwa nemirayiridzo yetsika uye songaniro yakanaka.

Zvakadini kana mudzimai asingatendi achingoramba achida kuenda nevana vavo kuchechi yake kana kuvadzidzisa zvaanotenda? Mutemo wenyika yacho ungamupa kodzero yokudaro. Kudzidzisa kunoita baba vacho zvinhu zvokumudzimu ndiko kuchatema kana vana ava vachizonyengedzwa kuita zviito zvokunamata kuchechi ikoko. Vana vacho pavanokura, dzidzo yeMagwaro yavakapiwa nababa vavo inofanira kuvabatsira kutevera chokwadi cheShoko raMwari. Murume anotenda angazofara chaizvo kana vana vake vakazvisarudzira kutsigira chokwadi!

Kana amai vacho vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, vanofanira kuremekedza nhungamiro youtungamiriri asi vachiva nehanya noupenyu hwemangwana hwevana vavo. (1 VaKorinde 11:3) Muzviitiko zvakawanda, murume wake asingatendi haangarambi kuti mudzimai wake Chapupu ape dzidzo yetsika neyokunamata kuvana vavo, uye zvinobatsira kuita izvozvo zvinowanika kumisangano yevanhu vaJehovha. Amai vanogona kubatsira murume wavo asingatendi kuti aone kubatsira kunoita dzidzo inovaka inowanwa nevana vavo kuburikidza nesangano raJehovha. Nokungwarira vanogona kusimbisa kubatsira kwokudzidzisa mirayiro yetsika dzeBhaibheri kuvana vavo, sezvo vari kurarama munyika ine tsika dziri kuderera.

Zvisinei, murume asingatendi angasimba nerokuti vana vake vanofanira kunamata muchechi yake, achienda navo kwaanonamatira uye achivadzidzisa kunamata maererano nezvaanotenda. Kana kuti murume wacho angave asingatombodi kunamata uye achiti haadi kuti vana vake vadzidziswe zvokunamata. Somusoro wemhuri, ndiye zvikurukuru ane mutoro wokusarudza. *

Achiratidzira kuremekedza utungamiriri hwomurume wake, somuKristu akazvitsaurira mudzimai anotenda angayeuka mafungire evaapostora Petro naJohani, avo vakati: “Kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mabasa 4:19, 20) Vachiitira kuti vana vavo vanamate, amai vari Chapupu vachatsvaka mikana yokuvapa nhungamiro mutsika. Vane mutoro pamberi paJehovha wokudzidzisa vamwe zvavanoziva kuti ichokwadi, uye vana vavo havafaniri kusiyiwa. (Zvirevo 1:8; Mateu 28:19, 20) Amai vanenge vari Chapupu vangabata sei chinetso ichi chakaoma?

Somuenzaniso tora nyaya yokutenda muna Mwari. Mudzimai ari Chapupu angasakwanisa kuva nechidzidzo chakarongwa cheBhaibheri nevana vake nemhaka yokurambidza kwomurume wake. Nokuda kwechikonzero ichi anofanira here kurega kuudza vana vake chinhu chipi nechipi nezvaJehovha? Kwete. Mashoko ake nezviito zvichangofanira kuratidza kudavira kwake Musiki. Hapana mubvunzo kuti vana vake vachava nemibvunzo panyaya yacho. Anofanira kunzwa akasununguka kushandisa kodzero yake yokunamata muchitendero chaanoda nokuratidza kudavira kwake Musiki, kusanganisira kuvana vake. Kunyange zvazvo angasakwanisa kudzidza Bhaibheri nevana vake kana kuenda navo kumisangano nguva dzose, anogona kuvapa zivo yaJehovha Mwari.—Dheuteronomio 6:7.

Achitaura nezvoukama huri pakati peChapupu newaanenge akaroorana naye asingatendi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Murume asingatendi anotsveneswa nomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anotsveneswa nehama yacho; dai zvisina kudaro, chaizvoizvo vana venyu vaizova vasina kuchena, asi zvino vatsvene.” (1 VaKorinde 7:14) Jehovha anoona ukama hwevakaroorana sohutsvene nokuda kwomurume kana mudzimai anenge ari mutendi, uye vana vanoonekwa sevatsvene mumeso aJehovha. Mudzimai anenge ari Chapupu anofanira kuita zvaanogona kubatsira vana vake kunzwisisa chokwadi, achisiyira zvimwe zvose zvinozoitika mumaoko aJehovha.

Vana zvavanokura, vanozofanira kusarudza zvavanoda kutevedzera zvichibva pamashoko avakawana kubva kuvabereki vavo. Vangasarudza kuita maererano nemashoko aJesu anoti: “Uyo anoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini haana kufanira ini.” (Mateu 10:37) Vanorayirwawo kuti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe.” (VaEfeso 6:1) Vechiduku vakawanda vakasarudza ‘kuteerera Mwari somutongi’ panzvimbo pomubereki asiri Chapupu, pasinei nokutambura nenhamo inokonzerwa nomubereki iyeye. Unozova mubayiro mukuru kwazvo kumubereki Chapupu kuona vana vake vachisarudza kushumira Jehovha pasinei nokushorwa!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kodzero yomudzimai yepamutemo yokunamata muchitendero chaanoda inosanganisira kodzero yokupinda misangano yechiKristu. Mune zvimwe zviitiko, murume anenge asingadi kutarisira vana vaduku panguva iyoyo, saka amai vane rudo vane mutoro wokuenda navo kumisangano yavo.